-
MuPristi Mukuru Akawanira Jesu MhosvaNharireyomurindi—2006 | January 15
-
-
Uipi hwaKayafasi hwakafumurwa paakaudza vaaitonga navo kuti: “Hamufungi kuti zvinokubatsirai kuti munhu mumwe chete afire vanhu kwete kuti rudzi rwose ruparadzwe.” Nhoroondo yacho inoenderera ichiti: “Izvi, zvisinei, haana kuzvitaura iye pachake; asi nokuti akanga ari mupristi mukuru gore iroro, akaprofita kuti Jesu akanga achifanira kufira rudzi, kwete rudzi chete, asi kuti aunganidzewo vana vaMwari vakapararira kwose kwose kuti vave vamwe. Naizvozvo kubvira pazuva iroro vakarangana kuti vamuuraye [Jesu].”—Johani 11:49-53.
Kayafasi akanga asinganzwisisi zvainyatsorehwa nemashoko aakataura. Nemhaka yechinzvimbo chake somupristi mukuru, akaprofita.b Kufa kwaJesu kwaizobatsira—asi kwaisazobatsira vaJudha chete. Chibayiro chake chorudzikinuro chaizoita kuti pave nenzira yokusunungura vanhu muuranda hwechivi norufu.
-
-
MuPristi Mukuru Akawanira Jesu MhosvaNharireyomurindi—2006 | January 15
-
-
b Jehovha akamboshandisa Bharami akaipa kuti aprofite zvechokwadi nezvevaIsraeri.—Numeri 23:1–24:24.
-