Kutsvakwa Kwechengeteko
CHENGETEKO. Vatungamiriri venyika vanoikurukura. Vatungamiriri vorudzidziso vanoinyengeterera. Bva, kumunhuwo zvake ari mumugwagwa, chengeteko inoratidzika kuva chiroto chinonyengera. Rangarira, somuenzaniso, Ron, uyo akanga achifamba achienda kubasa muguta gurusa reSouth Africa, Johannesburg.
“Kwakanga kune varume vashanu vakandikomba, mumwe ane banga pamutsipa wangu uye mumwe ane rimwe kumusana kwangu. Ivo vakapinza maoko muhomwe dzangu mumasekondi. Ndakanzwa sehuku yaundurwa. Vanhu vaipfuura vakangondifuratira zvavo.” Ron haana kudzivisa ndizvo akapukunyuka asina kukuvadzwa.
Nokuda kwavazhinji, kufamba mumigwagwa yeguta guru ripi neripi kunotyisa. ‘Ndinogona sei kudzivisa kubirwa namasimba masimba?’ kunohwanda shure kwendangariro yavo. Ivo vanokurumidzira kupedza kutenga kwavo kuti vagogona kudzokera kuchengeteko yomusha. Asi musha wakakotsekana sei? “Mabanza okutambura kwako mumwe munhu anovhojokera utsvene hwomusha wako, kubvuta rutivi kana kuti rwezvinhu zvako zvose nokunyangarika pasina kuronda ari kuwedzera zvinoshamisa gore rimwe nerimwe,” rinodaro bhuku rinonzi Total Home Security.
Somuuyo, vene vomusha vanoisa zviziviso zvinonyevera vavhozhokeri kuti imbwa dzinopenga dziri panzvimbo dzacho kana kuti idzodzi dzinorindwa navarindi vakashongedzwa zvombo. Munharaunda dzakawanda vanasaimba vanobatira pamwe munhamburiko yokukurira utsotsi. “Kune gadziriro dzinopfuura 60 000 muBritain moga, dzinobatanidza mhuri 750 000,” inodaro magazini inonzi Security Focus. “Noutsotsi hunowedzera, ndichinhu chomunguva yakapfuura kuti vavakidzani vasave vane ushamwari,” akadaro mutengesi weinushuwarenzi muAfrica.
Mitezo yegadziriro yavarindi venharaunda inongwaririra garikano yomumwe nomumwe ndokushuma mubato upi noupi unonyumwirwa kumapurisa.a Asi mushumo wepepanhau wakatsanangura kumutezo weboka une imba yakapazwa, kuti: “Sezvineiwo gadziriro yacho haisati iri vimbiso yokuti hausati uchizopazirwa zvakare. Hakuna gadziriro yechengeteko iripo inogona kutaura izvozvo. . . . Unongofanira kuva nechokwadi chokuti masuo ako akakiiwa, kuti une chinorira panopazwa uye wakaita gadziriro dzechengeteko dzine mufungo.”
Kunyange zvazvo gadziriro dzokurinda nharaunda dzakava nomuuyo wakati, kunopanikirwa kana idzo dzichideredza mwero wose woutsotsi. “Dzinonzi derero muutsotsi munharaunda duku dzinongova bedzi ‘budiriro’ kana kune ‘kutsiviwa’ kushomanene kana kuti pasina kwoutsotsi ihwohwu munharaunda dziri pedyo,” vanotsanangura kudaro Shapland naVagg muPolicing by the Public. Nokudaro, mumamwe maguta umo mapoka anorinda nharaunda akashuma budiriro yakatanhamara, kwave kune wedzero huru muutsotsi mudzimwe nharaunda dzamaguta mamwe chetewo umo kwakaoma kuronga gadziriro dzakadaro.
“Kune nharaunda dzakati umo kurinda nharaunda kusingabudiriri zvakadaro,” anobvuma kudaro munyori wegadziriro yenyika yose inobatanidza mitezo inopfuura 20 000. Iye akanga achinongedzera kunzvimbo huru “dziri kunze kwetaundi uko vavakidzani vasingagoni kuonana uye uko kurinda kusingashandi.” Somuenzaniso, varoorani vaviri vakabva muguta reAmerica vachienda kunzvimbo ine mahekita 20 pedyo nomusha muduku. Mukati mamakore mashomanene, imba yavo yakapazwa kaviri. Mudzimai akataura mirangariro yavagari vazhinji vomuruwa: “Ndinoedza kuva wenguva dzose, asi ndinotya. . . . Handitongonzwi ndakakotsekana.” Munyika dzanetswa nerwisano yezvamatongerwe enyika, vagari vomumaruwa vanotarisana namasimba masimba akawedzerwa uye vanowanzodzvinyirirwa kupinda mukutsigira.
Hakushamisi kuti vazhinji vanoshuva ‘mazuva ekare akanaka.’ “Panenge pamavambo pezana rino ramakore,” rinodaro bhuku rinonzi The Growth of Crime, “kwakanga kune . . . murangariro wavose wokuti [utsotsi] hwaizova hune mwero zvikuru murudzi.” Asi chii chakaitika panzvimbo pezvo? Vanyori Sir Leon Radzinowicz naJoan King vanotsanangura, kuti: “Mumakore makumi maviri okutanga ezana rino ramakore, kunyange mukati mehondo yenyika yokutanga, mwero youtsotsi yakaramba yakati teramei, isingapfuuri kuvambirana nechiverengero chavagari vapasi. Makanga muri mukuderera kwokutengeserana pashure pehondo umo kombamiro yakatsiga yakacherechedzwa. Mumakore enyongano yepfuma, kushaya mabasa neimwe hondo huru, [utsotsi] hwakawedzera zvakakomba . . . Chinhu chimwe chinokurova muziso paunotarira utsotsi pamwero wenyika iwedzero inopararira neinopfuurira munzvimbo iri yose.”
Iyi “wedzero yokusateerera mutemo,” kunyange zvazvo isingakarirwi navazhinji, yakadeya kutaurwa zvomenemene. Ngwavaira huru idzo dzakarova rudzi rwomunhu chibviro chokutanga kwehondo yenyika yokutanga muna 1914 dzakaratidzirwa pachine nguva mberi muBhaibheri. Jesu akadeya kutaura kuti tsika yakaipa yomunhu yakanga ichiswedera kumugumo: “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo, uye kuchava neperevedzo dzezvokudya nokudengenyeka kwapasi munzvimbo nenzvimbo. Uye nemhaka yewedzero yokusateerera mutemo rudo rwechiverengero chikuru zvikuru rwuchatonhora.”—Mateo 24:3, 7, 12, NW; onawo Ruka 21:10, 11.
“Sezvo izvi zvinhu zvinotanga kuitika,” Jesu akawedzera, “zvisimudzei mumene kuti tote uye simudzai misoro yenyu, nemhaka yokuti kusunungurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.” Nokudaro, une chikonzero chetariro. Kutsvaka kwomunhu chengeteko yapasi rose kwodokuzadzikwa.—Ruka 21:28-32, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Apo anokurudzirwa kuva mitezo yavarindi vanodzivirira, maKristu anofadzwa kuva nokuda kwenhungamiro nheyo dziri pana Isaya 2:2-4 naJohane 17:16.—Ona Nharireyomurindi, January 1, 1984, mapeji 23-5.