-
Mwanakomana Akarasika AnodzokaJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Zvose izvi zviri kuitika mwanakomana mukuru ari kumunda. Jesu anotaura kuti mukomana uyu paakabva kumunda “akasvika pedyo nepamba akanzwa mumhanzi nokutamba. Naizvozvo akashevedza mumwe wevashandi, akabvunza kuti zvinhu izvi zvairevei. Iye akati kwaari, ‘Munun’una wenyu auya, uye baba venyu vauraya nzombe duku yakakodzwa, nokuti vamuwanazve akagwinya.’ Izvi zvakamushatirisa zvokuti akaramba kupinda mukati. Baba vake vakabva vabuda, vakatanga kumuteterera. Achipindura, iye akati kuna baba vake, ‘Tarirai ava makore mazhinji kwazvo ndichikushandirai uye handina kumbodarika murayiro wenyu kana kamwe chete zvako, asi hamuna kumbondipa mbudzana kana kamwe chete zvako kuti ndifare neshamwari dzangu. Asi pangosvika mwanakomana wenyu uyu akadya zvinhu zvenyu zvose zvokurarama nazvo nemahure, mamuurayira nzombe duku yakakodzwa.’”—Ruka 15:25-30.
Ndivanaani vanga vachishora Jesu nekuti anga achiitira mutsa vanhu vakaderera nevatadzi kungofanana nekushora kuri kuita mwanakomana mukuru uyu zvaitwa nababa vake? Vanyori nevaFarisi. Kushora kwavanga vachiita Jesu nokuti anogamuchira vatadzi, ndiko kwaita kuti ataure mufananidzo uyu. Zvataurwa naJesu izvi zvinofanirawo kupa chidzidzo kumunhu wose anoshora mutsa waMwari kuvatadzi vanopfidza.
-
-
Mwanakomana Akarasika AnodzokaJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Jesu haatauri zvakazoitwa nemwanakomana mukuru. Asi Bhaibheri rinotaura kuti pashure perufu nekumutswa kwaJesu, “boka guru revapristi rakatanga . . . kutenda.” (Mabasa 6:7) Boka iri rinogona kusanganisira vamwe varipo Jesu achitaura mufananidzo wemwanakomana akarasika. Izvi zvinoratidza kuti kunyange vapristi vaigonawo kupengenuka, vopfidza zvivi zvavo, vodzokera kuna Mwari.
-