Ramba Wakamuka Sezvakaita Jeremiya
“[Ini Jehovha] ndiri kuramba [ndakamuka] ndakasvinurira shoko rangu kuti ndiriite.”—JER. 1:12.
1, 2. ‘Kuramba kwaJehovha akamuka’ kunofananidzwa nemuarumondi pakudii?
MUZVIKOMO zveRebhanoni neIsraeri, muarumondi ndemumwe wemiti inotanga kutumbuka, zvokuti kupera kwaJanuary kana kuti kutanga kwaFebruary maruva awo akanaka epingi kana kuti machena anenge ava kutooneka. Zita rawo muchiHebheru rinoreva kuti “akamuka.”
2 Jehovha paakagadza Jeremiya kuti ave muprofita wake, zvinoita muti uyu zvakashandiswa kufananidzira chinhu chinokosha chaiitika. Paakatanga ushumiri hwake, muprofita wacho akaratidzwa nhungirwa yemuti uyu. Zvairevei? Jehovha akatsanangura kuti: “Ndiri kuramba [ndakamuka] ndakasvinurira shoko rangu kuti ndiriite.” (Jer. 1:11, 12) Sokukurumidza ‘kumuka,’ kunoita muarumondi, Jehovha aiita seari ‘kufumomuka’ kuti atume vaprofita vake kunonyevera vanhu vake nezvemigumisiro yokusateerera. (Jer. 7:25) Uye aisazorora, ‘airamba akamuka’ kusvikira zvaakaprofita zvaitika. Muna 607 B.C.E., panguva chaiyo yakatarwa, mutongo waJehovha wakauya parudzi rwaJudha rwakanga rwapanduka.
3. Chii chatiine chokwadi nacho nezvaJehovha?
3 Mazuva anowo, Jehovha akamuka, akagadzirira kuita kuda kwake. Hazviiti kuti angosiya shoko rake risina kuzadziswa. Saka kana Jehovha akamuka kudaro iwe unofanira kuita sei? Unotenda here kuti kunyange mugore rino ra2011, Jehovha ‘akamuka’ kuti azadzise zvipikirwa zvake? Kana tisina chokwadi chokuti zvipikirwa zvaJehovha zvichaitika, iye zvino ndiyo nguva yokuti timuke pakuda kutsimwaira pakunamata. (VaR. 13:11) Somuprofita waJehovha, Jeremiya akaramba akamuka. Kuongorora zvakaita kuti Jeremiya arambe akamuka pabasa raakapiwa naMwari uye kuti akazviita sei, kuchatibatsira kutsungirira pabasa ratakapiwa naJehovha.
Shoko Rinofanira Kukurumidza Kuziviswa
4. Jeremiya akasangana nezvipingamupinyi zvipi paaizivisa shoko rake uye nei raifanira kuziviswa nokukurumidza?
4 Zvimwe Jeremiya akanga ava kuda kusvika makore 25 paakapiwa basa rokuva murindi naJehovha. (Jer. 1:1, 2) Asi ainzwa sokuti aingovawo hake mukomana asingakwanisi kutaura nevakuru verudzi rwacho, vakanga vakura uye vaine zvinzvimbo. (Jer. 1:6) Aifanira kuzivisa mitongo yaityisa uye mashoko anorwadza okushora zvikurukuru vapristi, vaprofita venhema, uye vatongi pamwe nevaya vaifamba ‘munzira yakakurumbira,’ uye ‘vaingoramba vasina kutendeka.’ (Jer. 6:13; 8:5, 6) Temberi yaMambo Soromoni yaiva nembiri yaishandiswa pakunamata kwechokwadi kwemakore anoda kusvika 400 yaizoparadzwa. Jerusarema neJudha zvaizova matongo, uye vagari vemo vaizotapwa. Zviri pachena kuti shoko rakapiwa Jeremiya raida kuti arizivise nokukurumidza!
5, 6. (a) Jehovha ari kushandisa sei boka raJeremiya mazuva ano? (b) Tichakurukura nezvei munyaya ino?
5 Mazuva ano, Jehovha akaratidza rudo nokuita kuti pave neboka revaKristu vakazodzwa vanoshanda sevarindi vanonyevera vanhu nezvokutongwa kwenyika ino. Boka iri raJeremiya rava nemakumi emakore richikurudzira vanhu kuti vafunge nezvenguva yatiri kurarama. (Jer. 6:17) Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha, panyaya yokuchengeta nguva haanonoki. Zuva rake richauya panguva chaipo, paawa isingafungirwi nevanhu.—Zef. 3:8; Mako 13:33; 2 Pet. 3:9, 10.
6 Ziva kuti Jehovha akamuka uye achaunza nyika itsva yakarurama panguva chaipo. Izvi zvinofanira kukurudzira veboka raJeremiya neshamwari dzavo dzakazvitsaurira kuti varambe vakamuka vachiziva kuti nguva yokuzivisa shoko ravo iri kuramba ichipera. Izvozvo zvinoita kuti uite sei? Jesu akaratidza kuti tose tinofanira kutsigira Umambo hwaMwari. Ngatikurukurei zvinhu zvitatu zvakabatsira Jeremiya kuramba akamuka pabasa rake uye zvichatibatsirawo kuita izvozvo.
Kuda Vanhu
7. Tsanangura kuti rudo rwakaita sei kuti Jeremiya aparidze pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma.
7 Chii chakaita kuti Jeremiya aparidze pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma? Aida vanhu. Jeremiya aiziva kuti vafudzi venhema vaikonzera matambudziko akawanda aisangana nevanhu. (Jer. 23:1, 2) Kuziva izvozvo kwakamubatsira kuti aite basa rake norudo uye netsiye nyoro. Aida kuti vanhu vemunyika yake vanzwe mashoko aMwari vorarama. Aiva nehanya chaizvo navo zvokuti akachema achifunga nezvedambudziko raizovawira. (Verenga Jeremiya 8:21; 9:1.) Bhuku raMariro rinoratidza zvakajeka kuti Jeremiya aida zvikuru Jehovha nevanhu vake zvokuti aigara achifunga nezvavo. (Mari. 4:6, 9) Mazuva ano paunoona vanhu ‘vachibatwa zvisina kunaka uye vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi,’ haunzwi here chido chokuvaudza mashoko anonyaradza oUmambo hwaMwari?—Mat. 9:36.
8. Chii chinoratidza kuti kutambura hakuna kuita kuti Jeremiya agumbuke?
8 Jeremiya aitambudzwa nevanhu vaaida kubatsira, asi haana kutsiva kana kugumbuka. Aiva nemwoyo murefu nemutsa kunyange kuna Mambo Zedhekiya aiva neuori! Pashure pokunge Zedhekiya amuisa mumaoko evaida kumuuraya, Jeremiya haana kurega kumuteterera kuti ateerere inzwi raJehovha. (Jer. 38:4, 5, 19, 20) Kuda kwatinoita vanhu kwakasimba kufanana nekwaJeremiya here?
Ushingi Hwaakapiwa naMwari
9. Tinoziva sei kuti ushingi hwaJeremiya hwaibva kuna Mwari?
9 Jehovha paakataura naye kekutanga, Jeremiya akaedza kupa tuzvikonzero. Izvi zvinotiratidza kuti ushingi hwaakazoratidza hwaisava hwokuzvarwa nahwo. Ushingi husingatauriki hwakaratidzwa naJeremiya mubasa rake rokuprofita hwaibva pakuvimba kwake zvizere naMwari. Zvechokwadi Jehovha, “somunhu ane simba anotyisa kwazvo” aiva naJeremiya pakuti aimutsigira uye aimupa simba rokuita basa rake. (Jer. 20:11) Jeremiya aiva nomukurumbira wokushinga uye kusatya zvokuti panguva youshumiri hwaJesu hwepasi pano, vamwe vakafunga kuti Jesu aiva Jeremiya akanga amuka!—Mat. 16:13, 14.
10. Nei zvinganzi vakazodzwa vachiri pasi pano vane “simba pamarudzi uye paumambo”?
10 Sezvo ari “Mambo wemarudzi,” Jehovha akapa Jeremiya basa rokuzivisa mutongo kumarudzi noumambo. (Jer. 10:6, 7) Asi sei zvinganzi vakazodzwa vachiri pasi pano vane “simba pamarudzi uye paumambo”? (Jer. 1:10) Kufanana nomuprofita wekare, boka raJeremiya rakapiwa basa naChangamire wezvinhu zvose zvakasikwa. Saka vashumiri vaMwari vakazodzwa vakapiwa masimba okuzivisa zvichaitika kumarudzi noumambo huri munyika yose. Sezvo boka iri rakapiwa masimba naMwari Wokumusorosoro uye richishandisa mutauro wakajeka weShoko rake rakafemerwa, riri kuzivisa kuti marudzi noumambo zviriko iye zvino zvichadzurwa zvoparadzwa panguva yaMwari yakakodzera uye sezvaanoda. (Jer. 18:7-10; Zvak. 11:18) Boka raJeremiya harisi kuzorega basa rarakapiwa naMwari rokuzivisa mashoko omutongo waJehovha pasi rose.
11. Chii chichatibatsira kuramba tichiparidza patinosangana nemamiriro ezvinhu akaoma?
11 Hazvishamisi kuti dzimwe nguva tiodzwe mwoyo patinosangana nevanhu vanopikisa, vasingakendengi, kana kuti nemamiriro ezvinhu akaoma. (2 VaK. 1:8) Asi saJeremiya, tisambokanda mapfumo pasi. Tisaodzwa mwoyo. Mumwe nomumwe wedu ngaarambe achiteterera Mwari, achivimba naye, uye ‘ave noushingi’ sezvatinotarisira kuti atibatsire. (1 VaT. 2:2) Sevanamati vechokwadi, tinofanira kuramba takamuka tichiita mabasa atakapiwa naMwari. Tinoda kushinga kuti tirambe tichiparidza nezvokuparadzwa kwechiKristudhomu, uko kwaifananidzirwa nokuparadzwa kweJerusarema rakanga risina kutendeka. Boka raJeremiya harisi kungozivisa chete ‘nezvegore rokufarirwa naJehovha’ asiwo ‘nezvezuva rokutsiva kwaMwari wedu.’—Isa. 61:1, 2; 2 VaK. 6:2.
Mufaro Unobva Mumwoyo
12. Chii chingaita kuti titi Jeremiya akaramba achifara, uye chii chainyanya kumubatsira kuti adaro?
12 Jeremiya aifadzwa nebasa rake. Akati kuna Jehovha: “Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; uye kwandiri shoko renyu rinova kupembera nomufaro uye kufara kwomwoyo wangu; nokuti ndanga ndichishevedzwa nezita renyu, haiwa Jehovha.” (Jer. 15:16) Kumiririra Mwari wechokwadi uye kuparidza shoko rake zvaiva ropafadzo kuna Jeremiya. Zvinofadza kuti Jeremiya paaifunga nezvokunyombwa kwaaiitwa nevanhu, mufaro wake waipera. Asi paaifunga nezvokunaka uye kukosha kweshoko rake, aifarazve.—Jer. 20:8, 9.
13. Nei kudzidza chokwadi chakadzama nezvaMwari kuchikosha pakuita kuti tirambe tichifara?
13 Mazuva ano, kuti tirambe tichifara mubasa rokuparidza tinofanira kudya “zvokudya zvikukutu,” chokwadi chakadzama cheShoko raMwari. (VaH. 5:14) Kudzidza zvakadzama kunovaka kutenda. (VaK. 2:6, 7) Kunoita kuti tizive kuti zvatinoita zvinofadza kana kusuwisa mwoyo waJehovha. Kana tiri kunetseka kuwana nguva yokuverenga nokudzidza Bhaibheri, tinofanira kuongororazve purogiramu yedu. Kudzidza nokufungisisa kunyange maminitsi mashoma pazuva kuchatiswededza pedyo naJehovha, ‘topembera nomufaro uye kufara kwomwoyo,’ sezvakaitika kuna Jeremiya.
14, 15. (a) Zvibereko zvipi zvakabva pakuti Jeremiya akaramba ari pabasa rake? (b) Vanhu vaMwari nhasi vanoziva chii nezvebasa rokuparidza?
14 Jeremiya haana kurega kuzivisa mashoko aJehovha okunyevera neokutonga, asi haanawo kukanganwa basa raakanga apiwa ro“kuvaka nokudyara.” (Jer. 1:10) Basa rake rokuvaka nokudyara rakava nezvibereko. Vamwe vaJudha nevamwe vakanga vasiri vaIsraeri vakapona pakaparadzwa Jerusarema muna 607 B.C.E. Vamwe vacho vatinoziva vaRekabhi, Ebhedhimereki, naBharuki. (Jer. 35:19; 39:15-18; 43:5-7) Shamwari idzodzo dzaJeremiya dzakavimbika uye dzaitya Mwari dzakafananidzira vaya vane tariro yokuzorarama pasi pano avo vari kushamwaridzana neboka raJeremiya. Boka raJeremiya rinofara chaizvo kuvaka “boka guru” panyaya dzokunamata. (Zvak. 7:9) Avawo veboka guru vanofadzwa chaizvo nokubatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuti vasvike pakuziva chokwadi.
15 Vanhu vaMwari vanoziva kuti kuparidza mashoko akanaka harisi basa rokungobatsira ruzhinji rwevaya vanoteerera asi kuti kunotova kunamata Mwari wavo. Kunyange tikasawana anotiteerera, kuitira Jehovha basa dzvene rokuparidza kunoita kuti tifare.—Pis. 71:23; verenga VaRoma 1:9.
‘Ramba Wakamuka’ Pabasa Rako!
16, 17. Mashoko aZvakazarurwa 17:10 naHabhakuki 2:3 anoratidza sei kuti tapererwa nenguva?
16 Patinoongorora uprofita hwakafuridzirwa huri pana Zvakazarurwa 17:10 tinonyatsoona kuti nguva yapera. Mambo wechinomwe, simba renyika reBritain neAmerica, ravapo. Tinoverenga nezvaro kuti: “Paanosvika [simba renyika rechinomwe] achagara kwenguva pfupi.” Pari zvino “nguva pfupi” iyoyo inofanira kunge yava kupera. Muprofita Habhakuki anotipa chivimbo nezvemugumo wenyika ino achiti: “Nokuti zvauri kuratidzwa ndezvenguva yakatarwa . . . Ramba wakazvimirira; nokuti zvichatoitika chete. Hazvizononoki.”—Hab. 2:3.
17 Zvibvunze kuti: ‘Upenyu hwangu hunoratidza kuti ndiri kuziva kuti nguva yapera here? Hunoratidza kuti ndiri kutarisira kuti mugumo wava pedyo here? Kana kuti zvisarudzo zvangu nezvandinokoshesa zvinoratidza here kuti ndiri kuona sokunge mugumo uchiri kure kana kuti handina chokwadi kuti uchatombouya?’
18, 19. Sei ino isiri nguva yokutanga kutonhora pabasa roUmambo?
18 Basa reboka romurindi harisati rapera. (Verenga Jeremiya 1:17-19.) Zvinofadza chaizvo kuti vakazodzwa vasara vari kuramba vakamira vasingazununguki, se“mbiru yesimbi” uye se“guta rakavakirirwa.” Vakasunga ‘zviuno zvavo nechokwadi’ pakuti vanobvumira Shoko raMwari kuti rivasimbise kusvikira basa ravakapiwa rapera. (VaEf. 6:14) Veboka guruwo vane chido chakasimba chokutsigira boka raJeremiya pakuita basa ravakapiwa naMwari.
19 Ino handiyo nguva yokutanga kutonhora pabasa roUmambo asi ndeyokufunga mashoko aJeremiya 12:5. (Verenga.) Tose tine miedzo yatinofanira kutsungirira. Miedzo iyi yokutenda ingafananidzwa nevanhu ‘vetsoka’ vatiri kufanira kumhanya navo. Zvisinei, sezvo “kutambudzika kukuru” kuri kuswedera, tinogona kutarisira kuti matambudziko achawedzerawo. (Mat. 24:21) Kurwisana nematambudziko akanyanya kuoma ari mberi kungafananidzwa nokumhanya ‘uchikwikwidzana nemabhiza.’ Zvinotoda simba rakawanda rokutsungirira kuti munhu aenderane nemabhiza ari kumhanya. Saka kutsungirira miedzo yatiri kutarisana nayo iye zvino kunotigadzirira kuzotsungirira iri mberi.
20. Unoda kuita sei kunyange zvodini?
20 Tose tinogona kutevedzera Jeremiya tokunda pakuita basa redu rokuparidza! Rudo, kushinga, uye mufaro zvakaita kuti Jeremiya aite ushumiri hwake kwemakore 67 asingadzokeri shure. Maruva omuarumondi anoyevedza anotiyeuchidza kuti Jehovha ‘anoramba akamuka’ kuti azadzise shoko rake. Saka isuwo tinofanira kuramba takamuka. Jeremiya ‘akaramba akamuka,’ nesuwo tinogona kudaro.
Unoyeuka Here?
• Rudo rwakabatsira sei Jeremiya ‘kuramba akamuka’ pabasa rake?
• Nei tichida ushingi hunobva kuna Mwari?
• Chii chakabatsira Jeremiya kuti arambe achifara?
• Nei uchida ‘kuramba wakamuka’?
Mifananidzo iri papeji 31]
Ucharamba uchiparidza here pasinei nokupikiswa?