Zvapupu zvechiKristu Zvine Ugari Hwekudenga
“Nokuti nyika yedu iri kudenga.”—VAFIRIPI 3:20.
1. Chinangwai chinoshamisa icho Jehovha anacho pamusoro pavamwe vanhu?
VANHU vamwe navamwe vakaberekwa savanhu vapasi vachatonga samadzimambo navaprista mudenga, kunyange pamusoro pengirozi. (1 VaKorinte 6:2, 3; Zvakazarurwa 20:6) Izvokwadi inoshamisa zvakadini iyoyo! Bva, Jehovha akaiita chinangwa, uye anoizadzika kupfurikidza neMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu Kristu. Neiko Musiki wedu achiita chinhu chakadaro? Uye zivo yayo inofanira kutapura muKristu sei nhasi? Ngationei kuti Bhaibheri rinopindura sei iyi mibvunzo.
2. Johane Mubhapatidzi akazivisa chinhui chitsva icho Jesu akanga achizoita, uye ichi chinhu chitsva chakanga chakabatana nechii?
2 Apo Johane Mubhapatidzi akanga achigadzirira Jesu nzira, akazivisa kuti Jesu aizoita chimwe chinhu chitsva. Chinyorwa chacho chinoti: “[Johane] akaparidza, achiti: Shure kwangu kunouya mumwe une simba kupfuureni, wandisina kufanira kukotama kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Ini ndakakubhapatidzai nemvura, asi iye uchakubhapatidzai noMweya Mutsvene.” (Marko 1:7, 8) Nguva iyoyo isati yasvika, hapana munhu akanga abhapatidzwa nomudzimu mutsvene. Iyi yakanga iri gadziriro itsva yaibatanidza mudzimu mutsvene, uye yakanga ine chokuita nechinangwa chaJehovha chakanga chodokuziviswa kugadzirira vanhu nokuda kwoutongi hwokudenga.
“Kuberekwazve”
3. Jesu akatsanangura zvinhui zvitsva pamusoro poUmambo hwokudenga kuna Nikodhimo?
3 Mumusangano wapachivande nomuFarise akatanhamara, Jesu akazivisa zvakawanda pamusoro peichi chinangwa choumwari. MuFarise wacho, Nikodhimo, akauya kuna Jesu usiku, uye Jesu akati kwaari: “Kutoti munhu upi noupi aberekwazve, haangagoni kuona umambo hwaMwari.” (Johane 3:3, NW) Nikodhimo, uyo somuFarise anofanira kuva akafunda Magwaro echiHebheru, ndokuziva chimwe chinhu pamusoro pezvokwadi huru dzoUmambo hwaMwari. Bhuku raDhanieri rakaporofita kuti Umambo hwaizopiwa ku“mumwe wakafanana nomwanakomana womunhu” uye ku“vanhu vatsvene voWokumusoro-soro.” (Dhanieri 7:13, 14, 27) Umambo hwakanga huchizo“putsanya nokuparadza” humwe umambo hwose ndokumira nokusingaperi. (Dhanieri 2:44) Sezvinobvira, Nikodhimo akafunga kuti uhwu uporofita hwaizozadzikwa pamusoro perudzi rwechiJudha; asi Jesu akataura kuti kuti aone Umambo, munhu aifanira kuberekwazve. Nikodhimo haana kunzwisisa, naizvozvo Jesu akapfuurira kuti: “Kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muushe hwaMwari.”—Johane 3:5.
4. Nokuda kwaavo vanoberekwa nomudzimu mutsvene, ukama hwavo naJehovha hwaizochinja sei?
4 Johane Mubhapatidzi akanga ataura nezvekubhapatidzwa nemudzimu mutsvene. Zvino, Jesu anowedzera kuti munhu mumwe nomumwe anofanira kuberekwa nemudzimu mutsvene kana achizopinda muUmambo hwaMwari. Kupfurikidza nouku kuberekwa kunoshamisa, varume navakadzi vasina kukwana vanopinda muukama chaihwo naJehovha Mwari. Vanova vana vake vakagamuchirwa. Tinorava, kuti: “Asi vose vakamugamuchira [Jesu], wakavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake; avo vasina kuberekwa neropa, kana nokuda kwenyama, kana nokuda kwomurume, asi, naMwari.”—Johane 1:12, 13; VaRoma 8:15.
Vana vaMwari
5. Ndiriini apo vadzidzi vakatendeka vakabhapatidzwa nemudzimu mutsvene, uye kushandai kwakabatana kwomudzimu mutsvene kwakaitika panguva imwe cheteyo?
5 Apo Jesu akataura naNikodhimo, mudzimu mutsvene wakanga watouya pana Jesu, uchimuzodza nokuda kwoumambo hwake hwomunguva yemberi muUmambo hwaMwari, uye Mwari akanga abvuma pachena Jesu seMwanakomana Wake. (Mateo 3:16, 17) Jehovha akabereka vana vomudzimu vakawanda paPentekosta ya 33 C.E. Vadzidzi vakatendeka vakaungana mukamuri rapamusoro muJerusarema vakabhapatidzwa nemudzimu mutsvene. Panguva imwe cheteyo, vakaberekwazve nemudzimu mutsvene kuti vave vanakomana vaMwari vomudzimu. (Mabasa 2:2-4, 38; VaRoma 8:15) Uyezve, vakazodzwa nemudzimu mutsvene nechinangwa chekugara nhaka mudenga munguva yemberi, uye vakaiswa chisimbiso pakutanga nemudzimu mutsvene sechiratidzo cheuchokwadi hwetariro iyoyo yokudenga.—2 VaKorinte 1:21, 22.
6. Chii chiri chinangwa chaJehovha pamusoro poUmambo hwokudenga, uye neiko kwakakodzera kuti vanhu vanofanira kuva norutivi muna ikoku?
6 Ava ndivo vakanga vari vanhu vokutanga vasina kukwana vakasarudzwa naMwari kuti vapinde muUmambo. Ndiko kuti, pashure perufu rwavo norumuko, vaifanira kuva rutivi rwesangano roUmambo hwokudenga raizotonga vanhu nengirozi. Jehovha anoita chinangwa chokuti kupfurikidza nouhwu Umambo, zita rake guru richacheneswa uye uchangamire hwake hucharevererwa pamberi pechisiko chose. (Mateo 6:9, 10; Johane 12:28) Kwakakodzera sei kuti vanhu vave norutivi muUmambo ihwohwo! Satani akashandisa vanhu pakumutsa denho yake yokutanga mukurwisana nouchangamire hwaJehovha shure mubindu reEdheni, uye zvino Jehovha anoita chinangwa kuti vanhu vachabatanidzwa mukupindura denho iyoyo. (Genesi 3:1-6; Johane 8:44) Muapostora Petro akanyorera vanhu vamwe navamwe vakasarudzwa kutonga muUmambo ihwohwo, kuti: “Mwari, Baba vaShe wedu, Jesu Kristu, ngaatendwe, wakatiberekazve nengoni dzake huru, kuti tive netariro mhenyu, inouya nokumuka kwaJesu Kristu kuvakafa, kuti tive nenhaka isingaori, isina mhosva, isingasvavi, yamakachengetererwa kudenga.”—1 Petro 1:3, 4.
7. Ukamai naJesu hwechienzi hunofarikanywa naavo vakabhapatidzwa nomudzimu mutsvene?
7 Savana vakagamuchirwa vaMwari, ava vaKristu vakasarudzwa vakava hama dzaJesu Kristu. (VaRoma 8:16, 17; 9:4, 26; VaHebheru 2:11) Sezvo Jesu akabvumikisa kuva Mbeu yakapikirwa kuna Abrahama, ava vaKristu vakazodzwa nemudzimu vasonganiri, kana kuti rutivi rwechipiri, rweMbeu iyoyo, rwaizoisa chikomborero parudzi rwomunhu runotenda. (Genesi 22:17, 18; VaGaratia 3:16, 26, 29) Chikomborero chipi? Mukana wokudzikinurwa muchivi ndokuyananiswa naMwari uye wokumubatira zvino uye nokusingagumi. (Mateo 4:23; 20:28; Johane 3:16, 36; 1 Johane 2:1, 2) VaKristu vakazodzwa pasi pano vanonongedzera vane mwoyo yakarurama kune ichi chikomborero kupfurikidza nokupupurira hama yavo yomudzimu Jesu Kristu naBaba wavo akavagamuchira, Jehovha Mwari.—Mabasa 1:8; VaHebheru 13:15.
8. Chii chiri “kuratidzwa” kwevanakomana vaMwari vakaberekwa nomudzimu?
8 Bhaibheri rinotaura nezve“kuratidzwa” kwaava vanakomana vaMwari vakaberekwa nomudzimu. (VaRoma 8:19) Vachipinda muUmambo samadzimambo anosonganira naJesu, vanogoverana mukuparadza tsika yezvinhu yenyika yaSatani. Pashure paikoko, kwamakore ane chiuru, vanobetsera kunangidzira betsero dzechibayiro cherudzikinuro kurudzi rwomunhu uye nokudaro ndokusimudzira dzinza romunhu kukukwana uko Adhama akarasa. (2 VaTesaronika 1:8-12; Zvakazarurwa 2:26, 27; 20:6; 22:1, 2) Kuratidzwa kwavo kunobatanidza zvose izvozvi. Ndichimwe chinhu icho zvisikwa zvavanhu zvinotenda zvinomirira nokudisa.
9. Bhaibheri rinonongedzera sei kumutumbi wenyika yose wavaKristu vakazodzwa?
9 Mutumbi womunyika yose wevaKristu vakazodzwa ndiwo “kereke yamatangwe yakanyorwa kudenga.” (VaHebheru 12:23) Ndivo vokutanga kubetserwa nechibayiro chorudzikinuro chaJesu. Ndivowo “muviri waKristu,” kunoratidza ukama hwavo hwapedyo nomumwe nomumwe uye naJesu. (1 VaKorinte 12:27) Pauro akanyora, kuti: “Nokuti somuviri uri mumwe, une mitezo mizhinji, nemitezo yose yomuviri, kunyange iri mizhinji, muviri ndomumwe chete; wakadarowo Kristu. Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhapatidzirwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJudha, kana vaGiriki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takanwiswa pamweya mumwe.”—1 VaKorinte 12:12, 13; VaRoma 12:5; VaEfeso 1:22, 23; 3:6.
“VaIsraeri vaMwari”
10, 11. Muzana ramakore rokutanga, neiko Israeri mutsva aidikanwa, uye ndiani akaumba urwu rudzi rutsva?
10 Kwaanopfuura makore 1 500 Jesu asati auya saMesiya akapikirwa, rudzi rwokunyama rwaIsraeri rwakanga rwuri vanhu chaivo vaJehovha. Pasinei zvapo nezviyeuchidzo zvenguva dzose, rudzi rwaIsraeri rwose rwakabvumikisa kuva rwusina kutendeka. Apo Jesu akaoneka, rudzi rwacho rwakamuramba. (Johane 1:11) Nokudaro, Jesu akaudza vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha, kuti: “Muchatorerwa imi ushe hwaMwari, hukapiwa vanhu vanobereka zvibereko zvahwo.” (Mateo 21:43) Kuziva “vanhu [ivavo] vanobereka zvibereko [zvoUmambo]” kunokosha nokuda kworuponeso.
11 Rudzi rutsva ndirwo ungano yechiKristu yakazodzwa, yakaberekwa paPentekosta ya 33 C.E. Mitezo yarwo yokutanga yakanga iri vadzidzi vechiJudha vaJesu avo vakamugamuchira saMambo wavo wokudenga. (Mabasa 2:5, 32-36) Zvisinei, vakanga vari mitezo yorudzi rutsva rwaMwari, kwete pahwaro hwedzinza ravo rechiJudha, asi pahwaro hwokutenda muna Jesu. Nokudaro, uyu Israeri mutsva waMwari akanga ari chimwe chinhu chechienzi—rudzi rwomudzimu. Apo voruzhinji vavaJudha vakaramba kugamuchira Jesu, kokero yokuva rutivi rwerudzi rutsva yakatambanudzirwa kuvaSamaria uye ipapo kuVamarudzi. Rudzi rutsva rwakadanwa “vaIsraeri vaMwari.”—VaGaratia 6:16.
12, 13. Kwakajeka sei kuti Israeri mutsva akanga asiriwo zvake sekete rechiJudha?
12 Muna Israeri wekare, apo vaisava vaJudha vakava vaproserite, vaifanira kuzviisa pasi poMutemo waMosesi, uye vanhurume vaifanira kuratidzira ikoku kupfurikidza nokudzingiswa. (Eksodho 12:48, 49) Vamwe vaKristu vechiJudha vakarangarira kuti zvimwe chetezvo zvinofanira kushanda kuvasiri vaJudha muna Israeri waMwari. Zvisinei, Jehovha akanga ane chimwe chinhu chakasiyana mundangariro. Mudzimu mutsvene wakatungamirira muapostora Petro kumusha woWamarudzi Kornerio. Apo Kornerio nemhuri yake vakagamuchira kuparidza kwaPetro, vakagamuchira mudzimu mutsvene—kunyange vakanga vasati vabhapatidzwa mumvura. Ikoku kwakaratidza zvakajeka kuti Jehovha akanga agamuchira ava Vamarudzi semitezo yaIsraeri waMwari pasina kurayira kuti vazviise pasi poMutemo waMosesi.—Mabasa 10:21-48.
13 Vamwe vadaviri vakawana ikoku kwakaoma kugamuchira, uye nokukurumidza nhau yacho yose yaifanira kukurukurwa navaapostora uye vakuru muJerusarema. Mutumbi iwoyo une chiremera wakateerera kuzvipupuriro zvaipa udzame hwokuti mudzimu mutsvene wakanga washanda sei pana vadaviri vaisava vaJudha. Kunzverwa kweBhaibheri kunoratidza kuti ikoku kwakanga kuri mukuzadzikwa kwouporofita hwakafuridzirwa. (Isaya 55:5; Amosi 9:11, 12) Chisarudzo chakanaka chakasvikwa: VaKristu vaisava vaJudha vaisafanira kuzviisa pasi poMutemo waMosesi. (Mabasa 15:1, 6-29) Nokudaro, Israeri womudzimu akanga ari zvirokwazvo rudzi rutsva uye kwete seketewo zvaro rechiJudha.
14. Chii chinorehwa naJakobho kupfurikidza nokudana ungano yechiKristu kuti “marudzi ane gumi namaviri akapararira”?
14 Mukuwirirana naizvozvi, pakunyorera vaKristu vakazodzwa vemuzana ramakore rokutanga, mudzidzi Jakobho akanyorera tsamba yake ku“marudzi ane gumi namaviri akapararira.” (Jakobho 1:1; Zvakazarurwa 7:3-8) Chokwadika, vagari vaIsraeri mutsva havana kugoverwa kumadzinza akananga. Kwakanga kusina kukamukana kuva ndudzi 12 dzakaparadzana muna Israeri womudzimu sezvakwaiva muna Israeri wokunyama. Kunyange zvakadaro, kutaura kwaJakobho kwakafuridzirwa kunoratidzira kuti mukurangarira kwaJehovha Israeri waMwari akanga atsiva chose chose ndudzi 12 dzaIsraeri wokunyama. Kana muIsraeri wokunyama aizova rutivi rwerudzi rutsva, dzinza rake rokunyama—kunyange kana aiva werudzi rwaJudha kana rwaRevhi—kwaisakosha.—VaGaratia 3:28; VaFiripi 3:5, 6.
Sungano Itsva
15, 16. (a) Jehovha anorangarira sei mitezo isiri yechiJudha yaIsraeri waMwari? (b) Israeri mutsva akatangwa pahwaroi hwapamutemo?
15 Mukurangarira kwaJehovha, mitezo isiri yechiIsraeri yeurwu rudzi rutsva vaJudha vomudzimu vakura zvakakwana! Muapostora Pauro akatsanangura, kuti: “Haazi muJudha, uri muJudha pakuonekwa chete; nokudzingiswa hakuzi iko kunoonekwa, kuri panyama; asi muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko kwomwoyo, mumweya, kusati kuri kwezvakanyorwa; iye haarumbidzwi navanhu, asi naMwari.” (VaRoma 2:28, 29) Vamarudzi vakawanda vakagamuchira kokero yokuva rutivi rwaIsraeri waMwari, uye ichi chiitiko chakazadzika uporofita hweBhaibheri. Somuenzaniso, muporofita Hosea akanyora, kuti: “Ndichamunzwira nyasha, iye wakanga asina kunzwirwa nyasha; ndichati kuna ivo vakanga vasi vanhu vangu: Imi muri vanhu vangu, ivo vachati: Imi muri Mwari wangu.”—Hosea 2:23; VaRoma 11:25, 26.
16 Kudai vaIsraeri vomudzimu vaisava pasi pesungano yoMutemo waMosesi, pahwaroi hwavaiva rutivi rwerudzi rutsva? Jehovha akaita sungano itsva kupfurikidza naJesu nerudzi rwake rwomudzimu. (VaHebheru 9:15) Apo Jesu akatanga Chirangaridzo chorufu rwake, pana Nisani 14, 33 C.E., akapfuudza chingwa newaini kuvaapostora 11 vakatendeka ndokutaura kuti waini yaifananidzira “ropa . . . resungano.” (Mateo 26:28; Jeremia 31:31-34) Sezvakarondedzerwa munhoroondo yaRuka, Jesu akataura kuti kapu yewaini yaifananidzira “sungano itsva.” (Ruka 22:20) Mukuzadzika kwemashoko aJesu, apo mudzimu mutsvene wakadururwa paPentekosta uye Israeri waMwari akaberekwa, Umambo hwakabviswa kuna Israeri wokunyama ndokupiwa kurudzi rutsva, rwomudzimu. Munzvimbo yaIsraeri wokunyama, urwu rudzi rutsva zvino rwakanga rwava mubatiri waMwari, rwakaumbwa nezvapupu zvake.—Isaya 43:10, 11.
“Jerusarema Idzva”
17, 18. Irondedzeroi dzinopiwa mubhuku raZvakazaruwa dzembiri iyo yakamirira vaKristu vakazodzwa?
17 Imbiri yakadini yakamirira avo vakaropafadzwa kuti vagoverane mukudanwa kwokudenga! Uye mufaro wakadini kudzidza zvishamiso zvakavamirira! Bhuku raZvakazarurwa rinotipa rumbonera runofadza rwenhaka yavo yokudenga. Somuenzaniso, pana Zvakazarurwa 4:4, tinorava, kuti: “Kwakanga kune zvigaro zvoushe zvinamakumi maviri n[ezvi]na zvakanga zvakakomberedza chigaro choushe [chaJehovha]; napazvigaro pakanga pagere Vakuru vanamakumi maviri navana, vakapfeka nguo chena; vakanga vane korona dzendarama pamisoro yavo.” Ava vakuru 24 vaKristu vakazodzwa, vakamutswa uye zvino vanogara nzvimbo dzokudenga dzavakapikirwa naJehovha. Korona dzavo nezvigaro zvoushe zvinotiyeuchidza nezveumambo hwavo. Fungawo, nezveropafadzo yavo yakakwirira inoshamisa yokubatira vakapoteredza chigaro choushe chaJehovha!
18 Pana Zvakazarurwa 14:1, tinoona rumwe rumbonera rwavo: “Ndakatarira, ndikaona Gwayana rimire pagomo reZioni, rina vamwe vane zviuru zvine zana namakumi mana n[ezvi]na, [zvi]ne zita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo.” Pano tinoona nhamba yakaganhurirwa yaava vanhu vakazodzwa—144 000. Nzvimbo yavo youmambo inonzwisisika mukuti vanomira naMambo akagadzwa pachigaro choushe waJehovha, “Gwayana,” Jesu. Uye vari paGomo rokudenga Zioni. Gomo reZioni rapasi rakanga riri nzvimbo yeJerusarema, guta roumambo raIsraeri. Gomo reZioni rokudenga rinomirira nzvimbo yakakwidziridzwa yaJesu navadyi nhaka pamwe naye, avo vanoumba Jerusarema rokudenga.—2 Makoronike 5:2; Pisarema 2:6.
19, 20. (a) VaKristu vakazodzwa vachava rutivii rwesangano rokudenga? (b) Jehovha akasarudza munhamboi yenguva avo vane ugari hwaizova mudenga?
19 Mutsinhirano naikoku, vakazodzwa mumbiri yavo yokudenga vanotaurwawo se“Jerusarema Idzva.” (Zvakazarurwa 21:2) Jerusarema rapasi rakanga riri “guta raMambo mukuru” uyewo nzvimbo yetembere. (Mateo 5:35) Jerusarema Idzva rokudenga isangano roUmambo kupfurikidza naro Changamire mukuru, Jehovha, naMambo wake akagadzwa, Jesu, zvino rinotonga uye mariri basa rouprista rinoitwa sezvo zvikomborero zvakapfuma zvinoerera kubva pachigaro choushe chaJehovha nokuda kwokurapwa kworudzi rwomunhu. (Zvakazarurwa 21:10, 11; 22:1-5) Mune chimwe chiono Johane anonzwa vaKristu vakazodzwa vakatendeka, vakamutswa, vachinongedzerwa kwavari se‘mudzimai weGwayana.’ Ikoku kunoita mufananidzo unofadza zvakadini wokuva pedyo kwavachafarikanya naJesu uye wokuzviisa kwavo pasi pake kwokudisa! Fungidzira mufaro mudenga apo wokupedzisira wavo pakupedzisira anogamuchira mubayiro wake wokudenga. Zvino, pakupedzisira, “mutambo wokuwana weGwayana” unogona kuitika! Sangano rokudenga roumambo richava rakwana ipapo.—Zvakazarurwa 19:6-8.
20 Hungu, zvikomborero zvinoshamisa zvakamirira avo nezvavo muapostora Pauro akati: “Nokuti nyika yedu iri kudenga.” (VaFiripi 3:20) Kwezvinodokusvika zviuru zvamakore zviviri, Jehovha ave achisarudza vana vake vomudzimu uye achivagadzirira nokuda kwenhaka yokudenga. Mukuwirirana neufakazi hwose, iri basa rokusarudza nokugadzirira rodokupera. Asi kwaiva nezvakawanda zvaitevera, sezvakaratidzwa kuna Johane muchiono chake chakanyorwa muna Zvakazarurwa ganhuro 7. Naizvozvo zvino, rimwe boka ravaKristu rinorayira ngwariro yedu, uye ticharangarira iri boka munyaya inotevera.
Unoyeuka Here?
◻ Kushandai kwakasiyana kwemudzimu mutsvene pana avo vane nhaka yokudenga?
◻ Vakazodzwa vanofarikanya ukamai hwapedyo naJehovha? naJesu?
◻ Ungano yavaKristu vakazodzwa inorondedzerwa sei muBhaibheri?
◻ Israeri waMwari akatangwa pahwaroi hwapamutemo?
◻ Iropafadzoi dzokudenga dzakamirira vaKristu vakazodzwa?
[Mifananidzo iri papeji 10]
Munhambo yemakore anenge mazana maviri, Jehovha akasarudza avo vaizotonga muUmambo hwokudenga