-
Unganyatsobudirira Sei Muupenyu?Nharireyomurindi—2012 | December 15
-
-
13. Jesu akapa zano rokuti kudii nezvokuunganidza pfuma?
13 Jesu akati nezvepfuma: “Regai kuzviunganidzira pfuma panyika, pane chitemamachira nengura zvinodya, uye pane mbavha dzinopaza dzoba. Asi, zviunganidzirei pfuma kudenga, kusina chitemamachira kana ngura zvinodya, uye kusina mbavha dzinopaza dzoba. Nokuti pane pfuma yako, ndipowo pachava nomwoyo wako.”—Mat. 6:19-21.
-
-
Unganyatsobudirira Sei Muupenyu?Nharireyomurindi—2012 | December 15
-
-
15. Tinofanira kuvavarira kubudirira kwerudzii?
15 Vamwe vafundisi vanoti hazvina kunaka kuti munhu avavarire kubudirira uye haatombofaniri kuita zvinoita kuti abudirire. Asi Jesu haana kumbodaro. Aitokurudzira vadzidzi vake kuvavarira kuunganidza ‘pfuma isingaparari kudenga,’ pane kuvavarira kubudirira panyika. Chido chedu chikuru chinofanira kuva chokuedza kubudirira maererano nemaonero anoita Jehovha. Mashoko aJesu anotiyeuchidza kuti zviri kwatiri kusarudza zvatinoda kuita. Chokwadi ndechokuti zviri mumwoyo medu kana kuti zvatinoona zvichikosha, ndizvo zvatichavavarira kuita.
16. Tinogona kuvimba nei?
16 Kana mwoyo wedu uchida kufadza Jehovha, tinogona kuva nechivimbo chokuti achatipa zvokurarama nazvo. Angabvumira kuti timboshaya zvokudya kana kuti zvokunwa sezvakamboitika kuna Pauro. (1 VaK. 4:11) Kunyange zvakadaro, tinogona kuvimba nezano raJesu rokuchenjera rokuti: “Musambozvidya mwoyo muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi. Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mat. 6:31-33.
-