-
Mwari Anokoka Vanhu Vakaita Sei Kumabiko Ake?Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
“Mumwe murume akanga achigadzirira kudya kwemanheru kukuru, uye akakoka vazhinji. Zvino akatuma muranda wake . . . kunoti kune vaya vakakokwa, ‘Uyai, nokuti zvinhu zvagadzirwa zvino.’ Asi vose zvavo vakatanga kukumbira kuti vasavapo. Wokutanga akati kwaari, ‘Ndakatenga munda uye ndinoda kuenda kunouona; ndinokukumbira kuti, Ngaandiregererewo.’ Mumwe akati, ‘Ndakatenga zvipani zvishanu zvemombe uye ndiri kuenda kunodziedza; ndinokukumbira kuti, Ngaandiregererewo.’ Mumwezve akati, ‘Ndichangobva kuroora mudzimai saka handigoni kuuya.’”—Ruka 14:16-20.
Zvikonzero izvozvo hazvina kana nemusoro! Munhu anowanzotanga aongorora munda kana kuti zvipfuwo asati atenga, saka kana atotenga hapasisina chekumhanyira. Murume wechitatu haasi kugadzirira kuroora. Akatoroora kare, saka izvozvo hazvingamutadzise kuenda kumabiko anokosha aakokwa. Paanonzwa tuzvikunzero utwu, tenzi wacho anogumbuka oudza muranda wake kuti:
-
-
Mwari Anokoka Vanhu Vakaita Sei Kumabiko Ake?Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Zvichangobva kutaurwa naJesu zvinonyatsoratidza zvakaitwa naJehovha Mwari paakaita kuti Jesu Kristu akoke vanhu kuti vazovawo muUmambo hwekumatenga. VaJudha, kunyanyanyanya vatungamiriri vechitendero ndivo vakatanga kukokwa. Pamakore ose oushumiri hwaJesu, vakawanda vavo vakaramba kukokwa. Asi havasirivo chete vaizokokwa. Jesu ari kuratidza zviri pachena kuti mune ramangwana vaJudha vaitarisirwa pasi uye vemamwe marudzi vakatendeukira kuchiJudha, vachakokwawo. Zvadaro vanhu vaionekwa nevaJudha sekuti havakodzere pamberi paMwari vaizokokwawo.—Mabasa 10:28-48.
-