Ganhuro 24
Kuverengwa Kwokupera Kwenguva Kwosvika Nguva Yakwo Yokuguma
1. Mukuwirirana navezvesayenzi vakatanhamara, ko “zuva rokuparadzwa” raswedera pedyo zvakadini?
KARE muna 1947, vezvesayenzi vakagadzira “wachi yezuva roruparadziko.” Inooneka pabutiro reThe Bulletin of the Atomic Scientists uye inoshandiswa kuratidzira kuti ivo vanodavira kuti nyika yavapedyo nomutoo unengozi zvakadini nokuparadza kwenyukireya. Zvioko zve“wachi” iyeyo zvave zvichifambiswa zvafambiswazve—dzimwe nguva zvichiendeswa mberi, dzimwe nguva zvichidzoserwa shure, kuchitsamira pakuti mugariro wamarudzi ose wakanga uchicherechedzwa kuva une ngozi zvakadini. Mukuvamba ma 1984 zvioko izvozvo zvakaendeswa mberi kusvikira kumaminiti matatu pamberi pepakati pousiku. Kudai zvakasvika pakati pousiku, kwaizoreva kuti hondo inotyiwa yenyukireya yakanga yavamba.
2. Ko Jehovha akavamba rini kuverenga kwake kwokupera kwenguva, uye nguva yakwo yokuguma icharevei?
2 Asika pakanga pari pamakore ane 6 000 akapfuura apo Jehovha Mwari akavamba kuverengwa kwenguva uko kwakaenderera mberi nomutoo usingadzivisiki, kusingatongodzokeri shure. Mukuverengwa kwenguva ikoku nguva yokuguma ndiyo nguva iyo Mwari akagadza nokuda kwokurevererwa kwouchangamire hwake, apo rugare negarikano yechisiko chapose pose zvinotsamira pahuri. Iye akasanorondedzera donzo rake ndokugovera zviratidzo zvenguva zvinotigonesa kucherekedza kuenderera mberi kwayo. Nokukurumidza pashure porupanduko muEdheni, Jehovha akapikira kuti aizobudisa ku“mukadzi” wake, sangano rake rezvisikwa zvomudzimu zvinovimbika, “mbeu” yaizopwanya Satani, “nyoka yapakuvamba,” mumusoro uye pakupedzisira kumuparadzanya kubva mukuvapo nokusingaperi. (Genesi 3:15; Zvakazarurwa 12:9; VaRoma 16:20) Haiwa vadi vokururama vanopanga sei nguva iyeyo!
3. (a) Chii chinoratidzira kuti kuuya kwaMesia kwakasanorongerwa nguva? (b) Ko hwaro panguva iyeyo hwakavanzarikwa nokuda kwechii?
3 Panguva yaMwari yakagadzwa, yakadeya kuziviswa kare pachine nguva mberi, “mbeu” yakapikirwa, Mesia, Mwanakomana waMwari amene, akaoneka pasi pano. Semhinduro inesimba yechishoro chokuzvidza chaSatani, Jesu akachengeta kuzvipira kwoumwari kwakakwana kusvikira kurufu chaiko. Uye kupfurikidza norufu rwake somunhu asina chivi iye akagoverawo mutoo wokudzikinura nawo vana vaAdama muchivi norufu. Nenzira iyeyo hwaro hwakavanzarikwa pakupedzisira nokuda kwoku‘putsanya mabasa aDhiabhorosi’.—1 Johane 3:8; Dhanieri 9:25; VaGaratia 4:4, 5.
4. (a) Ko Jesu akavamba kuunganidza bokai paakanga achiri pasi pano? (b) Mukuwirirana norudungwe rwenguva rwoumwari, ko Kristu akavamba rini kubata ushe saMambo? (c) Chii chakanga chiri chimwe chezviito zvokutanga zvaakaita?
4 Apo Jesu akanga achiri pasi pano, iye akavamba kuunganidza varume navakadzi avo vaizova vadyi venhaka pamwe chete naye muUmambo hwake hwokudenga. Vane 144 000 bedzi vakasarudzwa, vakaedzwa uye vakavimbika vaizobatanidzwa. Nguva yokuunganidzwa kwemitezo yokupedzisira yeiri boka zvayakasvika, “ubati ushe nechiremera noumambo” zvakapiwa pana Jesu iye amene mudenga. (Dhanieri 7:13, 14) Panguva chaiyo yakarongwa, muna 1914, iye akatanga kuita chiito saMambo anobata ushe. Satani namadhemoni ake nokukurumidza vakabudiswa mumatenga, chiito ichi chichichenura dendemaro rehurumende. (Zvakazarurwa 12:7-12) Tsika iripo iyi yakanga yapinda mumazuva ayo okupedzisira.
5. Ndivanaani vachave vari vapenyu kuona kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha?
5 Kuverengwa kwokupera kwenguva kwakanga kwapfuurira kwamakore ane mireniyumu nhanhatu zvino kwosvika nguva yakwo yokukuguma. Kwava pedyo zvikuru zvokuti vanhu vakanga vari vapenyu muna 1914, uye avo vakwegura zvikuru mumakore, havasati vachizopfuura vose panyika zvinoitika zvinofadza zvinoratidzira kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha zvisati zvaitika.—Marko 13:30.
6, 7. (a) Maidii pamsoro pe“boka guru” anoratidzira kuti dambudziko guru rinofanira kuva rave pedyo zvikuru? (b) Neiko vachitarira nguva yemberi nekariro hurusa?
6 Vamwe vabatiri vakavimbika vaMwari, vachavapowo kuti vagoona zvinoitika zvezuva iroro. Zvikurukuru kuvambira muna 1935, apo kuzivikanwa kwa“vazhinji zhinji zvikuru,” kana kuti “boka guru” kwakasanonzwisiswa, zviverengero zvikuru zvaivava zvakavamba kuzviratidzira izvo zvimene. Pakutanga kwaiva namazana, tevere zviuru, gare gare mazana ezviuru, uye zvino kwava namamirioni akapararira kupote mburumbwa. Shoko risingakanganisi raMwari rinoratidzira boka iri kuva ‘rinobuda mudambudziko guru,’ richiva vapukunyuki varo, richipfuurira kurarama ndokupinda muNhevedzo Itsva yaMwari risingambofaniri kufa. (Zvakazarurwa 7:9, 10, 14; Johane 11:26) Mitezo yapakuvamba yeiri boka zvino yava mumakore ayo ari muma 60 kana kuti muma 70 kana kuti anopfuura. Jehovha haana kubvumira kuunganidzwa kweiri boka kuvamba mukunyanyokurumidza. “Boka guru,” kubatanidza vazhinji vemitezo yaro yapakuvamba vamba, richapukunyuka ndokupinda mu“pasi idzva.”
7 Tariro ye“boka guru” haizati ichizokangaidzwa nokuparadzanya kupi nokupi kwenyukireya uko kungaparadza vanhu vose. Vaine chikonzero chakanaka ivo vane tariro uye vanoushingi. Zvinoitika zva“mazuva okupedzisira” zvazvakawadzanyurika, ivo vakazviona vaine kariro chaiyoiyo, vachishandisa kwavari vamene zano raJesu, rinoti: “Zvisimudzei imi mumene kuti tote uye simudzirai misoro yenyu kumusoro, nokuti kununurwa kwenyu kwoswedera pedyo.” (Ruka 21:28) Asika mukati menguva yasara pamberi pokununurwa ikoko, zvimwe zvezvinoitika zvinokosha zvinokatyamadza nyika zvaizoitika.
ZVINOITIKA ZVICHIRI MBERI
8. (a) Ndichinoitikai chinokosha zvikuru chakadeya kutaurwa pana 1 VaTesaronika 5:3 chichaitikawo? (b) Makore mazhinji akapfuura, ko gadziriro yakagadzwa sei nokuda kwaikoku? (c) Makore achangobva kupfuura aya, kudzvinyirirai kukuru kwave kuripo kwokusimbisira rugare rwenyika?
8 Achinongedzera kune chimwe chaizvozvi, muapostora Pauro akanyora, kuti: “Papi kana papi apo ivo vanoti: ‘Rugare nechengeteko!’ ipapo kuparadzwa kwokukurumidza kuchava kunowira pavari pakarepo kungofanana nokurwadziwa kwokutambudzika pamukadzi ane mimba; uye ivo havazati vachizopukunyuka zvamazvirokwazvo.” (1 VaTesaronika 5:3) Kuti kuzivisa ikoko kuchava nechimiroi kunosarira kuzoonwa. Asika kunocherekedzwa kuti rongedzero yakagadzwa nokukurumidza pashure pokunge nyika yapinda mu“mazuva okupedzisira.” Muna 1919 donzo reChinzwano chaMarudzi rakaziviswa kuva rokuwanwa kwe“rugare nechengeteko.” Pashure peHondo yeNyika II, Bumbiro reDonzo reChibatanwa chaMarudzi rakagadzazve “rugare nechengeteko” senharidzano huru yomutumbi iwowo wamarudzi ose. Harisati rawana nharidzano iyoyo. Zvisinei, makore achangobva kupfuura aya vanhu vomufambiro wose woupenyu vakagoverana mukuratidzira kukuru kwapamhene munyika zhinji, vachikuchidzira vatungamiriri venyika kumisa kubudiswa kwose, kuedzwa nokuparadzirwa kwezvombo zvenyukireya. Ivo vanoda simbisiro yorugare rwenyika uye ivo vanotyiswa nezvavanodavira kuti mapindukiro angava.
9. Neiko kuparadzwa kwapakarepo kuchizowira pana avo vanotsigira kuziviswa ikwokwo kwo“Rugare nechengeteko”?
9 Kunyange kungava somuuyo waikoku kana kuti chimwe chisakiso chakati kuti, vatungamiriri vohunhu vachakurumidza kuita kuziviswa kumene kunokosha kwo“Rugare nechengeteko!” Kuchangova bedzi bata kumeso. Asi avo vanokutendera vachave vachizivisa kuti ivo vakawana nharidzano yavo kupfurikidza nomutoo wavo vamene, pasina kudikanwa kwoUmambo hwaMwari. Pano uku kurambwa kwouchangamire hwaJehovha, “kuparadzwa kwokukurumidza kuchava kunowira pavari pakarepo.”
10. Ko mugariro wavakutoumbika sei nokuda kwokuparadzwa kweBhabhironi Guru?
10 Zvinoitika zvichaitika nokukurumidza. Bhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, richaparadzanywa navaichimbova vadi varo vezvamatongerwe enyika. Nechekare, vabati ushe vakasanoziva kuti rudzidziso isimba rinopirutsa iro rakamutsa ruvengo, kuteurwa kweropa nehondo kupote mburumbwa yose. Vezvamatongerwe enyika vari kuneta nokuda kwokuva vanodzvinyirirwa navakuru vakuru vorudzidziso. Murutivi rukurusa rwenyika, chiverengero chavanosvika panzvimbo dzokunamatira chakaderera zvikuru. Chimiro chendangariro chokusadavira Mwari, kunyange chichioneka kana kuti chakavanzika, chinoraira murangariro wavose. Uyewo, nyika dziri mitezo mizhinji yeChibatanwa chaMarudzi dzine miitiro yakasimba yokuramba rudzidziso. Apo nguva yakagadzwa yaMwari amene inosvika nokuda kwokuitwa kworutongeso, iye achabvumidza vezvamatongerwe enyika, muchiito chokukurumidza chamarudzi ose, kumukira Bhabhironi Guru ndokuriparadza chose chose.—Zvakazarurwa 17:15, 16; 19:1, 2.
11. (a) Ko marudzi achamukirazve vanaani? (b) Ko ikoko kuchaparira zvimwe zvinoitikaizve?
11 Akararadza norukundo irworwu uye achikuchidzirwa nomubati ushe wawo asingaoneki, Satani Dhiabhorosi, marudzi ipapo achamukira zvapupu zvakatendeka zvaJehovha amene zviri mupasi. (Ezekieri 38:14-16) Idi rokuti izvozvi vanhu vano rugare, vanochengeta mitemo vasingapindiri mune zvamatongerwe enyika kana kuti kuva nomutoro nokuda kwehondo havazati vachizorangarirwa. Marudzi acharaira kutsigirwa chose chose, kunamatwa kwetsika yezvamatongerwe enyika. Asi paanoita chiito chokuparadzanya sangano rinooneka raJehovha, Mwari achaita chiito nomutoo wokugumisa nokuda kwavabatiri vake vanovimbika, achivanunura. Mauto okudenga achaparadza chose chose chisaririra chiri chose chesangano rinooneka raSatani, achiparadza vose vanoomerera kwariri. Ipapo, muvengi mukuru, Satani Dhiabhorosi iye amene, achabatwa ndokuregedzeswa chose chose kuita basa kwamakore ane chiuru, umo kutapura kwose kwepesvedzero yake yakashata kuchava kunobviswa chose chose makuri uye ipapo pasi richashandurwa kuva Paradhiso. Pashure paikoko, Satani achasunungurwa kwenhambo pfupi yenguva, kuzoedza vanhu vakadzorerwa. Vanhu vose vanosarudza kumutevera vachaparadzwa, pamwe chete naSatani namadhemoni ake.—Zvakazarurwa 19:19-21; 20:1-3, 7-10.
KUPINZWA MU“PASI IDZVA” RAKAISVONAKA
12. (a) Ko “boka guru” richarumbidza ani nokuda kwokununurwa kwaro? (b) Ko ndivanaani vacharikumbanira mukurumbidza Mwari?
12 Vane zvinoitika zvinotyisa zvomugumo wenyika ino iripoyi shure kwavo noKutonga kweMireniyumu kwaKristu pamberi pavo, vapukunyuki vakaitirwa nyasha pasi pano vachazadzwa nokuonga kukurusa zvavanosimudzira manzwi avo mukuonga Mwari. Kupfurikidza nokunzwa kukuru kunobva mumwoyo “boka guru” richadanidzira nenzwi guru, richiti: “Ruponeso runobva kuna Mwari wedu [Jehovha], uyo agere pachigaro choumambo, nokuGwaiana [Jesu Kristu].” Uye sangano rinovimbika rokudenga raMwari, richikuchidzirwa nokunzwisisa ukoshi hukuru hweizvi zvinoitika, richakumbanirana navo mukunamata, richiti: “Ameni! Kurumbidzwa nokubwinya nouchenjeri nokuonga nokukudzwa nesimba noumhare ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperiperi. Ameni.”—Zvakazarurwa 7:10-12.
13. Ko Bhaibheri rinoratidzira sei gadziriro inoitwa yokutsigira nokuporesa vanhu?
13 Vanhu vose pakupedzisira vachaumba chaunga chakabatana chavanhu chinokudza Mwari wechokwadi, “pasi idzva” riri pasi pe“denga idzva” rinoratidzira uchangamire hworudo rwaJehovha. Richishandisa mufananidziro unofadza, bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinoratidzira betsero dzakaisvonaka dzichayererera kuvanhu panguva iyeyo kuva dziri “rwizi rwemvura youpenyu, runoonekera sekristaro, runoyerera ruchibva pachigaro choumambo chaMwari necheGwaiana” ruchidzika napakati penzira yakafara yeJerusarema Idzva rokudenga. Mumhenderekedzo dzourwu rwizi mune “miti youpenyu” inobereka zvibereko zvokutsigira avo vanozvidya namashizha okuporeswa kwamarudzi. Chinomirirwa pano ndiyo gadziriro yose inoitwa naMwari nokuda kwokuporesa nokutsigira vanhu vanodavira, vanoteerera ndokuvagonesa kufarikanya upenyu husingagumi kupfurikidza naJesu Kristu.—Zvakazarurwa 21:1, 2; 22:1, 2.
14. Ko migariro mu“pasi idzva” ichava yakasiana sei neyeyo iri munyika nhasi?
14 Migariro ichatekeshera panguva iyeyo pasi pano ichava inonyevenutsa mukusiana nechinhu chipi nechipi icho nyika yekare yakambobudisa. Kupfurikidza nokushandiswa kwebetsero dzechibairo chaKristu uye kupfurikidza nedzidzo mukuda kwaMwari, vanoteerera, kubatanidza naavo vanomutswa muvakafa, vachasunungurwa pachisaririra chiri chose chechivi uye vachabetserwa kuenderera mberi munyama, mundangariro, mupfungwa nomumudzimu kutozosvikira vasvika kukwana. Panzvimbo pokuita “mabasa enyama” anokamuranya, munhu ari wose achadzidza kuita nomutoo wakakura zvibereko zvoumwari zvakadai sorudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro nokuzvidzora. (VaGaratia 5:19-23) Kupfurikidza nomudzimu wakadaro unotekeshera, zvibereko zvapasi zvichashandiswa kugovera nomutoo worupo zvinoshaikwa zvavanhu vose. Upenyu huchava noukuru zvikuru hwerevo kupinda nakare kose vanhu zvavanoshandira pamwe chete kuzadzika donzo rapakuvamba roMusiki repasi rino navagari varo.
15. (a) Kukokai kunofadza kuri kutotambanudzirwa kuvanhu? (b) Naizvozvo, ko isu somunhu mumwe nomumwe tinofanira kuve tichiitei?
15 Mukukarira kwomufaro ikoku kwose, mudzimu waMwari nomwenga waKristu zvino vanopa kukoka kwomwoyo wose kuvanhu vari munzvimbo iri yose vachiti: “‘Uya!’ Uye munhu upi noupi anonzwa ngaati: ‘Uya!’ Uye munhu upi noupi ane nyota ngaauye; munhu upi noupi anoda ngaatore mvura dzoupenyu pachena.” (Zvakazarurwa 22:17) Nokuda kweichi chikonzero, ino haizati iri nguva yokungomirira bedzi kutozosvikira kuverengwa kwokupera kwenguva yezuva guru raJehovha kwasvika nguva yako yokuguma padambudziko guru. Wagamuchira kokero yenyasha yo“kutora mvura dzoupenyu pachena,” zvino wava neropafadzo yokutambanudzira kukoka ikoko kuna vamwe. Inguva yomubato wokushingaira kuna vose vane chishuvo chiri chokuva vapukunyuki ndokupinda mu“pasi idzva” rakaisvonaka raMwari.