-
Kurwisa Kunobva Kuchamhembe!Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2020 | April
-
-
14. Joeri 2:28, 29 yakazadzika riini?
14 Asi Joeri ane mashoko akanaka aakataura. Mashoko acho ndeekuti nyika ichaberekazve. (Joe. 2:23-26) Nekufamba kwenguva, paizowanika zvekudya zvekunamata zvakawanda. “Ndichadurura mweya wangu pavanhu vemarudzi ese,” anodaro Jehovha, “uye vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita . . . Uye kunyange pavarandarume nevarandakadzi vangu ndichadurura mweya wangu.” (Joe. 2:28, 29) Mweya mutsvene waMwari hauna kudururwa vaIsraeri vachangobva kuBhabhironi. Wakazodururwa papera mazana emakore, paPendekosti ya33 C.E. Tinoziva sei izvozvo?
15. Maererano naMabasa 2:16, 17, Petro akashandisa mashoko api akati siyanei neari pana Joeri 2:28, uye izvozvo zvinoratidzei?
15 Achifemerwa naMwari, muapostora Petro akati uprofita huri pana Joeri 2:28, 29 hwakazadzika pane zvakaitika pazuva iroro rePendekosti. Panenge panguva dza9 mangwanani, pakaitika chishamiso chekudururwa kwemweya mutsvene, zvikaita kuti vaya vakaugamuchira vatange kutaura “zvinhu zvikuru pamusoro paMwari.” (Mab. 2:11) Afemerwa nemweya mutsvene, Petro akashandisa mashoko akati siyanei paaitaura pfungwa iri muuprofita hwaJoeri. Waona here kusiyanisa kwaakaita mashoko acho? (Verenga Mabasa 2:16, 17.) Pane kutanga nemashoko ekuti “pashure paizvozvo,” Petro akati, “Mumazuva ekupedzisira,” kureva nguva pfupi Jerusarema netemberi yaro zvisati zvaparadzwa muna 70 C.E., mweya mutsvene waMwari waizodururwa “pavanhu vemarudzi ese.” Izvi zvinoratidza kuti pakanga papfuura nguva yakareba uprofita hwaJoeri husati hwazadzika.
16. Mweya mutsvene wakabatsira sei pabasa rekuparidza panguva yevaKristu vekutanga, uye uri kubatsira sei mazuva ano?
16 Mwari paakadurura mweya mutsvene wake pavaKristu vekutanga, vakabva vatanga basa rekuparidza iro raizoitwa pasi rese. Muapostora Pauro paakazonyora tsamba yake kuvaKorose, munenge muna 61 C.E., aigona kutaura kuti mashoko akanaka ainge aparidzirwa “zvisikwa zvese zviri pasi pedenga.” (VaK. 1:23) Panguva yaPauro, “zvisikwa zvese” zvaireva nzvimbo dzainge dzafambwa naPauro nevamwe. Tichibatsirwa nemweya mutsvene waJehovha, mazuva ano tava kuita basa rekuparidza “kusvikira kumigumo yenyika.”—Mab. 13:47; ona bhokisi rakanzi “Ndichadurura Mweya Wangu.”
-