-
Chiedza Chavanhu VoseUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
Kuunza “Chipo Kuna Jehovha”
12, 13. Munzirai umo “hama” dzichaunzwa kuJerusarema kutangira muna 537 B.C.E.?
12 Jerusarema ravakwazve, vaJudha vakapararira kure nokumusha kwavo vachatarira guta noupristi hwaro hwakadzorerwa somuzinda wokunamata kwakachena. Vazhinji vavo vachafamba madaro marefu kuti vapinde mitambo yegore negore ikoko. Isaya anonyora akafuridzirwa kuti: “Vachauyisa hama dzenyu dzose dzichibva kumarudzi ose, chive chipo kuna Jehovha, vakatasva mabhiza, vari mungoro, nomungoro dzine matenga, vakatasva mahesera, namakamera vachiuya kugomo rangu dzvene Jerusarema, sezvinoitwa navana vaIsraeri kana vachiuya nezvipo zvavo mumudziyo wakanaka mumba maJehovha—ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichatorawo vamwe vavo vave vaprist[i] navaRevhi.”—Isaya 66:20, 21.
13 Dzimwe dze“hama” idzodzo dzino“bva kumarudzi ose” dzakanga dziripo paPendekosti apo mudzimu mutsvene wakadururirwa pavadzidzi vaJesu. Nyaya yacho inoti: “MuJerusarema maigara vaJudha, vanhu vaitya Mwari, vakanga vabva kumarudzi ose avari pasi pedenga.” (Mabasa 2:5) Vakauya kuJerusarema kuzonamata maererano netsika dzechiJudha, asi pavakanzwa mashoko akanaka pamusoro paJesu Kristu, vazhinji vakatenda maari uye vakabhabhatidzwa.
14, 15. (a) VaKristu vakazodzwa vakaunganidza sei vamwe ve“hama” dzavo dzomudzimu pashure peHondo Yenyika I, uye ivava vakaunzwa sei kuna Jehovha se‘chipo’ “mumudziyo wakanaka”? (b) Jehovha aka“torawo vamwe vavo vave vaprist[i]” sei? (c) Vamwe vevaKristu vakazodzwa vakabatanidzwa mukuunganidzwa kwehama dzavo dzomudzimu ndivanaani? (Ona bhokisi riri papeji ino.)
14 Uprofita uhwu hune kuzadzika kwomuzuva ranhasi here? Hungu, zvechokwadi. Pashure peHondo Yenyika I, vashumiri vaJehovha vakazodzwa vakanzwisisa muMagwaro kuti Umambo hwaMwari hwakanga hwagadzwa mudenga muna 1914. Nokunyatsodzidza Bhaibheri, vakadzidza kuti vamwe vadyi venhaka yoUmambo vokuwedzera, kana kuti “hama,” vaizounganidzwa. Vashumiri vasingatyi vakafamba “kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi,” vachishandisa mitoo yose yokuparadzira mashoko, vachitsvaka dzinotarisirwa kuva nhengo dzevakazodzwa vasara, avo vazhinji vavo vakabuda muchechi dzechiKristudhomu. Ava pavakaonekwa vakaunzwa sechipo kuna Jehovha.—Mabasa 1:8.
15 Vakazodzwa vakaunganidzwa mumakore okutanga vakanga vasingatarisiri Jehovha kuvagamuchira sezvavakanga vari vasati vasvika pakuziva chokwadi cheBhaibheri. Vakatora matanho okuzvichenesa patsvina yetsika neyomudzimu kuitira kuti vakwanise kupiwa se‘chipo’ “mumudziyo wakanaka” kana kuti, sezvakataurwa nomuapostora Pauro, “mhandara yakachena” kuna Kristu.” (2 VaKorinde 11:2) Pamusoro pokuramba zvikanganiso zvedzidziso, vakazodzwa vaifanira kudzidza kuti vangaramba sei vasina kwavakarerekera mune zvematongerwe enyika. Muna 1931, apo vashumiri vake vakanga vanatswa kusvikira pamwero wakakodzera, Jehovha nenyasha dzake akavapa ropafadzo yokutakura zita rake seZvapupu zvaJehovha. (Isaya 43:10-12) Zvisinei, Jehovha aka“torawo vamwe vavo vave vaprist[i]” sei? Seboka, vakazodzwa ava vakava “upristi hwoumambo, rudzi rutsvene,” vachipa zvibayiro zvokurumbidza Mwari.—1 Petro 2:9; Isaya 54:1; VaHebheru 13:15.
-
-
Chiedza Chavanhu VoseUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
-
-
[Bhokisi riri papeji 409]
Zvipo Zvakazodzwa zvaJehovha Zvinobva Kumarudzi Ose
Muna 1920, Juan Muñiz akabva kuUnited States achienda kuSpain ndokuzopfuurira achienda kuArgentina, uko akaronga ungano dzevakazodzwa. Kubva muna 1923, chiedza chechokwadi chakapenyera vane mwoyo yakatendeka muWest Africa apo mumishinari anonzi William R. Brown (anowanzonzi Bible Brown) akaenda kunoparidza shoko roUmambo munzvimbo dzakadai seSierra Leone, Ghana, Liberia, The Gambia, uye Nigeria. Mugore iroro George Young wokuCanada akadzika kuBrazil ndokupfuurira achienda kuArgentina, Costa Rica, Panama, Venezuela, uye kunyange Soviet Union. Panenge panguva iyoyowo, Edwin Skinner akafamba nechikepe kubva kuEngland kuenda kuIndia, uko akanoshanda kwemakore mazhinji mubasa rokukohwa.
-