Upenyu hwaJesu Noushumiri
Zano Kuna Marta, Uye Muraidzo Pamunyengetero
MUKATI moushumiri hwaJesu hweJudhea, iye anopinda mumusha weBhetania. Umu ndimo umo Marta, Maria, uye hanzvadzi yavo Razaro vanogara. Zvichida Jesu akasangana naava vatatu pakuvamba muushumiri hwake naizvoizvo anotova noushamwari hwapedyo navo. Zvisinei hazvo, Jesu zvino anoenda kumusha kwaMarta uye anogamuchirwa naye.
Marta anodisa kugovera Jesu zvakanakisisa zvikuru zvaanazvo. Zvamazvirokwazvo, rukudzo rukuru kushanyirwa naMesia akapikirwa mumusha mako! Naizvozvo Marta anobatikana mukugadzirira zvokudya zvakasanogadzirwa nokutarisira humwe hudzame hwakawanda hwakarongedzerwa kuita kuti kugara kwaJesu kuve kunofarikanywa zvikuru nokunofadza.
Pane rumwe rutivi, munun’una waMarta Maria anogara pasi patsoka dzaJesu uye anomuteerera. Pashure penguva yakati, Marta anosvika uye anoti kuna Jesu: “Ishe, hamune hanya muchiona munun’una wangu achindirega ndichishanda ndoga here? Muudzei andibatsire.”
Asi Jesu anoramba kutaura chinhu chipi nechipi kuna Maria. Panzvimbo pezvo, iye anopa zano Marta nokuda kwokunyanyoitira hanya zvinhu zvokunyama. “Marta, Marta,” iye anotsiura nomutsa achiti, “unofunganya, nokuzvitambudza nezvinhu zvizhinji, asi chinhu chimwe chinodikanwa.” Jesu ari kutaura kuti hakusi madikanwa kupedza nguva yakawanda achigadzirira zvokudya zvakawanda. Zvishomanene bedzi kana kuti kunyange chokudya chimwe chete zvakakwana.
Vavariro dzaMarta dzakanaka; iye anoda kuva mugamuchiri ane mutsa. Bva, kupfurikidza nengwariro yake yokuitira hanya kuzvinhu zvokunyama, iye ari kurasikirwa nebanza rokugamuchira muraidzo womunhu oga unobva kuMwanakomana amene waMwari! Naizvozvo Jesu anogumisa, achiti: “Maria wakasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.”
Gare gare, pane imwe nhambo, mumwe mudzidzi anokumbira Jesu, kuti: “Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johane sezvaakadzidzisa vadzidzi vakewo.” Sezvinobvira uyu mudzidzi akanga asipo rinenge gore rimwe nehafu rapfuura pamberi pezvi apo Jesu akagovera munyengetero womuenzaniso muMharidzo yake yapaGomo. Naizvozvo Jesu anodzokorora miraidzo yake asi ipapo anopfuurira kupa muenzanisiro kuti asimbise kudikanwa kwokuva wenguva dzose mumunyengetero.
“Ndianiko kwamuri, ungava neshamwari,” Jesu anovamba, “akaenda kwaari pakati pousiku, akati kwaari: ‘Shamwari, ndiposewo zvingwa zvitatu, nokuti shamwari yangu iri parwendo yakasvika kwandiri, zvino handina chandingamupakurira.’ Uri mukati akapindura, akati: ‘Usandinetsa; mukova watopfigwa, navana vangu vava neni panhovo; handingamuki ndikakupa.’ Ndinoti kwamuri: Kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, kunyange zvakadaro, nokuda kwokutsungirira kwake, uchamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa.”
Kupfurikidza neiyi enzanisiro Jesu haarevi kuti Jehovha Mwari haadisi kupindura zvikumbiro zvedu, sezvakanga zvakaita shamwari yomunhau yake. Aiwa, asi iye ari kuratidzira kuti kana shamwari isingadisi ichizopindura zvichemo zvenguva dzose, ndoda Baba vedu vokudenga vane rudo! Naizvozvo Jesu anopfuurira, kuti: “Ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa. Nokuti mumwe nomumwe unokumbira, unopiwa; unotsvaka, unowana; nounogogodza, unozarurirwa.”
Jesu ipapo anonongedzera kuna vanababa vasina kukwana, vanotadza, achiti: “Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove, vangamupa nyoka panzvimbo yehove here? Kana akakumbira zai, vangamupa chinyavada here? Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei [mudzimu mutsvene (NW)] vanokumbira kwaari!” Zvamazvirokwazvo, ikurudziro inosunda yakadini inogovera Jesu yokuva venguva dzose muminyengetero. Ruka 10:38–11:13.
◆ Neiko Marta achigadzirira Jesu zvikuru kudaro?
◆ Chii chinoita Maria, uye neiko Jesu achimuonga panzvimbo paMarta?
◆ Chii chakasunda Jesu kudzokorora miraidzo yake pamunyengetero?
◆ Jesu anoenzanisira sei kudikanwa kwokuva wenguva dzose mumunyengetero?