Zvatinodzidziswa naJesu
Nezveremangwana Revanhu
Jesu akavimbisa upenyu hwokudenga here?
Hungu, akadaro! Jesu pachake akamutswa, uye akakwira kudenga kuti ave naBaba vake. Asi asati afa uye amutswa, akaudza vaapostora vake 11 vakatendeka kuti: “Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara . . . Ndiri kuenda kunokugadzirirai nzvimbo.” (Johani 14:2) Zvisinei, vaya vaizoenda kudenga vaizova vashoma. Jesu akajekesa izvi paakaudza vadzidzi vake kuti: “Musatya, imi boka duku, nokuti Baba venyu vakabvumira kukupai umambo.”—Ruka 12:32.
“Boka duku” richanoitei kudenga?
Baba vanoda kuti boka duku iri ritonge naJesu muhurumende yokudenga. Tinozviziva sei? Jesu amutswa, akaratidza muapostora Johani kuti vamwe vakavimbika vaizo“tonga semadzimambo pamusoro penyika.” (Zvakazarurwa 1:1; 5:9, 10) Aya mashoko akanaka. Chimwe chezvinhu zvinonyanya kudiwa nevanhu ihurumende yakanaka. Hurumende iyi inenge ichitongwa naJesu ichaitei? Jesu akati: “Pakusikwazve, Mwanakomana womunhu paanogara pachigaro chake choumambo chinobwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro zvoumambo zvine gumi nezviviri.” (Mateu 19:28) Kutonga kuchaitwa naJesu nevateveri vake kuchaguma ‘nokusikwazve,’ kana kuita kuti mamiriro ezvinhu aivapo vanhu vaviri vokutanga vasati vatadza avepo zvekare.
Jesu akapa vamwe vanhu vose tariro yei?
Vanhu vakasikirwa kurarama vari panyika, kusiyana naJesu akasikirwa kurarama ari kudenga. (Pisarema 115:16) Saka, Jesu akati: “Imi munobva munzvimbo dziri pasi; ini ndinobva kunzvimbo dziri kumusoro.” (Johani 8:23) Jesu akataura nezveremangwana revanhu rinoshamisa ravachava naro panyika. Pane imwe nguva akati: “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mateu 5:5) Aitaura mashoko aiva muPisarema rakafuridzirwa rinoti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:11, 29.
Saka vari mu“boka duku” vachaenda kudenga, havasi ivo voga vachawana upenyu husingaperi. Jesu akataurawo nezvetariro iripo kune mamiriyoni evanhu vari panyika. Akati: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.
Mwari achabvisa sei zvinhu zviri kutambudza vanhu?
Jesu akataura kuti vanhu vachasunungurwa kubva pazvinhu zviviri zvinovatambudza paakati: “Zvino pane kutongwa kwenyika ino; zvino mutongi wenyika ino achadzingwa.” (Johani 12:31) Chokutanga, vanhu vasingadi Mwari vanokonzera kutambura vachatongwa uye vachaparadzwa. Chechipiri, Satani achadzingwa uye haazokwanisi kutsausa vanhu.
Zvakadini nevanhu vakararama kare vakafa vasina kuwana mukana wokudzidza nezvaMwari naKristu ndokutenda mavari? Jesu akaudza mutadzi akazofa ari padivi pake kuti: “Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43) Munhu iyeye, pamwe chete nevamwe vanosvika mamiriyoni, achava nemukana wekudzidza nezvaMwari paachamutswa naJesu muparadhiso panyika pano. Achabva ava nemukana wokuva mumwe wevanyoro vachawana upenyu husingaperi panyika.—Mabasa 24:15.
Kuti uwane mamwe mashoko, ona zvitsauko 3 ne7 zvebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?a
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 23]
“Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:29