-
“Ramba Uchitaura Uye Usaramba Wakanyarara”Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
-
-
“Ndine Vanhu Vakawanda Muguta Rino” (Mabasa 18:9-17)
12. Pauro akavimbiswa chii muchiratidzo?
12 Kana Pauro aisava nechokwadi kuti oramba achipupurira muKorinde here, pfungwa iyoyo inofanira kunge yakapera paakaona Ishe Jesu achizviratidza kwaari usiku, ndokumuudza kuti: “Usatya, asi ramba uchitaura uye usaramba wakanyarara, nekuti ndinewe uye hapana munhu achakurwisa kuti akukuvadze; nekuti ndine vanhu vakawanda muguta rino.” (Mab. 18:9, 10) Chiratidzo ichi chinofanira kunge chakamukurudzira zvikuru! Ishe pachake akavimbisa Pauro kuti hapana zvaaizoitwa uye kuti muguta racho makanga muchiine vakawanda vakakodzera. Pauro akaita sei nezvaakaratidzwa? Nyaya yacho inoti: “Saka akagara imomo kwegore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.”—Mab. 18:11.
-
-
“Ramba Uchitaura Uye Usaramba Wakanyarara”Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
-
-
16. Mashoko aIshe ekuti, “ramba uchitaura uye usaramba wakanyarara, nekuti ndinewe,” anofanira kuita kuti tiite sei ushumiri hwedu?
16 Yeuka kuti vaJudha pavakaramba zvavaiudzwa naPauro ndipo paakazoudzwa naIshe Jesu kuti: “Usatya, asi ramba uchitaura uye usaramba wakanyarara, nekuti ndinewe.” (Mab. 18:9, 10) Tinofanira kuramba tichiyeuka mashoko iwayo, kunyanya shoko redu parinorambwa. Usambokanganwa kuti Jehovha anoona zviri mumwoyo uye ndiye ari kukwevera kwaari vanhu vane mwoyo yakatendeseka. (1 Sam. 16:7; Joh. 6:44) Izvi zvinotikurudzira kuti tirambe tichishingaira muushumiri! Gore negore mazana ezviuru anobhabhatidzwa, mazana nemazana pazuva. Jesu anovimbisa vanhu vari kuteerera murayiro wekuita “kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi,” kuti: “Ndichange ndiinemi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.”—Mat. 28:19, 20.
-