-
Tinokurudzirwa Ne“zvinhu Zvikuru zvaMwari”Nharireyomurindi—2002 | August 1
-
-
Vakakurudzirwa Kuita Chimwe Chinhu!
4. Uprofita hupi hwaJoere hwakazadzika pazuva rePendekosti ya33 C.E.?
4 Zvavakanga vagamuchira mudzimu mutsvene, vadzidzi muJerusarema vakabva vangotanga kutaurira vamwe mashoko akanaka oruponeso, kutanga neboka rakanga raungana mumangwanani iwayo. Kuparidza kwavo kwakazadzika uprofita hunoshamisa, hwakanyorwa mazana masere emakore izvi zvisati zvaitika naJoere, mwanakomana waPetueri, hunoti: “Ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; vanakomana venyu navanasikana venyu vachaprofita, vatana venyu vacharota hope, namajaya enyu achaona zviratidzo; ndichadururawo Mweya wangu pamusoro pavaranda napamusoro pavashandiri namazuva iwayo . . . zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.”—Joere 1:1; 2:28, 29, 31; Mabasa 2:17, 18, 20.
5. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakaprofita mupfungwa ipi? (Ona mashoko omuzasi.)
5 Izvi zvaireva here kuti Mwari aizomutsa vaprofita vose, varume nevakadzi, vakadai saDhavhidhi, Joere, naDhibhora, ndokuvashandisa kufanotaura zviitiko zvomunguva yemberi? Kwete. ‘Vanakomana nevanasikana, varanda nevarandakadzi’ vechiKristu vaizoprofita mupfungwa yokuti vaizokurudzirwa nomudzimu waJehovha kuzivisa “zvinhu zvikuru” zvakanga zvaitwa naJehovha uye zvaakanga achizoita. Saka vaizoshanda sevatauriri veWokumusoro-soro.a Kunyange zvakadaro, boka revanhu rakaita sei?—VaHebheru 1:1, 2.
-
-
Tinokurudzirwa Ne“zvinhu Zvikuru zvaMwari”Nharireyomurindi—2002 | August 1
-
-
a Jehovha paakagadza Mosesi naAroni kuti vataure naFarao vachimiririra vanhu vake, Akaudza Mosesi kuti: “Ndakuita samwari kuna Farao; Aroni, mukoma wako, uchava muprofita wako.” (Eksodho 7:1) Aroni akava muprofita, kwete mupfungwa yokufanotaura zviitiko zvomunguva yemberi, asi nokuva mutauriri waMosesi.
-