CHIDZIDZO 31
Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
Umambo hwaMwari ndihwo shoko guru riri muBhaibheri. Jehovha achashandisa Umambo ihwohwo kuti azadzise chinangwa chake chaakasikira nyika. Asi Umambo hwacho chinombova chii? Tinoziva sei kuti hwava kutotonga iye zvino? Ndezvipi zvakanaka zvahwakatoita? Uye huchaitei mune ramangwana? Mibvunzo iyi ichapindurwa muchidzidzo chino uye muzvidzidzo zviviri zvinotevera.
1. Chii chinonzi Umambo hwaMwari, uye Mambo wacho ndiani?
Umambo ihurumende yakagadzwa naJehovha Mwari. Mambo wacho, Jesu Kristu, anotonga ari kudenga. (Mateu 4:17; Johani 18:36) Bhaibheri rinoti Jesu: “Achava Mambo . . . nekusingaperi.” (Ruka 1:32, 33) Sezvo ari iye Mambo weUmambo hwaMwari, Jesu achatonga munhu wese anenge achirarama panyika.
2. Ndivanaani vanotonga pamwe chete naJesu?
Jesu haatongi ega. Pane “vanhu vemadzinza ese nemitauro nemarudzi . . . vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.” (Zvakazarurwa 5:9, 10) Vangani vachatonga naKristu? Kubvira pakauya Jesu pasi pano, mamiriyoni evanhu akava vateveri vake. Asi kunongova ne144 000 chete vanoenda kudenga kunotonga naJesu. (Verengai Zvakazarurwa 14:1-4.) Vamwe vaKristu vese vari pasi pano vachange vachitongwa neUmambo ihwohwo.—Pisarema 37:29.
3.Umambo hwaMwari hunopfuura sei hurumende dzese dzevanhu?
Vatongi vepanyika pano havana simba rekuita zvese zvavanoda kuita, kunyange kana vaine chido chekuita zvakanaka. Vanopedzisira vatsiviwa nevamwe vatongi, avo vanogona kunge vasina kana basa nezvido zvevanhu. Asi Jesu, Mutongi weUmambo hwaMwari, haasi kuzombofa akabviswa pachiiswa mumwe. Mwari akaita kuti “pave neumambo husingazomboparadzwi.” (Dhanieri 2:44) Jesu achatonga nyika yese uye anenge asingaiti zvechizivano. NdiMambo ane rudo, tsitsi, anobata vanhu zvakaenzana, uye achadzidzisa vanhu kubata vamwewo saizvozvo.—Verengai Isaya 11:9.
WEDZERA KUONGORORA
Ona kuti nei Umambo hwaMwari hwakanaka kupfuura hurumende ipi zvayo yevanhu.
4. Ihurumende ine simba ichatonga pasi rese
Jesu Kristu ane simba rekutonga rinopfuura remutongi chero upi zvake akambovako. Verengai Mateu 28:18, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Masimba akapiwa Jesu anopfuura sei emutongi chero upi zvake?
Hurumende dzevanhu dzinogara dzichichinja, uye imwe neimwe inongova nenyika yayo yainotonga. Ko Umambo hwaMwari? Verengai Dhanieri 7:14, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Nei zvichifadza kuziva kuti Umambo hwaMwari “hahuzoparadzwi”?
Nei chiri chinhu chakanaka kuti huchatonga pasi rese zvaro?
5. Utongi hwevanhu hwava kufanira kubviswa
Nei Umambo hwaMwari huchifanira kubvisa hurumende dzevanhu? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.
Ndezvipi zvakaipa zviri kukonzerwa neutongi hwevanhu?
Verengai Muparidzi 8:9, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Unofunga kuti hurumende dzevanhu dziri kufanira kutsiviwa neUmambo hwaMwari here? Nei uchidaro?
6. Vatongi vemuUmambo hwaMwari vanonyatsotinzwisisa
Sezvo Mambo wedu, Jesu, akamborarama semunhu wenyama, anogona “kutinzwira tsitsi pakusava nesimba kwedu.” (VaHebheru 4:15) Jehovha ndiye akasarudza varume nevakadzi 144 000 vakatendeka avo vachatonga pamwe chete naJesu achivatora muvanhu “vemadzinza ese nemitauro nemarudzi.”—Zvakazarurwa 5:9.
Unofunga kuti zvinonyaradza here kuziva kuti Jesu nevamwe vaachatonga navo vanonyatsonzwisisa zvakaita upenyu hwemunhu wenyama? Nei uchidaro?
7. Mitemo yeUmambo hwaMwari inonyatsobatsira vanhu
Hurumende dzinogadza mitemo nechinangwa chekubatsira uye kudzivirira vanhu vadzinotonga. Umambo hwaMwari hune mitemo inofanira kutevedzerwawo nevanhu vahunotonga. Verengai 1 VaKorinde 6:9-11, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Unofunga kuti nyika ichange yaita sei kana munhu wese ava kurarama achitevedzera mitemo yaMwari yekuzvibata?a
Tingati Jehovha anenge achiomesera vanhu vanotongwa neUmambo here paanovati vatevedzere mitemo iyi? Nei uchidaro?
Chii chinoratidza kuti vanhu vasiri kuteerera mitemo iyi vanogona kuchinja?—Ona vhesi 11.
MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Chii chinonzi Umambo hwaMwari?”
Ungamupindura sei?
PFUPISO
Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo iri kudenga ichatonga pasi rese.
Kudzokorora
Ndivanaani vanotonga muUmambo hwaMwari?
Umambo hwaMwari hunopfuura sei hurumende chero ipi zvayo yevanhu?
Ndezvipi zvimwe zvinotarisirwa naJehovha kuvanhu vanotongwa neUmambo?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Verenga unzwe kuti Jesu akadzidzisa kuti Umambo huri kupi.
“Umambo hwaMwari Huri Mumwoyo Mako Here?” (Nyaya iri paIndaneti)
Nei Zvapupu zvaJehovha zvichisarudza kutsigira Umambo hwaMwari pane kutsigira hurumende dzevanhu?
Ongorora kuti Bhaibheri rinotii nezvevanhu 144 000 vanosarudzwa naJehovha kuti vanotonga naJesu.
Chii chakaita kuti mumwe mukadzi aiva mujeri ave nechokwadi chekuti Mwari achaita kuti pave nenyika inobatwa vanhu vese zvakaenzana?
“How I Found the Answer to Injustice” (Awake!, November 2011)
a Mimwe yemitemo iyi yekuzvibata ichakurukurwa muChikamu 3.