-
Kuva Mapazi Anobereka Michero Uye Kuva Shamwari dzaJesuJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
“Bazi rose riri pandiri risingabereki zvibereko [Baba vangu] vanoribvisa, uye rose rinobereka zvibereko vanorichenesa, kuti ribereke zvibereko zvizhinji. . . . Bazi zvarisingagoni kubereka zvibereko riri roga kunze kwokuti rikaramba riri pamuzambiringa, saizvozvo imiwo hamungagoni, kunze kwokunge maramba muri pamwe neni. Ndini muzambiringa, imi muri mapazi.”—Johani 15:2-5.
-
-
Kuva Mapazi Anobereka Michero Uye Kuva Shamwari dzaJesuJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Anotsanangura kuti: “Anoramba ari pamwe neni, uye ini ndiri pamwe naye, iyeyu anobereka zvibereko zvizhinji; nokuti hamungambogoni kuita chinhu musiri pamwe neni.” Vateveri vaJesu vakatendeka, avo vari kufananidzwa nemapazi, vachava nezvibereko zvizhinji kana vakamutevedzera, vakaudza vamwe nezveUmambo hwaMwari, uye vakava nevamwe vadzidzi. Ko kana mumwe akarega kuramba ari pamwe naKristu otadza kuva nezvibereko? Jesu anotsanangura kuti: “Kana munhu asingarambi ari pamwe neni, anokandwa kunze.” Asi Jesu anotiwo: “Kana mukaramba muri pamwe neni uye mashoko angu akaramba ari mamuri, kumbirai chose chamunoda uye muchachiitirwa.”—Johani 15:5-7.
-