Kufamba naMwari—Tichifunga Nezvekusaguma
“Isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.”—MIKA 4:5.
1. Nei Jehovha achigona kunzi “Mambo asingagumi”?
JEHOVHA MWARI haana kuva namavambo. Zvakafanira kuti anonzi “Wakakwegura Pamazuva,” sezvo kuvapo kwake kuchidzokera shure kusina mugumo. (Dhanieri 7:9, 13) Jehovha achavapowo nokusingagumi munguva yemberi. Iye oga ndiye “Mambo asingagumi.” (Zvakazarurwa 10:6; 15:3, NW) Uye mumeso ake, makore ane chiuru “akangofanana nezuva razuro kana rapfuura, senguva yokurinda usiku.”—Pisarema 90:4.
2. (a) Ndechipi chiri chinangwa chaMwari nokuda kwavanhu vanoteerera? (b) Tariro dzedu nezvirongwa tinofanira kuzviisa pachii?
2 Sezvo Mupi woupenyu asingagumi, aigona kupa vanhu vaviri vokutanga, Adhama naEvha, kariro youpenyu husingagumi muParadhiso. Zvisinei, nemhaka yokusateerera, Adhama akarasa kodzero youpenyu husingaperi, achipfuudzira chivi norufu kuvazukuru vake. (VaRoma 5:12) Asi, kupanduka kwaAdhama hakuna kudzivisa chinangwa chaMwari chapakuvamba. Jehovha anoda kuti vanhu vanoteerera vararame nokusingaperi, uye achaita zvinangwa zvake asingakundikani. (Isaya 55:11) Zvakafanira sei kana zvakadaro, kuti tiise tariro dzedu nezvirongwa pakunamata Jehovha tichifunga kudaro nokusingagumi. Nepo tichida kuramba tichifunga nezve“zuva raMwari,” zvinokosha kuyeuka kuti vavariro yedu ndeyokufamba naMwari nokusingaperi.—2 Petro 3:12.
Jehovha Anoita Chiito Panguva Yake Yaakaronga
3. Tinoziva sei kuti Jehovha ane “nguva yakatemwa” yokuita zvinangwa zvake?
3 Seavo vanofamba naMwari, tinofarira zvikuru kuita zvaanoda. Tinoziva kuti Jehovha Muchengeti Wenguva Mukuru, uye tine chivimbo chokuti haambokundikani kuita zvinangwa zvake panguva yake yaakaronga. Somuenzaniso, “nguva yacho yakati yanyatsokwana, Mwari akatumira Mwanakomana wake.” (VaGaratia 4:4, NW) Muapostora Johane akaudzwa kuti pakanga pane “nguva yakatemwa” yokuti zvinhu zvouporofita zvaakaona muzviratidzo zvizadzike. (Zvakazarurwa 1:1-3, NW) Pane “nguva yakatemwa yokuti vakafa vatongwe.” (Zvakazarurwa 11:18, NW) Makore anopfuura 1 900 akapfuura, muapostora Pauro akafuridzirwa kutaura kuti Mwari “wakatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama.”—Mabasa 17:31.
4. Tinoziva sei kuti Jehovha anoshuva kugumisa gadziriro ino yezvinhu yakaipa?
4 Jehovha achagumisa gadziriro ino yezvinhu yakaipa, nokuti zita rake riri kuzvidzwa munyika yanhasi. Vakaipa vawanda. (Pisarema 92:7) Nemashoko avo nezviito, vanotuka Mwari, uye zvinomurwadza kuona vabatiri vake vachitukwa nokutambudzwa. (Zekaria 2:8) Hazvishamisi kuti Jehovha akataura kuti sangano rose raSatani richakurumidza kuparadzwa! Mwari akasarudza kuti izvi zvichaitika rini chaizvoizvo, uye kuzadzika kwouporofita hweBhaibheri kunojekesa kuti zvino tiri kurarama mu“nguva yokupedzisira.” (Dhanieri 12:4) Achakurumidza kukomborera vose vanomuda.
5. Roti naHabhakuki vakaona sei mamiriro ezvinhu akanga akavapota?
5 Vabatiri vaJehovha vomunguva yakapfuura vaishuva kuona kuguma kwouipi. Roti wakarurama “wakanga afa neshungu nokuda kwomufambire woutere wavakashata.” (2 Petro 2:7) Achishungurudzwa nemamiriro ezvinhu aiva munguva yake, muporofita Habhakuki akateterera kuti: “Haiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira riniko, imi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamusoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi. Munondiratidzireiko zvakaipa, munotarireiko zvisakarurama? Nokuti kuparadza nokuita nesimba zviri pamberi pangu; rukave ruripo, uye kukakavara kunomuka.”—Habhakuki 1:2, 3.
6. Jehovha akatii paakapindura munyengetero waHabhakuki, uye tinogona kudzidzei mune izvi?
6 Murutivi, Jehovha akapindura Habhakuki namashoko aya: “Zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.” (Habhakuki 2:3) Nokudaro Mwari akaita kuti zvizivikanwe kuti aizoita chiito pa“nguva yakatarwa.” Kunyange zvingaita sezvanonoka, Jehovha achaita chinangwa chake—nyange zvodini!—2 Petro 3:9.
Kushanda Nokushingaira Tisinganeti
7. Kunyange zvazvo Jesu akanga asingazivi nguva chaiyoiyo yaizouya zuva raJehovha, akaita sei mabasa ake?
7 Tinofanira kuziva nguva chaiyoiyo yezviitiko zvaJehovha kuti tifambe naMwari nokushingaira here? Aiwa, hatifaniri hedu. Funga nezvemimwe mienzaniso. Jesu aifarira zvikuru nguva yaizoitwa kuda kwaMwari pasi pano sezvakunoitwa kudenga. Zvechokwadi, Kristu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengetere kuti: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” (Mateo 6:9, 10) Kunyange zvazvo Jesu aiziva kuti chikumbiro ichi chaizopindurwa, akanga asingazivi kuti zvaizoitika rini chaizvoizvo. Muhuporofita hwake hukuru pamusoro pomugumo wegadziriro ino yezvinhu, akati: “Kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga.” (Mateo 24:36) Sezvo Jesu Kristu achikosha mukuitika kwezvinangwa zvaMwari, achabatanidzwa zvakananga mukuparadzwa kwavavengi vaBaba vake vokudenga. Zvisinei, Jesu paaiva pasi pano, iyewo akanga asingatozivi kuti Mwari aizoita chiito rini. Izvozvo zvakamuita kuti asanyanya kushingairira basa raJehovha here? Kana! Pavakaona Jesu achishingairira kuchenesa temberi, “vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa, kuchinzi: Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.” (Johane 2:17; Pisarema 69:9) Jesu akaramba akazvibatikanisa zvizere nebasa raakatumirwa kuti aite, uye akariita nokushingaira asinganeti. Akanamatawo Mwari achifunga nezvekusaguma.
8, 9. Vadzidzi pavakabvunza nezvekudzorerwa kwoUmambo, vakaudzwa kutii, uye vakaita sei?
8 Ndozvaivewo zvakaita vadzidzi vaKristu. Jesu akasangana navo ava kutoda kuenda kudenga. Nhoroondo yacho inoti: “Zvino ivo, vakati vaungana, vakamubvunza, vachiti: Ishe, modzosera ushe kuna vaIsraeri nenguva ino here?” Kufanana naTenzi wavo, vaishuva kuti Umambo huuye. Asi, Jesu akapindura achiti: “Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo. Asi muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene wauya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu paJerusarema, napaJudhea rose, napaSamaria, nokusvikira kumugumo wenyika.”—Mabasa 1:6-8.
9 Hapana chinhu chinoratidza kuti vadzidzi vakaodzwa mwoyo nemhinduro iyi. Panzvimbo pazvo, vakazvibatikanisa nokushingaira nebasa rokuparidza. Mumavhiki mashoma, vakanga vazadza Jerusarema nokudzidzisa kwavo. (Mabasa 5:28) Uye mumakore 30, vakanga vakudza basa ravo rokuparidza zvokuti Pauro aigona kutaura kuti mashoko akanaka akaparidzirwa “zvisikwa zvose pasi nokudenga.” (VaKorose 1:23) Kunyange zvazvo Umambo husina ‘kudzorerwa kuna Israeri’ sokukarira kusina kururama kwakanga kwaita vadzidzi uye husina kutangwa kudenga munguva yavakararama, vakaramba vachinamata Jehovha nokushingaira vachifunga nezvekusaguma.
Kunzvera Vavariro Dzedu
10. Kusaziva kuti Mwari achaparadza gadziriro yaSatani rini kunotigonesa kuratidza chii?
10 Vabatiri vaJehovha vamazuva ano vanoshuvawo kuona kuguma kwegadziriro ino yezvinhu yakaipa. Zvisinei, chinhu chatinonetsekera zvikuru, hakusi kuponeswa kwedu ndokupinda munyika itsva yaMwari yakapikirwa. Tinoda kuona zita raJehovha richitsveneswa uye uchangamire hwake huchirevererwa. Nemhaka yeizvi, tinogona kufara kuti Mwari haana kutiudza ‘zuva kana kuti nguva’ yakatemwa yokuparadzwa kwegadziriro yaSatani. Izvi zvinoita kuti tipe uchapupu hwokuti takasarudza kufamba naMwari nokusingaperi nemhaka yokuti tinomuda uye kwete nemhaka yokuti tine zvishuvo zvenguva pfupi, zvoudyire.
11, 12. Kutendeka kwaJobho kwakaedzwa sei, uye muedzo iwoyo unoshanda sei kwatiri?
11 Kuramba takatendeka kuna Mwari kunotibetserawo kuratidza kuti Dhiyabhorosi akanga asina kururama paakapomera Jobho akarurama—nokudaro navanhu vakafanana naye—kuti vanonamata Mwari nemhaka youdyire. Jehovha apedza kurondedzera mubatiri wake somunhu usina chaangapomerwa, wakarurama, unotya Mwari, nenzira yakaipa Satani akabvunza kuti: “Jobho unotya Mwari pasina here? Hamuna kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, nezvose zvaanazvo, pamativi ose? Makaropafadza mabasa amaoko ake, uye pfuma yake yakawanda panyika. Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye uchakushorai pachena.” (Jobho 1:8-11) Nokuramba akatendeka paaiedzwa, Jobho akabvumikisa kutaura uku kwakaipa kuva nhema.
12 Nokuomerera zvakafanana panzira yokutendeka, tinogona kuratidza kuti kupomera kupi nokupi kwaSatani kwokuti tinonamata Mwari nemhaka bedzi yokuti tinoziva kuti mubayiro wava pedyo ndokwenhema. Kusaziva nguva chaiyo yepachatongwa vakaipa naMwari kunotipa mukana wokuratidza kuti tinoda Jehovha zvechokwadi uye tinoda kufamba nenzira dzake nokusingaperi. Zvinoratidza kuti takavimbika kuna Mwari uye tinovimba nenzira dzake dzokugadzirisa zvinhu. Uyezve, kusaziva zuva nenguva kunotibetsera kushingaira nokumuka mumudzimu nemhaka yokuti tinoziva kuti mugumo ungauya chero nguva ipi zvayo, sembavha usiku. (Mateo 24:42-44) Nokufamba naJehovha zuva nezuva, tinofadza mwoyo wake ndokupindura Dhiyabhorosi, anomushora.—Zvirevo 27:11.
Ronga Nezvekusaguma!
13. Bhaibheri rinoratidzirei pamusoro pokuronga nezveramangwana?
13 Avo vanofamba naMwari vanoziva kuti kuchenjera kurongera nguva yemberi zvine mufungo. Vachiziva zvinetso nekuganhurira kunoita kukwegura, vanhu vakawanda vanoedza kushandisa zvakanaka upwere hwavo nesimba kuitira kuti makore anotevera oupenyu hwavo agova akachengeteka munyaya dzemari. Zvakadini nenguva yedu yemberi yomudzimu inotokosha zvikuru? Zvirevo 21:5 inoti: “Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji; asi ani naani unokurumidzisa unongovangira kushaiwa.” Kuronga pachine nguva tichifunga nezvekusaguma zvechokwadi kune zvakwakanakira. Sezvatisingazivi kuti chaizvoizvo mugumo wegadziriro ino yezvinhu uchauya rini, tinofanira kufunga nezvezvatichada munguva yemberi. Asi ngativei pakati napakati ndokutanga kuita zvinoda Mwari muupenyu. Vanhu vasina kutenda vangagumisa kuti kuisa pfungwa dzako dzose pakuita kuda kwaMwari kuonera pedyo usingafungi zviri mberi. Asi ndizvo here?
14, 15. (a) Jesu akataura muenzaniso upi nezvezvirongwa zveramangwana? (b) Nei mupfumi womuzuva raJesu aionera pedyo?
14 Jesu akataura nezvomuenzaniso unojekesa nhau iyi. Akati: “Nyika yomumwe mufumi yakanga yabereka kwazvo; akafunga mumwoyo make, akati: Ndichaita seiko? Nokuti handina pandingaunganidzira zvibereko zvangu. Akati: Ndichaita kudai: Ndichaputsa matura angu, ndikavaka makuru; ndichaunganidzirapo zviyo zvangu, nezvose zvangu zvakanaka, ndigoti kumweya wangu: Mweya, une zvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji; zorora, udye, unwe, ufare. Asi Mwari akati kwaari: Iwe benzi, nousiku uhwu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira, zvichagova zvani? Ndizvo zvakaita munhu unozviunganidzira pfuma, asingapfumi kuna Mwari.”—Ruka 12:16-21.
15 Jesu akanga ari kuratidza kuti mupfumi akanga asingafaniri kunge akashanda nesimba kuti ave neramangwana rakachengeteka papfuma here? Aiwa, nokuti Magwaro anokurudzira kushanda nesimba. (2 VaTesaronika 3:10) Mhosho yakaitwa nomupfumi yaiva yokuti haana kuita zvaidikanwa kuti a“pfum[e] kuna Mwari.” Kunyange zvake akanga ava noupfumi hwake kwamakore akawanda, aizongoguma afa. Aionera pedyo, asingafungi nezvekusaguma.
16. Nei tichigona kuvimba naJehovha nokuda kweramangwana rakachengeteka?
16 Kufamba naJehovha tichifunga nezvekusaguma kunoshanda uye kuona zviri kure. Ndiyo nzira yakanakisisa yokuronga nayo ramangwana. Nepo kuronga zvirongwa zvine chokuita nechikoro, basa, uye mitoro yemhuri kuri kuchenjera, nguva dzose tinofanira kuyeuka kuti Jehovha haambosiyi vabatiri vake vakavimbika. Mambo Dhavhidhi akaimba kuti: “Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiyiwa.” (Pisarema 37:25) Nenzira yakafanana Jesu akavimbisa kuti Mwari achapa vose vanotanga kutsvaka Umambo ndokufamba nenzira dzaJehovha dzakarurama.—Mateo 6:33.
17. Tinoziva sei kuti mugumo wava pedyo?
17 Kunyange hazvo tichinamata Mwari tichifunga nezvekusaguma, tinoramba tichirangarira zuva raJehovha. Kuzadzika kwouporofita hweBhaibheri kunopupurira zvakasimba kuva pedyo kwezuva iroro. Zana rino ramakore rakazadzwa nehondo, zvirwere, kudengenyeka kwenyika, uye kuperevedza kwezvokudya, pamwe nokutambudzwa kwavaKristu vechokwadi nokuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika yose. Zvose izvi zvinhu zvenguva yokuguma kwegadziriro ino yezvinhu yakaipa. (Mateo 24:7-14; Ruka 21:11) Nyika yakazara neavo “vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo,vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari.” (2 Timotio 3:1-5) Mumazuva ano akaoma, upenyu hwakatiomera isu savabatiri vaJehovha. Tinoshuva sei zuva apo Umambo hwaJehovha huchaparadza kuipa kwose! Munguvayi, ngatitsungei kuramba tichifamba naMwari tichifunga nezvekusaguma.
Kunamata Tichifunga Nezvoupenyu Husingagumi
18, 19. Chii chinoratidza kuti vakatendeka vekare vainamata Mwari vachifunga nezvekusaguma?
18 Sezvatinofamba naJehovha, ngatirangarirei kutenda kwaAbheri, Enoki, Noa, Abrahama, uye Sara. Apedza kuvataura, Pauro akanyora kuti: “Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa, vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika.” (VaHebheru 11:13) Vakatendeka ivavo “va[i]da imwe inopfuura nokunaka, ndiyo yokudenga.” (VaHebheru 11:16) Mukutenda, vaikarira nzvimbo iri nani inotongwa noUmambo hwaMesiya waMwari. Tingava nechokwadi chokuti Mwari achavapa mubayiro noupenyu husingagumi munzvimbo iyoyo iri nani—Paradhiso yapasi inotongwa noUmambo.—VaHebheru 11:39, 40.
19 Muporofita Mika akataura kutsunga kwavanhu vaJehovha kunamata Mwari nokusingagumi. Akanyora kuti: “Marudzi ose avanhu anofamba, rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.” (Mika 4:5) Kusvikira afe, Mika akanamata Jehovha nokuvimbika. Paachamutsirwa munyika itsva, hapana mubvunzo kuti muporofita iyeye acharamba achifamba naMwari nokusingagumi. Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini kwatiri isu vamwe tiri kurarama munguva yomugumo chaiyo!
20. Tinofanira kutsunga kuitei?
20 Jehovha anoonga rudo rwatinoratidza zita rake. (VaHebheru 6:10) Anozviziva kuti zvakaoma kuti tirambe takaperera kwaari munyika ino inotongwa naDhiyabhorosi. Nepo “nyika i[chi]pfuura nokuchiva kwayo;” zvisinei, “unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.” (1 Johane 2:17; 5:19) Tichibetserwa naJehovha, ipapoka, ngatisarudzei kutsungirira miedzo yatinowana zuva nezuva. Kufunga kwedu namararamiro ngazvive pazvikomborero zvakaisvonaka zvakapikirwa naBaba vedu vokudenga vane rudo. Izvi zvinogona kuva zvedu kana tikaramba tichifamba naMwari tichifunga kudaro nokusingagumi.—Judhasi 20, 21.
Ungapindura Sei?
◻ Chinangwa chaMwari nokuda kwavanhu vanoteerera ndechei?
◻ Nei Jehovha asati aita chiito chokugumisa nyika isingadi Mwari?
◻ Nei kusaziva kuti Mwari achaita chiito rini chaizvo kusingafaniri kuderedza kushingaira kwedu?
◻ Ndezvipi zvimwe zvinobetsera kufamba naMwari tichifunga nezvekusaguma?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kufamba naMwari kunoda kuti timunamate nokushingaira sezvakaita vadzidzi vokutanga vaKristu