Ganhuro 21
Kugamuchirwa Kwoushamwari Kwaavo Vanodzoka
1. Rudzii rwavanhu vari kutsanangurwa muganhuro ino?
KUNA vanhu vazhinji avo pane imwe nguva vakanga vambowana zvokwadi yeBhaibheri zvakaringanira kuziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi uye kunzwisisa chimwe chinhu pamsoro pamadonzo ake. Kunyange zvazvo vasati vari Zvapupu zvaJehovha, ivo vangave vakafunda Bhaibheri neZvapupu. Kana kuti zvimwe vabereki vavo vaiva Zvapupu. Vazhinji vaivava vakapinda misangano yakati kuti paHoro yoUmambo. Vangatove vakambova norutivi mukugovera shoko roUmambo kuna vamwe. Asika ivo havana kupira upenyu hwavo kukuita kuda kwaMwari. Vakaregerereiko?
2. (a) Neiko ivo vakasiya sangano raJehovha? (b) Neiko vachivamba kushuva kuti kudai vaidzokazve?
2 Nyika inogovera zvinoyevedza izvo ivo vangafunga kuti ivo vanoda, zvinhu zvavanorangarira kuti zvichawedzera kufarikanya kwavo upenyu, nokudaro vanotsauka pasangano raJehovha mukuronda kwavo zvinhu zvakadaro. Zvisinei, mukufambira mberi kwenguva vamwe vaivava vanoziva kuti havana kuwana rudzi rwoupenyu rwavaikarira. Vanomuka paidi rokuti kana ivo vakapfuurira sezvavari, ivo vachaparara pamwe chete nenyika. Ivo havana kukanganwa kuchengeteka nokuwanda kwomudzimu mu“imba” yaJehovha, uye vanoda kuvamozve. Asika Jehovha achavagamuchira here?
MWANAKOMANA ANOPAMBADZA ANODZOKA
3. (a) Mumufananidzo womwanakomana anopambadza, kurondedzerai uko Jesu akapa nezvomugariro mumwe chetewo? (b) Ko baba vanofananidzira ani?
3 Mhinduro inoratidzirwa mumufananidzo waJesu unosanozivikanwa womwanakomana anopambadza. Somuenzanisiro, Jesu akazivisa pamsoro pomumwe murume akanga ana vanakomana vaviri. Muduku akakumbira baba vake mugove wake wepfuma. Auwana, akaenda kunyika iri kure, uko iye akapambadza chinhu chiri chose muupenyu hwokusazvibata. Nenzira iyoyo akaita zvinhu mukupambadza. Apo nzara yakarovanya nyika iyoyo, jayaro, mukushaiwa kwokupererwa nezano, rakamanikidzirwa kufudza nguruve, asi akanga asingabvumirwi kunyange kudya zvokudya zvadzo. Adzungaidzwa nezvinetso zvakamumomotera, pfungwa dzake dzakadzoka. Iye akayeuka manakire akanga akaita upenyu kunyange nokuda kwavashandi vomuimba yababa vake, nokudaro iye akarunda kudzoka. Iye aizobvuma nzira yake yokuita chivi ndokukumbira kugamuchirwazve, kwete somwana, asi somubati anoripirwa mari. (Ruka 15:11-19) Asika pashure pezvinhu zvose zvaakanga aita, ko baba vake vaizomurega achidzoka here? Ko Jehovha, uyo akanga achimirirwa nababa muno uyu mufananidzo, aizorangarira sei kudzoka kwomwanakomana akadaro?
4. Ko baba vakagamuchira sei mwanakomana wavo paakadzoka?
4 Achisanoratidzira kurangarira kwaJehovha munhauyo, Jesu akapfuurira, kuti: “Apo [mwanakomana muduku] akanga achiri kure, baba vake vakamuona nokudaro vakanzwa tsitsi, nokudaro vakamhanya vakamufungatira pamutsipa wake vakamusveta norudo rukuru. Ipapo mwanakomana akati kwavari, ‘Baba, ini ndakatadzira denga nemi. Ini handisati ndichafanirazve kunzi mwanakomana wenyu. Ndiitei somumwe wavashandi venyu.’ Asi baba vakati kuvaranda vavo, ‘Kurumidzai! unzai nguwo, yakaisvonakisisa, mumupfekedze iyo, uye pfekedzai mhete paruoko rwake neshangu patsoka dzake. Uye unzai mhuru yakakodzwa, muibaye tidye ndokufarikanya isu timene, nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa uye wadzokazve kuupenyu; akanga arashika akawanwa.’ Nokudaro ivo vakatanga kufara.”—Ruka 15:20-24.
KO MUFANANIDZO WACHO UNOSHANDA SEI NHASI?
5. (a) Ndivanaani vakafananidzirwa nomwanakomana wedangwe mumufananidzo waJesu? (b) Ko zvino, ndivanaani vakafananidzirwa nomunun’una, mupambadzi?
5 Muno uyu muenzanisiro mukoma, dangwe, nomutoo wakakodzera anowirirana ne“ungano yamatangwe ayo akanyorwa mumatenga.” (VaHebheru 12:23) Zvakadini nomunun’una? Iye anofanira kumirira boka risati riri “boka duku” iro rine tariro yokudenga. Haasati ari ose a“mamwe makwai” aShe anokodzera kurondedzerwa kwomunun’una, asi mamwe anodaro. Kunyange kuunganidzwa kwa“mamwe makwai” kusati kwacherekedzwa zvikurukuru, kutangira muna 1935, kwaiva navanhu avo vaiziva kuti Jehovha ndiye bedzi Mwari wechokwadi. Vaiziva nezvetariro youpenyu hwapasi muUmambo hwake, uye ivo havana kuzvivira vamene nomufungo upi noupi wokuva ve“ungano yamatangwe” ine tariro dzokudenga. Asi panzvimbo pokuzvipira vamene kubasa raJehovha, ivo vakava vanonyura muzvinorondwa zvenyika. Vakatora ‘mitoo yokurarama nayo’ iyo Mwari akavapa, nguva noupenyu zvaakavabvumira kuva nazvo, ndokushandisa izvi nokuda kwokuzvigutsa kwoudyire hwavo vamene. Asi muna 1935 apo vabatiri vaJehovha vakatanga kusanonzwisisa kuzivikanwa kwe“boka guru,” vazhinji vaiwirirana nomunun’una nomwoyo wose vakazvipa vamene nokuda kwebasa muimba yaBaba. Yakanga iri nguva yokufara kwakadai sokwakarondedzerwa naJesu muno uyu mufananidzo.
6. Mukuzadzika, ko vamwe vanhu vakaratidzira sei chimiro chendangariro chomukoma, asi ikoku kwakaitika kuvakasarira vose here?
6 Ichokwadi kuti, panguva iyeyo, haasati ari munhu wose akagoverana muno uku kufarira kusvika kweboka raimirirwa nomunun’na. Mumufananidzo wake Jesu akaratidzira kuti ikoku kwaizoitika. Asi havasati vari vose vakasarira ve“boka duku” vakaratidzira mudzimu wakadaro, uye mumuenzanisiro wake Jesu akasiya nzira yakazarukira kunyange avo pakutanga vasina kufadzwa, kugoverana mumufaro uyo Jehovha iye amene akava nawo apo vatadzi vakadaro vanopfidza zvechokwadi.—Ruka 15:7, 10, 25-32.
7, 8. (a) Mumakore achangobva kupfuura aya azvino uno, chii chakaparira vamwe kuva kure neimba yaJehovha? (b) Ko vamwe vakarangarira munzirai somwanakomana anopambadza? (c) Vanofanirireiko kudzoka?
7 Zvisinei, chifo chezvinoitika izvozvo zvapakati pama 1930 vamwe vakaziva kuti ivowo, muna mamwe mativi vakafanana nomwanakomana iyeyo anopambadza. Ivo vakasanorovedzana neimba yomudzimu yaJehovha, sangano rake rinooneka, asi mararamire avo akavaendesa kure naro, sokunge kuti ku“nyika iri kure.” Ivo havana kushora vabatiri vaJehovha, asi mararamire avo vamene ave asati ari mutsinhirano nemipimo yeShoko raMwari. Vangave vakavakira havo upenyu hwavo hwose pabasa ravo rokunyika nokwavari vamene asi vakakundikana kupa ukoshi hwakafanira kumisengwa yavo pamberi paMwari nokukomba kwenguva dzatiri kurarama madziri. Vamwe vakatsamwiswa nokusakwana kwavamwe vaisonganirana neungano panguva iyeyo uye ivo havana kumirira nomutoo wokushivira Jehovha kururamisa nhau. Asika vose vaivava vakapinda mumigariroi apo ivo vakazviparadzanisa vamene neimba yokutenda?
8 Mukufambira mberi kwenguva, vamwe vakaziva kuti ivo vakanga vava vasina chinhu mumudzimu. Vanogona kuona kuti nhambo pfupi dzipi kana dzipi dzomufaro dzavanadzo hadziziri kuvaunzira mufaro usingaperi. Vangawanawo kuti mararamire avo ari kuvakuvadza munyama, mupfungwa nomumudzimu. Nechomukati vanganzwa vasine chinhu, sezvinoita vose avo vasina Mwari uye vasina tariro. (VaEfeso 2:12) Vanoziva kuti nguva bedzi yavakanga vachifara zvomenemene yakanga iri mu“imba” yaJehovha. Vanoda kudzoka. Vanofanira here? Ko ibetseroi inobvira ingavapo inobva mukupfuurira vari mumugariro wavo wourombo? Kunonozeka kungava kune ngozi. Kana vakapfuurira kuomerera kunyika, apo iyo inoparadzwa ivo vacharashikirwa noupenyu hwavo.
9. (a) Neiko Jehovha achida kuti vanhu vakadaro vadzoke? (Ezekieri 18:23) (b) Chii chinodikanwa kwavari?
9 Asika vanhu vakadaro vanogona kudzoka here? Nomutoo woushamwari Jehovha anovakoka kudzoka, uye sangano rake rinooneka rinogovera betsero yorudo kuavo vanodaro. (Zekaria 1:3, 4) Chii chinodikanwa? Sezvakaratidzirwa mumufananidzo waJesu, pfungwa dzavo dzinofanira kudzoka, vatange kuita chiito chokudzoka ndokubvuma kuti vakatadzira Mwari. Kana ivo vakapinda mumufambiro wakaipisisa usati uri wechiKristu, vanofanira kupa hufakazi hunopwisa kuvakuru kuti ivo zvino vakasiya mararamire iwawo uye vapfidza chaizvoizvo. Chishuvo chavo chokudisisa chinofanira zvino kuva chokubatira Jehovha sorutivi rwesangano rake rinooneka. (Ruka 15:18-21; Zvirevo 28:13) Kana zvirizvo chaizvoizvo zviri mumwoyo wavo, vanogona kusimbisira kuti kusiya kwavo nzira dzavo dzakashata nemifungo uye kudzokera kuna Jehovha kuchavigira mufaro mukuru. (Isaya 55:7) Zvisinei, kuti mufaro wavo umene ugotambanuka kupfuura mufaro wokuva vanogamuchirwa noushamwari zvakare paHoro yoUmambo, kuvakwazve kwakanaka kwomudzimu kunodikanwa.
KUVAKIRA PANHEYO YAKANAKA
10. (a) Ko vapfidzi vanodikanirwa kukudziridza chimiroi chendangariro kumipimo yaJehovha? (b) Ko ivo vangakudziridza sei ukama chaihwoihwo hwavo vamene naJehovha?
10 Kunokosha zvikuru kuti vapi navapi vanodzokera kuimba yaJehovha vave vanosanorovedzana namativi akasiana-siana ohunhu hwaJehovha uye kukudziridza ukama chaihwoihwo hwavo vamene naye. Vanodikanirwa kuziva kuti zvose izvo Jehovha anoda kwatiri zviri zvikurukuru nokuda kwokubetserwa kwedu timene. Mirairo yake haibvisi mufaro muupenyu asi, panzvimbo pakwo, inotitaviridzira pakuita zvinhu zvingavigira mufaro wechinguvana asi zvichiparira muuyo wakakomba. (Isaya 48:17; VaGaratia 6:7, 8) Paanotiranga, kuri nokuda kwokutida kwake. (Zvirevo 3:11, 12) Kufunda kwedu timene kunoteverwa nokufungisisa pamsoro pezvinodzidzwa, munyengetero womwoyo wose nokugaropinda misangano kuchatibetsera kudzidza kuvimba kwedu zvizere naJehovha, kutarira kwaari nokuda kwenhungamiro muchinhu chiri chose chatinoita.—Zvirevo 3:5, 6.
11. Ko avo vakatsauka vangabetserwa sei ne (a) kukudziridza kuvenga ushati? (b) kutsvaka kunzwisisa? (c) kubvumirana mukushandisa mipimo youmwari? (d) kudzidza kurangarira muuyo wechinhu chipi nechipi chavanorongedzera kuita? (e) kuratidzira kuitira hanya kworudo vamwe?
11 Avo vakatsauka vangave vakaziva chakanga chakarurama nechakanga chisino kururama. Asika zvino ivo vanofanirawo kukudziridza kuvenga ushati uye vanofanira kupfuurira kuita kudaro chero bedzi chichivapoteredza. (Pisarema 97:10) Ivo vachabetserwa muna ikoku kana vachitsvaka isati ichingova bedzi zivo asiwo kunzwisisa. Kutanga, ikoku kunobatanidza kuona zvinhu mukuwirirana naMwari. Tinodikanirwa kuziva mitoo yakasiana-siana yaanotirairidza kupfurikidza nayo uye kuti kudavidza kwedu zano rake kunotapura sei ukama hwedu naye. (Zvirevo 4:7; 9:10) Tinofanira kunzwisisa kukosha kwokuva vanobvumirana, vanoshandisa mipimo yaJehovha nguva yose, muchinhu chiri chose chatinoita. (Tito 2:11, 12; 1 VaTesaronika 4:7) Kungwarira kunofanirawo kushandiswa kurangarira usati uchingova bedzi mufaro wechinguvana asi icho muuyo wezvisarudzo zvedu ungabvumikisa kuva. (Enzanisa Zvirevo 20:21; 23:17, 18; VaHebheru 11:24-26.) Tinofanirawo kuitira hanya nomutoo worudo pamsoro pomuuyo pana vamwe wezvinhu zvatinotaura nokuita.—VaRoma 15:1, 2.
12. (a) Ko kusvinurira kuchii pamsoro paSatani nemitoo yake kuchatibetsera kutitaviridza? (b) Chii chinodikanirwa kukurira muno uku kurwa?
12 SamaKristu tichasimbaradzwa zvikurukuru kupfurikidza nokuziva kuti tiri pakati pehondo yomudzimu. Muvengi wedu mukuru ndiSatani Dhiabhorosi, pamwe chete namadhimoni ake. Kupfurikidza nomutoo uri wose unobvira iye anotsvaka kutitsausa pabasa rinokosha roUmambo iro Jehovha akatipa kuti tiite. Nharidzano yake ndeyokutinyengedza kurerutsa mipimo yaJehovha, kuva rutivi rwenyika iyo iye ari mubati ushe wayo. Misungo yake inowanzokuchidzira zvishuvo zvenguva dzose (nokuda kwomufaro, nyaradzo yokunyama, rudo nechidakadaka), asi iye anotikuchidzira kutanhamarisa zvishuvo zvakadaro kunoshatsa donzo razvo kana kuti kuzvigutsa nenzira dzisina kufanira. Kupfurikidza nokushandisa zvizere chipfeko chesimbi chinogoverwa naMwari tingagona kuva vakuriri muno uku kurwa nokuda kwoupenyu hwedu hwomudzimu.—VaEfeso 6:11-18.
13. (a) Ko tingagona sei kuwana zororo remweya yedu? (b) Neiko kubatira Jehovha mukutevedzera Kristu kuchitivigira zvomenemene mufaro?
13 Jesu akataura kuti kudai taizouya kwaari ndokutora “joko” rake, taizowana zororo remweya yedu. (Mateo 11:29, 30) Kuisa “joko” pauri umene kunoreva kubatira. Asika kubatira Jehovha mukutevera Mwanakomana wake kunounza zororo rechokwadi. Kunodaro sei? Nokuti kunovigira rusununguko chairwo. Hatisati tichirizve varanda vechivi, vari muuranda kwachiri, tichiita zvinhu zvatinoziva kuti hatifaniri kuita uye zvimwe tichishuva kuti kudai tisaizviita. (Johane 8:32, 34-36) Kana hunhu hwechiKristu hwedu huchivakirwa pana Jesu Kristu senheyo, tichanzwisisa basa rake mudonzo raJehovha, tichamuteerera ndokudzidza kwaari. Iye akafarira kuita kuda kwaBaba vake. Tichadzidza kuitawo ikoko. (Johane 4:34; Pisarema 40:8) Nokuda kwokuomerera kumipimo yetsika yaMwari tichave tichikwanisa kufarikanya hana yakachena. Panzvimbo pokungozviraramira timene bedzi, tichawana mufaro unobva mukupa. (Mabasa 20:35) Upenyu huchava hune donzo chairoiro nokuda kwedu. Kupfuura zvose, tichava nomufaro wokuziva kuti tine nyasha dzaJehovha amene, Baba wavose vanova vanakomana vake.—Zvirevo 10:22.