Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Ko mashoko aJesu ari pana Mateo 11:24 anoreva here kuti avo Jehovha akaparadza nomwoto muSodhoma neGomora vachamutswa?
Mukupindura nokungwarira uyu mubvunzo mumakore apfuura, takakurukura mashoko aJesu ari pana Mateo 10:14, 15; 11:20-24; uye Ruka 10:13-15. Kuhwirudzurwa kwemisi ichangobva kupfuura iyi kwaikoku kunokarakadza kuti idzi ndima hadzifaniri kurangarirwa sokutaura kunoreva pamusoro penguva yemberi yavanhu veSodhoma/Gomora. Tisati tanzvera dzimwe tsinhiro dzeBhaibheri pamusoro pavanhu vakaparadzwa mumaguta iwayo, ngatirangarirei izvo Jesu akataura.
Ari muGarirea, Jesu aka“tuka maguta makanga maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka.” Iye akadudza matatu: “Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetsaidha! nokuti mabasa akaitwa mukati menyu, dai aiitwa muTire neSidhoni, vangadai vakatendeuka kare . . . Tire neSidhoni acharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuuremi. Iwe Kapernaume uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi, nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodhoma, ringadai richipona nhasi. . . . Nyika yeSodhoma icharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuura iwe.” (Mateo 11:20-24) Jesu akaita kutaura kwakafanana pakutuma vadzidzi 12 kundoparidzira, uye gare gare 70.—Mateo 10:14, 15; Ruka 10:13-15.
Pamberi pa 1964, tairangarira idzi ndima kuva dzinoreva kuti vanhu veKorazini, Bhetsaidha, uye Kapernaume vaifanirwa noruparadziko rusingagumi. Zvisinei, nyaya dzeNharireyomurindi dzomuna 1964 na 1965 dzakajekesa kuti vose vari muHadhesi, kana kuti Sheori, (guva ravose rorudzi rwomunhu) vachabuda murumuko uye pashure paikoko vacha‘tongwa mukuwirirana namabasa avo.’—Zvakazarurwa 20:13.
Nyaya idzodzo dzakarangarirawo, kuti: Mateo 11:23 uye Ruka 10:15 dzinotaura kuti Kapernaume harisati raichizosimudzirwa kudenga asi “kuburusirwa kuHadhesi,” uko, kunenge, kunokarakadza kuderedzwa kwavanhu veguta iroro. Muchikamu chamashoko chimwe chetecho, Jesu akadudza Tire neSidhoni zvakare. Mukuwirirana naEzekieri 32:21, 30, vanhu veSidhoni, avo vakashurikidzwa naMwari, vakaenda kuSheori. (Isaya 23:1-9, 14-18; Ezekieri 27:2-8) Sezvo Jesu akaenzanisa Tire/Sidhoni neSodhoma, ikoko kwakaratidzira kuti vanhu veSodhoma vakanga variwo muSheori.
Kunzverwazve kwaMateo 11:20-24, kunyanguvezvo, kwakapanikirisa kana Jesu ipapo akanga achikurukura rutongeso rusingagumi norumuko. Pfundo rake raiva rokuti vanhu vomuKorazini, Bhetsaidha, uye Kapernaume vakanga vasingagamuchiri sei, uye kuti kwakanga kusingabviri sei kuti vaizochinja kunyange muZuva roRutongeso. Kutaura kuti kwaizova ‘kwakarerukira zvikuru’ Tire/Sidhoni neSodhoma/Gomora “neZuva roRutongeso” kwakanga kuri chimiro chekatutsiro kusimbisa pfundo iro Jesu aisadikanirwa kuva akaita donzo kuti rirangarirwe chaizvoizvo, kufanana nokumwe kukatutsira kwakajeka kwaakashandisa. Somuenzaniso:
“Asi zvakareruka kuti kudenga nenyika zvipfuure, pakuti tsanga imwe yomurairo ikoneswe.” “Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.” (Ruka 16:17; 21:33; Mateo 5:18; enzanisa naVaHebheru 1:10-12.) Tinoziva kuti matenga chaiwoiwo napasi hazvisati zvichizotongopfuura. (Pisarema 78:69; 104:5; Muparidzi 1:4) Jesu akatiwo: “Kamera ingarerukirwa kupinda pavuri redumho, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.” (Marko 10:25) Zvamazvirokwazvo, Jesu haana kureva kuti hakuna mupfumi angambogona kuva mudzidzi; vamwe vomuzana rokutanga ramakore vakava maKristu akazodzwa. (1 Timotio 6:17-19) Kushandisa kwaJesu katutsiro kwakanga kuri kusimbisa kuti kwakaomera sei mupfumi kuisa Mwari pamberi pepfuma yokunyama nezvinonyaradza.—Ruka 12:15-21.
Nokudaro, kutaura kwaJesu kuti ‘kwaizova kunorerukira zvikuru Tire kana kuti Sodhoma paZuva roRutongeso’ hakuna kureva hako kuti vanhu ivavo vachavapo paZuva roRutongeso. Iye angagona zvake kuva aisimbisa kuti vazhinjisa vaiva muKorazini, Bhetsaidha, uye Kapernaume vakanga vasingagamuchiri uye vane mhaka sei. Tinotaura kuti vazhinjisa nemhaka yokuti vamwe vomuKapernaume havana kugamuchira Kristu. (Marko 1:29-31; Ruka 4:38, 39) Bva, zvikurukuru maguta iwayo akamuramba. Vamwe vavagari vawo, senavanyori navaFarise, vangave vakatotadzira mudzimu mutsvene, nokuda kwako kanganwirwo isingabviri kunyange mu‘tsika yezvinhu ichauya.’ Vanhu vakadaro vanoenda muGehena.—Mateo 12:31, 32; 23:33.
Kunze kwamashoko aJesu papfundo racho, Ezekieri 32:21, 30 inotiudza kuti vanhu vechihedheni veTire/Sidhoni vari muSheori; naizvozvo vari mumutsara worumuko. Zvakadini, ipapo, pamusoro pavagari ve“nyika yeSodhoma pazuva rorutongeso”? Idiwo zvaro rokuti Jesu akaenzanisa Sidhoni neSodhoma harisimbisi kariro dzomunguva yemberi dzavakaipa ivavo avo Mwari akaparadza nesurferi nomwoto. Asi ngationei kuti chiizve chinotaura Bhaibheri pamusoro pomubvunzo wacho.
Imwe yetsinhiro dzakananga zvikurusa iri muna Judhasi 7. Judhasi akanga achangobva kutaura nezva (1) vaIsraeri vakaparadzwa nokuda kwokushaiwa kutenda, uye (2) ngirozi dzakatadza uye ‘dzakachengetwa muzvisungo zvisingagumi nokuda kworutongeso rwezuva guru.’ Ipapo Judhasi akanyora, kuti: “SeSodhoma neGomora . . . akaitwa chiratidzo, akarohwa nomwoto usingaperi.” Rugwaro urwu rwakashandiswa kukuparadzwa chaikoiko kwamaguta nokusingaperi, kwete vanhu. Zvisinei, nemhaka yaJudhasi 5 na 6, sezvingabvira vanhu vazhinjisa vaizorangariraJud ndima 7 kureva chirango chorutongeso chavanhu vamwe navamwe. (Nenzira yakafanana, Mateo 11:20-24 yaizonzwisiswa seinotsoropodza vanhu, kwete mabwe kana kuti zvivako.) Muichi chiedza, Judhasi 7 yaizoreva kuti vanhu vakaipa veSodhoma/Gomora vakatongwa ndokuparadzwa nokusingaperi.a
Tichitarira kumwewo, tinokuwana kuchikosha kuti kanopfuura kamwe Bhaibheri rinobatanidza Mafashamo neSodhoma/Gomora. Mumashokoi akapoteredza?
Paakabvunzwa pamusoro pe“mhedziso yetsika yezvinhu,” Jesu akadeya kutaura “mugumo” unouya uye “dambudziko guru rakadai serisati rakamboitika chifo chapamavambo enyika.” (Mateo 24:3, 14, 21, NW) Iye akapfuurira kutaura nezva“mazuva aNoa” uye “chakaitika mumazuva aRoti” semienzanisiro yavanhu vasina kucherechedza nyevero pamusoro poruparadziko rwaiuya. Jesu akawedzera, kuti: “Ndizvo zvazvichaitawo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachaonekwa naro.” (Ruka 17:26-30; enzanisa naMateo 24:36-39.) Ko Jesu akanga achienzanisira chimiro chete here, kana kuti ko mashoko akapoteredza umo akashandisa iyi mienzaniso anokarakadza kuti marutongeso asingagumi aibatanidzwa here?
Gare gare, Petro akanyora pamusoro pamarutongeso aMwari nokuranga Kwake avo vanofanirwa nako. Ipapo Petro akashandisa mienzaniso mitatu: Ngirozi dzakatadza, nyika yekare yomunguva yaNoa, uye avo vakaparadzwa muSodhoma/Gomora. Wapashure, Petro akati, ‘wakagadza muenzaniso nokuda kwavanhu vasingadi Mwari wezvinhu zvichauya.’ (2 Petro 2:4-9) Pashure paikoko, iye akaenzanisa ruparadziko urwo vanhu vakatambura muBoporodzi ne“zuva [riri kuuya] rorutongeso neroruparadziko rwavanhu vasingadi Mwari.” Ikoko kunotangira matenga matsva akapikirwa napasi idzva.—2 Petro 3:5-13.
Nenzira yakafanana, pamugumo wetsika yazvino yakaipa, ko avo Mwari anouraya vachave vava norutongeso rwokupedzisira here? Ikoko ndiko kuratidza kwa 2 VaTesaronika 1:6-9: “Zvazvakarurama kuna Mwari, kuti atsive nokutambudzika ivavo vanokutambudzai; nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamwe chete nesu pakuonekwa kwaShe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake, mumwoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri evhangeri yaShe wedu, Jesu; ivo vacharohwa nokuparadzwa kusingaperi kuti vabve pamberi paShe, napakubwinya kwesimba rake.”
Pane fanano inofadza iri mukutaura kuri pakati peiyi rondedzero neizvo Judhasi akataura kuti zvakaitika muchinoitika cheSodhoma. Kupfuurirazve, Mateo 25:31-46 uye Zvakazarurwa 19:11-21 dzinoratidzira kuti “mbudzi” dzinoparadzanywa muhondo iri kuuya yaMwari dzichatambura “kuparadzanywa kusingaperi” mu“dziva romwoto,” iro rinofananidzira kuroveswa kusingagumi.b—Zvakazarurwa 20:10, 14.
Somuuyo, mukuwedzera kuizvo Judhasi 7 inotaura, Bhaibheri rinoshandisa Sodhoma/Gomora naMafashamo semienzaniso yomugumo unoparadza wetsika yazvino yakaipa. Kuri pachena, ipapoka, kuti avo Mwari akauraya mumarutongeso iwayo omunguva yakapfuura vakatambura ruparadziko rusingachinjiki. Chokwadika, mumwe nomumwe wedu anogona kusimbisa ikoko, kupfurikidza nokubvumikisa kwake kuva akatendeka kuna Jehovha zvino. Nenzira iyoyo tichakwanirisa kuva vapenyu munyika itsva kuti tione waanomutsa uye waasati. Tinoziva kuti marutongeso ake akakwana. Erihu akatipikira, kuti: “Mwari haangatongoiti zvisakarurama; wamasimba ose haangatongoiti zvakaipa.”—Jobho 34:10, 12.
[Mashoko Omuzasi]
a Pana Ezekieri 16:53-55, “Sodhoma navanasikana varo” rinodudzwa, kwete pamusoro porumuko, asi nenzira yokufananidzira pamusoro Jerusarema navanasikana varo. (Enzanisa naZvakazarurwa 11:8.) Onawo Nharireyomurindi, June 1, 1952, peji 337.
b Enzanisa ne“Mibvunzo Inobva Kuvaravi” uri muNharireyomurindi yaMay 1, 1980.