-
Wagadzirira Zuva raJehovha Here?Nharireyomurindi—1997 | March 1
-
-
9. Jesu akataurei, sezvakanyorwa pana Mateo 24:36?
9 Basa rokuparidza Umambo rakafanotaurwa nemamwe mativi echiratidzo chokuvapo kwaJesu chiri kuzadzikwa zvino chaiye. Nokudaro, mugumo wava pedyo nokuda kwetsika ino yakaipa yezvinhu. Chokwadi, Jesu akati: “Kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga.” (Mateo 24:4-14, 36) Asi uporofita hwaJesu hunogona kutibetsera kuva vakagadzirira “zuva iro nenguva iyo.”
-
-
Wagadzirira Zuva raJehovha Here?Nharireyomurindi—1997 | March 1
-
-
14. Jehovha akaudzei Noa pakupedzisira, uye nei?
14 Sezvo areka yakaswedera pedyo nokupedzwa, Noa angave akafunga kuti Mafashamo akanga ava pedyo, kunyange zvazvo aisaziva chaizvoizvo apo aizoitika. Jehovha pakupedzisira akamuudza kuti: “Kwasara mazuva manomwe, ipapo ndichanisa mvura panyika mazuva ane makumi mana nousiku hune makumi mana.” (Genesi 7:4) Ikoko kwakapa Noa nemhuri yake nguva yakakwana chaizvo yokupinza marudzi ose emhuka muareka ndokupinda vamene Mafashamo asati avamba. Hatifaniri kuziva zuva nenguva zvekutanga kwekuparadzwa kwetsika ino; kupukunyuka kwemhuka hakuna kuronzwa kwatiri, uye vapukunyuki vavanhu vanokarirwa vari kutopinda muareka yokufananidzira, paradhiso yomudzimu yevanhu vaMwari.
-