-
Une ‘Mwoyo Wokuti Uzive’ Jehovha Here?Nharireyomurindi—2013 | March 15
-
-
8, 9. VaJudha vakawanda vaifanira kuitei nemwoyo yavo?
8 Tinowana pfungwa inotibatsira kunzwisisa mashoko okuti “mwoyo isina kudzingiswa” pane zvakakurudzirwa vaJudha naMwari kuti vaite: “Bvisai zvikanda zvepamberi zvemwoyo yenyu, imi varume vaJudha nevagari vomuJerusarema; kuti hasha dzangu dzirege kubuda . . . nokuda kwokuipa kwezvamakaita.” Asi zvakaipa zvavaiita zvakatangira pai? Mukati, mumwoyo mavo. (Verenga Mako 7:20-23.) Chokwadi, Mwari akashandisa Jeremiya kuti aratidze paibva zvakaipa zvaiitwa nevaJudha. Mwoyo yavo yainge yakaoma uye ichipandukira. Zvavaivavarira uye zvavaifunga zvaisafadza Mwari. (Verenga Jeremiya 5:23, 24; 7:24-26.) Mwari akavaudza kuti: “Zvidzingisei kuna Jehovha, uye bvisai zvikanda zvepamberi zvemwoyo yenyu.”—Jer. 4:4; 18:11, 12.
9 Saka vaJudha vepanguva yaJeremiya vaifanira kuvhiyiwa mwoyo wokufananidzira, vaifanira ‘kudzingiswa mwoyo,’ sezvainge zvaitwa nevaya vepanguva yaMosesi. (Dheut. 10:16; 30:6) ‘Kubvisa zvikanda zvepamberi zvemwoyo yavo’ kwaireva kubvisa chaiita kuti mwoyo yavo iome, iwo mafungiro avo, zvido, kana kuti zvavaivavarira izvo zvaipesana nezvaMwari.—Mab. 7:51.
-
-
Une ‘Mwoyo Wokuti Uzive’ Jehovha Here?Nharireyomurindi—2013 | March 15
-
-
11, 12. (a) Nei mumwe nomumwe wedu achifanira kuongorora mwoyo wake? (b) Chii chisingazoitwi naMwari?
11 Jehovha anoda kuti mumwe nomumwe wedu ave noukama hwakanaka naye uye zvoramba zvakadaro. Achitaura nezvemunhu akarurama, Jeremiya akabvuma kuti: “Imi, haiwa Jehovha wemauto, munoongorora munhu akarurama; munoona itsvo nomwoyo.” (Jer. 20:12) Kana Wemasimbaose achiongorora kunyange mwoyo wemunhu akarurama, hatifaniri here kunyatsozviongororawo? (Verenga Pisarema 11:5.) Patinenge tichidaro, tingaona mafungiro, chinangwa, kana kuti pfungwa yakadzika midzi inoda kugadziriswa. Tingaona kuti pane chiri kuita kuti mwoyo wedu uve wakati omei, kana kuti kuita sokuti ‘une chikanda’ chatinoona kuti chinofanira kubviswa. Kuita izvozvo kuvhiya mwoyo wokufananidzira. Kana uchibvuma kuti zvingava zvakanaka kuongorora mwoyo wako wokufananidzira, ungatsvaka chii mauri? Uye ungagadzirisa sei chero chinenge chichida kugadziriswa?—Jer. 4:4.
-