-
Razaro AnomutswaJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Kayafasi anobudirira pakuita kuti dare reSanihedrini rironge kuuraya Jesu. Kuti Nikodhimo, nhengo yedare iri, uyo asingavengi Jesu, angamunyeurirawo nezvazvo here? Angave amuudza kana kuti asina, Jesu anongobva pedyo neJerusarema kuitira kuti asaurayiwa nguva yakataurwa naMwari isati yakwana.
-
-
Varume Gumi Vanoporeswa, Asi Mumwe Chete Ndiye Anotenda ZvaaitirwaJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Achinzvenga dare reSanihedrini iro raronga kumuuraya, Jesu anoenda kuguta reEfremu, kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweJerusarema. Anogara ikoko nevadzidzi vake, kure nevavengi vake. (Johani 11:54) Zvisinei, Paseka ya33 C.E. yava kuda kusvika, saka Jesu haaite nguva ariko. Anofamba akananga kuchamhembe achipfuura nemuSamariya ozosvika kuGarireya, uye aka ndiko kekupedzisira kusvikako asati afa.
-