-
Jesu Anoratidza “Uchenjeri Hunobva Kuna Mwari”Swedera Pedyo naJehovha
-
-
1-3. Vaimbova vavakidzani vaJesu vakaita sei paaivadzidzisa, uye chii chavakatadza kunzwisisa pamusoro pake?
VANHU vakanga vakateerera vakaoma mate mukanwa nezvavaidzidziswa nemurume wechidiki Jesu akanga akamira pamberi pavo. Haasi munhu wavakanga vasingazivi nekuti akanga akurira muguta ravo uye akanga atova nemakore achishanda semuvezi. Pamwe vamwe vavo vaitogara mudzimba dzaakanga abatsira pakuvaka kana kuti vaitorima vachishandisa midziyo yakadai semagejo nemajoko zvaakanga atogadzira nemaoko ake.a Asi iye zvino vaizoteerera here muvezi uya achivadzidzisa?
-
-
Jesu Anoratidza “Uchenjeri Hunobva Kuna Mwari”Swedera Pedyo naJehovha
-
-
a Panguva idzodzo vavezi vaiita mabasa akadai sekuvaka, kugadzira zvinhu zvakadai sezvigaro nematafura, uye midziyo yekurimisa. Justin Martyr, uyo akazorarama makore mashomanana pashure penguva yevaKristu vekutanga, akanyora nezvaJesu achiti: “Aiwanzoita basa rekuveza achigadzira magejo nemajoko.”
-