Jehovha Anopa Simba Kune Akaneta
“Vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo.”—ISAYA 40:31.
1, 2. Chii icho Jehovha anopa avo vanovimba naye, uye chii chaticharangarira zvino?
MAKONDO ari pakati peshiri dzine simba zvikurusa mumatenga. Anogona kubhururuka madaro makuru pasina kutongobhabhama mapapiro awo. Namapapiro ayo angareba mamita maviri, “Mambo weShiri,” gondo regoridhe, nde“rimwe rinoorora zvikurusa ramakondo ose; richikwira pamusoro pamakomo nemipata, [ri]nobhururuka kwamaawa akati pamusoro pamakomo, ipapo rinokwira richimonereka kutozosvikira roratidzika sedondorodzi dema mudenga.”—The Audubon Society Encyclopedia of North American Birds.
2 Achirangarira mano okubhururuka egondo, Isaya akanyora, kuti: “Vanoziya [Jehovha] unovapa simba; unoshayiwa simba unomuwedzera simba rake. Kunyange navakomana vachaziya nokuneta, namajaya achawira pasi chose; asi vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.” (Isaya 40:29-31) Kunonyaradza sei kuziva kuti Jehovha anopa avo vanovimba naye simba rokupfuurira, sokunge kuti ari kuvashongedzera neanoratidzika kuva mapapiro asinganeti egondo rinobhururuka mudenga denga! Rangarira, zvino, dzimwe dzegadziriro idzo akaita kuti ape akaneta simba.
Simba Remunyengetero
3, 4. (a) Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuitei? (b) Tingakarira Jehovha kuitei mukupindura minyengetero yedu?
3 Jesu akakurudzira vadzidzi vake “kunyengetera nguva dzose, vasingarashi mwoyo.” (Ruka 18:1) Kudurura mwoyo wedu kuna Jehovha kunogona kutibetsera chaizvoizvo here kuwanazve simba ndokudzivisa kurega apo dzvinyiriro dzoupenyu dzinoratidzika kuva dzinokurira? Hungu, asi pane zvimwe zvinhu zvatinofanira kurangarira.
4 Tinofanira kuva vechokwadi mune zvatinokarira Jehovha kuita mukupindura minyengetero yedu. Mumwe muKristu uyo akanga awira mukuora mwoyo kukuru akati gare gare: “Kungofanana nezvimwe zvirwere, Jehovha haasati achiita zvishamiso panguva ino. Asi anotibetsera kugonana uye kunaya kusvika kutambanuko yatinogona mutsika ino.” Achitsanangura chikonzero nei minyengetero yake yakaita musiyano, akawedzera, kuti: “Ndaigona kuwana mudzimu mutsvene waJehovha kwamaawa 24.” Nokudaro, Jehovha haasati achitidzivirira padzvinyiriro dzoupenyu idzo dzinogona kuita kuti tipere mwoyo, asi ano“pa . . . Mweya Mutsvene vanokumbira kwaari.” (Ruka 11:13; Pisarema 88:1-3) Mudzimu iwoyo unogona kuita kuti tikwanise kubata nomuedzo upi noupi kana kuti dzvinyiriro iyo tingatarisana nayo. (1 VaKorinte 10:13) Kana kuri madikanwa, unogona kutipa “simba rinopfuura renguva dzose” kuti titsungirire kutozosvikira Umambo hwaMwari hwabvisa zvinetso zvose zvinodzvinyirira munyika itsva iyo yava pedyo zvikuru.—2 VaKorinte 4:7, NW.
5. (a) Kuti minyengetero yedu ive inoshanda, zvinhui zviviri zvinokosha? (b) Tinganyengetera sei kana tiri kurwisa utera hwakati hwenyama? (c) Minyengetero yedu yenguva dzose uye yakananga icharatidzirei kuna Jehovha?
5 Kuti minyengetero yedu ive inoshanda, zvisinei, tinofanira kupfuurira, uye tinofanira kuva vakananga. (VaRoma 12:12) Somuenzaniso, kana ukaneta padzimwe nguva nemhaka yokuti uri kurwisa utera hwakati hwenyama, pakutanga kwezuva rimwe nerimwe, kumbira Jehovha kuti akubetsere kudzivisa kutera kuutera hwakati ihwohwo mukati mezuva. Nyengetera nenzira yakafanana zuva rose uye usati waenda kundorara usiku humwe nohumwe. Kana ukava nemhinganidzo, kumbira Jehovha kuti akukanganwire, asi muudzewo chatungamirira kukutadzazve kwacho uye icho ungaita kudzivisa mamiriro ezvinhu iwayo munguva yemberi. Minyengetero yokupfuurira uye yakananga yakadaro icharatidzira ku“Munzwi wemunyengetero” uchokwadi hwechishuvo chako chokukunda kurwisa kwacho.—Pisarema 65:2, NW; Ruka 11:5-13.
6. Neiko tingakarira nenzira yakarurama kuti Jehovha anzwe minyengetero yedu kunyange apo tinganzwa tisina kufanira kuti tinyengetere?
6 Pane dzimwe nguva, zvisinei, avo vakaneta vanganzwa vasina kufanira kuti vanyengetere. Mumwe mukadzi wechiKristu uyo akanga anzwa nenzira iyoyo gare gare akati: “Ikoko kufunga kune ngozi nemhaka yokuti kunoreva kuti taiita nhau yedu timene kuzvitonga timene, asi ikoko handi kwedu.” Zvirokwazvo, “Mwari ndiye mutongi amene.” (Pisarema 50:6) Bhaibheri rinotivimbisa kuti kunyange zvazvo “mwoyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru kumwoyo yedu, unoziva zvose.” (1 Johane 3:20) Kunonyaradza sei kuziva kuti apo tingazvitonga timene savasina kufanira kuti vanyengetere, Jehovha angasanzwa nenzira iyoyo kwatiri! A“noziva zvose” pamusoro pedu, kubatanidza mamiriro ezvinhu muupenyu hwedu ayo angava akatiparira kunzwa tisina kufanira zvikuru. (Pisarema 103:10-14) Ngoni dzake noukuru hwenzwisiso zvinomusunda kuteerera minyengetero inobva ku“mwoyo wakaputsika nowakapwanyika.” (Pisarema 51:17) Angagona sei kuramba kuteerera kuchema kwedu nokuda kwebetsero apo iye amene anoshurikidza “unodzivirira nzeve yake, kuti arege kunzwa kuchema kwomurombo”?—Zvirevo 21:13.
Ushamwari Hwouhama
7. (a) Ndiimwe gadziriroi iyo Jehovha akaita kutibetsera kuwanazve simba? (b) Kuziva chii pamusoro pouhama hwedu kunogona kuva kunosimbisa kwatiri?
7 Imwe gadziriro iyo Jehovha akaita kutibetsera kuwanazve simba uhama hwedu hwechiKristu. Iropafadzo inokosha zvakadini ikoku kuri kuva rutivi rwemhuri yenyika yose yehama nehanzvadzi! (1 Petro 2:17) Apo dzvinyiriro dzoupenyu dzinoita kuti tipere mwoyo, ushamwari hwouhama hwedu hunogona kutibetsera kuwanazve simba. Seiko? Kuziva kuti hatisati tiri toga mukutarisana nedenho dzinodzvinyirira kunogona kuva kunosimbisa makuri kumene. Pakati pehama nehanzvadzi dzedu, pasina panikiro pane vamwe vakatarisana nedzvinyiriro dzakafanana kana kuti miedzo uye avo vakava nokunzwa kwakafanana zvikuru nokwedu. (1 Petro 5:9) Kunokurudzira kuziva kuti zvatiri kutambura hazvisati zviri zvisingazivikanwi navose uye kuti kunzwa kwedu hakusati kuri kwechienzi.
8. (a) Mienzanisoi inoratidza nzira iyo tingagona kuwana nayo yamuro inodiwa zvikurusa nenyaradzo muuhama hwedu? (b) Munzirai umo iwe pachako wakayamurwa kana kuti wakanyaradzwa ne“shamwari yechokwadi”?
8 Muushamwari hwouhama tinogona kuwana ‘shamwari dzechokwadi’ idzo, apo tinenge tiri mukutambura, dzinogona kugovera yamuro nenyaradzo zvinodiwa zvikuru. (Zvirevo 17:17) Kazhinji kazhinji, zvakunongoda bedzi mashoko omutsa kana kuti zviito zvine mufungo. Mumwe muKristu uyo akatambura nokunzwa kwokusava anokosha anoyeuka, kuti: “Pakanga pane shamwari dzaitaura kwandiri pamusoro pezvinhu zvakanaka pamusoro pangu ndimene kuti dzindibetsere kukurira mifungo yakaipa yandaiva nayo.” (Zvirevo 15:23) Mushure morufu rwemwanasikana wayo muduku, imwe hanzvadzi yakakuona kwakaoma pakutanga kuti iimbe nziyo dzoUmambo pamisangano yeungano, zvikurukuru nziyo dzaidudza rumuko. “Imwe nguva,” anoyeuka kudaro, “imwe hanzvadzi iyo yakanga yakagara kune rumwe rutivi rwemunofambwa namo yakandiona ndichichema. Yakauya, ikandigumbatira, ndokuimba rwakanga rwasara rwose rwerwiyo rwacho neni. Ndakanzwa ndakazara zvikuru norudo nokuda kwehama nehanzvadzi uye ndichifara kwazvo kuti takanga tauya kumisangano, ndichiziva kuti ndiko uko betsero yedu iri, ikoko kuHoro yoUmambo.”
9, 10. (a) Tinogona sei kuva norutivi muushamwari hwouhama hwedu? (b) Ndiani zvikurukuru anoda songaniro yakanaka? (c) Chii chatinogona kuita kuti tibetsere avo vanoda kurudziro?
9 Chokwadika, mumwe nomumwe wedu ane mutoro kuti ave norutivi kuushamwari hwouhama hwechiKristu. Nokudaro, mwoyo yedu inofanira “kukuriswa” kubatanidza hama nehanzvadzi dzedu dzose. (2 VaKorinte 6:13, NW) Kwaizova kunosuruvarisa sei nokuda kwaavo vakaneta kunzwa kuti rudo rwouhama kwavari rwatonhora! Bva, vamwe vaKristu vanoshuma kunzwa vane ushoma uye vasiyiwa. Imwe hanzvadzi ine murume anoshora zvokwadi yakateterera, kuti: “Ndiani asingashuvi uye asingadi ushamwari hunovaka, kurudziro, uye songaniro yorudo? Ndapota yeuchidzai hama dzedu nehanzvadzi kuti tinovada!” Hungu, zvikurukuru avo vane mamiriro ezvinhu muupenyu anoita kuti vapere mwoyo—avo vane vakwanyina vasingatendi, vari mubereki mumwe, avo vane zvinetso zvoutano zvinopfuurira, vakwegura, uye vamwe—vanoda songaniro yakanaka. Vamwe vedu tinoda kuyeuchidzwa nezvaikoko here?
10 Chii chatinogona kuita kuti tibetsere? Ngatikurisei mukuratidzira rudo rwedu. Pakutambanudzira mutsa, tisakanganwa avo vanoda kurudziro. (Ruka 14:12-14; VaHebheru 13:2) Panzvimbo pokufunga kuti mamiriro avo ezvinhu anovadzivisa kubvuma, kuregererei kuvakoka zvisinei? Ipapo varege vasarudze. Kunyange kana vasingagoni kubvuma, pasina panikiro vachanzwa vakurudzirwa kuziva kuti vamwe vavafunga. Zvingangova izvo chete zvavanoda kuti vawanezve simba.
11. Avo vakapera mwoyo vangada yamuro munzirai?
11 Avo vakapera mwoyo vangada yamuro mudzimwe nzira. Mai vasina murume, somuenzaniso, vangada imwe hama yakakura mumudzimu kuti iratidze fariro mumwanakomana wavo asina baba. (Jakobho 1:27) Hama kana kuti hanzvadzi ine chinetso chakakomba choutano ingada betsero mukutenga kana kuti mumabasa apamba. Munhu akwegura angapanga ushamwari kana kuti angada yamuro kuti abude muushumiri hwomumunda. Apo kunenge kune dikanwo inopfuurira nokuda kweyamuro yakadaro, kunoisa ‘muedzo [chaiwo] wouchokwadi hworudo rwedu.’ (2 VaKorinte 8:8) Panzvimbo pokubva kune vanoshayiwa nemhaka yenguva nenhamburiko zvinobatanidzwa, ngatibudirirei mumuedzo werudo rwechiKristu kupfurikidza nokuva vanoziva uye vanodavidza kuzvinodikanwa zvavamwe.
Simba reShoko raMwari
12. Shoko raMwari rinotibetsera sei kuwanazve simba?
12 Munhu anorega kudya nokukurumidza acharasikirwa nesimba rake. Nenzira inowirirana, imwe nzira iyo Jehovha anotipa nayo simba rokuti tipfuurire iri kupfurikidza nokuva nechokwadi chokuti tinosanodyiswa mumudzimu. (Isaya 65:13, 14) Ndezvokudya zvomudzimu zvipi zvaakagovera? Chinokosha zvikurusa, iShoko rake, Bhaibheri. (Mateo 4:4; enzanisa naVaHebheru 4:12) Rinogona sei kutibetsera kuwanazve simba? Apo dzvinyiriro nezvinetso zvatinotarisana nazvo zvinotanga kusveta simba redu, tinogona kuwana simba kubva mukurava pamusoro pemirangariro nokurwisa chaikwo kwavarume navakadzi vakatendeka vomunguva dzeBhaibheri. Kunyange zvazvo vari mienzaniso yakatanhamara yokuperera, vakanga vari va“nhu [v]akaita sesu.” (Jakobho 5:17; Mabasa 14:15) Vakatarisana nemiedzo nedzvinyiriro zvakafanana nezvedu timene. Rangarira mimwe mienzaniso.
13. Mienzanisoi yapaMagwaro inoratidza kuti varume navakadzi vakatendeka vemunguva dzeBhaibheri vaiva nemirangariro nezvakaitika zvakafanana zvikuru nezvedu timene?
13 Mukare Abrahama akatambudzika zvikuru pamusoro porufu rwomudzimai wake kunyange zvazvo aitenda rumuko. (Genesi 23:2; enzanisa naVaHebheru 11:8-10, 17-19.) Dhavhidhi anopfidza akanzwa kuti zvivi zvake zvakanga zvamuita kuti ave asina kufanira kuti abatire Jehovha. (Pisarema 51:11) Mosesi akanga ane kunzwa kwokuperevedza. (Eksodho 4:10) Epafrodhito akaodzwa mwoyo apo kwakazivikanwa kuti chirwere chakakomba chakaganhurira mubato wake mu“basa raKristu.” (VaFiripi 2:25-30) Pauro aifanira kurwisana nenyama isina kukwana. (VaRoma 7:21-25) Yuodhia naSintike, hanzvadzi mbiri dzakazodzwa dzaiva muungano yeFiripi, sezviri pachena dzaiva nezvinetso mukufambidzana. (VaFiripi 1:1; 4:2, 3) Kunokurudzira sei kuziva kuti ava vakatendeka vakanga vane kunzwa nezvakaitika zvakafanana nezvedu timene, bva havana kurega! Uyewo Jehovha haana kuvasiya.
14. (a) Mudziyo upi uyo Jehovha akashandisa kutibetsera kuwana simba kubva muShoko rake? (b) Neiko magazini eNharireyomurindi neMukai! akava nenyaya pamusoro penhau dzemagariro avanhu, mhuri, uye mirangariro?
14 Kuti atibetsere kuwana simba kubva muShoko rake, Jehovha anoshandisa boka romuranda akatendeka uye akachenjera kutigovera “zvokudya nenguva yakafanira” nguva dzose. (Mateo 24:45) Muranda akatendeka anguve achishandisa magazini eNharireyomurindi neMukai kudzivirira zvokwadi yeBhaibheri uye kuzivisa Umambo hwaMwari setariro bedzi yomunhu. Zvikurukuru mumakumi amakore mashomanene apfuura, aya magazini akava nenyaya dzapaMagwaro dzakakodzera nguva padenho dzokugarisana kwavanhu, dzemhuri, uye dzemirangariro idzo kunyange vamwe vavabatiri vaMwari vanosangana nadzo. Mashoko iwayo akabudiswa nokuda kwechinangwai? Zvirokwazvo kuti abetsere avo vari kuwana idzi denho kuti vawane simba nekurudziro zvinobva muShoko raMwari. Asi nyaya dzakadaro dzinotibetserawo tose zvedu kuva nenzwisiso yakajeka zvikuru yeizvo dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzingava dziri kutambura. Nokudaro takashongedzerwa zviri nani kuteerera mashoko aPauro, anoti: “Musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasina simba, muve nomwoyo murefu kuna vose.”—1 VaTesaronika 5:14.
Vakuru Avo Vari “Utiziro Pamhepo”
15. Isaya akaporofitei pamusoro paavo vanobatira savakuru, uye mutoroi uyo ikoku kunoisa pavari?
15 Jehovha akagovera chimwe chinhu kutibetsera apo tinoneta—vakuru veungano. Nezvaivava muporofita Isaya akanyora, kuti: “Munhu mumwe nomumwe uchava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.” (Isaya 32:1, 2) Vakuru, ipapoka, vane mutoro wokuita zvinowirirana neizvo Jehovha akafanotaura pamusoro pavo. Va“chava” manyuko enyaradzo nokuzorodza kuvamwe uye kuva vanodisa ku“pfuurira kutakurirana mitoro [kana kuti, “zvinhu zvinonetsa”; chaizvoizvo, “zvinhu zvinorema”]. (VaGaratia 6:2, NW, mashoko omuzasi) Vanogona sei kuita izvozvi?
16. Vakuru vanogona kuitei kuti vabetsere uyo anonzwa asina kufanira kuti anyengetere?
16 Sezvambodudzwa, pane dzimwe nguva mumwe munhu aneta anganzwa asina kufanira kuti anyengetere. Vakuru vanogona kuitei? Vanogona kunyengetera nomunhu wacho uye nokuda kwake. (Jakobho 5:14) Kungokumbira Jehovha, akaneta achizvinzwa, kuti abetsere iyeyo kuti anzwisise kuti anodiwa sei naJehovha uye navamwe zvirokwazvo kungava kunonyaradza. Kunzwa munyengetero wapachokwadi, wemwoyo wose womukuru kungabetsera kusimbisa chivimbo chomunhu anotambudzika. Angabetserwa kurangarira kuti kana vakuru vane chivimbo chokuti Jehovha achapindura minyengetero nokuda kwaiyeyo, ipapo iye anogona kugoverana chivimbo ichocho.
17. Neiko vakuru vachifanira kuva vateereri vanonzwira tsitsi?
17 “Munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura,” inodaro Jakobho 1:19. Kuti vabetsere vakaneta kuwanazve simba, vakuru vanofanirawo kuva vateereri vanonzwira tsitsi. Mune zvimwe zvinoitika mitezo yeungano ingava ichirwisana nezvinetso kana kuti dzvinyiriro izvo zvisingagoni kupedzwa mutsika ino yezvinhu. Chavangada, ipapoka, hachisati chiri chigadzikiso “chokupedza” chinetso chavo asi kungotaura kumuteereri akanaka—mumwe munhu uyo asati achizovaudza zvavanofanira kunzwa asi uyo achavateerera pasina kuva anotonga.—Ruka 6:37; VaRoma 14:13.
18, 19. (a) Kuva anokurumidza kuteerera kunogona sei kubetsera mukuru kudzivisa kuita kuti mutoro weakaneta uve unotorema zvikuru? (b) Chii chinova mugumisiro apo vakuru vanoratidza “chidakadaka”?
18 Vakuru, kukurumidza kuteerera kunogona kukubetserai kudzivisa kuita kuti mutoro weakaneta uve unotorema zvikuru musingazivi. Somuenzaniso, kana hama kana kuti hanzvadzi yapotsa misangano kana kuti yaderera muushumiri hwomumunda, chaizvoizvo anoda zano here pamusoro pokuita zvakawanda muushumiri kana kuti pamusoro pokuva wenguva dzose zvikuru pamisangano? Zvichida. Asi unosanoziva mamiriro ezvinhu ose here? Kune zvinetso zvoutano zvinowedzera here? Mitoro yemhuri yakachinja misi ichangobva kupfuura here? Kune mamwe mamiriro ezvinhu kana kuti dzvinyiriro zviri kumuita kuti apere mwoyo here? Yeuka, munhu wacho angatove achitonzwa ane mhaka zvikuru pamusoro pokusakwanisa kuita zvakawanda.
19 Unogona, sei, ipapoka kubetsera hama yacho kana kuti hanzvadzi? Usati wasvika mhedziso uye kupa zano, teerera! (Zvirevo 18:13) Nemibvunzo yokuda kuziva ‘budisa’ kunzwa kwomwoyo womunhu wacho. (Zvirevo 20:5) Usafuratira uku kunzwa—kugamuchire. Akaneta angada kuvimbiswa kuti Jehovha anotiitira hanya uye anonzwisisa kuti padzimwe nguva mamiriro edu ezvinhu angatiganhurira. (1 Petro 5:7) Apo vakuru vanoratidza “chidakadaka” chakadaro, vakaneta vacha‘wana zororo nokuda kwemweya yavo.’ (1 Petro 3:8, NW; Mateo 11:28-30) Apo vanowana zororo rakadaro, havasati vachizoda kuudzwa kuti vaite zvakawanda; mwoyo yavo ichavasunda kuita zvose izvo vanogona kuita nenzira ine mufungo mukubatira Jehovha.—Enzanisa na2 VaKorinte 8:12; 9:7.
20. Nemhaka yokuti mugumo wechizvarwa chino chakaipa wava pedyo zvikuru, tinofanira kuva vakatsunga kuitei?
20 Zvirokwazvo tiri kurarama munguva dzinorayira zvikurusa dzenhau yose yemunhu. Dzvinyiriro dzokurarama munyika yaSatani dziri kuwedzera sezvatinopinda zvikuru munguva yomugumo. Yeuka, kufanana neshumba iri kuvhima, Dhiyabhorosi anotimirira kuti tinete ndokurega kuitira kuti atishandise savanyajambwa vari nyore. Tinogona sei kuva vanoonga kuti Jehovha anopa kune akaneta simba! Ngatishandisei zvakazara gadziriro idzo akaita kuti atipe simba rokupfuurira, sokunge kuti ari kutigovera mapapiro akasimba egondo rinobhururuka mudenga denga. Nemhaka yokuti mugumo wechizvarwa chino chakaipa wava pedyo, zvino haisati iri nguva yokurega kumhanya munhangemutange yedu yomubayiro—upenyu husingaperi.—VaHebheru 12:1.
Ndeipi Iri Mhinduro Yako?
◻ Chii chatingakarira Jehovha kuita mukupindura minyengetero yedu?
◻ Tingawana simba kubva muuhama hwedu hwechiKristu munzirai?
◻ Shoko raMwari rinotibetsera sei kuwanazve simba?
◻ Vakuru vanogona kuitei kuti vabetsere vakaneta kuwanazve simba?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Pakuratidzira mutsa, tisakanganwe avo vanoda kurudziro
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vakuru vanogona kukumbira Jehovha kuti abetsere vakaneta kuti vanzwisise kuti vanodiwa sei