-
‘Itai Izvi Muchindiyeuka’Nharireyomurindi—2013 | December 15
-
-
9. Vamwe vane maonero api asina kururama nezvechingwa chakashandiswa naJesu?
9 Vamwe vanhu vanoenda kuchechi vanoti Jesu akati: ‘Uyu muviri wangu,’ saka vanodavira kuti pakaitika chishamiso chokuti chingwa chakachinja kuva nyama yake chaiyo. Zvisinei izvozvo hazvisi zvechokwadi.a Zvose zviri zviviri, muviri waJesu nechingwa chisina kuviriswa, zvakanga zviri pamberi pevaapostora vakatendeka. Zviri pachena kuti Jesu akashandisa mutauro wokufananidzira, sezvaaiita kakawanda.—Joh. 2:19-21; 4:13, 14; 10:7; 15:1.
10. Chingwa chinoshandiswa paKudya kwaShe Kwemanheru chinomirirei?
10 Chingwa chaiva pamberi pevaapostora uye chavakanga vava kuda kudya, chaimirira muviri waJesu. Muviri upi? Pane imwe nguva vashumiri vaMwari vaifunga kuti sezvo Jesu akamedura chingwa asi pasina kana pfupa rake rakatyorwa, chingwa chaimirira “muviri waKristu,” kureva ungano yevaKristu vakazodzwa. (VaEf. 4:12; VaR. 12:4, 5; 1 VaK. 10:16, 17; 12:27) Zvisinei, nokufamba kwenguva, pashure pokunge tanyatsoongorora Magwaro, takazonzwisisa kuti chingwa chinomirira muviri waJesu wenyama waakanga agadzirirwa. Jesu “akatambura panyama,” uye akatozorovererwa. Saka paKudya kwaShe Kwemanheru, chingwa chinomirira muviri iwoyo waJesu wenyama ‘waakatakura nawo zvivi zvedu.’—1 Pet. 2:21-24; 4:1; Joh. 19:33-36; VaH. 10:5-7.
-
-
‘Itai Izvi Muchindiyeuka’Nharireyomurindi—2013 | December 15
-
-
15, 16. Murayiro waJesu une chokuita nechingwa unotevedzerwa sei paKudya kwaShe Kwemanheru?
15 Hurukuro iyoyo painenge yava kupera, mukurukuri achataura kuti yava nguva yokuita zvakanzi naJesu vaapostora vaite. Sezvambotaurwa, pachashandiswa chingwa chisina kuviriswa newaini tsvuku. Izvi zvinogona kunge zviri patafura inenge iri pedyo nemukurukuri. Achaverenga muBhaibheri zvakataurwa uye zvakaitwa naJesu paakatanga chiitiko ichi. Somuenzaniso, muna Mateu tinoverenga kuti: “Jesu akatora chingwa uye, akumbira chikomborero, akachimedura uye, achichipa vadzidzi, akati: ‘Torai, mudye. Ichi chinomirira muviri wangu.’” (Mat. 26:26) Jesu akamedura chingwa chisina kuviriswa kuti ape chimwe kuvaapostora vaainge akagara navo. Pachaitwa Chirangaridzo musi wa14 April, uchaona chingwa chisina kuviriswa chakatomedurwa chiri mundiro.
-