CHIDZIDZO 37
Bhaibheri Rinoti Chii Nezvebasa Uye Mari?
Unombonzwa musoro wako watenderera nenyaya dzebasa uye mari here? Hazvisi nyore kuti tiwane zvekurarama nazvo uku tichinamata Jehovha zvakanyatsomukodzera. Bhaibheri rine mazano anogona kutibatsira.
1. Bhaibheri rinotii nezvebasa?
Mwari anoda kuti tinakidzwe nemabasa edu. Bhaibheri rinoti “hapana chiri nani pane kuti munhu . . . afadzwe nekushanda kwake nesimba.” (Muparidzi 2:24) Jehovha anoshanda nesimba. Kana tikamutevedzera pakushanda nesimba, tinomufadza uye tinonzwa tichigutsikana.
Basa rinokosha. Asi hatifanire kurikoshesa kupfuura kunamata kwatinoita Jehovha. (Johani 6:27) Anotivimbisa kuti kana tikamuisa panzvimbo yekutanga muupenyu, iye achatipa zvatinoda pakurarama.
2. Tinofanira kuona sei mari?
Kunyange zvazvo Bhaibheri richibvuma kuti ‘mari inodzivirira,’ rinotiyambirawo kuti mari yega haiite kuti tifare. (Muparidzi 7:12) Saka rinotikurudzira kuti tirege kuda mari richiti: “Gutsikanai nezvinenge zviripo.” (Verengai VaHebheru 13:5.) Patinogutsikana nezvinenge zviripo, hatizozvitemesa musoro nekungoramba tichida zvimwe tisingaguti. Hatizoporomori zvikwereti zvisina basa. (Zvirevo 22:7) Uye tinonzvengana nematambudziko anowanzounzwa nekuita zvekubheja uye zvirongwa zvekuda kukurumidza kupfuma.
3. Tingashandisa sei mari yedu nenzira inobatsirawo vamwe?
Jehovha ndiMwari anopa, uye tinomutevedzera ‘nekupawo vamwe zvatiinazvo.’ (1 Timoti 6:18) Tinogona kushandisa mari yedu kutsigira ungano uye kubatsira vanoshayiwa, zvikurukuru vaya vatinonamata navo. Jehovha anonyanya kukoshesa chinangwa chedu chekupa, kwete uhwandu hwezvatapa. Patinopa zvichibva pasi pemwoyo, tinofara uye tinofadza Jehovha.—Verengai Mabasa 20:35.
WEDZERA KUONGORORA
Ona kubatsira kwazvinoita kuti tishande nesimba asi tichitungamidza nyaya dzekunamata, tichigutsikana nezvinenge zviripo.
4. Kudza Jehovha nemashandiro aunoita
Ushamwari hwedu naJehovha hunooneka pamaonero atinoita basa. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:
Muvhidhiyo iyi wanzwa sei nezvemaonero anoita Jason basa rake uye kuzvibata kwake kana ari kubasa?
Aiita sei kuti basa risamukanganisa panyaya dzekunamata?
Verengai VaKorose 3:23, 24, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:
Maonero atinoita basa anokosha zvakadii?
Basa rinokosha. Asi hatifaniri kumbofa takarikoshesa kupfuura kunamata kwatinoita Jehovha
5. Kugutsikana nezviripo kunotibatsira
Vanhu vakawanda vanoedza nesimba ravo rese kuunganidza mari. Asi Bhaibheri haritikurudzire kudaro. Verengai 1 Timoti 6:6-8, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:
Bhaibheri rinotikurudzira kuita sei?
Tinogona kufara kunyange tisina zvakawanda. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.
Chii chinoita kuti mhuri idzi dzifare pasinei nekuti hadzina mari yakawanda?
Ko kana tiine mari yakawanda asi tichitoda imwe? Jesu akapa mufananidzo unoratidza zvazvakaipira. Verengai Ruka 12:15-21, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:
Wadzidzei pamufananidzo waJesu?—Ona vhesi 15.
Verengai Zvirevo 10:22 moenzanisa na1 Timoti 6:10 mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:
Ndechipi chaunofunga kuti chinokosha kupfuura chimwe? Kuva neushamwari naJehovha kana kuti kuva nemari yakawanda? Nei uchidaro?
Matambudziko api anobva pakutandanisana nemari?
6. Jehovha achatipa zvatinoda pakurarama
Nhamo yemari nekushaya mabasa zvinogona kuedza kutenda kwedu muna Jehovha. Ngationei VHIDHIYO kuti tione zvatinogona kuita nemiedzo yakadaro, tobva takurukura mibvunzo inotevera.
Muvhidhiyo iyi, hama yakasangana nematambudziko api?
Akaita sei kuti akurire matambudziko aya?
Verengai Mateu 6:25-34, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:
Jehovha anovimbisa kuitirei vaya vanotungamidza nyaya dzekumunamata?
VAMWE VANOTI: “Ndinotofanira kushanda nesimba kuti ndiriritire mhuri yangu. Hazviite kuti ndiende kumisangano yeungano vhiki nevhiki.”
Rugwaro rwupi rwunoita kuti uve nechokwadi kuti kuisa nyaya dzekunamata Jehovha pakutanga muupenyu ndiwo mararamiro akanakisisa?
PFUPISO
Basa nemari zvinodiwa muupenyu, asi hazvizofaniri kutitadzisa kunamata Jehovha.
Kudzokorora
Chii chingakubatsira kuti usazokoshesa basa rako zvakapfurikidza?
Kugutsikana nezviripo kunokubatsira sei?
Ungaratidze sei kuti unovimba nezvakataurwa naJehovha kuti achapa vanhu vake zvekurarama nazvo?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Verenga unzwe kuti Bhaibheri rinoti mari yakaipa here.
“Mari Ndiyo Mudzi Wezvinhu Zvese Zvakaipa Here?” (Nyaya iri paIndaneti)
Mwari anoda kupa kwakaita sei?
Kubheja unongovawo mutambo wekuzvivaraidza here?
Ona kuti mumwe murume aiita zvekubheja nekupaza dzimba dzevanhu akachinja sei upenyu hwake.
“Ndaifarira Mijaho Yemabhiza Zvisingabviri” (Nharireyomurindi, November 1, 2011)