-
Rutongeso rwaJehovha Pavadzidzisi VenhemaNharireyomurindi—1994 | March 1
-
-
17. (a) Mukuwirirana naJeremia, rutongesoi rwaifanira kuuya paJerusarema rakaipa? (b) Chii chichakurumidza kuitika kuchiKristudhomu?
17 Rutongeso rwakadini urwo vadzidzisi venhema vechiKristudhomu vachagamuchira kuna Jehovha, Mutongi mukuru? Jer 23 Ndima 19, 20, 39, uye Jer 23:40 dzinopindura, kuti: “Tarirai, dutu remhepo raJehovha, iko kutsamwa kwake, rabuda, zvirokwazvo dutu rechamupupuri; richamonereka pamisoro yavakaipa. Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira azviita, apedza ndangariro dzemwoyo wake; . . . Ndichakukanganwai chose, ndichakurashai kure neni, imi, neguta randakakupai imi namadzibaba enyu; ndichauyisa pamusoro penyu kushorwa kusingaperi, nokunyadziswa kusingaperi, zvisingazokanganikwi.” Zvose zvaizvozvo zvakaitika kuJerusarema rakaipa netembere yaro, uye zvino ngwavaira yakafanana ichakurumidza kuwira kuchiKristudhomu chakaipa!
-
-
Rutongeso rwaJehovha Pavadzidzisi VenhemaNharireyomurindi—1994 | March 1
-
-
21. (a) Neiko Jerusarema rakaparadzwa muna 607 P.N.V.? (b) Pashure pokuparadzwa kweJerusarema, chii chakaitika kuvaporofita venhema uye kumuporofita wechokwadi waJehovha, kuchitipa vimbisoi nhasi?
21 Rutongeso rwaJehovha rwakaitwa muzuva raJeremia apo vaBhabhironi vakaparadza Jerusarema muna 607 P.N.V. Sezvakaporofitwa, irworwo rwakanga rwuri ‘ruzvidzo nenyadzi nokuda kwavaIsraeri ivavo vane chisimbwa, vasina kutendeka. (Jeremia 23:39, 40) Rwakavaratidza kuti Jehovha uyo vakanga vazvidza vazvidzazve, pakupedzisira akanga avasiyira kumiuyo youipi hwavo. Miromo yavaporofita vavo venhema vanozvitutumadza yakanyaradzwa pakupedzisira. Bva, muromo waJeremia wakaramba uchiporofita. Jehovha haana kumusiya. Mukuwirirana nouyu mutoo, Jehovha haasati achizosiya boka raJeremia apo chisarudzo chake chinokosha chinotungamirira kukuparadza upenyu huchibva muvafundisi vechiKristudhomu naavo vanodavira nhema dzavo.
-