“Tidzidzisei Kunyengetera”
“Mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: ‘Ishe, tidzidzisei kunyengetera.”—RUKA 11:1.
1-3. (a) Neiko vadzidzi vaJesu vakatsvaka muraidzo pamunyengetero? (b) Mibvunzoi pamusoro pomunyengetero inomuka?
VAMWE vanhu vane chipo chenzwi rakaisvonaka rokuimba. Vamwe vane unyanzvi hwomuzvarirwo savaimbi. Asi kuti vasvike pakukwanisa kwavo kukurusa, kunyange ava vaimbi navaridzi vezviridzwa vanoda muraidzo. Kwakafanana nomunyengetero. Vadzidzi vaJesu Kristu vakasvika pakuziva kuti vaida muraidzo kana Mwari aizonzwa minyengetero yavo.
2 Jesu kazhinji kazhinji aienda kuna Baba vake ari oga mumunyengetero, sezvaakaita kwousiku hwose pamberi pokusarudza vaapostora 12. (Ruka 6:12-16) Kunyange zvazvo iye akakurudzirawo vadzidzi vake kunyengetera vari voga, vakamunzwa achitaura minyengetero yapachena ndokucherekedza kuti akanga asina kufanana navanyengeri vorudzidziso vakanyengetera kuti vaonekwe navanhu. (Mateo 6:5, 6) Nenzira ine mufungo, ipapoka, vateveri vaJesu vaishuva muraidzo wake wakakwirira pamunyengetero. Nokudaro, tinorava, kuti: “Zvino wakati achinyengetera pane imwe nzvimbo, apedza, mumwe wavadzidzi vake akauya kwaari akati: ‘Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johane [Mubhapatidzi] sezvo akadzidzisa vadzidzi vake!’”—Ruka 11:1.
3 Jesu akapindura sei? Chii chatinogona kudzidza mumuenzaniso wake? Uye tinogona sei kubetserwa nomuraidzo wake pamunyengetero?
Zvidzidzo Nokuda Kwedu
4. Nei tichifanira “kuramba tichinyengetera,” uye kuita kudaro kunorevei?
4 Tinogona kudzidza zvakawanda mumashoko aJesu nomuenzaniso somunhu womunyengetero. Chimwe chidzidzo ndechokuti kana Mwanakomana akakwana waMwari aifanira kunyengetera nguva dzose, vadzidzi vake vasina kukwana vane dikanwo huru zvikuru yokutaura kuna Mwari nguva dzose nokuda kwenhungamiro, nyaradzo, uye tsigiro yomudzimu. Nokudaro, tinofanira “kunyengetera nguva dzose.” (1 VaTesaronika 5:17, NW) Chokwadika, ikoku hakusati kuchireva kuti tinofanira nguva dzose kupfugama chaizvoizvo. Panzvimbo pezvo, tinofanira kuva nechimiro chokunyengetera nguva dzose. Tinofanira kutarira kuna Mwari nokuda kwenhungamiro mumativi ose oupenyu kuti tigogona kuita nenzwisiso ndokuva netendero yake nguva dzose.—Zvirevo 15:24.
5. Chii chingavhiringidza nguva yatinofanira kupa kumunyengetero, uye chii chatinofanira kuita pamusoro paichochi?
5 Muano “mazuva okupedzisira,” zvinhu zvizhinji zvinogona kudzongonyedza nguva yatinofanira kupedzera mumunyengetero. (2 Timotio 3:1) Asi kana zvinetso zvemhuri, itiro hanya dzebhizimisi, uye zvakafanana zvichivhiringidzana nomunyengetero wenguva dzose kuna Baba vedu vokudenga, takaremerwa zvikuru nefunganyo dzoupenyu huno. Mugariro wakadaro unofanira kururamiswa pasina nonozeko, nokuti kundikano yokunyengetera inotungamirira kukurasikirwa nokutenda. Tinofanira kuderedza misengwa yedu yokunyika kana kuti zvimwe kudzikamisa funganyo dzoupenyu nokutendeudzirwa kwapachokwadi zvikuru kunodzokororwa kwemwoyo yedu kuna Mwari nokuda kwenhunganiro. Tinofanira kuva “vakachenjera, musvinure kuti munyengetere.”—1 Petro 4:7.
6. Munyengeteroi watichafunda zvino, uye nedonzoi?
6 Mune wakadanwa kuti munyengetero womuenzaniso, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera, kwete chaizvoizvo chokutaura. Nhauro yaRuka inoti sianei neiyo yaMateo nemhaka yokuti nhambo dzakasiana dzakabatanidzwa. Tichafunda uyu munyengetero somuenzaniso wechimiro cheminyengetero yedu savateveri vaJesu uye Zvapupu zvaJehovha.
Baba Vedu Nezita Ravo
7. Ndivanaani vakaropafadzwa kutaura Jehovha sa“Baba vedu”?
7 “Baba vedu vari mumatenga.” (Mateo 6:9, NW; Ruka 11:2) Sezvo Jehovha ari Musiki worudzi rwomunhu uye achigara munzvimbo yokudenga, kwakakodzera kutaura kwaari sa“Baba vedu vari mumatenga.” (1 Madzimambo 8:49; Mabasa 17:24, 28) Kushandiswa kweshoko rokuti “vedu” kunobvuma kuti vamwewo vane ukama hwapedyo naMwari. Asi ndivanaani vane ropafadzo isina kuganhurirwa yokutaura kwaari saBaba wavo? Vanhu vamwe navamwe bedzi vari mumhuri yake yavanamati vakazvitsaurira, vakabhapatidzwa. Kuidza Jehovha kuti “Baba vedu” kunoratidzira kuti tine kutenda muna Mwari ndokuziva kuti hwaro bedzi hweyananiso naye kugamuchirwa kwakazara kwechibairo chorudzikinuro chaJesu.—VaHebheru 4:14-16; 11:6.
8. Nei tichifanira kushuva kupedzera nguva mumunyengetero kuna Jehovha?
8 Tinofanira kunzwa tiri pedyo sei naBaba vedu vokudenga! Savana vasingatongoneti nokuenda kuna baba vavo, tinofanira kushuva kupedza nguva mumunyengetero kuna Mwari. Kuonga kukuru nokuda kwezvikomborero zvake zvomudzimu nezvokunyama kunofanira kutisunda kumuonga nokuda kworunako rwake. Tinofanira kunzwa tichidisa kuendesa kwaari mitwaro inotiremedza, tine chivimbo chokuti iye achatisimbisa. (Pisarema 55:22) Tinogona kuva nechokwadi chokuti kana takatendeka, chinhu chiri chose chichanaka pakupedzisira nemhaka yokuti anotiitira hanya.—1 Petro 5:6, 7.
9. Munyengetero wokutsveneswa kwezita raMwari chikumbiro nokuda kwechii?
9 “Zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateo 6:9, NW; Ruka 11:2) Shoko rokuti “zita” pane dzimwe nguva rinoratidzira munhu amene, uye “kutsvenesa” kunoreva “kuita chitsvene, kutsaura kana kuti kuyeresa.” (Enzanisa naZvakazarurwa 3:4.) Chaizvoizvo, ipapoka, munyengetero wokutsveneswa kwezita raMwari chikumbiro chokuti Jehovha aite chimwe chinhu kuzvitsvenesa amene. Seiko? Kupfurikidza nokubvisa ruzvidzo rwose rwunotutirwa nguva dzose pazita rake. (Pisarema 135:13) Nedonzo iroro, Mwari achabvisa uipi, achazvirumbidza amene, uye kuita kuti marudzi azive kuti ndiye Jehovha. (Ezekieri 36:23; 38:23) Kana tichishuva kuona zuva iroro ndokunzwisisa chaizvoizvo uchangamire hwaJehovha, tichamusvika nguva dzose nomudzimu wokuremekedza unorehwa namashoko okuti “zita renyu ngaritsveneswe.”
Umambo hwaMwari Nokuda Kwake
10. Chii chinorehwa apo tinonyengetera Umambo hwaMwari kuti huuye?
10 “Umambo hwenyu ngahuuye.” (Mateo 6:10; Ruka 11:2, NW) Umambo hunorehwa pano ndihwo utongi hwouchangamire hwapose pose hwaJehovha, sohunoratidzirwa kupfurikidza nehurumende yokudenga youMesia mumaoko aJesu Kristu navasonganiri vake “vatsvene.” (Dhanieri 7:13, 14, 18, 27; Isaya 9:6, 7; 11:1-5) Chii chinorehwa nokuhunyengeterera kuti hu“uye”? Ikoku kunoreva kuti tinokumbira kuti Umambo hwaMwari hurwisane navashori vose vapasi voutongi hwoumwari. Pashure pokunge Umambo ‘hwaputsanya nokugumisa maumambo ose apasi,’ huchachinja pasi kuva paradhiso yapasi pose.—Dhanieri 2:44; Ruka 23:43.
11. Kana tichishuva kuona kuda kwaMwari kuchiitwa muchisiko chose chapose pose, tichaitei?
11 “Kuda kwenyu ngakuitike, somudenga, napasi panowo.” (Mateo 6:10, NW) Ichi chikumbiro chokuti Mwari aite donzo rake kupasi, iro rinobatanidza kubvisa vavengi vake. (Pisarema 83:9-18; 135:6-10) Kutaura idi, kunoreva kuti tinoshuva kuona kuda kwoumwari kuchiitwa muchisiko chose chapose pose. Kana ikoko kuri mumwoyo wedu, tichaita kuda kwaJehovha nguva dzose kusvikira kuhunani hwamano edu. Hatingagoni kuita nenzira yokutendeseka chikumbiro chakadaro kana tisina kuedza zvapachokwadi kuita kuti kuda kwaMwari kuitwe kwatiri timene. Kana tichinyengetera neiyi nzira, ipapoka, tinofanira kuva nechokwadi chokuti hatiiti zvinhu zvinopesana nokuda ikoko, zvakadai sokunyenga asingatendi kana kuti kugamuchira nzira dzenyika. (1 VaKorinte 7:39; 1 Johane 2:15-17) Panzvimbo pezvo, tinofanira nguva dzose kurangarira mufungo wokuti, ‘Chii chiri kuda kwaJehovha muiyi nhau?’ Hungu, kana tichida Mwari nomwoyo wedu wose, tichatsvaka nhungamiro yake muzvinhu zvose zvoupenyu.—Mateo 22:37.
Zvokudya Zvedu Zvezuva Nezuva
12. Kukumbira ‘zvokudya zvezuva nezuva’ bedzi kune muuyoi wakanaka patiri?
12 “Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvakatiringana.” (Mateo 6:11) Nhauro yaRuka inorava, kuti: “Mutipei zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvinotiringana.” (Ruka 11:3) Kukumbira Mwari kugovera zvokudya zviri madikanwa “zvanhasi” kunosimudzira kutenda mumano ake okutarisira zvinodikanwa zvedu zuva nezuva. VaIsraeri vaifanira kuunganidza mana “mumwe nomumwe zuva rimwe nerimwe,” kwete yevhiki kana kuti kupfuura. (Eksodho 16:4) Iwoyu hausati uri munyengetero wezvokudya zvakaisvonaka negadziriro zhinji asi wezvinodikanwa zvedu zvezuva nezuva sezvo zvinomuka. Kukumbira bedzi zvokudya zvezuva nezuva kunobetserawo kusava namakaro.—1 VaKorinte 6:9, 10.
13. (a) Mumurangariro mukuru, chii chinorehwa nokukumbira zvokudya zvezuva nezuva? (b) Chii chinofanira kuva chimiro chedu, kunyange kana tikashanda zvakaoma ndokungova nezvakakwana chete zvokurarama nazvo?
13 Mumurangariro mukuru, kukumbira zvokudya zvezuva nezuva kunoratidzira kuti hatinzwi takazvimirira asi kutarira nguva dzose kuna Mwari nokuda kwezvokudya, zvokunwa, zvokupfeka, uye zvimwe zvinodikanwa. Semitezo yakazvitsaurira yemhuri yake yavanamati, tinovimba naBaba vedu asi hatigari tisingashandi nokuvamirira kutigovera nenzira yenenji. Tinoshanda uye tinoshandisa mutoo upi noupi watinogona kushandisa kuwana zvokudya nezvimwe zvinodikanwa. Bva, nenzira yakarurama tinotenda Mwari mumunyengetero nemhaka yokuti seri kwegadziriro idzodzi tinoona rudo, schenjeri, simba zvaBaba vedu vokudenga. (Mabasa 14:15-17; enzanisa naRuka 22:19.) Shingairo yedu ingaguma nebudiriro. Asi kunyange kana tikashanda zvakaoma ndokuva nezvisingakwani, ngationgei ndokugutsikana. (VaFiripi 4:12; 1 Timotio 6:6-8) Kutaura idi, munhu woumwari ane zvokudya zvavose nezvipfeko angafara zvikuru kupfuura vamwe vakabudirira mune zvokunyama. Naizvozvo kunyange kana tine zvishoma nemhaka yemigariro yatisingagoni ksdzora, ngatiregei kuora mwoyo. Tinongogona kuva vakapfuma mumudzimu. Zvamazvirokwazvo, hatifaniri kuva varombo mukutenda, mutariro, uye murudo nokuda kwaJehovha, kwaari rumbidzo yedu nokuonga zvinokwira mumunyengetero womwoyo wose.
Kukanganwira Mhosva Dzedu
14. Tinokumbira kanganwirwo nokuda kwemhosvai, uye Mwari anoshandisei kwadziri?
14 “Mutikanganwirei mhosva dzedu sezvatinokanganwirawo vane mhosva nesu.” (Mateo 6:12) Nhauro yaRuka inoratidza kuti mhosva idzodzo zvivi. (Ruka 11:4) Kutadza kwakagarwa nhaka kunotidzivisa kuita zvinhu zvose mukuwirirana nokuda kwakakwana kwaBaba vedu. Mumurangariro wakati, naizvozvo, uku kukundikana kwave kuri mhosva dzedu, kana kuti misengwa kuna Mwari, sezvo takatanga ‘kurarama nokufamba nomudzimu.’ (VaGaratia 5:16-25; enzanisa naVaRoma 7:21-25.) Tine idzi mhosva nemhaka yokuti hatina kukwana uye hatigoni zvino kuwirirana zvizere nemipimo yaMwari. Kuri nokuda kwekanganwirwo yeizvi zvivi kuti takaropafadzwa kunyengetera. Nomufaro, Mwari anogona kushandisa runako rwechibairo chorudzikinuro chaJesu kuidzi mhosva, kana kuti zvivi.—VaRoma 5:8; 6:23.
15. Chimiroi chatinofanira kuva nacho kuchirango chinodikanwa?
15 Kana tichikarira Mwari kukanganwira mhosva dzedu, kana kuti zvivi, tinofanira kuva vanopfidza navanodisa kugamuchira chirango. (Zvirevo 28:13; Mabasa 3:19) Nemhaka yokuti Jehovha anotida, iye anotipa chirango chatinoda somunhu oga kuti tigogona kururamisa utera hwedu. (Zvirevo 6:23; VaHebheru 12:4-6) Chokwadika, tinogona kuva vanofara kana kukura mukutenda nezivo kukawana mwoyo wedu uri mukuwirirana zvizere kwazvo nemitemo yaMwari nenheyo zvokuti hatitongodariki nomwero upi noupi wamaune. Asi zvakadiniko kana tikawana maune mukuita kwedu chakaipa? Ipapo tinofanira kurwadziwa zvikuru uye tinofanira kunyengetera zvapachokwadi nokuda kwekanganwiro. (VaHebheru 10:26-31) Kushandisa zano ratinenge tagamuchira, tinofanira kururamisa nzira yedu nokukurumidza.
16. Nei kuchibetsera kuramba tichikumbira Mwari kukanganwira zvivi zvedu?
16 Kukumbira Mwari nguva dzose kutikanganwira zvivi zvedu kunobetsera. Kuita ikoku kunochengeta kutadza kwedu kuri pamberi pedu uye kunofanira kuva nomuuyo unozvininipisa. (Pisarema 51:3, 4, 7) Tinoda kuita kuti Baba vedu vokudenga “vatikanganwire zvivi zvedu uye . . . kutinatsa pakusarurama kwose.” (1 Johane 1:8, 9, NW) Uyezve, kududza zvivi zvedu mumunyengetero kunotibetsera kuramba tichirwa zvakasimba nazvo. Nokudaro tinoyeuchidzwawo nguva dzose nezvokuda kwedu rudzikinuro norunako zveropa rakadeurwa raJesu.—1 Johane 2:1, 2; Zvakazarurwa 7:9, 14.
17. Ko kunyengetera nokuda kwekanganwirwo kunotibetsera sei muukama hwedu navamwe?
17 Kunyengetera nokuda kwekanganwirwo kunotibetserawo kuva vane ngoni, vane tsitsi, uye vane rupo kuavo vangava vane mhosva nesu munhau huru neduku. Nhauro yaRuka inoti: “Mutikanganwirei zvivi zvedu, nokuti nesu tinokanganwira vose vane mhosva nesu.” (Ruka 11:4) Kutaura idi, tingawana kanganwiro inobva kuna Mwari kana bedzi takato“kanganwira vane mhosva nesu,” vanhu vanotitadzira. (Mateo 6:12; Marko 11:25) Jesu akawedzera, kuti: “Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwirawo; asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakukanganwiriiwo kudarika kwenyu.” (Mateo 6:14, 15) Kunyengetera nokuda kwekanganwirwo yezvivi zvedu kunofanira kutisunda kushivirira vamwe ndokuvakanganwira. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “[Jehovha, NW] sezvaakakukanganwirai, muite saizvoizvo nemiwo.”—VaKorose 3:13; VaEfeso 4:32.
Muedzo Nowakaipa
18. Nei tisingatongofaniri hedu kushora Mwari nokuda kwemiedzo yedu nemiidzo?
18 “Regai kutiisa pakuidzwa.” (Mateo 6:13; Ruka 11:4) Aya mashoko haarevi kuti Jehovha anotiedza kuti tiite chivi. Magwaro pane dzimwe nguva anotaura nezvokuita kwaMwari kana kuti kuparira zvinhu zvaanongobvumidza zvake. (Rute 1:20, 21; enzanisa naMuparidzi 11:5.) Asi “Mwari haangaidzwi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho. (Jakobho 1:13) Naizvozvo, tisatongoshore Baba vedu vokudenga nokuda kwemiedzo nemiidzo nezvinhu zvakaipa, nokuti Satani ndiye Muedzi uyo anoedza kutipinza mukutadzira Mwari.—Mateo 4:3; 1 VaTesaronika 3:5.
19. Tinganyengetera sei pamusoro pomuedzo?
19 Nechikumbiro chokuti, “Regai kutiisa pakuidzwa,” isu chaizvoizvo tinokumbira Jehovha kuti asatibvumire kutera apo tinoedzwa kana kuti tinodzvinyirirwa kusamuteerera. Tinogona kukumbira Baba vedu kutungamirira nhano dzedu kuti parege kuva nomuedzo unouya kwatiri wakanyanyotikombera. Muna ikoku, Pauro akanyora, kuti: “Hakuna muidzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.” (1 VaKorinte 10:13) Tinogona kunyengetera kuti Jehovha atitungamirire kuti tirege kuedzwa kupfuura patinogona kutsungirira uye kuti iye agovere nzira yokubuda nayo apo tinenge taora mwoyo zvikuru. Miedzo inobva kuna Dhiabhorosi, nyama yedu inotadza, uye utera hwavamwe, asi Baba vedu vane rudo vanogona kutitungamirira kuti tisakundwa.
20. Kunyengetererei kununurwa pano “wakaipa”?
20 “Asi mutirwirei pano wakaipa.” (Mateo 6:13) Zvamazvirokwazvo Mwari anogona kudzivisa Satani, “wakaipa,” pakutikunda. (2 Petro 2:9) Uye hakuna kutongova nokudikanwa kukuru zvikuru kwenunurwo muna Dhiabhorosi kupfuura zvino, nokuti ‘akatsamwa zvikuru achiziva kuti nguva yake yava pfupi.’ (Zvakazarurwa 12:12) Hatisati tiri vasingazivi mazano aSatani, asi iye haasati ari asingaziviwo nezvoutera hwedu. Nokudaro, tinofanira kunyengetera kuti Jehovha atidzivise paudzori hwoMuvengi akafanana neshumba. (2 VaKorinte 2:11; 1 Petro 5:8, 9; enzanisa nePisarema 141:8, 9.) Somuenzaniso, kana tichifarira kuroora, tingada kukumbira Jehovha kutinunura mumazano aSatani uye mumuedzo wokusakurira ukama hwenyika uhwo hunogona kutungamirira kuutere kana kuti kukusateerera Mwari kupfurikidza nokuroora asingatendi. (Dheuteronomio 7:3, 4; 1 VaKorinte 7:39) Ko tinoshuva pfuma here? Ipapo munyengetero ungadikanwa kutibetsera kudzivisa muedzo wokubhejera kana kuti kushandisa nyengedzo. Achidisa kuparadza ukama hwedu naJehovha, Satani achashandisa chombo chiri chose chinobva mudura rake rezvombo zvemiedzo. Naizvoizvo ngatipfuurirei kunyengetera kuna Baba vedu vokudenga, avo vasati vachitongosiya vakarurama kumuedzo uye avo vanogovera rununuro pane wakaipa.
Munyengetero Unovaka Kutenda Netariro
21. Takabetserwa sei nokunyengeterera Umambo?
21 Baba vedu vokudenga, avo vanotinunura pano wakaipa, vanofarira kutikomborera zvikuru. Bva, nei iye akabvumira kwenguva refu yakadaro vanhu vake vanodiwa kunyengetera kuti, “Umambo hwenyu ngahuuye”? Eya, mumakore apfuura, kunyengetera neiyi nzira kwakawedzera chishuvo chedu nokuonga Umambo. Munyengetero wakadaro unotiyeuchidza nezvedikanwo huru yeiyi hurumende ine mutsa yokudenga. Unochengetawo pamberi pedu tariro youpenyu muutongi hwoUmambo.—Zvakazarurwa 21:1-5.
22. Chii chinofanira kuva chimiro chedu chinopfuurira kumunyengetero kuna Baba vedu vokudenga, Jehovha?
22 Nenzira isingapanikirwi munyengetero unovaka kutenda muna Jehovha. Chisungo chedu naye chinosimbiswa apo anopindura minyengetero yedu. Naizvozvo, tisatongoneta kutendeukira kwaari zuva nezuva nerumbidzo, kuonga, uye mukumbiro. Uye ngationgei mhinduro inobetsera yaJesu kuchikumbiro chavateveri vake, chokuti: “Ishe, tidzidzisei kunyengetera.”
Unoyeuka Here?
◻ Zvidzidzoi zvatinogona kudzidza mumashoko aJesu nomuenzaniso somunhu womunyengetero?
◻ Tinofanira kunyengetererei pamusoro paBaba vedu vokudenga nezita ravo?
◻ Tiri kukumbirei patinonyengeterera zvokudya zvedu zvezuva nezuva?
◻ Chii chinorehwa patinonyengetera nokuda kwekanganwirwo yemhosva dzedu?
◻ Nei kuchikosha kunyengetera pamusoro pomuedzo nokununurwa muna Satani, wakaipa?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Vateveri vaJesu vakamukumbira kuvadzidzisa kunyengetera. Unoziva here kubetserwa kwatinogona kuitwa nemirairidzo yake?