CHITSAUKO 11
“Vafudzi Vanofadza Mwoyo Wangu”
1, 2. (a) Chii chingaitika kana boka remakwai rikasachengetedzwa? (b) Basa remufudzi munguva dzinotaurwa muBhaibheri raisanganisirei?
HIROYASU aiva mukomana muduku aigara kuJapan amai vake pavakatenga makwai maviri, gondohwe nenhunzvi. Akaapfuya uye nhunzvi yacho yaibereka vana vaviri pagore, saka danga racho rakatanga kukura. Paakazosvika makore 12, pakanga pava nemakwai 12 kana kuti 13. Anoyeuka kuti: “Rimwe zuva ari mangwanani-ngwanani ndichakarara, ndakaanzwa achichema. Handina kubva ndabuda pakarepo. Pandakazobuda, ndakaona boka remhumhi dzichimhanya dzichibva pamakwayana angu, ayo akanga abvajurwa matumbu. Ndakaita chipatapata kutsvaka amai vacho. Ndakavawana vachiri kufema, vari mudziva reropa. Gondohwe chete ndiro rakapukunyuka. Ndakagurwa kunorira. Ndingadai ndakaenda kunotarisa makwai acho pandakangotanga kuanzwa. Akanga asingakwanisi kuzvidzivirira pamhumhi dzacho.”
2 Munguva inotaurwa muBhaibheri, anenge munhu wose aiziva basa remufudzi. Basa rake raiva rokutungamirira makwai kumafuro uye kuva nechokwadi chokuti mhuka dzaaitarisira dzaidya zvakakwana. Aiadzivirirawo pazvikara uye aitsvaka ainge arasika. (1 Sam. 17:34-36) Mufudzi aiita kuti makwai ake arare kuti azorore, asingavhiringidzwe. Aibatsirawo paiberekwa makwayana uye aibva aachengetedza. Vanyori vakawanda veBhaibheri, kusanganisira Jeremiya, vakashandisa mufananidzo wemufudzi achifananidzira murume ane basa rokutarisira vanhu, somutongi wavo kana kuti semutariri wavo mune zvokunamata.
3. Jeremiya aitaura nezvei paakashandisa mashoko okuti “mufudzi” uye “kufudza”?
3 Vakuru pavanoshanyira hama dzavo kuti vadzibatsire uye vadzikurudzire, vamwe vari muungano yechiKristu ndipo chete pavangafunga nezvevakuru sevafudzi. Zvisinei, kubva pakushandisa kwakaita Jeremiya mashoko okuti “mufudzi” uye “kufudza,” tinogona kuona kuti akaashandisa pane zvose zvine chokuita neukama pakati pevatariri veJudha nevanhu vavaitungamirira. Mwari aiwanzoshora machinda, vaprofita, uye vapristi veJudha sevafudzi vakaipa nokuti vaisatsvaka zvakanakira vanhuwo zvavo. (Jer. 2:8) Vaibata “makwai” avo zvakaipa, vachiatsausa uye kuaregeredza asi vachitsvaka zvainge zvakanakira ivo pachavo. Vanhu vaMwari vakasiyiwa vari mumamiriro ezvinhu akaipa zvikuru okuregeredzwa mune zvokunamata. Jehovha akati vafudzi venhema ivavo vane “nhamo,” uye akavimbisa vanhu vake kuti aizovapa vafudzi vane hanya, vakangwarira vaizonyatsodzivirira boka.—Verenga Jeremiya 3:15; 23:1-4.
4. Ndivanaani vari kuchengetedza boka raMwari mazuva ano, uye vanozviita nemafungiro akadini?
4 Zvakavimbiswa naMwari zvakazadzika pamwero mukuru muna Jesu, Mufudzi Mukuru wemakwai aJehovha, uyo akava Musoro weungano yechiKristu. Akazviti “mufudzi akanaka kwazvo,” uyo ainzwira tsitsi zvechokwadi vaya vaaitungamirira. (Joh. 10:11-15) Nhasi, Jehovha ari kushandisa vafudzi vaduku kuti atarisire boka rake repasi, hama dzakazodzwa dzeboka romuranda akatendeka akangwara uyewo vakuru vakatendeseka ve“boka guru revanhu.” (Zvak. 7:9) Vafudzi ava vanoedza kwazvo kuratidza mafungiro aJesu ekuzvipira. Vanoda kudyisa uye kuva nehanya neungano, vachitevedzera Kristu. Vane nhamo vaya vanoregeredza kana kuti vanozviita madzishe pahama dzavo kana kuti vanodziitira hasha kana vanozvikudza! (Mat. 20:25-27; 1 Pet. 5:2, 3) Jehovha anotsvakei muvafudzi vechiKristu mazuva ano? Tingadzidzei kubva pane zvakanyorwa naJeremiya nezvemaitiro uye vavariro zvakakodzera zvinofanira kuva nevakuru pavanenge vachiita mabasa avo? Ngationgororei mabasa avo sevanhu vanobatsira uye vanochengetedza, sevadzidzisi muungano uye kunze, uye sevatongi.
KUDZIVIRIRA
5-7. (a) Jehovha anotarisira kuti makwai ake achengetedzwe sei uye nei? (b) Vakuru vangaratidza sei kuti vanonyatsoda hama dzavo, kusanganisira vaya vakatsauka?
5 Muapostora Petro akati Jehovha “mufudzi nomutariri wemweya” yedu. (1 Pet. 2:25) Mwari anoona sei “makwai” ake? Tinowana mhinduro nokufunga zvaiitika munguva yaJeremiya. Pashure pokutsoropodza vafudzi vakaipa vaiparadzira uye kuregeredza boka, Jehovha akati aizo“unganidza” makwai ake, achiadzosa kumafuro awo. Akavimbisa kuti aizovamutsira vafudzi vakanaka ‘vaizovafudza’ ova nechokwadi chokuti vanhu vake vadzivirirwa pavavengi vanorura. (Jer. 23:3, 4) Chokwadi, makwai aJehovha aikosha kwaari. Makwai ake anokoshawo mazuva ano. Akaabhadharira mutengo wakakura kuti zvinhu zvirambe zvakaanakira nokusingaperi.—1 Pet. 1:18, 19.
6 Kufanana nevafudzi vemakwai, vatariri vechiKristu havafaniri kuregeredza basa ravo rokutarisira ungano. Kana uri mukuru, uri kuedza kusvinurira kunzwa chiratidzo chipi nechipi chokuti hama dzako dziri kutambura here, uye unoda here kubva wangodzibatsira? Mambo Soromoni akachenjera akanyora kuti: “Unofanira kunyatsoziva kuti makwai ako akadini. Isa mwoyo wako pamapoka ako ezvipfuwo.” (Zvir. 27:23) Ndima iyi inorumbidza kushanda nesimba kunoita vafudzi vemakwai chaivo; asi ingashandiswawo pakutarisira kunoitwa nevafudzi vechiKristu muungano. Kana uri mukuru, uri kurwisa nokungwaririra here manzwiro okuda kuva pamusoro pevamwe? Chokwadi chokuti Petro akataura ‘nezvokuzviita madzishe pane vaya vari nhaka yaMwari’ chinoratidza kuti zvechokwadi zvinoitika kuti mukuru adaro. Ungabatsira sei kuti zvinotsanangurwa pana Jeremiya 31:12 zviitike? (Verenga.) Vabereki vasina wavakaroorana navo, chirikadzi, mhuri dzine vabereki vokurera, vakwegura, uye vechiduku vangava vachida zvikuru kubatsirwa.
7 Sezvingaitwa nomufudzi wemakwai, mufudzi wemuungano dzimwe nguva anofanira kutsvaka vanhu vakatsauka paboka pamusana pezvikonzero zvakasiyana-siyana ovabatsira. Kuita kwake kudaro kuchada kuti azvipire uye azvininipise. Nokushivirira, anopedza nguva yakawanda achitarisira zvinodiwa zvevaya vaakanzi atarisire. Vakuru veungano vangaita zvakanaka kuzvibvunza nemwoyo wose kuti: ‘Ndiri kuedza zvakadini kukurudzira uye kuvaka vamwe pane kupa mhosva kana kuti kutsoropodza? Ndinoda nemwoyo wose kuita zviri nani here?’ Dzimwe nguva zvingada kuramba uchiedza kuti ubatsire munhu kuona zvinhu nemaonero aMwari. Kana hama kana kuti hanzvadzi isingadi kugamuchira zano romuMagwaro (anenge asingori mafungiro omukuru wacho) yeuka Mufudzi Mukuru pane vose uye Mutariri, Jehovha. ‘Akaramba achitaura’ nokushivirira uye achiedza kwazvo kubatsira vanhu vake vaitsauka. (Jer. 25:3-6) Mazuva ano vanhu vaMwari vakawanda havaiti zvakaipa, asi zano parinenge richifanira kupiwa, mukuru anofanira kuripa sezvakaita Jehovha.
8. Vafudzi vechiKristu vangatevedzera sei muenzaniso waJeremiya?
8 Tariro yokuti vaJudha vangangodzoka kuna Jehovha payakanga ichiripo, Jeremiya akavanyengeterera. Akati kuna Mwari: “Yeukai kumira kwangu pamberi penyu kuti nditaure zvakanaka kunyange nezvavo, kuti ndidzose hasha dzenyu dzibve pavari.” (Jer. 18:20) Unogona kuona kubva mumashoko aya kuti Jeremiya aitarisa zvakanaka zvaiitwa nehama dzake, asingafungi zvakaipa nezvadzo. Nhasi vatariri vechiKristu vanofanira kutevedzera mafungiro aJeremiya kusvika pava nouchapupu hwakajeka hwokuti munhu atsunga mumwoyo make kuita zvakaipa asingapfidzi. Danho rakanaka nderokurumbidza vamwe pamusana pezvakanaka zvavari kuita uye kuvanyengeterera uye kunyengetera navo.—Mat. 25:21.
Mwari akavimbisei achishandisa Jeremiya nezvevafudzi mune zvokunamata? Vatariri vechiKristu vangadzivirira sei makwai?
“VACHAKUFUDZAI”
9, 10. Nei kuva mufudzi akanaka (mukuru muungano) kuchireva kuva mudzidzisi?
9 Maererano nezvatinoverenga pana Jeremiya 3:15, vafudzi vechiKristu vanofanira ‘kufudza vamwe nezivo nenjere,’ kureva kuva vadzidzisi. (1 Tim. 3:2; 5:17) Jehovha akavimbisa vanhu vake kuti vafudzi vakanaka vaizoita izvozvo. Uye akakurudzira vaJudha kuti vabvume kururamiswa nezvaidzidziswa nomuprofita wake Jeremiya. (Verenga Jeremiya 6:8.) Makwai anoda zvokudya zvinovaka muviri kuti ave noutano. Saizvozvowo, kuti vanhu vaMwari varambe vaine utano mune zvokunamata, vanofanira kupiwa zvokudya zvokunamata uye kutungamirirwa nazvo.
10 Panyaya yokudzidzisa, vakuru vane zviviri zvavanoita—kubatsira vanotova muungano uye kubatsira vaya vasati vava vaKristu vechokwadi. Kana vari vaya vasati vava vaKristu, yeuka kuti: Chimwe chikonzero chikuru nei ungano yechiKristu iripo ndechokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Nokudaro, vakuru vanofanira kuva vaevhangeri vanoshingaira. (Jer. 1:7-10) Pavanodaro, vanoita basa ravanofanira kuitira Mwari uye vanoratidza muenzaniso wakanaka kuhama dzavo. Kana uri mukuru, hauoni here kuti kugara uchiparidza nehama nehanzvadzi dzakasiyana-siyana kunokupa mukana wokuti udzibatsire kunatsiridza madzidzisire adzo uye kunatsiridzawo ako? Uye paunoshingaira kutungamirira pakuparidza, unenge uchikurudzira, izvo zvingabatsira ungano yose kuti ifambire mberi.
11, 12. Mukuru anoda kuva mufudzi akanaka anofanira kufunga nezvechii?
11 Zvinodzidziswa ungano nevakuru zvinofanira kubva muBhaibheri, nokudaro zvichava zvokudya zvakanaka zvine chokuita nokunamata. Saka unogona kunzwisisa kuti vakuru vanofanira kuva vadzidzi vanoshingaira veShoko raMwari kuti vave vadzidzisi vanobudirira. Ona kusiyana kweizvi nezvakanzi naJeremiya zvaiita kuti vatungamiriri vevaJudha vasabudirira: “Vafudzi havana kufunga, uye havana kunyange kutsvaka Jehovha. Ndokusaka vasina kuratidza njere, uye makwai avo ari mumafuro apararira.” (Jer. 10:21) Vaya vaifanira kunge vari vadzidzisi vaisatevedzera zvinotaurwa neMagwaro uye vakanga vasingatsvaki Mwari. Nokudaro, vakanga vasingaiti zvinhu nouchenjeri hwechokwadi. Jeremiya akazivisa kutongwa kwakatokura kwevainzi vaprofita.—Verenga Jeremiya 14:14, 15.
12 Kusiyana nevafudzi venhema ivavo, vatariri vechiKristu vanodzidza uye vanotevedzera muenzaniso waJesu. Nokudaro, vanogona kushumira sevafudzi veboka vakachenjera. Zvingave zvakavaomera kuronga kuti vagare vachidzidza zvakadaro, sezvo vaine zvakasiyana-siyana zvinoda nguva yavo uye zvinoda kutarisirwa. Asi kana uchishumira semukuru, une chivimbo chakasimba here kuti zvaunodzidzisa zvingava zvechokwadi uye zvinobatsira, zvichiratidza zivo nenjere ndokunge chete zvichibva muShoko raMwari uye kuboka remuranda akatendeka akangwara? Kana uchifunga kuti hausisiri kudzidza uri woga sezvawaimboita, uchaitei kuitira kuti urambe wakasiyana nevafudzi venhema vomunguva yaJeremiya?
13. Chii chakabatsira Jeremiya kuva mudzidzisi akanaka, uye vafudzi vechiKristu vangadzidzei mazuva ano?
13 Chimwe chinhu chaiita kuti Jeremiya abudirire somudzidzisi kwaiva kushandisa kwaaiita mienzaniso. Chokwadi, airayiridzwa naJehovha. Zvaisakanganwika kumuona achikandira chirongo pasi uye ozivisa kuti nenzira yakafanana, Jerusarema nevanhu varo zvaizoparadzwa! (Jer. 19:1, 10, 11) Mumwe muenzaniso ndewokuti Jeremiya akagadzira joko redanda ndokuriisa pamutsipa wake kuratidza kutambura kwaizoita vanhu vake nokuitwa nhapwa kuBhabhironi. (Jer., zvits. 27-28) Vakuru vomuungano yenyu havarayirwi naMwari kuita zvinhu zvinoshamisa kudaro kuti vajekese pfungwa. Asi hauongi here pavanoshandisa mienzaniso uye zvakaitika zvakakodzera pakudzidzisa kwavo? Mienzaniso yakanyatsofungwa uye yakakodzera ingava nesimba uye ingakurudzira.
14. (a) Kutaura kwakaita Jeremiya nezve‘bharisamu muGiriyedhi’ kwaibva pakudini? (b) Vakuru vechiKristu vangaita sei kuti hama dzavo dzive noutano hwakanaka mune zvokunamata?
14 Tinogona kuonga zvikuru kudzidzisa kunoitwa nevafudzi vechiKristu! Munguva yaakararama, Jeremiya akaona kuti vanhu vake vaida kuporeswa mune zvokunamata. Akabvunza kuti: “MuGiriyedhi hamuna bharisamu here? Kana kuti hamuna murapi here?” (Jer. 8:22) Muchikamu cheIsraeri chaiva kumabvazuva kwaJodhani chainzi Giriyedhi, maiva nebharisamu chaiyo. Aya mafuta anonhuhwirira emuti aizivikanwa semushonga, aiwanzoshandiswa pakunyaradza uye pakurapa maronda. Zvisinei, vanhu vakanga vasingaporeswi mune zvokunamata. Nei? Jeremiya akati: “Vaprofita vanoprofita nhema; uye vapristi vanoramba vachidzvinyirira maererano nemasimba avo. Vanhu vangu vazvida saizvozvo.” (Jer. 5:31) Ko nhasi? Haubvumi here kuti zvechokwadi ‘muGiriyedhi mune Bharisamu’—chokwadi, muungano yenyu? Tinogona kufananidza kunyaradza kunoita bharisamu nokunyaradza kunoitwa nevafudzi vechiKristu norudo pavanoratidza hama zvinodzidziswa neMagwaro, pavanodzikurudzira, pavanodzinyengeterera uye pavanonyengetera nadzo.—Jak. 5:14, 15.
Unonyanya kufarira chii pakudzidzisa kunoitwa nevakuru vomuungano yenyu? Chii chinoita kuti kudzidzisa kwavo kubudirire?
“ZVANZI NAJEHOVHA”
15, 16. Nei makwai chaiwo uye makwai mune zvokunamata ose achida kutarisirwa?
15 Fungidzira mufaro unova nemufudzi chaiye paanoona basa rake rakaoma richikomborerwa nokuberekwa kwemakwayana ane utano! Zvisinei, anoziva kuti makwayana anoda kutarisirwa kuti akure zvakanaka. Mufudzi anofanira kuva nechokwadi chokuti awana zvokudya zvakakodzera. Makwayana anoberekwa aine miswe mirefu inogona kunzvenzvera pasi ichibatirira tsvina nemarara. Mufudzi anoda kuti makwai ake arambe akachena aine utano, saka angadambura miswe yawo, achiita izvozvo nounyanzvi kuti asanyanya kurwadziwa. Vafudzi vechiKristu vanotarisirawo makwai nerudo, vanhu vari muungano dzavo. (Joh. 21:16, 17) Vakuru vanofarawo zvikuru pavanoona vanhu vanofarira vachitora matanho kuti vave vaKristu vechokwadi. Vatariri vechiKristu vanoda kuti makwai ose, makuru nemaduku, ave noutano hwakanaka uye adyiswe zvakanaka, saka havaregi kuatarisira, uye vanopindira pazvinenge zvichiita. Basa iri rinosanganisira kuyeuchidza hama dzavo ‘zvinotaurwa naJehovha,’ kureva kuti, zvinodzidziswa neMagwaro.—Jer. 2:2, 5; 7:5-7; 10:2; Tito 1:9.
16 Jeremiya aifanira kushinga kuti azivise mashoko aMwari. Saka ndizvo zvinofanira kuitwa nevatariri vechiKristu, kunyanya pavanenge vachifanira kutaura kuitira kuti vadzivirire hama dzavo. Somuenzaniso, kungava kuti mufudzi mune zvokunamata anoona kuti anofanira kupindira kuti ‘gwayana richangoberekwa’ kana kuti kunyange “gwai” rakura risasvibiswa netsvina iri munyika yaSatani. Uya anenge ari mungozi angave asiri kutombotsvaka zano. Kunyange zvakadaro, mufudzi ane hanya angangotarisa mumwe wemuboka rake achipinda munataisireva here? Kwete hazvo. Uyewo haarerutsi mamiriro acho ezvinhu, achinyepedzera sokunge kuti zvinhu zvose zvakanaka asi zviri pachena kuti hazvina kudaro uye zvingaita kuti mumwe mushumiri asave nerugare naJehovha.—Jer. 8:11.
17. Mufudzi angabatsira rimwe gwai papi uye angazviita sei?
17 Kana gwai risina kungwarira rikanyengerwa kuti ribude muboka, mufudzi akangwarira anokurumidza kuti aridzorere kwarinenge rakachengeteka. (Verenga Jeremiya 50:6, 7.) Saizvozvowo, dzimwe nguva mutariri angafanira kukurukura zvakasimba asi zvine rudo nevaya vari kupinda mumamiriro ezvinhu ane ngozi. Somuenzaniso, angaona kuti vaviri vakavimbisana kuroorana vari kupedza nguva vose vasina wechitatu munzvimbo dzokuti manzwiro avo angavakurira. Mukuru ane mutsa uye anonzwisisa angabatsira vaviri vacho kuti vasapinda mumamiriro ezvinhu akadaro. Achingwarira kuti asavapa mhosva, angataura zvingaita kuti vaite zvinhu zvinovengwa naJehovha. Sezvakaitwa naJeremiya, vakuru vakatendeka vanoshora zvinoshorwa naMwari. Pakuita izvi vanotevedzera Jehovha, uyo akateterera vanhu vake achishandisa muprofita wake achiti: “Ndapota, musaita chinhu chakadai chinosemesa chandakavenga.” (Jer. 5:7; 25:4, 5; 35:15; 44:4) Unokoshesa zvechokwadi here kuva nehanya neboka kunoitwa nevafudzi vane rudo?
18. Migumisiro ipi inokurudzira inovapo nemhaka yezvinoitwa nevafudzi vechiKristu?
18 Kutaura zvazviri, havasi vose vakateerera zano ravakapiwa naJeremiya. Asi vamwe vakateerera. Somuenzaniso, shamwari uye munyori waJeremiya, Bharuki, paaifanira kupiwa zano rakasimba, Jeremiya akamupa achida. (Jer. 45:5) Zvakaguma nei? Bharuki akafarirwa naMwari uye akapukunyuka pakaparadzwa Jerusarema. Saizvozvowo mazuva ano, migumisiro yakanaka inovapo pakubatsira vatinonamata navo inogona kukurudzira vakuru vemuungano kuti ‘varambe vachishingairira kurayira uye kudzidzisa’ zvinoponesa upenyu.—1 Tim. 4:13, 16.
KURANGA “ZVAKAKODZERA”
19, 20. Ndezvipi zvinofanira kuitwa nevakuru pakubata nevatadzi?
19 Rimwe basa rinoitwa nevatariri mazuva ano nderekuva vatongi mune zvokunamata. Pane dzimwe nguva, vakuru vangatofanira kutonga vaya vanotadza nemaune, vachida kuvabatsira kupfidza. Nemutsa Jehovha akakurudzira vatadzi kuti vasiye nzira dzavo dzakaipa asi achizvitaura zvakananga. (Jer. 4:14) Zvisinei, kana munhu ari muungano akasasiya zvakaipa, vatariri vanofanira kutora matanho kuti vadzivirire boka pamaitiro angangokuvadza. Sekurayira kunoita Magwaro, vangatofanira kudzinga mutadzi wacho. Jehovha anotarisira vakuru kuti vaite maererano nokururamisira kwaMwari mumamiriro ezvinhu akadaro. Mambo ainge akanaka Josiya aiva muenzaniso pakuita izvozvo. “Akarwira mhosva dzomunhu anotambura nomurombo.” Aitevedzera kuda kunoita Mwari kururamisira. Nokudaro, Jehovha aigona kubvunza maererano nezvakanga zvaitwa naJosiya kuti: ‘Izvozvo zvakanga zvisiri kundiziva here?’ Nemhaka yokuti Josiya akaita nokururamisira uye kururama, ‘zvakamufambira zvakanaka.’ Haunzwi wakanyanya kuchengeteka here vakuru vemuungano menyu pavanoedza kwazvo kutevedzera muenzaniso waJosiya?—Jer. 22:11, 15, 16.
20 Iva nechivimbo chokuti Jehovha anoranga vatadzi “zvakakodzera.” (Jer. 46:28) Saizvozvowo, maererano nemamiriro ezvinhu uye unhu hunenge hwaratidzwa, vakuru vangatofanira kupa zano, kukurudzira kana kutsiura vavanonamata navo. Mutadzi asingapfidzi angatofanira kudzingwa. Pakadaro, vakuru havanyengetereri paruzhinji munhu anenge adzingwa uye ari kuita zvakaipa; zvaisazobatsira kuita izvozvo.a (Jer. 7:9, 16) Zvisinei, vachatevedzera Mwari nokuratidza munhu anenge adzingwa kuti angadzokera sei kuna Mwari. (Verenga Jeremiya 33:6-8.) Kunyange zvazvo kudzinga kungarwadza, tinogona kuva nechokwadi chokuti mitemo yaMwari yakarurama, uye kuti yakanakira vose.—Mari. 1:18.
21. Mamiriro ezvinhu eboka raMwari anofanira kunge akaita sei, uye iwe ungaitei kuti zvidaro?
21 Vafudzi pavanoziva uye voshandisa zvinodiwa naMwari zvakafuridzirwa, makwai anodyiswa, anova noutano uye anodzivirirwa zvakanaka. (Pis. 23:1-6) Zvatinoudzwa naJeremiya nezvounhu uye zvinangwa, zvakakodzera nezvisina kukodzera, zvinogona kubatsira vatariri vechiKristu sezvavanoita basa ravo rakakosha rekutarisira makwai aMwari. Nokudaro, mumwe nomumwe wedu anogona kubvunza kuti, ‘Ndicharamba here ndichiratidza kuonga urongwa hwaJehovha hwokudzidzisa, kutungamirira uye kudzivirira vanhu vake nokutsigira vafudzi ‘vanofudza’ boka “nezivo nenjere”?’—Jer. 3:15; 23:4.
Vatariri vanofanira kushinga mumamiriro ezvinhu akaita sei? Jehovha anotarisirei pavakuru vechiKristu pavanoita basa rekutonga?