Ganhuro 17
Kokorodzano Chibvumikiso Chouhama Hwedu
KOKORODZANO dzazova rutivi rwenguva dzose rwesangano romuzuva razvino uno reZvapupu zvaJehovha. Asi kuungana kworudzi nekwamarudzi akawanda kwavanamati vaJehovha kwakaitika kare zana ramakore rechi20 risati rasvika.
Jehovha aida kuti vanhurume vose muna Israeri wakare vaungane paJerusarema nokuda kwemitambo yomwaka mitatu gore rimwe nerimwe. Vamwe vavarume vaiuya pamwe chete nemhuri yavo yose. Kutaura idi, Mutemo waMosesi waida kuti mutezo uri wose wemhuri—varume, vakadzi, uye vaduku—vavepo panhambo dzakati. (Eks. 23:14-17; Dheut. 31:10-13; Ruka 2:41-43) Pakutanga, vapindi vakanga vari vanhu vaigara mukati memiganhu yaIsraeri. Gare gare, apo vaJudha vakapararira zvikuru, avo vaipinda vakabva mumarudzi akawanda. (Mabasa 2:1, 5-11) Ivo vakakweverwa pamwe chete kwete nemhakawo zvayo yokuti Israeri naAbrahama vakanga vari madzibaba avo asi nemhaka yokuti ivo vaiziva Jehovha saBaba vavo mukuru vokudenga. (Isa. 63:16) Iyi mitambo yakanga iri nhambo dzinofadza. Iyo yaibetserawo vose vakanga varipo kuti vachengete ndangariro dzavo dziri pashoko raMwari uye kwete kuva vanobatanidzwa kwazvo muzvinhu zvezuva nezuva zvoupenyu zvokuti vangakanganwa zvinhu zvomudzimu zvinokosha zvikuru.
Nomutoo wakafanana, kokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha munguva dzazvino uno dzinonangidzira ngwariro pafariro dzomudzimu. Kuvacherekedzi vapachokwadi idzi kokorodzano dzinopa ufakazi husingarambiki hwokuti Zvapupu zvakabatanidzwa nezvisungo zvakasimba zvouhama hwechiKristu.
Kokorodzano Dzapakuvamba dzaVadzidzi veBhaibheri
Gadziriro dzokuungana kwaVadzidzi veBhaibheri vanobva mumaguta akasiyana-siyana nenyika dzakakura zvishoma nezvishoma. Kusafanana namapoka echechi emagamuchidzanwa, Vadzidzi veBhaibheri, kupfurikidza nekokorodzano dzavo, vakakurumidza kusvika pakuziva vatendi biyavo vari mudzimwe nzvimbo. Pakutanga, idzi kokorodzano dzaiitwa muAllegheny, Pennsylvania, pamusoro pokuchengetwa kwegore negore kworufu rwaShe. Muna 1891 chiziviso chakapiwa zvakananga kuti kwaizova ne“kokorodzano yefundo yeBhaibheri neyokuchengetwa kweChirairo chaShe cheChirangaridzo.” Gore rakatevera, Nharireyomurindi yakava nomusoro mukuru waizivisa kuti “KOKORODZANO YAVATENDI, PAALLEGHENY, PA., . . . APRIL 7 KUSVIKIRA KUNA 14, KUBATANIDZA MISI IYOYI, 1892.”
Vokunze vose zvavo havana kukokerwa kukokorodzano dzapakuvamba idzodzo. Asi, muna 1892, vanhu 400 avo vakanga vapa ufakazi hwokutenda rudzikinuro nefariro yapachokwadi mubasa raShe vakanga varipo. Purogiramu yacho yaibatanidza mazuva mashanu efundo huru yeBhaibheri namamwe mazuva maviri ezano rinobetsera nokuda kwemacolporteur.
Mumwe akanga aripo kwenguva yokutanga nokuda kwokumwe kwokuungana ikoku akati: “Ndakava paKokorodzano dzakawanda, asi handina kutongova pane imwe yakafanana naiyoyi kare, apo kuda nerongedzero zvaMwari zviri bedzi musoro nowenguva dzose kubvira pakumuka kutozosvikira pakurara; mumba, mumugwagwa, pamusangano, pazvokudya zvamasikati uye kwose kwose.” Pamusoro pomudzimu wakaratidzirwa nenhume, mumwe wokuWisconsin, U.S.A., akanyora, kuti: “Ndakaororwa zvikuru nomudzimu worudo nomutsa wouhama zvakaratidzirwa panhambo dzose.”
Chinjo mugadziriro dzekokorodzano yegore negore yakaitika muna 1893. Kuti vashandise mari yokubhadhara chitima yakanaka pamusoro peColumbian Exposition zhizha iroro, Vadzidzi veBhaibheri vakaungana muChicago, Illinois, kubvira pana August 20 kusvikira ku24. Iyi yakanga iri kokorodzano yavo yokutanga kunze kwenharaunda yePittsburgh. Zvisinei, nomurangariro wokushandisa zvakanakisisa zvinobvira nguva nemari nokuda kwebasa raShe, hakuna dzimwe kokorodzano huru dzakaitwa kwamakore mashomanene.
Ipapo, kutanga muna 1898, Vadzidzi veBhaibheri munzvimbo dzakasiyana-siyana vakavamba kuronga munzvimbomo nokuda kwamagungano, kuti apindwe navanhu vari munharaunda yakaganhurirwa. Muna 1900 kwakanga kune kokorodzano huru 3 dzakarongwa neSosaiti; asi kwakanga kunewo magungano omunzvimbomo 13 muUnited States neCanada, mazhinjisa awo akanga ari kwezuva rimwe chete uye aiitwa kazhinji kazhinji neshanyo yomumwe wamapilgrim. Nhamba yacho yakaramba ichikura. Pakasvika 1909 kwakanga kune magungano omunzvimbomo anenge 45 muNorth America, mukuwedzera kukokorodzano dzakabatirwa naHama Russell pashanyo chaidzo idzo dzakavasvitsa kumativi akasiyana-siyana ekondinendi yacho. Chikamu chikuru chepurogiramu pamagungano ezuva rimwe chakashongedzerwa zvikurukuru kunyandura fariro yevokunze. Vapindi vaibvira zvichida pazana kusvikira kuzviuru zvakati.
Pane rumwe rutivi, kokorodzano huru, dzaipindwa zvikurukuru naVadzidzi veBhaibheri, dzaisimbisa kurayiridzwa kwaavo vakanga vakati simbei munzira yezvokwadi. Nokuda kweidzi kokorodzano, zvitima chaizvo zvakazadzwa nenhume zvaibva kumaguta makuru. Vapindi, panhambo nenhambo, vakanga vakawanda se4 000, kunyange kubatanidza nhume shomanene dzaibva kuEurope. Idzi dzakanga dziri nguva dzokuzorodzwa mumudzimu kwapachokwadi uko kwakaguma neshingairo yakawedzerwa norudo zvavanhu vaJehovha. Imwe hama pamugumo wekokorodzano yakadaro muna 1903 yakati: “Handisati ndaizogamuchira madhora ane chiuru nokuda kwezvakanaka zvandagamuchira muiyi Kokorodzano;—uye ndinongovawo zvangu murombo.”
Hama dzaiva mapilgrim idzo dzingave dzaiva munharaunda macho dzaitaura pamagungano. Hama Russell vakaedzawo kupinda ndokubatira papurogiramu paaya magungano omunzvimbomo pamwe chete nepakokorodzano huru zvikuru muUnited States uye kazhinji kazhinji muCanada. Ikoko kwaibatanidza kufamba kukuru. Kuzhinjisa kwako kwaiitwa panzendo dzokupera kwevhiki. Asi, muna 1909, imwe hama muChicago yakahaya zvitima zvinoverengeka kuti zviendese nhume dzaifamba naHama Russell kubva pane imwe kokorodzano kuenda kune imwe pashanyo. Muna 1911 na1913, zvitima zvose zvakahayiwa nehama imwe cheteyo kuti zviendese mazana enhume panzendo dzekokorodzano dzaipedza mwedzi kana kuti kupfuura uye dzichifukidza United States yokumadokero neCanada.
Kufamba muchitima chekokorodzano chakadaro kwakanga kuri chinoitika chisingakanganwiki. Muna 1913, Malinda Keefer akakwira chimwe paChicago, Illinois. Makore akati gare gare, iye akati: “Hakuna kutora nguva refu kuziva kuti takanga tiri mhuri huru imwe . . . uye chitima chakanga chiri musha wedu kwomwedzi.” Sezvo chitima chakabva pachiteshi, avo vakauya kuzovaoneka vakaimba kuti “Mwari Ngaave Nemi Kusvikira Tasanganazve,” nguva yose iyoyo vachivheyesa ngowani nehengechefu kusvikira chitima chisingachaoneki. Hanzvadzi Keefer vakawedzera, kuti: “Panzvimbo iri yose pataimira tiri parwendo pakanga pane kokorodzano dzakanga dzichiitwa—zhinjisa dzakanga dziri dzamazuva matatu, uye taigara zuva rimwe nekokorodzano imwe neimwe. Paidzi nzvimbo pataimira Hama Russell vaipa hurukuro mbiri, imwe kushamwari mumasikati, uye imwe kuvokunze mumanheru pamusoro penhau inoti ‘Seri Kweguva.’”
Mune dzimwe nyikawo, nhamba yamagungano yakanga ichiwedzera. Kazhinji kazhinji akanga ari maduku zvikuru. Vanenge 15 vaivapo nokuda kwerokutanga muNorway, muna 1905; asi akanga ari mavambo. Makore matanhatu gare gare, apo Hama Russell vakashanyira Norway, nhamburiko chaiyo yakashandiswa kukoka vokunze, uye vakapinda panhambo iyoyo vakafungidzirwa kuva 1 200. Mukati ma1909, apo vakapinda kokorodzano muScotland, ivo vakataura kune vanenge 2 000 muGlasgow navamwe 2 500 muEdinburgh pamusoro penhau inonyandura fariro inoti “Mbavha muParadhiso, Mupfumi Muhero, Uye Razaro Pachifuva chaAbrahama.”
Pamhedziso yekokorodzano dzapakuvamba, hama dzaiva neadzaidana kuti mabiko orudo, airatidzira kunzwa kwavo kwouhama hwechiKristu. Aya “mabiko orudo” aibatanidzei? Somuenzaniso, vakurukuri vaiita mutsara vane ndiro dzechingwa chakachekwa, uye ipapo vateereri vaifamba vari mumutsara vachipfuura, vachidya chingwa, vachibatana maoko, uye vachiimba kuti “Ngachikomborerwe Chisungo Chinobatanidza Mwoyo Yedu Murudo rwechiKristu.” Misodzi yomufaro kazhinji kazhinji yaiyerera mumatama avo sezvo vaiimba. Gare gare, sezvo nhamba dzavo dzaikura, vaipararira nokubatana maoko nokudya chingwa asi vaigumisa norwiyo nomunyengetero uye, kazhinji kazhinji, kurova maoko kwenguva refu kuti varatidzire kuonga kwavo.
Kutanga Nhimbe Yomunyika Yose Yokuzivisa Umambo
Kokorodzano huru yokutanga pashure peHondo Yenyika I yakaitika paCedar Point, Ohio (kuLake Erie, makiromita 96 kumadokero kweCleveland), kubvira pana September 1 kusvikira ku8 muna 1919. Pashure porufu rwaHama Russell, vamwe avo vakanga vabatanidzwa nenzira yakatanhamara nesangano vakasiya zvokwadi. Hama dzakaedzwa zvakakomba. Pakuvamba zvikuru muna 1919, purezidhendi weSosaiti navasonganiri vake vakanga vasunungurwa mukuiswa kwavo mutorongo kusina kururama. Naizvozvo kwakanga kune kariro huru. Kunyange zvazvo nhamba yevakapinda yezuva rokutanga yakanga yakati dererei, gare gare muzuva racho dzimwe nhume dzakasvika dziri muzvitima chaizvo. Ipapo hotera dzakanga dzati dzaizopa nhume pokugara dzakashamiswa. R. J. Martin naA. H. Macmillan (vose vari vaviri vakabatanidzwa muboka rakanga richangobva kusunungurwa mutorongo) vakazvipira kubetsera. Ivo vakashanda kugovera kamuri kusvikira pashure papakati pousiku, uye Hama Rutherford navakawanda vavamwe vacho vakava nenguva yakanaka vachibatira savagamuchiri vavanhu vanosvika, vachitakura zvinhu nokuperekedza hama kukamuri dzadzo. Pakanga pane mudzimu unotapukira wembavarira pakati pavo vose.
Vane 2 500 vakanga vachikarirwa kupinda. Zvisinei, munzira iri yose kokorodzano yacho yakabvumikisa kuva inopfuura zvaikarirwa. Pakazosvika zuva rechipiri, horo yakanga yatotsvikinyidziranwa uye horo dzokuwedzera dzakashandiswa. Apo ikoko kusina kubvumikisa kuva kwakakwana, marusando akaendeswa panze munharaunda umo makanga mune miti mizhinji yakaisvonaka. Vadzidzi veBhaibheri vanenge 6 000 vakabva kuUnited States neCanada vaivapo.
Nokuda kwehurukuro huru paSvondo, vanenge 1 000 vevokunze vakauyawo, vachiwedzera vateereri kusvikira kune vanokwana 7 000, avo mukurukuri akataura kwavari pachena pasina yamuro yemaikorofoni ipi neipi kana kuti gudzanzwi. Muhurukuro iyoyo, “Tariro Yavanhu Vanotambudzwa,” J. F. Rutherford akajekesa kuti Umambo hwaMesiya hwaMwari ndihwo chigadzikiso chezvinetso zvorudzi rwomunhu, uye akaratidzawo kuti Chinzwano Chamarudzi (icho panguva iyoyo chakanga chiri kuumbwa uye chakanga chatotsigirwa navafundisi) chakanga chisati chichitongova kuratidzirwa kwezvamatongerwe enyika kwoUmambo hwaMwari. Register yeSandusky (pepanhau romunzvimbomo) yaiva nomushumo mukuru pamusoro pehurukuro yavose iyoyo, pamwe chete nokupfupikiswa kwomubato waVadzidzi veBhaibheri. Makopi epepa iroro akatumirwa kumapepanhau muUnited States mose neCanada. Asi kwakanga kune zvakawanda zvikuru kukuzivisa kwakaparirwa neiyi kokorodzano.
Mugumo chaiwoiwo wekokorodzano yose wakanga uri “Hurukuro Kuvashandi Biyamwe” yaHama Rutherford, iyo yakabudiswa gare gare pasi pomusoro unoti “Kuzivisa Umambo.” Iyoyi yakanangidzirwa kuVadzidzi veBhaibheri vamene. Mukati mehurukuro iyoyo revo yemabhii GA ayo akanga aoneka papurogiramu yekokorodzano nomunzvimbo dzakasiyana-siyana panzvimbo yekokorodzano yakava inojeka. Chiziviso chakapiwa pamusoro pokubudiswa kunouya kwemagazini itsva, The Golden Age, yokushandisa mukunangidzira ngwariro yavanhu kuUmambo hwaMesiya. Pashure pokuratidza basa rinofanira kuitwa, Hama Rutherford vaitaura kuvateereri, kuti: “Suo romukana riri kuzaruka pamberi penyu. Pindai nokukurumidza. Yeukai sezvamunopinda muiri basa kuti hamusati muri kukumbira mari somutengesi wamagazini bedzi, asi muri nhume yaMambo wamadzimambo naShe wamadzishe, muchizivisa kuvanhu muuyu mutoo une chiremera kuuya kweNguva Yakaisvonaka, umambo hune mbiri hwaShe wedu naTenzi, uhwo vaKristu vechokwadi vakakarira nokunyengeterera kwamazana amakore akawanda.” (Ona Zvakazarurwa 3:8.) Apo mukurukuri akabvunza kuti vangani vaishuva kugoverana mubasa racho, mhinduro ine mbavarira yakanga ichikurudzira kuona. Somunhu mumwe, vateereri vane 6 000 vakasimuka. Pakasvika gore rakatevera racho, vanopfuura 10 000 vakanga vachigoverana mubasa romumunda. Kokorodzano yose yakava netapuro inobatanidza neinosimbaradza paavo vaiva muvateereri.
Makore matatu gare gare, muna 1922, imwe kokorodzano isingakanganwiki yakaitwa paCedar Point. Yakanga iri purogiramu yamazuva mapfumbamwe, kubvira pana September 5 kusvikira ku13. Mukuwedzera kunhume dzakabva kuUnited States neCanada, dzimwe dzakabva kuEurope. Misangano yakaitiswa mumitauro gumi. Avhareji yenhamba yavapindi yezuva nezuva yakanga iri vanenge 10 000; uye nokuda kwehurukuro inoti “Mamiriyoni Ari Kurarama Zvino Haasati Achizotongofa,” vakawanda kwazvo vevokunze vakanga vari muvateereri zvokuti nhamba yavapindi yakadokupeta nekaviri.
Vadzidzi veBhaibheri havana kuungana paiyi kokorodzano nomufungo wokuti vakanga vari kuronga nokuda kwebasa pano pasi iro raizopfuurira kwamakumi amakore munguva yemberi. Kutaura idi, ivo vaitaura kuti ingasanova kokorodzano yavo huru yokupedzisira “chechi [isati] yanunurwa . . . kuti ipinde murutivi rwokudenga rwoumambo hwaMwari, uye zvirokwazvo kuti ipinde pamberi chaizvoizvo uye chaipoipo paShe wedu naMwari wedu.” Asi pasinei zvapo nokuti nguva yacho ingava pfupi sei, kuitwa kwokuda kwaMwari kwakanga kuri itiro hanya yavo hurusa. Vachirangarira ikoko, paChishanu, September 8, Hama Rutherford vakapa hurukuro isingakanganwiki inoti “Umambo.”
Ikoku kusati kwaitika, mireza mikuru yaiva nemabhii ADV yakanga yaturikwa mumativi akasiyana-siyana enhandare. Mukati mehurukuro revo yemabhii iwayo yakava pachena apo mukurukuri akakurudzira, kuti: “Ivai zvapupu zvakatendeka nezvechokwadi zvaShe. Endererai mberi mukurwa kutozosvikira chisaririra chiri chose cheBhabhironi chava dongo. Zivisai shoko kwose kwose. Nyika inofanira kuziva kuti Jehovha ndiMwari uye kuti Jesu Kristu ndiMambo wamadzimambo naShe wamadzishe. Iri izuva rinokosha kupfuura ose. Tarirai, Mambo anotonga! Imi muri nhume dzake dzinozivisa. Naizvozvo zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.” Panhambo iyoyo mureza mukuru, wakareba mamita 11, wakapetenuka pamberi pavateereri. Pauri pakanga pane ziviso inonyandura inoti “Zivisai [chiNgezi: “Advertise,” anomirirwa naADV”] Mambo noUmambo.” Yakanga iri nhambo inoshamisa. Vateereri vakaombera maoko nembavarira. Hama Pfannebecker vakwegura, vaiva muorchestra regungano, vakasimudza violin yavo pamusoro pomusoro wavo ndokutaura zvinonzwika nemataurire akasimba echiGerman, kuti: “Ach, Ya! Und now ve do it, no?” (Hungu! Uye zvino tokuita, handizvo here?) Uye vakakuita.
Mazuva mana gare gare, apo kokorodzano yakanga ichiri kuitwa, Hama Rutherford vakagoverana pachavo navamwe vakokorodzani sezvo vakapinda mubasa rokuzivisa Umambo paimba neimba munharaunda iri mukati memakiromita 72 enzvimbo yekokorodzano. Hakuna kuguma naikoko. Basa rokuzivisa Umambo rakanga rapiwa sundo ine simba iyo yaizosvika munyika yose. Gore iroro vashandi vanoshingaira vanopfuura 17 000 munyika 58 vakagoverana mukupa uchapupu. Makumi amakore gare gare, George Gangas, uyo akanga ari pakokorodzano uye uyo gare gare akava mutezo woMutumbi Unodzora, akataura pamusoro pepurogiramu iyoyo paCedar Point, kuti: “Yakanga iri chimwe chinhu chakanyorwa nenzira isingadzimiki mundangariro mangu nomwoyo, iyoyo haisati ichizotongokanganwika chero bedzi ndichirarama.”
Nhambo Dzinokosha Dzechinjo Mukukura Mumudzimu
Kokorodzano dzose dzave dziri nguva dzezorodzo nomurayiridzo muShoko raMwari. Asi dzimwe dzadzo dzakayeukwa kwamakumi amakore senhambo dzinokosha dzechinjo mukukura mumudzimu.
Nomwe dzaidzodzi dzakaitika, gore rimwe pashure perimwe, kubvira muna 1922 kusvikira kuna 1928, muUnited States, Canada, uye Britain. Chimwe chikonzero choukoshi hwekokorodzano idzodzi chakanga chiri zvisarudzo zvine simba zvakagamuchirwa, zvose zvinomwe zvakarongwa mubhokisi riri papeji inotevera. Kunyange zvazvo Zvapupu zvakanga zviri zvishomanene zvikuru munhamba, zvakaparadzira makopi akawanda samamiriyoni 45 echisarudzo chimwe, uye mamiriyoni 50 ezvimwe zvinoverengeka, mumitauro yakawanda munyika yose. Zvimwe zvakaparidzwa muredhiyo dzamarudzi akawanda dzakabatanidzwa netambo. Nokudaro uchapupu hunopfuura hwenguva dzose hwakapiwa.
Bva imwe kokorodzano inokosha yakaitwa muColumbus, Ohio, muna 1931. PaSvondo, July 26, pashure pokunzwa chibvumikiso chapaMagwaro, Vadzidzi veBhaibheri vakagamuchira zita idzva—Zvapupu zvaJehovha. Rakakodzera sei! Herino zita rinonangidzira ngwariro huru kuMusiki amene nerinozivisa nenzira yakajeka basa raavo vanomunamata. (Isa. 43:10-12) Kugamuchirwa kwezita iroro kwakazadza hama neshingairo huru zvikuru kupfuura nakare kose savazivisi vezita raMwari noUmambo. Sokutaura kwakaita tsamba yakanyorwa gore iroro neChapupu chokuDenmark, kuti: “Haiwa, izita rakaisvonaka zvakadini, Zvapupu zvaJehovha, hungu, tose zvedu zvirokwazvo ngative vakadaro.”
Muna 1935 imwe kokorodzano isingakanganwiki yakaitwa, muWashington, D.C. Pazuva rechipiri rekokorodzano iyoyo, Chishanu, May 31, Hama Rutherford vakakurukura vazhinjizhinji zvikuru, kana kuti boka guru, rinonongedzerwa kwariri pana Zvakazarurwa 7:9-17. Kweinopfuura hafu yezana ramakore, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vaedza pasina kubudirira kuzivisa boka iroro nenzira yakarurama. Zvino, panguva yakafanira yaJehovha, nebetsero yezvinoitika zvakanga zviri kutoitika, kwakaoneswa kuti ava vanhu vane kariro yokurarama nokusingaperi pasi pano chaipo. Iyi nzwisiso yakapa ukoshi hutsva kubasa rokuparidza evhangeri uye yakatsanangura nenzira yapaMagwaro chinjo huru iyo panguva iyoyo yakanga ichiri kungobva kuvamba kuitika muchimiro chesangano romuzuva razvino uno reZvapupu zvaJehovha.
Kokorodzano muSt. Louis, Missouri, muna 1941 inoyeukwa nevakawanda vakanga varipo nokuda kwehurukuro yokuzarura yaiva nomusoro unoti “Perero,” umo Hama Rutherford vakanangidzira ngwariro mairi panhau huru iyo inonangana nechisiko chose chakangwara. Kuvambira pahurukuro inoti “Mutongi Wavanhu,” muna 1928, nhau dzakamutswa nokupandukira kwaSatani dzakanga dzapiwa dzapiwazve ngwariro. Asi zvino kwakaoneswa kuti “nhau huru yakamutswa nokudenha kwaSatani kwokuzvidza yakanga iri uye ndeiyo yoKUDZORA CHISIKO CHOSE.” Kunzwisisa nhau iyoyo noukoshi hwokuchengeta perero kuna Jehovha saChangamire weChisiko Chose kwave kuri chinhu chinosunda chine simba muupenyu hwavabatiri vaJehovha.
Pakati peHondo Yenyika II, muna 1942, apo vamwe vakashamisika kana basa rokuparidza rakanga rave zvichida kutodokupedzwa, hurukuro yavose yekokorodzano yakapiwa naN. H. Knorr, purezidhendi akanga achangobva kugadzwa weWatch Tower Society, yakanga iri “Rugare—Runogona Kugara Here?” Tsananguro muhurukuro iyoyo ye“chikara chitsvuku” chokufananidzira chaZvakazarurwa ganhuro 17 yakajekesera Zvapupu zvaJehovha nhambo yapashure peHondo Yenyika II maizova nemukana wokutungamirira vamwezve vanhu kuUmambo hwaMwari. Ikoku kwakapa simba kunhimbe yemunyika yose iyo mumakore ose yakapinda munyika dzinopfuura 235 uye ichigere kupedzwa.
Imwe nhambo yechinjo inokosha yakasvikwa mukati mekokorodzano paYankee Stadium yeNew York pana August 2, 1950. Panhambo iyoyo vakanga vari vateereri vakashamiswa navanofara zvikuru avo vakatanga kugamuchira New World Translation of the Christian Greek Scriptures. Rutivi rwakasara rweNew World Translation rwakabudiswa muzvikamu mukati mamakore gumi akatevera. Iyi shanduro yomutauro wazvino uno yaMagwaro Anoyera yakadzorera zita raMwari amene kunzvimbo yaro yakarurama muShoko rake. Kutendeka kwayo kune zviri mumitauro yeBhaibheri yapakuvamba kwakaiita chishandiso chikuru kuZvapupu zvaJehovha mufundo yazvo zvimene yaMagwaro pamwe chete nomubasa razvo rokuparidzira evhangeri.
Pazuva rechipiri kubva kune rokupedzisira rekokorodzano iyoyo, F. W. Franz, panguva iyoyo aiva mutevedzeri wapurezidhendi weWatch Tower Society, akataura kuvateereri pamusoro pe“Tsika Itsva Dzezvinhu.” Kwamakore akawanda Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvadavira kuti kunyange Armagedhoni isati yasvika vamwe vavabatiri vaJehovha vakatangira chiKristu vaizomutswa muvakafa kuti vave machinda enyika itsva, mukuzadzikwa kwaPisarema 45:16. Unogona kufungidzira, ipapoka, tapuro pavateereri vazhinji apo mukurukuri akabvunza, kuti: “Iri gungano ramarudzi akawanda ringafara here kuziva kuti pano, usiku huno, pakati pedu, pane vakati vamachinda epasi idzva anokarirwa?” Kwakanga kune kuombera maoko kukuru nokunopfuurira pamwe chete nokudanidzira kwomufaro. Ipapo mukurukuri akaratidza kuti kushandisa kweBhaibheri shoko rinoshandurwa kuti “muchinda” pamwe chete nechinyorwa chokutendeka chavakawanda va“mamwe makwai” munguva dzazvino uno zvakabvumira chitendero chokuti vamwe vari kurarama zvino vangasanosarudzwa naJesu Kristu nokuda kwebasa rouchinda. Iye akaonesawo, zvisinei, kuti kwaisazova nokuiswa kwamazita okuremekedza paavo vanoronzwa basa rakadaro. Achigumisa hurukuro yake, iye akakurudzira, kuti: “Pamberi, ipapoka, nenzira yakatsiga, tose zvedu pamwe chete, sesangano reNyika Itsva!”
Kwave kune dzimwe hurukuro dzakawanda dzinokosha zvikuru dzakapiwa pakokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha: Muna 1953, “Sangano Renyika Itsva Rinodenhwa Kubva Kure kuChamhembe” yakanga iri tsananguro inobata ngwariro yerevo yokudenha kunoitwa naGogi waMagogi sezvinorondedzerwa muna Ezekieri ganhuro 38 ne39. Gore rimwe chetero, hurukuro inoti “Kuzadza Imba Nembiri” yakafadza avo vakainzwa sezvo vakaona pamberi pameso avo amene ufakazi hunooneka hwokuzadzikwa kwechipikirwa chaJehovha, chiri pana Hagai 2:7, chokubudisa zvinhu zvinokosha, zvinhu zvinoshuviwa, mumarudzi ose ndokupinza muimba yaJehovha.
Kokorodzano yakatanhamara zvikurusa yenguva dzazvino uno, zvisinei, yakaitwa muNew York muna 1958, apo vanhu vanopfuura chikamu chimwe chezvina chemiriyoni imwe vakazadza zvivako zvikurusa zvaiwanika kuti vanzwe hurukuro inoti “Umambo hwaMwari Hunotonga—Mugumo Wenyika Wava Pedyo Here?” Nhume dzakanga dziripo dzakabva kunyika 123, uye mishumo yadzo kuvateereri vapakokorodzano yakabetsera kusimbisa zvisungo zvouhama hwamarudzi akawanda. Kubetsera kukura mumudzimu kwaavo vaivapo uye nokuda kwokushandisa kwazvo mukudzidzisa vamwe, zvinyorwa zvakabudiswa mumitauro 54 mukati mekokorodzano iyoyo inopfuura yenguva dzose.
Muna 1962, nhevedzano yehurukuro pamusoro unoti “Kuzviisa Pasi Pezviremera Zvikuru” yakaruramisa nzwisiso iyo Zvapupu zvakanga zvinayo pamusoro perevo yaVaRoma 13:1-7. Muna 1964, “Kubva Murufu Kuenda Kuupenyu” uye “Kubuda Mumakuva Kuenda Kurumuko” dzakakudza kuonga kwazvo ngoni huru dzaJehovha sedzinooneka mugadziriro yorumuko. Uye zvimwe zvakawanda zvikuru kwazvo zvezvakatanhamara zvakadaro zvekokorodzano zvaigona kududzwa.
Gore rimwe nerimwe kune makumi ezviuru, hungu, mazana ezviuru, zvavatsva muvateereri pakokorodzano. Kunyange zvazvo mashoko anopiwa asati ari matsva nguva dzose kusangano rose zvaro, kazhinji kazhinji anozarura kuvapindi nzwisiso yokuda kwaMwari iyo inovafadza zvirokwazvo. Ivo vangaona ndokusundwa kubata mikana yebasa iyo inochinja upenyu hwavo hwose.
Pakokorodzano dzakawanda ngwariro yakanangidzirwa parevo yamabhuku akati eBhaibheri. Somuenzaniso, muna 1958 uye zvakare muna 1977, mabhuku makuru akabudiswa ayo akanga akatsaurirwa kukurukurirano youporofita hwakanyorwa nomuporofita Dhanieri pamusoro pechinangwa chaMwari chokuva nehurumende imwe yenyika ina Kristu saMambo. Muna 1971, rakanga riri bhuku raEzekieri iro rakapiwa ngwariro, nesimbiso yaro paziviso yaMwari yokuti, “Marudzi achafanira kuziva kuti ndini Jehovha.” (Ezek. 36:23, NW) Muna 1972, uporofita hwakanyorwa naZekaria naHagai hwakapiwa rangariro ine udzame. Muna 1963, 1969, uye 1988, makanga mune kurukurirano huru dzouporofita hunofadza hwaZvakazarurwa, uhwo hunofanotaura nenzira yakajeka kuwa kweBhabhironi Guru nokuuya kwamatenga matsva ane mbiri aMwari nepasi idzva.
Kokorodzano dzacho dzakasimbisa misoro yakasiyana-siyana—Wedzero Youbati Ushe hwaMwari, Kunamata Kwakachena, Vanamati Vakabatana, Vashumiri Vane Ushingi, Zvibereko Zvomudzimu, Kuita Vadzidzi, Mashoko Akanaka Amarudzi Ose, Zita raMwari, Uchangamire hwaMwari, Basa Rinoyera, Kutenda Kunokunda, Ruvimbiko rwoUmambo, Vachengeti Veperero, Vimba naJehovha, Kuzvipira Kwoumwari, Vatakuri Vechiedza, uye mimwe yakawanda. Mumwe nomumwe waiyoyi wakabetsera kukura mumudzimu kwesangano naavo vakabatanidzwa naro.
Sundo Kubasa Rokuparidza Evhangeri
Kokorodzano huru, pamwe chete namagungano maduku zvikuru, zvave zviri manyuko ekurudziro huru pamusoro pokuparidzwa kwamashoko akanaka. Hurukuro nemienzaniso zvakagovera murayiridzo unoshanda. Zvinoitika zvinofarikanywa muushumiri hwomumunda pamwe chete neizvo zvinorondedzerwa navanhu vakabetserwa misi ichangobva kupfuura iyi kudzidza zvokwadi yeBhaibheri nguva dzose zviri papurogiramu. Mukuwedzera, basa romumunda chairoiro iro rakarongwa mukati mekokorodzano kwamakore akawanda rakanga richibetsera zvikuru. Rakapa uchapupu hwakaisvonaka muguta rekokorodzano uye akanga ari manyuko ekurudziro huru kuZvapupu zvimene.
Basa romumunda rakava rutivi rwomubato wekokorodzano wakarongwa muWinnipeg, Manitoba, Canada, muna January 1922. Rakasimbiswawo mukati mekokorodzano huru yakaitwa kuCedar Point, Ohio, gare gare gore iroro. Pashure pacho, wakava muitiro wenguva dzose kutsaura zuva, kana kuti rutivi rwezuva kana kuti mativi amazuva anoverengeka, kuti nhume dzigoverane pamwe chete mumubato wokuparidza mukati chaimo nomakapota guta rekokorodzano. Munharaunda huru dzomumaguta, ikoku kwakapa vanhu vangasawanzoonanwa navo neZvapupu mukana wokunzwa mashoko akanaka pamusoro pechinangwa chaMwari chokupa upenyu husingagumi kuvadi vokururama.
MuDenmark rokutanga ramazuva akadaro ebasa pakokorodzano rakarongwa muna 1925, apo 400 kusvikira ku500 vakasangana kuNørrevold. Nokuda kwavakawanda vevane 275 vakagoverana mubasa romumunda pakokorodzano iyoyo, yakanga iri nguva yavo yokutanga. Vamwe vakanga vachitya. Asi pashure pokunge vakuravidza, vakava vaparidzi veevhangeri vane mbavarira mundima dzokumusha kwavowo. Pashure pekokorodzano iyoyo uye kutozosvikira pamugumo weHondo Yenyika II, kwakanga kune magungano ebasa ezuva rimwe akawanda akaitwa muDenmark, uye hama dzakakokwa kubva mumataundi akapoteredza. Shingairo yakawedzerwa yakanga iri pachena sezvo dzakagoverana dzakabatana muushumiri ipapo ndokusangana kuti dzinzwe hurukuro. Magungano ebasa akafanana—asi akareba mazuva maviri—akaitwa muBritain neUnited States.
Pakokorodzano huru zvikuru mubato womumunda wenhume waiwanzova wemwero mikuru. Kuvamba muna 1936, hurukuro yavose yekokorodzano yaiziviswa nokufora kune nhevedzano kweZvapupu zvaipfeka mapepa aiva nezvakanyorwa ndokuparadzira mahendibhiri. (Mapepa ane zvakanyorwa iwayo ainongedzerwa kwaari pakuvamba se“zviratidzo zvemberi neshure” nemhaka yokuti aipfekwa rimwe mberi uye rimwe shure.) Padzimwe nguva, Zvapupu zvine chiuru kana kuti kupfuura zvaitora rutivi mukufora kwakadaro pakokorodzano yakapiwa. Zvimwe zvaigoverana mushanyo dzenguva dzose dzapaimba neimba, zvichikoka vose kuuya ndokunzwa purogiramu yacho. Kwakanga kuchikurudzira zvikurusa kuZvapupu zvimwe nezvimwe kushanda navamwe nokuona mazana, kunyange zviuru, zvezvimwe Zvapupu zvichigoverana muushumiri pamwe chete nazvo. Panguva imwe cheteyo, vokunze vaiva mukati menharaunda yakati vakasvika pakuziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zviri mutaundi; vanhu vakanga vane mukana wokuzvinzwira vamene izvo Zvapupu zvinodzidzisa nokucherekedza mufambiro wazvo zvakananga.
Hurukuro dzaipiwa pakokorodzano kazhinji kazhinji dzainzwiwa navakawanda zvikuru kupfuura vateereri vanooneka. Apo Hama Rutherford, pakokorodzano muToronto, Canada, muna 1927, vakapa hurukuro inoti “Rusununguko Rwamarudzi,” yakaendeswa nomubatanidzwa unokosha wenhepfenyuro 53 kuvateereri vazhinji veredhiyo vamarudzi akawanda. Gore rakatevera racho, kubva kuDetroit, Michigan (U.S.A), hurukuro inoti “Mutongi Wavanhu” yakaparidzwa nenhepfenyuro dzakawanda nekaviri, uye redhiyo yeshortwave yakaiendesa kuvateereri vari kure seAustralia, New Zealand, uye South Africa.
Muna 1931, mibatanidzwa mikuru yeredhiyo dzakawanda yakaramba kubatira pamwe nerongedzero dzokuparidza hurukuro yekokorodzano yaipiwa naHama Rutherford; naizvozvo Watch Tower Society, ichishanda neAmerican Telephone and Telegraph Company, yakaita mubatanidzwa wayo imene wenhepfenyuro 163, kubatanidza mubatanidzwa mukurusa wakabatanidzwa newaya wenhepfenyuro dzakawanda wakanga wati wambova mumhepo, kuendesa shoko rokuti “Umambo, Tariro Yenyika.” Mukuwedzera, dzimwe nhepfenyuro dzinopfuura 300 mumativi akawanda enyika dzakaparidza purogiramu yacho dzichishandisa marekodhi egiramufomu.
Mukati mekokorodzano paWashington, D.C., muna 1935, Hama Rutherford vakataura pamusoro penhau inoti “Hurumende,” vachikwevera ngwariro zvakasimba kuidi rokuti Umambo hwaJehovha hunodzorwa naKristu huchakurumidza kutsiva hurumende dzose dzavanhu. Vanopfuura 20 000 muWashington Auditorium vakainzwa. Hurukuro yacho yakaendeswawo neredhiyo netambo dzorunhare kupota nyika yose, ichisvika Central neSouth America, Europe, South Africa, zvitsuwa zvePacific, uye nyika dzokuMabvazuva. Avo vakanzwa hurukuro yacho nenzira iyoyi vangave vakasanova nhamba inosvika mamiriyoni. Mapepanhau maviri makuru eWashington akaputsa zvibvumirano zvawo zvokubudisa hurukuro yacho. Asi motokari dzine magudzanzwi dzakaparadzirwa nehama kunzvimbo 3 muguta nedzimwe nzvimbo 40 dzakapoteredza Washington, uye hurukuro yacho yakaparidzwazve kuvamwe vateereri vanofungidzirwa kuva 120 000 kubva muna idzodzi.
Panguva iyoyo, muna 1938, kubva muRoyal Albert Hall, muLondon, England, hurukuro yakananga inoti “Tarisana Namaidi” yakaendeswa kumaguta egungano 50 kupota nyika yose, nehwerengedzo yenhamba yevakapinda yevanenge 200 000. Mukuwedzera, vateereri veredhiyo vazhinji vakanzwa hurukuro iyoyo.
Nokudaro, kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zviri zvishomanene zvikuru munhamba, kokorodzano dzazvo dzakaita rutivi runokosha mukuziviswa pachena kweshoko roUmambo.
Kokorodzano Dzapashure Pehondo muEurope
Nokuda kwaavo vaivapo, kokorodzano dzakati dzinotanhamara kupfuura dzimwe dzose. Ikoku kwakanga kuri kwechokwadi nedzaiva muEurope nokukurumidza pashure peHondo Yenyika II.
Imwe kokorodzano yakadaro yakanga iri muAmsterdam, Netherlands, pana August 5, 1945, mwedzi yaisasvika mina pashure pokunge Zvapupu zvasunungurwa mumisasa yevasungwa yeGermany. Nhume dzine 2 500 dzakanga dzichikarirwa; 2 000 dzaidzodzi dzaizoda dzimba dzokugara. Kugovera chinodikanwa chenzvimbo dzokurara, Zvapupu zvomunzvimbomo zvakawaridza uswa pauriri hwemisha yazvo. Dzichibva mumativi ose nhume dzakauya nomutoo uri wose unobvira—neigwa, mumarori, pamabhasikoro, uye dzimwe kufamba dzichikumbira kutakurwa nemotokari dzaipfuura.
Pakokorodzano iyoyo dzaiseka nokuchema, dzaiimba, uye dzaionga Jehovha nokuda kworunako rwake. Mumwe akapinda akati: “Wadzo wakanga uri mufaro usingatauriki wesangano roubati ushe hwaMwari richangobva kusunungurwa mungetani!” Hondo isati yavamba, kwakanga kwave kune Zvapupu zvisingasviki 500 muNetherlands. Hwerengedzo ye426 vakasungwa ndokuiswa mutorongo; vaivava, 117 vakafa somugumisiro wakananga wechitambudzo. Mufaro wakadini apo pagungano vamwe vakawana vadiwa vavo vavaifunga kuti vakanga vafa! Vamwe vakabudisa misodzi sezvo vakatsvaka pasina kubudirira. Manheru iwayo 4 000 vakasanoteerera hurukuro yavose iyo yakatsanangura chikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvave zviri vanyajambwa vechitambudzo chakakomba chakadaro. Pasinei zvapo nezvezvazvakanga zvatambura, izvo zvakanga zviri kuva zvakarongeka kuti zvipfuurire mberi nebasa razvo rakapiwa naMwari.
Gore rakatevera racho, 1946, hama muGermany dzakaronga kokorodzano muNuremberg. Dzakabvumirwa kushandisa Zeppelinwiese, yaichimbova nhandare yokufora yaHitler. Pazuva rechipiri rekokorodzano yacho, Erich Frost, uyo akanga atambura somunhu oga utsinye hweGestapo uye akanga apedza makore mumusasa wevasungwa weNazi, akapa hurukuro yavose inoti, “VaKristu Mumuedzo Wakakomba.” Zvapupu 6 000 zvaivapo zvakakumbanirwa ne3 000 vevoruzhinji vakabva muNuremberg nokuda kwenhambo yacho.
Zuva rokupedzisira rekokorodzano iyoyo rakabvumikisa kuva riya apo mitongo yaifanira kuziviswa pakutongwa kwemhaka dzehondo imomo muNuremberg. Zviremera zvamauto zvakazivisa kuganhurirwa kwenguva yokufamba kwezuva iroro, asi pashure pekurukurirano refu zvakabvuma kuti nemhaka yechimiro icho Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvava nacho mukutarisana nechishoro cheNazi, kwaizova kusina kukodzera kuzvidzivisa kugumisa kokorodzano yazvo murugare. Nokudaro, pazuva iroro rokupedzisira, hama dzakaungana kuti dzinzwe hurukuro inonyandura inoti “Vasingatyi Pasinei Zvapo Nebangano Renyika.”
Izvo zvakaona betsero yaJehovha mune zvakanga zvichiitika. Panguva imene apo varume vaimirira hurumende yakanga yaedza kuzviparadza vakanga vari kupiwa mitongo, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichisangana kuti zvinamate Jehovha panzvimbo apo Hitler akanga aita kumwe kwokuratidzirwa kwake kunoshamisa zvikurusa kwesimba reNazi. Sachigaro wekokorodzano akati: “Kukwanisa chete kuwana iri zuva, iro riri kufanoonwa chete kworukundo rwavanhu vaMwari pavavengi vavo pahondo yeArmagedhoni, kwakanga kwakafanirwa namakore mapfumbamwe mumusasa wevasungwa.”
Dzimwe Kokorodzano Dzisingakanganwiki
Sezvo mubato weZvapupu zvaJehovha wakakura, kokorodzano dzakaitwa kupota pasi rose. Dzose zvadzo dzakava namativi akatanhamara nokuda kwaavo vaivapo.
KuKitwe, Northern Rhodesia (zvino Zambia), pakati peCopperbelt, kokorodzano yakarongwa kuitwa mukati meshanyo yapurezidhendi weWatch Tower Society muna 1952. Nzvimbo yacho yakanga iri nharaunda yakakura kunze kwomumwe wemisasa yokuchera migodhi, munzvimbo inozivikanwa zvino seChamboli. Pamusoro pechuru chakasiyiwa pakaenzaniswa, uye imba yakapfurirwa yakavakwa pachiri kuti ibatire sechikuva. Dzimwe dzimba dzakapfurirwa dzokuvata, dzaiva nekamuri mbiri, dzakareba mamita 180 kubva kunharaunda huru maigara vateereri kufanana nemasipokisi evhiri. Varume navakomana vairara mune dzimwe; vakadzi navasikana mune dzimwe dzacho. Dzimwe dzenhume dzakanga dzafamba vhiki mbiri nebhasikoro kuti dzivepo. Dzimwe dzakanga dzafamba kwamazuva uye ipapo dzakapedzisa rwendo rwacho nebhazi rechinyakare.
Mukati mamarusando avo vaiva muvateereri vakanga vachiteerera zvikuru, kunyange zvazvo vaigara pamabhenji akaoma amasengere panze. Vakanga vauya kuti vanzwe, uye vakanga vasingadi kupotsa shoko. Kuimba kwavateereri ivavo vane 20 000 kwakabudisa misodzi mumaziso—kwakanga kwakaisvonaka kwazvo. Pakanga pasina kukumbanirwa nezviridzwa zvamarimba, asi tsinhirano yamanzwi yakanga yakaisvonaka. Kwete chete mukuimba kwavo asi munzira iri yose, chinzwano chakanga chichioneka pakati peizvi Zvapupu, kunyange zvazvo zvakanga zvichibva mumigariro yakawanda nendudzi.
Uye unogona kufungidzira here kunzwa kweZvapupu zvaJehovha muPortugal apo, pashure pokurwira rusununguko rwokunamata uko kwakanga kwapfuurira kwamakore anodokusvika 50, Zvapupu imomo zvakawana kuzivikanwa kwapamutemo pana December 18, 1974. Panguva iyoyo izvo zvaiva zvinenge 14 000 bedzi. Mukati mamazuva mashomanene, 7 586 vazvo vakazadza nhandare yemitambo muPorto. Zuva rakatevera racho, vamwe 39 284 vakazadza nhandare yenhabvu muLisbon. Hama Knorr naFranz vakanga vanavo nokuda kwenhambo iyoyo inofadza, iya iyo vakawanda vasati vachizotongokanganwa.
Kuronga Kuungana Kwamarudzi Akawanda
Kweinosanopfuura hafu yezana ramakore, Zvapupu zvaJehovha zvakaita kokorodzano huru, dzomumaguta mazhinji panguva imwe cheteyo munyika dzakawanda. Kunzwa kwazvo kwouhama hwamarudzi akawanda kwakawedzerwa panhambo idzodzi apo zvose zvakanga zvave zvichikwanisa kunzwa hurukuro huru dzaibva muguta guru.
Zvisinei, kokorodzano huru yamarudzi akawanda haina kuunganidza muguta rimwe nhume dzakabva kumativi akawanda apasi kutozosvikira muna 1946. Iyoyi yakanga iri kuCleveland, Ohio. Kunyange zvazvo kufamba munhambo yapashure pehondo kwakanga kuchiri kwakaoma, nhamba yavapindi yakasvika 80-000, kubatanidza nhume 302 dzakabva munyika 32 dziri kunze kweUnited States. Marusando akaitwa mumitauro 20. Murayiridzo mukuru unoshanda wakapiwa kuchirangarirwa kukudza basa rokuparidza evhangeri. Chimwe chezvakatanhamara chekokorodzano yakanga iri hurukuro yaHama Knorr pamusoro pezvinetso zvokuvakazve nekukura. Vateereri vakaombera maoko nembavarira sezvo vakanzwa rongedzero dzokukudzwa kwezvivako zvedzimbahwe reSosaiti zvokudhinda nehofisi, pamwe chete nezvivako zvayo zvenhepfenyuro, dzokutanga hofisi dzebazu munyika huru dzenyika, uye dzokukudzwa kwebasa ravafundisi. Nokukurumidza pashure pekokorodzano iyoyo, udzame hwakarongwa kuitira kuti Hama Knorr naHenschel vagogona kuita rwendo rwokupota nyika kuti vaite zvakanga zvakurukurwa.
Mumakore akatevera, kokorodzano dzinokosha zvirokwazvo dzakaitwa muYankee Stadium yeNew York. Pane yokutanga yaidzodzi, kubvira pana July 30 kusvikira kuna August 6, 1950, nhume dzaivapo dzakabva kunyika 67. Yakabatanidzwa papurogiramu yaiva mishumo mipfupi yakapiwa navabatiri vebazu, vafundisi, uye dzimwe nhume. Iyoyi yakapa kokorodzano chiono chinofadza chebasa guru rokuparidza evhangeri riri kuitwa munyika dzose dzavakanga vabva kwadziri. Zuva rokupedzisira, nhamba yavapindi yakakwira kusvikira ku123 707 nokuda kwehurukuro inoti “Unogona Kurarama Nokusingaperi Mumufarwa Pasi Pano Here?” Musoro wekokorodzano yacho wakanga uri “Wedzero Youbati Ushe hwaMwari.” Ngwariro yakanangidzirwa kuwedzero huru munhamba. Bva, seizvo sachigaro, Grant Suiter, akaonesa zvakasimba, ikoku hakuna kuitwa kurumbidza ndangariro dzipi nedzipi dzakachenjera dziri mukati mesangano rioooneka. Panzvimbo pezvo, akazivisa, kuti: “Simba idzva renhamba rinotsaurirwa kukukudzwa kwaJehovha. Ndizvo zvakunofanira kuva kwakaita, uye hatisati tichizova nako neimwe nzira ipi neipi.”
Muna 1953, imwe kokorodzano yakaitwa kuYankee Stadium muNew York. Nguva ino vapindi vakasvika nhamba yapamusoro ye165 829. Sezvakanga zvakaita kokorodzano yokutanga imomo, purogiramu yacho yakanga yakazadzwa nekurukurirano dzouporofita hunofadza hweBhaibheri, zano rinoshanda pamusoro penzira yokuita nayo kuparidzwa kwamashoko akanaka, uye mishumo yakabva kunyika dzakawanda. Kunyange zvazvo marusando acho akavamba kuma9:30 a.m., kazhinji kazhinji aisaguma kutozosvikira 9:00 kana kuti 9:30 p.m. Kokorodzano yacho yakagovera mazuva masere akazara amabiko omudzimu anofadza.
Nokuda kwekokorodzano yazvo hurusa, muNew York muna 1958, kwakanga kuri madikanwa kushandisa kwete bedzi Yankee Stadium asiwo Polo Grounds iri pedyo pamwe chete nenharaunda dzokunze kwenhandare kugovera pokugara mapoka ekokorodzano. Pazuva rokupedzisira, apo chigaro chiri chose chakazadzwa, mvumo chaiyo yakapiwa yokushandisa kunyange nhandare yokutambira yeYankee Stadium, uye chakanga chiri chiono chinofadza zvakadini sezvo zviuru zvakadiranamo, zvakabvisa shangu dzavo, uye zvakagara pauswa! Kuverenga kwakaratidza 253 922 vaiva muvateereri kuti vanzwe hurukuro yavose. Humwe ufakazi hwechikomborero chaJehovha paushumiri hwavabatiri vake hwakaoneka apo 7 136 paiyi kokorodzano vakaratidzira tsauriro yavo kupfurikidza nokunyudzwa mumvura—vanosanopfuura nekaviri nhamba yakabhapatidzwa panhambo inokosha yePentekosta 33 C.E., sezvinoshumwa muBhaibheri!—Mabasa 2:41.
Kushanda kwose kwekokorodzano idzodzi kwakapa ufakazi hwechimwe chinhu chinopfuura zvikuru kwazvo kuronga kwakanaka. Kwakanga kuri kuratidzirwa kwokushanda kwomudzimu waMwari pakati pavanhu vake. Rudo rwouhama urwo rune sohwaro hwarwo kuda Mwari rwakanga rwuri pachena kwose kwose. Kwakanga kusina varongi vanobhadharwa zvikuru. Dhipatimendi riri rose raibatirwa navazvipiri vasingabhadharwi. Hama nehanzvadzi dzechiKristu, kazhinji kazhinji mapoka emhuri, dzaitarisira nzvimbo dzezvokudya. Dzaibikawo zvokudya zvinopisa, uye mutende huru kunze kwenhandare, dzaigovera nhume pamwero wevanosvika kuchiuru paminiti. Makumi ezviuru—vose zvavo vachifara kuva negoverano mubasa racho—vaibatira savarindiri ndokutarisira kuvaka kwose kunodikanwa, kubikwa nokugoverwa kwezvokudya, kuchenesa, uye zvakawanda zvikuru.
Vamwe vazvipiri vakapa mazana ezviuru amaawa kuti vagovere zvinodikanwa zvedzimba zvenhume. Mumakore akati, kutarisira zvichida vamwe vavakokorodzani, nzvimbo dzokumisa maturera nedzematende dzakarongwa. Muna 1953 Zvapupu zvakakohwira mumwe murimi muNew Jersey maeka 40 ezviyo, pasina mubhadharo, uyo akazvihayisa munda wake nokuda kwenzvimbo yazvo yokumisa maturera. Zvivako zvoutsanana, magetsi, mokugezera, kamuri dzokuwachira mbatya, mabiko, uye zvitoro zvose zvakaiswa kutarisira vanhu vaipfuura 45 000. Sezvo vaipinda, guta rakanyuka mukati mousiku. Makumi ezvimwe zviuru akagoverwa dzimba muhotera nomumisha yavanhu mukati nomakapoteredza New York. Rakanga riri basa guru. Nechikomborero chaJehovha, rakaitwa nenzira inobudirira.
Kokorodzano Dzinofambira Mberi
Mitezo youhwu uhama hwamarudzi akawanda inofarira zvikuru Zvapupu biyazvo zviri mune dzimwe nyika. Somugumisiro, iyo yakashandisa mikana kupinda kokorodzano dziri kunze kwenyika dzokumusha kwayo.
Apo yokutanga yenhevedzano yeGungano roKunamata Kwakachena yakatanga paWembley Stadium muLondon, England, muna 1951, Zvapupu zvakabva kunyika 40 zvaivapo. Purogiramu yacho yakasimbisa rutivi runoshanda rwokunamata kwechokwadi nokuitwa kwoushumiri basa roupenyu hwomunhu. Zvichibva kuEngland, Zvapupu zvakawanda zvakaenda kuKondinendi yacho, uko dzimwe kokorodzano ina dzaifanira kuitwa mukati memwedzi miviri yakatevera. Hurusa yaidzodzi yakanga iri muFrankfurt am Main, Germany, umo 47 432 vaivapo vakabva kunyika 24. Ushamwari hwehama hwakaratidzirwa pamugumo wepurogiramu apo orchestra yakavamba kuridza uye hama dzokuGermany dzakatanga kamwe kamwe rwiyo rwokudisa rwokuoneka dzichirumbidza kuna Mwari Zvapupu biyazvo izvo zvakanga zvabva kudzimwe nyika kuti dzidzikumbanire. Hengechepfu dzakavheyeswa, uye mazana akadirana achipfuura nomunhandare kuzoratidzira kuonga kwomunhu oga aya mabiko akaisvonaka oubati ushe hwaMwari.
Muna 1955, zvakawanda zveZvapupu zvakaronga kushanyira hama dzazvo dzechiKristu dziri kudzimwe nyika panguva yekokorodzano. Kupfurikidza nengarava mbiri dzakahayiwa (imwe neimwe yaiva navakwiri 700) nendege 42 dzakahayiwa, nhume dzakabva kuUnited States neCanada dzakaenda kuEurope. Chinyorwa chokuEurope chepepa rinonzi The Stars and Stripes, chakabudiswa muGermany, chakarondedzera kudirana kweZvapupu se“zvimwe kufamba kwevakawanda zvikurusa kwevokuAmerica vachipfuura nomuEurope kubvira pakuvhozhokera kwoMubatanidzwa mukati meHondo Yenyika II.” Dzimwe nhume dzakabva kuCentral neSouth America, Asia, Africa, uye Australia. Pasinei zvapo nenhamburiko dzavafundisi vechiKristudhomu dzokudzivisa Zvapupu kuva nekokorodzano dzazvo muRome neNuremberg, idzi mbiri nedzimwe nhanhatu dzakaitwa muEurope mukati mezhizha. Nhamba yevapindi yakabvira pa4 351 muRome kusvikira ku107 423 muNuremberg. Rimwe boka revamwe 17 729 rakaungana paWaldbühne mune yaidanwa panguva iyoyo kuti West Berlin, iyo yaigona kusvikwa nengozi yakati dererei nehama dzakabva kunharaunda yokuMabvazuva yenhambo iyoyo. Vakawanda vaivava vakanga vave vari mutorongo nokuda kwokutenda kwavo kana kuti vakanga vane mitezo yemhuri iyo yakanga iri mutorongo panguva iyoyo, asi vakanga vachiri vakasimba mukutenda. Wakanga wakakodzera sei musoro wekokorodzano—“Umambo Hunokunda”!
Kunyange zvazvo kwakanga kwave kuchitova nekokorodzano dzamarudzi akawanda dzakawanda, zvakaitika muna 1963 zvakanga zviri zvokutanga zvorudzi rwazvo. Yakanga iri kokorodzano yakapota nyika yose. Kuvambira muMilwaukee, Wisconsin, muUnited States, yakaenda kuNew York; tevere, kumaguta makuru mana muEurope; kupfuura nomuMiddle East; kupfuurira kuenda kuIndia, Burma (zvino Myanmar), Thailand, Hong Kong, Singapore, Philippines, Indonesia, Australia, Taiwan, Japan, New Zealand, Fiji, Republic of Korea, uye Hawaii; uye ipapo kudzokera kukondinendi yeNorth America. Pamwe chete, nhume dzakabva kunyika 161 dzaivapo. Hwerengedzo yenhamba yevakapinda yakapfuura 580 000. Kwaiva nevane 583, vakabva kunyika 20, avo vakafamba nekokorodzano, vachipinda munyika imwe pashure peimwe, kupota nyika yose. Shanyo chaidzo dzakavagonesa kuona nzvimbo dzefariro yorudzidziso, uye vakagoveranawo nehama dzavo dzomunzvimbomo nehanzvadzi muushumiri hwapaimba neimba. Ava vafambiri vaitarisira ndyiko dzavo vamene.
Nhume dzokuLatin America dzakanga dzasanomirirwa pazhinjisa dzekokorodzano dzamarudzi akawanda. Asi muna 1966-67, rakanga riri dzoro radzo rokuti dzive nekokorodzano ndokudzitarisira. Avo vakapinda havasati vachizotongokanganwa mutambo wakaita kuti nhoroondo yeBhaibheri ive chaiyoyo pamusoro paJeremia uye uyo wakabetsera munhu ari wose kunzwisisa revo yayo nokuda kwezuva redu.a Zvisungo zvorudo rwechiKristu zvakasimbiswa sezvo vashanyi vakaona zvakananga mugariro uyo nhimbe huru yedzidzo yeBhaibheri iri kupfuuridzirwa nawo muLatin America. Vakaororwa zvikuru nokutenda kwakasimba kwavatendi biyavo, vakawanda vavo vakanga vakurira mhinganidzo dzairatidzika kuva dzisingakurirwi—chishoro chemhuri, mafashamo, kurasikirwa nezvinhu—kuti vapinde. Vakakurudzirwa zvikuru nezvakaitika zvakadai seicho chehanzvadzi piyona chaiye ndonda yokuUruguay iyo yakabvunzurudzwa uye iyo yaiva pachikuva nevakawanda vavanhu 80 avo yakanga yatobetsera kufambira mberi kusvikira kupfundo rorubhapatidzo rwechiKristu! (Muna 1992, iyo yakanga yabetsera vanhu 105 kusvikira kupfundo rorubhapatidzo. Iyo yakanga ichiri ndonda uye ichiri piyona chaiye!) Kwaifadzawo sei, kusangana navafundisi vakabva mukirasi dzapakuvamba zvikurusa dzeGilead vachiri kushanda mumigove yavo! Kokorodzano idzodzo dzakanga dziri sundo yakaisvonaka kubasa riri kuitwa murutivi irworwo rwenyika. Mudzakawanda dzenyika idzodzo, zvino mune varumbidzi vakawanda neka10, 15, kana kuti kunyange ka20 vaJehovha kupfuura vaivako panguva iyoyo.
Makore mashomanene gare gare, muna 1970-71, kwakanga kuchibvirira Zvapupu zvokunyika dzokumwe kuwadzana nehama dzazvo pakokorodzano dzamarudzi akawanda dzakaitwa muAfrica. Hurusa yeidzi kokorodzano yaiva muLagos, Nigeria, umo zvivako zvose zvaifanira kuvakwa kubva pasi zvichikwira. Kudzivirira nhume pazuva rinopisa, guta remasengere rakavakwa—nharaunda dzinogarwa nevateereri, kamuri dzokurara, mabiko, uye mamwe mapato. Ikoku kwaida masengere 100 000 namaponde makuru, ane 36 000—zvose hazvo zvakagadzirwa nehama nehanzvadzi. Purogiramu yacho yakaitwa mumitauro 17 panguva imwe cheteyo. Nhamba yevapindi yakasvika 121 128, uye Zvapupu zvitsva 3 775 zvakabhapatidzwa. Mapoka akawanda amarudzi akamirirwa, uye vakawanda vaavo vaivapo vaiva vanhu vaisirwisana. Asi zvino, mufaro wakadini kuvaona vakabatana muzvisungo zvouhama hwechokwadi hwechiKristu!
Pashure pekokorodzano, dzimwe dzenhume dzokunyika dzokumwe dzakafamba nebhazi dzichipinda muIgboland kuti dzione nharaunda yakatapurwa zvakakomba zvikurusa nehondo yavagari vemo yemisi yakanga ichangobva kupfuura. Kunyandurwa kukuru kwakaparirwa mutaundi netaundi sezvo vashanyi vakakwaziswa ndokugamuchirwa neZvapupu zvomunzvimbomo. Vanhu vakamhanyira mumigwagwa kuti vaone. Kuratidzirwa kwakadaro kworudo nechinzwano pakati pavatema navachena kwakanga kuri chimwe chinhu chavakanga vasina kutongoona kare.
Munyika dzakati nhamba yeZvapupu zvaJehovha inoita kuti kusavabvirire vose kuungana munzvimbo imwe. Zvisinei, panhambo nenhambo, kokorodzano huru dzinoverengeka dzakaitwa panguva imwe cheteyo, dzichiteverwa nedzimwe, vhiki nevhiki. Muna 1969, chinzwano chakanzwika pakokorodzano dzakarongwa neiyi nzira chakasimudzirwa neidi rokuti vamwe vavakurukuri vakuru vakafamba-famba nendege pakati pekokorodzano, nokudaro vachibatira dzose. Muna 1983 na1988, umwe hwakafanana hwakanzwiwa apo kokorodzano huru dzakati dzaishandisa mutauro mumwe chetewo dzakabatanidzwa, kunyange mumarudzi ose, nokuendeswa norunhare kwehurukuro chaidzo dzakapiwa nemitezo yoMutumbi Unodzora. Hwaro chaihwoihwo hwechinzwano pakati peZvapupu zvaJehovha, zvisinei, iidi rokuti zvose zvinonamata Jehovha saMwari bedzi wechokwadi, zvose zvinoomerera kuBhaibheri senhungamiro yazvo, zvose zvinobetserwa nepurogiramu yokudyiswa mumudzimu imwe cheteyo, zvose zvinotarira kuna Jesu Kristu soMutungamiriri wazvo, zvose zvinotsvaka kuratidzira zvibereko zvomudzimu waMwari muupenyu hwazvo, zvose zvinoisa chivimbo chazvo muUmambo hwaMwari, uye zvose zvinogoverana mukuendesa mashoko akanaka oUmambo ihwohwo kuvamwe.
Zvakarongwa Nokuda Kwerumbidzo Yamarudzi Akawanda Kuna Jehovha
Zvapupu zvaJehovha zvakawedzera munhamba kusvikira papfundo apo zvinopfuura vanhu vamarudzi akawanda mamwe namamwe. Kuti kokorodzano dzazvo dziite zvakanaka zvikurusa, kuronga kwokungwarira zvikuru kunodikanwa. Zvisinei, zvikumbiro zvakapfava zvinobudiswa pamusoro pouko Zvapupu zvinobva munharaunda dzakasiyana-siyana zvinofanira kupinda kazhinji kazhinji ndizvo zvoga zvinodikanwa kuvimbisa kuti kuchava nenzvimbo yakakwana nokuda kwomunhu ari wose. Apo kokorodzano dzamarudzi akawanda dzinorongwa, kazhinji kazhinji zvino kuri madikanwa kuti Mutumbi Unodzora urangarire kwete bedzi nhamba yeZvapupu zvinobva kune dzimwe nyika izvo zvingada kuenda uye zvinokwanisa kuita kudaro asiwo ukuru hwenzvimbo dzinowanika dzekokorodzano, nhamba yeZvapupu zvomunzvimbomo ichave ichipinda, uye dzimba dzinowanika nokuda kwenhume; ipapo nhamba hurusa inogona kugoverwa nokuda kwenyika imwe neimwe. Ikoko kwakanga kuri kwechokwadi pamusoro peKokorodzano dzo“Kuzvipira Kwoumwari” nhatu dzakaitwa muPoland muna 1989.
Nokuda kwekokorodzano idzodzo 90 000 veZvapupu zvaJehovha vaikarirwa kuPoland, mukuwedzera kuzviuru zvavanhu vakanga vachangobva kufarira. Vakawanda vakakokwawo kuti vapinde kubva kuBritain, Canada, uye United States. Nhume dzakawanda dzakagamuchirwa dzichibva kuItaly, France, uye Japan. Dzimwe dzakabva kuScandinavia neGreece. Dzinenge nyika 37 dzakamirirwa. Nokuda kwezvikamu zvakati zvepurogiramu, kwakanga kuri madikanwa kuturikirira hurukuro dzechiPolish kana kuti dzechiNgezi mumimwe mitauro yakawanda se16. Hwerengedzo yenhamba yevapindi yakanga iri 166 518.
Mapoka makuru eZvapupu pakokorodzano idzodzi akanga abva kune yaiva Soviet Union panguva iyoyo nokuCzechoslovakia; mapoka akati kurei akanga aripowo akabva kunyika dzokuEastern Europe. Hotera nedzimba dzokurara dzezvikoro zvaisagona kukwana munhu ari wose. Nenzira yomutsa, Zvapupu zvokuPoland zvakazarura mwoyo yazvo nemisha yazvo, zvichigoverana nomufaro zvazvakanga zvinazvo. Imwe ungano yevane 146 yakagovera nzvimbo dzokurara nhume dzinopfuura 1 200. Nokuda kwavamwe vakapinda idzi kokorodzano, yakanga iri nguva yokutanga yavakanga vati vambova pakuungana kukuru kwevanopfuura 15 kana kuti 20 vavanhu vaJehovha. Mwoyo yavo yakazadzwa nokuonga sezvo vakatarira makumi ezviuru munhandare, kuakumbanirana mumunyengetero, uye kubatanidza manzwi avo munziyo dzerumbidzo kuna Jehovha. Apo vaivhengana pamwe chete pakati pamarusando, kwaiva nokumbundirana kwoushamwari, kunyange zvazvo musiyano womutauro waiwanzozvidzivisa kutaura mumashoko zvakanga zviri mumwoyo mazvo.
Sezvo kokorodzano yacho yakasvika kumugumo, mwoyo yavo yakazadzwa nokuonga kuna Jehovha, uyo akaita kuti kwose kubvire. MuWarsaw, pashure petsinhiro dzokuoneka dzakaitwa nasachigaro, vateereri vakatanga kuombera maoko uko kusina kuderera kwamaminiti anenge gumi. Pashure porwiyo rwokupedzisira nomunyengetero, kuombera maoko kwakatangazve, uye vateereri vakaramba vari muzvigaro zvomunhandare kwenguva refu. Vakanga vamirira makore akawanda iyi nhambo, uye vakanga vasingadi kuti igume.
Gore rakatevera racho, 1990, isingasviki mwedzi mishanu pashure pokubviswa kwechirambidzo chemakore 40 paZvapupu zvaJehovha mune yaiva panguva iyoyo East Germany, imwe kokorodzano inofadza yamarudzi akawanda yakaitwa, iyoyi muBerlin. Pakati pe44 532 vaivapo paiva nenhume dzakabva kunyika 65 dzakasiyana-siyana. Vachibva kudzimwe nyika, vashomanene chete vakanga vauya; vakabva Poland, vane 4 500. Mashoko aisagona kuratidzira kutapurwa kwaavo vakanga vasina kutongova norusununguko kare rwokupinda kokorodzano yakadaro, uye apo vateereri vose vakakumbanira munziyo dzokurumbidza Jehovha, vaisagona kudzora misodzi yavo yomufaro.
Gare gare gore iroro, apo kokorodzano yakafanana yakaitwa muSão Paulo, Brazil, nhandare huru mbiri dzaidikanwa kuwanira nzvimbo vateereri vamarudzi akawanda 134 406. Iyoyi yakateverwa nekokorodzano muArgentina, uko zvakare nhandare mbiri dzakashandiswa panguva imwe cheteyo kuwanira nzvimbo vateereri vamarudzi akawanda. Sezvo 1991 akavamba, dzimwe kokorodzano dzamarudzi akawanda dzakanga dziri kuitwa muPhilippines, Taiwan, uye Thailand. Vateereri vakawanda vakabva kumarudzi akawanda vakanga varipowo gore iroro nokuda kwekokorodzano muEastern Europe—muHungary, Czechoslovakia, uye yava zvino Croatia. Uye muna 1992, nhume dzakabva kunyika 28 dzakakurangarira kuva ropafadzo chaiyo kuva pakati pe46 214 muSt. Petersburg nokuda kwekokorodzano yamarudzi akawanda zvirokwazvo yeZvapupu zvaJehovha muRussia.
Mikana Yokuzorodzwa Mumudzimu Kwenguva Dzose
Hadzisati dziri kokorodzano dzose dzakaitwa neZvapupu zvaJehovha dziri kuungana kwamarudzi akawanda. Zvisinei, Mutumbi Unodzora unoronga kokorodzano huru kamwe pagore, uye purogiramu imwe cheteyo inofarikanywa munyika yose mumitauro yakawanda. Kokorodzano idzodzi dzingava huru zvikuru, dzichigovera mukana wokuwadzana nezvimwe Zvapupu zvinobva munzvimbo dzakawanda, kana kuti dzingava duku zvikuru uye dzichiitwa mumaguta akawanda, kuchikuita kuti kuve nyore zvikuru kuti vanhu vatsva vapinde uye kuchigonesa vokunze mumazana amaguta maduku zvikuru kuti vave nechiono chakajeka chezvakaita Zvapupu zvaJehovha.
Mukuwedzera, kamwe pagore dunhu rimwe nerimwe (rinoumbwa zvichida neungano 20) rinoungana nokuda kwepurogiramu yamazuva maviri yezano romudzimu nekurudziro.b Uyewo, kubvira muna September 1987, zuva regungano chairo, purogiramu inovaka yezuva rimwe, inorongwa nokuda kwedunhu rimwe nerimwe kamwe pagore. Kwakunobvira, mutezo wavashandi wedzimbahwe reSosaiti kana kuti mumwe munhu anobva kuhofisi yebazu yomunzvimbomo anotumwa kuti andogoverana mupurogiramu yacho. Idzi purogiramu dzinoongwa zvikuru neZvapupu zvaJehovha. Munhauraunda dzakawanda nzvimbo dzegungano hadzisati dziri kure kana kuti hadzina kuoma kusvika. Asi hakuna kudaro nguva dzose. Mumwe mutariri anofambira anoyeuka vanyakuroorana vakwegura avo vakafamba makiromita 76 vaine masutukezi namagumbeze kuti vapinde gungano redunhu muZimbabwe.
Basa romumunda mukati mekokorodzano harichisirizve rutivi pamagungano ose iwaya, asi ikoko hakusati kuri nemhaka yokuti Zvapupu munzira ipi neipi zvinorirangarira serinokosha zvishomanene. Muzviitiko zvizhinjisa vanhu vanogara pedyo nenzvimbo dzamagungano zvino vari kushanyirwa nguva dzose neZvapupu zvomunzvimbomo—mune zvimwe zviitiko, vhiki shomanene dziri dzose. Nhume dzegungano dzinoramba dzakasvinurira mikana yokupupura kusina kurongwa, uye mufambiro wadzo wechiKristu unopa uchapupu hune simba muimwe nzira.
Ufakazi Hwouhama Hwechokwadi
Uhama hunooneka pakati peZvapupu pakokorodzano dzazvo hunooneka nenzira iri nyore kuvacherekedzi. Ivo vanogona kuona kuti hakuna rusaruro pakati pazvo uye kuti ushamwari hwapachokwadi hunooneka kunyange pakati paavo vangave vari kusangana kwenguva yokutanga. Panguva yeGungano Ramarudzi Akawanda Rokuda Kwoumwari muNew York muna 1958, Amsterdam News yeNew York (August 2) yakashuma, kuti: “Kwose kwose, vaNegro, vachena nevokuMabvazuva, vakabva munzvimbo dzose muupenyu namativi ose enyika, vakavhengana nomufaro uye vakasununguka. . . . Zvapupu zvinonamata zvakabva kunyika 120 zvakagara ndokunamata pamwe chete norugare zvichiratidza vokuAmerica kuti kunogona sei kuitwa nenzira iri nyore. . . . Gungano racho muenzaniso wakaisvonaka wokuti vanhu vanogona sei kushanda nokugara pamwe chete.”
Misi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, apo Zvapupu zvaJehovha zvakaita kokorodzano dzapanguva imwe cheteyo muDurban nomuJohannesburg, South Africa, muna 1985, nhume dzaibatanidza mapoka makuru ose edzinza nomutauro muSouth Africa, pamwe chete navamiriri vakabva kudzimwe nyika 23. Ruwadzano rwoushamwari pakati pe77 830 vaiva muvateereri rwakanga ruchioneka nenzira iri nyore. “Ikoku kwakaisvonaka,” akadaro mumwe mukadzi muduku wokuIndia. “Kuona maKaradhi, vaIndia, vachena, uye vatema vose vachivhengana pamwe chete kwakachinja murangariro wangu wose pamusoro poupenyu.”
Uku kunzwa kwouhama kunopfuura kunyemwerera, kubatana maoko, uye kuidzana kuti “hama” uye “hanzvadzi.” Somuenzaniso, apo gadziriro dzakanga dziri kuitwa dzeGungano re“Mashoko Akanaka Asingaperi” munyika yose muna 1963, Zvapupu zvaJehovha zvakaziviswa kuti kana zvingada kubetsera vamwe nemari kuti vapinde kokorodzano, Sosaiti ingafara kuona kuti mari dzacho dzakabetsera hama mumativi ose apasi. Kwakanga kusina kukumbirwa kwemari, uye hakuna chinhu chakatorwa nokuda kwendyiko dzokutarisira. Mari dzacho dzakaenda dzose nokuda kwechinangwa chakataurwa. Nenzira iyoyi, 8 179 vakabatsirwa kupinda kokorodzano yacho. Nhume dzakabva kunyika iri yose muCentral neSouth America dzakapiwa betsero, sezvakaitwa zviuru zvakabva kuAfrica nevakawanda muMiddle East neFar East. Chikamu chikuru chaavo vakabatsirwa dzakanga dziri hama nehanzvadzi idzo dzakanga dzapa makore akawanda kuushumiri hwenguva yakazara.
Nechokumugumo kwa1978, kokorodzano yakarongwa kuitwa muAuckland, New Zealand. Zvapupu muCook Islands zvakaziva pamusoro payo uye zvakashuva kuvapo. Asi mumiriro wezvemari muzvitsuwa zvacho wakanga uri wokuti kungadai kwakatorera mumwe nomumwe mari yakawanda kuti afambe rwendo rwacho. Zvisinei, hama nehanzvadzi dzomudzimu dzine rudo muNew Zealand dzakapa mari yokufambisa yokuenda nokudzoka nokuda kwavane 60 vavagari vomuchitsuwa chacho. Vakafara sei kuvapo kuti vagoverane mabiko omudzimu nehama dzavo vaMaori, vaSamoa, vaNiue, uye vaCaucasus!
Muenzaniso wakanaka womudzimu uri pakati peZvapupu zvaJehovha chakanga chiri chakaitika pamhedziso yeKokorodzano Yoruwa yo“Ruramisiro Youmwari” muMontreal, Canada, muna 1988. Kwamazuva mana nhume dzokuArabia, dzokuEngland, dzokuFrance, dzokuGreece, dzokuItaly, dzokuPortugal, uye dzokuSpain dzakanga dzave dzichifarikanya purogiramu imwe cheteyo asi mumitauro yadzo dzimene. Zvisinei, pamugumo worusando rwokupedzisira, 45 000 vavo vose vakakumbanira pamwe chete muOlympic Stadium mukuratidzirwa kunoorora kwouhama nechinzwano chechinangwa. Pamwe chete dzakaimba, boka rimwe nerimwe mururimi rwaro rumene, “Muuye nesu . . . ‘Jah wotonga; mufare pasi.’”
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe makumi manomwe emitambo yakadaro akapiwa pakokorodzano mukati mamakore 25 akatevera.
b Kubvira muna 1947 kusvikira kuna 1987, iwaya akanga ave achiitwa kaviri gore rimwe nerimwe. Kuburuka kutozosvikira kuna 1972, iwo akanga ari magungano amazuva matatu; ipapo purogiramu yamazuva maviri yakavambwa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 255]
“Ndakaororwa zvikuru nomudzimu worudo nomutsa wouhama”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 256]
Zvitima zvekokorodzano—vose varimo!
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 275]
Havasi varongi vekokorodzano vanobhadharwa zvikuru, asi vazvipiri vasingabhadharwi
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 278]
Chinzwano pakati pavatema navachena
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 261]
Zvisarudzo Zvinomwe Zvinokosha zveKokorodzano
Muna 1922, chisarudzo chaiva nomusoro unoti “Denho Kuvatungamiriri Venyika” chakavakumbira kubvumikisa kuti vanhu vane uchenjeri hwokutonga pasi rino kana kuti zvimwe kubvumwa kuti rugare, upenyu, rusununguko, uye mufarwa usingagumi zvinogona kubva bedzi kuna Jehovha kupfurikidza naJesu Kristu.
Muna 1923, kwakanga kune “Nyevero kuvaKristu Vose” yokudikanwa kwokukurumidza kwokutiza vachibva mumasangano anotaura nenzira yokunyengera kuti anomirira Mwari naKristu.
Muna 1924, “Vafundisi Vanopomerwa Mhaka” chakafumura dzidziso dzisati dziri dzapaMagwaro nemiitiro zvavafundisi vechiKristudhomu.
Muna 1925, “Shoko Retariro” chakaratidza chikonzero nei avo vanotaura kuti zviedza zvinotungamirira zvenyika vakakundikana kugutsa zvinodikanwa zvikurusa zvavanhu uye kuti Umambo hwaMwari bedzi hunogona sei kuita saizvozvo.
Muna 1926, “Chipupuriro Kuvatongi Venyika” chakavazivisa kuti Jehovha ndiye bedzi Mwari wechokwadi uye kuti Jesu Kristu zvino anotonga saMambo wapasi ane maruramiro. Chakakurudzira vatongi kushandisa pesvedzero yavo kutendeudzira ndangariro dzavanhu kuna Mwari wechokwadi kuti ngwavaira igorega kuvawira.
Muna 1927, “Chisarudzo Kuvanhu vechiKristudhomu” chakafumura mubatanidzwa wezvemari wezvematongerwe enyika uye wezvorudzidziso uyo unodzvinyirira rudzi rwomunhu. Chakakurudzira vanhu kusiya chiKristudhomu ndokuisa chivimbo chavo muna Jehovha noUmambo hwake hunodzorwa naKristu.
Muna 1928, “Ziviso Inorwisana naSatani uye Inotsigira Jehovha” chakajekesa kuti Mambo akazodzwa waJehovha, Jesu Kristu, achakurumidza kusunga Satani ndokuparadza sangano rake rakaipa, uye chakakurudzira vose vanoda kururama kutsigira Jehovha.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 272, 273]
Zvakatanhamara Zvedzimwe dzeKokorodzano Huru
Mazana enhume dzine mbavarira akasvika nengarava, zviuru nendege, makumi ezviuru nemotokari nebhazi
Kuronga kwakanaka navashandi vanodisa vazhinji vaidikanwa kuti vawane nzvimbo ndokugovera dzimba dzokugara dzakakwana
Mukati meidzi kokorodzano dzamazuva masere, zvokudya zvinopisa—makumi ezviuru zvazvo—zvaigoverwa nguva dzose kunhume
Muna 1953, nzvimbo yokumisa maturera netende yakagarwa nenhume dzinopfuura 45 000
MuNew York, muna 1958, 7 136 vakabhapatidzwa—kupfuura panguva imwe ipi neipi kubvira paPentekosta ya33 C.E.
Zviratidzo zvokukwazisa zvakabva kunyika dzakawanda zvakaratidzirwa, uye marusando akaitwa mumitauro 21, muNew York muna 1953
[Mufananidzo uri papeji 256]
Nhume kukokorodzano yeIBSA muWinnipeg, Man., Canada, muna 1917
[Mifananidzo iri papeji 258]
J. F. Rutherford achitaura kuCedar Point, Ohio, muna 1919. Iye akakurudzira vose kugoverana nokushingaira mukuzivisa Umambo hwaMwari, vachishandisa “The Golden Age”
[Mufananidzo uri papeji 259]
Kokorodzano paCedar Point muna 1922. Danidzo yakaziviswa, kuti: “Zivisai Mambo noUmambo”
[Mufananidzo uri papeji 260]
George Gangas akanga ari kuCedar Point muna 1922. Kwamakore 70 kubvira panguva iyoyo iye akazivisa nokushingaira Umambo hwaMwari
[Mufananidzo uri papeji 262, 263]
Nhume dzaienda kukokorodzano ya1931 muColumbus, Ohio, idzo dzakagamuchira nembavarira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha
[Mufananidzo uri papeji 264]
“New World Translation of the Christian Greek Scriptures” iri kubu- diswa naN. H. Knorr muna 1950
[Mufananidzo uri papeji 264]
Hurukuro dzakaku- rukurwa naF. W. Franz pamusoro pokuzadzika kwouporofita hweBhaibheri dzakanga dziri pfundo guru rekokorodzano (New York, 1958)
[Mifananidzo iri papeji 265]
Kwamakore akawanda basa romumunda rakanga riri rutivi rwakatanhamara rwekokorodzano iri yose.
Los Angeles, U.S.A., 1939 (pasi); Stockholm, Sweden, 1963 (wedzero)
[Mifananidzo iri papeji 266]
Apo J. F. Rutherford akataura ari kuWashington, D.C., muna 1935, shoko racho rakaendeswa nenhepfenyuro netambo dzorunhare kunyika nhanhatu
[Mifananidzo iri papeji 268]
MuNuremberg, Germany, muna 1946, Erich Frost akapa hurukuro inonyandura inoti “VaKristu Mumuedzo Wakakomba”
[Mufananidzo uri papeji 269]
Kokorodzano yepamhene muKitwe, Northern Rhodesia, mukati meshanyo yaN. H. Knorr muna 1952
[Mifananidzo iri papeji 270, 271]
Muna 1958 vateereri vane 253 922, vakazadza nhandare huru mbiri muNew York, vakanzwa shoko rokuti “Umambo hwaMwari Hwava Kutonga—Mugumo Wenyika Wava Pedyo Here?”
Polo Grounds
Yankee Stadium
[Mufananidzo uri papeji 274]
Grant Suiter, sachigaro wekokorodzano kuYankee Stadium muna 1950
[Mufananidzo uri papeji 274]
John Groh (akagara), achikurukura kurongwa kwekokorodzano naGeorge Couch muna 1958
[Mifananidzo iri papeji 277]
Muna 1963 kokorodzano yokupota nyika yose yakaitwa, nenhume dzakabva kunyika 20 dzakafamba nayo kupota nyika yose chaizvo
Kyoto, Japan (pasi kuruboshwe), rakanga riri rimwe remaguta 27 ekokorodzano. Nhume muRepublic of Korea dzakarovedzana (pakati). Kukwazisa kwechiMaori muNew Zealand (kurudyi pasi)
[Mifananidzo iri papeji 279]
Kokorodzano yakabatira mapoka emitauro 17 panguva imwe cheteyo, muguta remasengere rakavakwa nokuda kwenhambo yacho (Lagos, Nigeria, 1970)
[Mifananidzo iri papeji 280]
Kokorodzano nhatu huru dzakaitwa muPoland muna 1989, nenhume dzaivapo dzakabva kunyika 37
T. Jaracz (kurudyi) akataura kunhume muPoznan
Zviuru zvakabhapatidzwa muChorzów
Vateereri vakaombera maoko kwenguva refu zvikuru muWarsaw
Nhume dzakabva kune yaiva panguva iyoyo U.S.S.R. (pasi)
Zvikamu zvepurogiramu muChorzów zvakashandurirwa mumitauro 15