-
Edza Kuona Vamwe Sokuonekwa Kwavanoitwa naJehovhaNharireyomurindi—2003 | March 15
-
-
7. Jona akanga achishumira Jehovha mumamiriroi ezvinhu muIsraeri, uye kuziva izvi kunoita kuti umuone sei?
7 Jona akanga atoshanda nokutendeka muIsraeri, ndima yakanga ine vanhu vasingateereri. Muprofita Amosi, uyo akararama panenge panguva yakararamawo Jona, akatsanangura vaIsraeri vezuva racho sevanhu vaida mafaro, vaidisisa zvinhu zvenyama.b Zvinhu zvakaipa zvakanga zvichiitika munyika macho, asi vaIsraeri vakanga vasina hanya nazvo. (Amosi 3:13-15; 4:4; 6:4-6) Asi, zuva nezuva Jona aiita basa rake rokuvaparidzira akatendeka. Kana uri muzivisi wemashoko akanaka, unoziva maomero azvakaita kutaura nevanhu vanoda mafaro uye vasingakendengi. Naizvozvo, kunyange tichiziva zvikanganiso zvaJona, ngatiyeukewo unhu hwake hwokutendeseka nokutsungirira sezvaaiparidzira vaIsraeri vakanga vasina kutenda.
-
-
Edza Kuona Vamwe Sokuonekwa Kwavanoitwa naJehovhaNharireyomurindi—2003 | March 15
-
-
b Nemhaka yokumwe kukunda kukuru kwaiitwa uye kudzorerwa kwenyika yakanga yambopambwa uye mutero unofanira kuve waiunganidzwa somugumisiro, zviri pachena kuti Jerobhoami II akaita zvakawanda kuti awedzere upfumi hwoumambo hwokuchamhembe.—2 Samueri 8:6; 2 Madzimambo 14:23-28; 2 Makoronike 8:3, 4; Amosi 6:2.
-