Tinofanira Kunyengetera Sei Kuna Mwari?
APO mumwe mudzidzi akakumbira murayiridzo pamusoro pemunyengetero, Jesu haana kuramba kuupa kwaari. Maererano naRuka 11:2-4, akapindura, kuti: “Apo munonyengetera, itii: Baba, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Tipei zuva rino zvokudya zvedu zvezuva nezuva. Uye tikanganwirei zvivi zvedu, nokuti tinokanganwirawo munhu ari wose ane mhaka nesu. Uye musatipinze mukuedzwa.” (Douay Version yeKaturike) Iwoyu unowanzozivikanwa seMunyengetero waShe. Unopa mashoko mazhinji zvikuru.
Pakutanga, shoko rokutanga rimene rinotiudza kuti minyengetero yedu inofanira kutaurwa kunaani—kuna Baba vedu. Cherekedza kuti Jesu haana kutongobvumira kunyengetera kune mumwe munhu akati, mufananidzo, “musande,” kana kuti kunyange kwaari. Chaizvoizvo, Mwari akanga azivisa, kuti: “Handisati ndichizopa mbiri yangu kune mumwe, kana kuti rumbidzo yangu kuzvinhu zvakavezwa.” (Isaya 42:8, Dy) Minyengetero inonangidzirwa kune chinhu chipi nechipi kana kuti munhu upi neupi kunze kwaBaba vedu vekudenga naizvozvo hainzwiwi naye, pasinei zvapo nekuti munamati wacho angava wepachokwadi sei. MuBhaibheri, Jehovha Mwari bedzi anodanwa kuti “Vokunzwa munyengetero.”—Pisarema 65:2.
Vamwe vangataura kuti “vasande” vanongoita zvavo savarevereri kuna Mwari. Asi Jesu amene akarayiridza, kuti: “Ndini nzira, nezvokwadi, noupenyu; hapana munhu anouya kuna Baba, asi nokwandiri. Chinhu chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu, ndichachiita, Baba vakudzwe muMwanakomana.” (Johane 14:6, 13) Jesu nokudaro akabvisa pfungwa yokuti munhu upi noupi anonzi musande aigona kubatira munzvimbo yemurevereri. Cherekedzawo izvo muapostora Pauro akataura pamusoro paKristu: “Haana kungotifira bedzi—akamuka kuvakafa, uye ikoko kuruoko rwaMwari rworudyi anomira uye anotireverera.” “Anorarama nokusingaperi kuti areverere vose vanouya kuna Mwari kupfurikidza naye.”—VaRoma 8:34; VaHebheru 7:25, Jerusalem Bible yeKaturike.
Zita Rinofanira Kutsveneswa
Mashoko anotevera emunyengetero waJesu akanga ari okuti: “Zita renyu ngaritsveneswe.” Munhu aigona sei kutsvenesa, ndiko kuti kuyeresa, zita raMwari kutoti iye achiriziva uye achirishandisa? Kanopfuura ka6 000 mu“Testamente Yekare,” Mwari anoziviswa nezita romunhu oga rokuti Jehovha.
Mashoko omuzasi pana Eksodho 6:3 muDouay Version yeKaturike anoti pamusoro pezita raMwari: “Vamwe vazvino uno vakaumba zita rokuti Jehovha . . . , nokuda kwekududzwa kwechokwadi kwezita [raMwari], iro riri murugwaro rwechiHebheru, kupfurikidza nekusashandiswa kwenguva refu hakuchazivikanwi zvikuru.” New Jerusalem Bible yeKaturike naizvozvo inoshandisa zita rokuti Yave. Kunyange zvazvo dzimwe nyanzvi dzichida kududzwa ikoko, “Jehovha” inzira yapamutemo uye yakasimbiswa nguva refu yokududza nayo zita raMwari muchiShona. Mimwe mitauro ine nzira dzayo imene dzokududza nadzo zita raMwari. Chinhu chikuru ndechekuti tinoshandisa zita racho kuitira kuti tiritsvenese. Chechi yako yakakudzidzisa kushandisa zita rokuti Jehovha mumunyengetero here?
Nhau Dzakafanira Dzemunyengetero
Jesu akatevera kudzidzisa vadzidzi vake kunyengetera, achiti: “Umambo hwenyu ngahuuye.” Evhangeri yaMateo inowedzera mashoko acho, ichiti: “Kuda kwenyu ngakuitwe pasi pano sezvakunoitwa kudenga.” (Mateo 6:10, Dy) Umambo hwaMwari ihurumende iri mumaoko aJesu Kristu. (Isaya 9:6, 7) Maererano neuporofita hweBhaibheri, huchakurumidza kubvisa hurumende dzose dzavanhu ndokupinza nhambo yerugare rwepasi rose. (Pisarema 72:1-7; Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 21:3-5) VaKristu vechokwadi naizvozvo vanoita kuuya kweUmambo musoro unodzokororwa muminyengetero yavo. Chechi yako yakakudzidzisa kuita saizvozvo here?
Nenzira inofadza, Jesu akaratidzawo kuti minyengetero yedu ingabatanidza zvinhu zvemunhu oga izvo zvatinoitira hanya. Akati: “Tipei zuva rino zvekudya zvedu zvezuva nezuva. Uye tikanganwirei zvivi zvedu, nokuti tinokanganwirawo munhu ari wose ane mhaka nesu. Uye musatipinze mukuedzwa.” (Ruka 11:3, 4, Dy) Mashoko aJesu anoreva kuti tinogona kutsvaka kuda kwaMwari muzvinhu zvezuva riri rose, kuti tinogona kusvika Jehovha pamusoro pechinhu chipi nechipi icho chingatinetse kana kuti kukangaidza rugare rwedu rwendangariro. Kukumbira Mwari nguva dzose nenzira iyi kunotibetsera kunzwisisa kutsamira kwedu paari. Nokudaro tinova vanoziva zvikuru pesvedzero yake muupenyu hwedu. Kukumbira Mwari zuva nezuva kuti atikanganwire mhaka dzedu nenzira yakafanana kunobetsera. Nenzira iyoyo tinova vanoziva zvikuru utera hwedu—uye vanoshivirira zvikuru zvikanganiso zvevamwe. Murayiro waJesu wokuti tinyengeterere kununurwa mumuedzo wakakodzerawo, nemhaka yetsika dziri kuderera dzenyika ino. Mutsinhirano nemunyengetero iwowo, tinongwarira kudzivisa mamirire ezvinhu nemigariro izvo zvingagona kutitungamirira muchakashata.
Hapana mubvunzo, ipapo, kuti Munyengetero waShe unotiudza zvakawanda pamusoro pekupa minyengetero inofadza Mwari. Asi Jesu airangarira kuti titore munyengetero uyu ndokungoudzokorora nguva dzose here?
Rimwe Zano Pamusoro Pemunyengetero
Jesu akapa mimwe mirayiridzo pamusoro pemunyengetero. Pana Mateo 6:5, 6, tinorava, kuti: “Kana muchinyengetera, musava savanyengeri, nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumusha, kuti vaonekwe navanhu. . . . Asi iwe, kana uchinyengetera, pinda muimba yako yomukati; kana wazarira mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro.” Mashoko iwaya anotidzidzisa kuti munyengetero haufaniri kupiwa nenzira yokuzvitutumadza, yokuzvirumbidza kuitira kuti uorore mumwe munhu. Unodurura mwoyo wako kuna Jehovha somunhu oga, sezvinokurudzira Bhaibheri here?—Pisarema 62:8.
Jesu akapa nyevero iyi: “Muminyengetero yenyu musataure sezvinoita vahedheni, nokuti vanofunga kuti kupfurikidza nekushandisa mashoko mazhinji vachazviita vamene kuti vanzwiwe.” (Mateo 6:7, JB) Nenzira yakajeka, Jesu haana kutendera kuziva minyengetero nemusoro—kana kuti kuirava mubhuku rakati. Mashoko ake anobvisawo kushandiswa kwerusariro.
Rimwe bhuku reKaturike rinobvuma izvi: “Munyengetero wedu wakanakisisa ungava mifungo yedu timene yomuzvarirwo apo tinotendeukira kwaari mukuonga kana kuti mukushayiwa, panguva dzerusuruvaro, kana kuti mukumurumbidza kwedu kwenguva dzose kwezuva nezuva.” Minyengetero yaJesu amene yakanga iri yemuzvarirwo, kwete yokuziva nomusoro. Somuenzaniso, rava munyengetero waJesu wakanyorwa muna Johane ganhuro 17. Unonamatira kumunyengetero wemuenzaniso, uchisimbisa chishuvo chaJesu chekuona zita raJehovha richitsveneswa. Munyengetero waJesu wakanga uri wemuzvarirwo uye wemwoyo wose zvikuru.
Minyengetero Inonzwiwa naMwari
Kana wakadzidziswa kupa minyengetero yokuziva nomusoro, kunyengetera ku“vasande” kana kuti kumifananidzo, kana kuti kushandisa zvinhu zverudzidziso, zvakadai serusariro, pfungwa yekunyengetera mumutoo uyo Jesu akaronga pakutanga ingaratidzika kuva inotyisa. Bva, chinokosha ndechekuziva Mwari—zita rake, zvinangwa zvake, unhu hwake. Unogona kuita ikoku kupfurikidza nekufunda Bhaibheri kwakakwana. (Johane 17:3) Zvapupu zvaJehovha zvakagadzirira uye zvinodisa kukubetsera muna ikoku. Chokwadi, zvakabetsera mamiriyoni kupota nyika ku“ravira . . . [kuti va]one kuti Jehovha wakanaka”! (Pisarema 34:8) Kana ukasvika pakuziva Mwari zvikuru, uchasundwa zvikuru kumurumbidza mumunyengetero. Uye ukaswedera pedyo zvikuru naJehovha mumunyengetero wekuremekedza, ukama hwako naye huchava hwapedyo zvikuru.
Vanamati vechokwadi vose vaMwari naizvozvo vanokurudzirwa kuti “rambai muchinyengetera.” (1 VaTesaronika 5:17) Iva nechokwadi chekuti minyengetero yako inotsinhirana zvirokwazvo neBhaibheri, kubatanidza mirayiridzo yaJesu Kristu. Nenzira iyi unogona kuva nechokwadi chokuti minyengetero yako ichatenderwa naMwari.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Tikadzidza zvikuru pamusoro paJehovha, tichasundwa zvikuru kunyengetera kwaari zvichibva pamwoyo