-
Jehovha Anopa Rugare Rwakawanda NezvokwadiNharireyomurindi—1996 | January 1
-
-
“Ndine Godo Pamusoro peZioni”
6, 7. Jehovha akanga ane ‘godo nokuda kweZioni nehasha huru’ munzirai?
6 Kutaura kwacho kunowanika kutanga pana Zekaria 8:2, apo tinorava, kuti: “Zvanzi naJehovha wehondo: Ndine godo pamusoro peZioni, godo guru, ndine godo pamusoro paro, dziri shungu kwadzo.” Chipikirwa chaJehovha chokuva negodo, chokuva neshingairo huru, nokuda kwavanhu vake chakareva kuti aizova anosvinurira mukudzorera rugare rwavo. Kudzorerwa kwaIsraeri kunyika yake uye kuvakwazve kwetembere zvakanga zviri ufakazi hweshingairo iyoyo.
7 Zvakadiniko, zvisinei, nezvaavo vakanga vashora vanhu vaJehovha? Kushingaira kwake nokuda kwavanhu vake kwaizoenzaniswa ne“shungu kwadzo” pamusoro paava vavengi. Apo vaJudha vakatendeka vainamata patembere yakavakwazve, vaizokwanisa kuyeuka jambwa reBhabhironi raiva nesimba, zvino rakanga rawa. Vaigonawo kufunga nezvekukundikana kwakakwana kwavavengi avo vakanga vaedza kudzivisa kuvakwazve kwetembere. (Ezra 4:1-6; 6:3) Uye vaigona kuonga Jehovha kuti akanga azadzika chipikirwa chake. Shingairo yake yakavaunzira rukundo!
-
-
Jehovha Anopa Rugare Rwakawanda NezvokwadiNharireyomurindi—1996 | January 1
-
-
9. Ichinjoi inoshamisa mumugariro yakawanwa na“vaIsraeri vaMwari” muna 1919?
9 Nepo izvi zvirevo zviviri zvakanga zvine revo kuvaIsraeri vekare, zvinewo revo huru zvikuru nokuda kwedu sezvo zana ramakore rechi20 rinoswedera pedyo nomugumo. Anenge makore 80 apfuura, mukati mehondo yenyika yokutanga, zviuru zvishomanene zvavakazodzwa avo zvino vaimirira “vaIsraeri vaMwari” zvakapinda muutapwa hwomudzimu, kungofanana nokuenda kwakanga kwaita Israeri wekare muutapwa muBhabhironi. (VaGaratia 6:16) Nenzira youporofita, vakarondedzerwa sezvitunha zviri mumugwagwa. Zvisinei, vaiva nechishuvo chapachokwadi chokunamata Jehovha “mumweya nezvokwadi.” (Johane 4:24) Nokudaro, muna 1919, Jehovha akavabudisa mukutapwa kwavo, achivamutsa mumugariro wavo wokufa mumudzimu. (Zvakazarurwa 11:7-13) Jehovha nokudaro akapindura naHungu akasimba mubvunzo waIsaya wouporofita, wokuti: “Nyika ingaberekwa nezuva rimwe here? Rudzi rwavanhu rungazvarwa pakarepo?” (Isaya 66:8) Muna 1919, vanhu vaJehovha zvakare vakararama serudzi rwomudzimu mu“nyika” yavo vamene, kana kuti mamiriro ezvinhu omudzimu pasi pano.
10. Kuvambira muna 1919, zvikomboreroi izvo vaKristu vakazodzwa vave vachifarikanya mu“nyika” yavo?
10 Vakakotsekana munyika iyoyo, vaKristu vakazodzwa vanobatira mutembere huru yomudzimu yaJehovha. Vakadanwa se“muranda wakatendeka, wakangwara,” vachigamuchira mutoro wokutarisira zvinhu zvaJesu zvapasi, ropafadzo iyo vachiri kufarikanya sezvo zana ramakore rechi20 rinoswedera pedyo nomugumo waro. (Mateo 24:45-47) Vakadzidza zvakaisvonaka chidzidzo chokuti Jehovha ndi“Mwari worugare amene.”—1 VaTesaronika 5:23.
11. Vatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu vakazviratidza sei vamene kuva vavengi vavanhu vaMwari?
11 Zvakadiniko, kunyange zvakadaro, nezvevavengi vaIsraeri waMwari? Kushingaira kwaJehovha nokuda kwavanhu vake kunoenzaniswa nehasha dzake mukurwisana navavengi. Mukati mehondo yenyika yokutanga, vatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu vakaunza dzvinyiriro yakakura kuti vatsungirire sezvo vakaedza—ndokukundikana—kuparadza iri boka duku ravaKristu vanotaura chokwadi. Mukati mehondo yenyika yechipiri, vashumiri vechiKristudhomu vakanga vakabatana muchinhu chimwe bedzi: Kumativi ose ari maviri okurwisana, vakakurudzira hurumende kuti dzidzvinyirire Zvapupu zvaJehovha. Kunyange nhasi, munyika dzakawanda vatungamiriri vorudzidziso vari kukurudzira hurumende kuti dziganhurire kana kuti dzirambidze basa rokuparidza rechiKristu reZvapupu zvaJehovha.
12, 13. Hasha dzaJehovha dzinoratidzirwa sei mukurwisana nechiKristudhomu?
12 Ikoku hakusati kuri kusina kucherechedzwa naJehovha. Mushure mehondo yenyika yokutanga, chiKristudhomu, pamwe chete nerasara rose reBhabhironi Guru, zvakawa. (Zvakazarurwa 14:8) Uchokwadi hwokuwa kwechiKristudhomu yakava zivo yavose apo, kutangira muna 1922, nhevedzano yematambudziko okufananidzira yakadururwa, ichifumura pachena mugariro wacho wokufa mumudzimu uye ichinyevera nezveruparadziko rwaro rwuri kuuya. (Zvakazarurwa 8:7–9:21) Soufakazi hwokuti kudururwa kweaya matambudziko kunopfuurira, hurukuro inoti “Mugumo Worudzidziso Rwenhema Wava Pedyo” yakapiwa munyika yose pana April 23, 1995, ichiteverwa nokuparadzirwa kwemazana amamiriyoni emakopi echinyorwa chaicho cheMashoko oUmambo.
13 Nhasi, chiKristudhomu chiri muchimiro chinonzwisa urombo. Mukati mezana ramakore rechi20, mitezo yacho yakaurayana muhondo dzinotyisa dzakakomborerwa navaprista navashumiri vacho. Mune dzimwe nyika pesvedzero yacho haiko chaizvoizvo. Mugumo wacho ruparadziko nerasara rose reBhabhironi Guru.—Zvakazarurwa 18:21.
-