Kudzai Vanhu Vamarudzi Ose
“Kudzai vanhu vamarudzi ose, . . . ityai Mwari, kudzai mambo.” —1 PETRO 2:17, “NW.”
1. (a) Ndivanaani kunze kwaMwari naKristu vanokudzwa zvakafanira? (b) Munzvimboi umo vanhu vanofanira kuratidzwa rukudzo mukuwirirana na 1 Petro 2:17?
TAONA kuti tine musengwa wokupa rukudzo kuna Jehovha Mwari nokuna Jesu Kristu. Chakadaro chinhu chakarurama, chokuchenjera, uye chorudo chokuita. Bva Shoko raMwari rinoratidzawo kuti tinofanira kukudza vanhu biyedu. “Kudzai vanhu vamarudzi ose,” tinoudzwa kudaro. (1 Petro 2:17, NW) Sezvo iyi ndima ichipedzisa nomurairo wokuti, “kudzai mambo,” revo yacho ndeyokuti rukudzo runofanira kupiwa kuna avo vane maruramiro okurwugamuchira nemhaka yenzvimbo yavo. Ndiani, ipapoka, watinofanira kukudza zvakafanira? Chiverengero chinoda rukudzo chingabatanidza vazhinji zvikuru kupfuura avo vamwe vangafunga. Tingataura kuti pane nzvimbo ina umo tinofanira kuratidza rukudzo kuna vamwe vanhu.
Kudzai Vatongi Vezvamatongerwe Enyika
2. Tinoziva sei kuti “mambo” anodudzwa pana 1 Petro 2:17 anonongedzera kuna mambo upi noupi wohunhu kana kuti mutongi wezvamatongerwe enyika?
2 Yokutanga yeidzi nzvimbo ine chokuita nehurumende dzenyika. Tinofanira kukudza vatongi vezvamatongerwe enyika. Apo Petro akapa zano, kuti: “Kudzai mambo,” neiko tichitaura kuti Petro airangarira vatongi vezvematongerwe enyika? Nemhaka yokuti iye ari kutaura pamusoro pomugariro uri kunze kweungano yechiKristu. Akanga achangobva kupedza kutaura, kuti: “Muzviise pasi pechirevo chimwe nechimwe chavanhu: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru; kana vari vabati, nokuti vakatumwa naye.” Cherekedzawo kuti Petro anoronga Mwari mukusiana na“mambo,” achiti: “Ityai Mwari, kudzai mambo.” (1 Petro 2:13, 14, NW) Naizvozvo “mambo” uyo Petro anotikurudzira kukudza anonongedzera kumadzimambo avanhu navatongi vezvamatongerwe enyika.
3. Ndivanaani vari “zviremera zvikuru,” uye chii chakavafanira?
3 Muapostora Pauro anoraira nenzira yakafanana, kuti: “Ivai pasi pezviremera zvikuru.” Izvi “zviremera zvikuru” hazvisati zviri Jehovha Mwari kana kuti Jesu Kristu, asi izvo vatongi vezvamatongerwe enyika, vakuru vakuru vehurumende. Achirangarira izvozvi, Pauro anopfuurira kuti: “Ipai kuna vose zvakavafanira zvavo, . . . kuno uyo unoraira rukudzo, rukudzo rwakadaro.” Hungu, vakadaro avo vakabvumidzwa naMwari kushandisa utongi hwezvamatongerwe enyika vane maruramiro orukudzo.—VaRoma 13:1, 7, NW.
4. (a) Rukudzo rungaratidzwa sei kuvatongi vezvamatongerwe enyika? (b) Muenzanisoi uyo muapostora Pauro akagadza mukuratidza rukudzo kuvatongi?
4 Tinoratidza sei rukudzo kuvatongi vezvamatongerwe enyika? Imwe nzira iri kupfurikidza nokuvabata noruremekedzo rukuru. (Enzanisa na 1 Petro 3:15.) Uye nemhaka yenzvimbo yavo, ruremekedzo rwakadaro rwakavafanira kunyange zvazvo vangava vanhu vakaipa. Wezvenhau weRoma Tacitus akarondedzera Mutongi Feriksi somunhu uyo “aifunga kuti aigona kuita chiito chipi nechipi chakaipa asingarangwi.” Bva Pauro akazarura dziviriro yake pamberi paFeriksi nenzira yokuremekedza. Nenzira yakafanana, Pauro akaudza Mambo Herodhe Agripa II nenzira yokuremekedza, kuti “Ndinozvirangarira ndimene sendinofara kuti ndinoita dziviriro pamberi penyu,” kunyange zvazvo Pauro aiziva kuti Agripa akanga achirarama muvatano nehama yokunyama. Nenzira yakafanana, Pauro akaratidza rukudzo kuMutongi Festo, achimudana so“Wakakurumbira,” kunyange zvazvo Festo akanga ari munamati wezvidhori.—Mabasa 24:10; 26:2, 3, 24, 25.
5. Rukudzo runoratidzwa neimwe nzirai kuzviremera zvehurumende, uye Zvapupu zvaJehovha zvinogadza sei muenzaniso wakanaka mukuita ikoku?
5 Imwe nzira yatinoratidza nayo vakuru vakuru vehurumende rukudzo inoratidzirwa nomuapostora Pauro paakanyora pamusoro pokupa kuzviremera zvehurumende zvakafanira zvazvo. Iye akati tipe “kuno uyo anoraira mutero, mutero; kuno uyo anoraira muripo, muripo.” (VaRoma 13:7, NW) Zvapupu zvaJehovha zvinopa zvakafanira zvakadaro pasinei zvapo nenyika iri munyika mazvinogara. MuItaly pepanhau rinonzi La Stampa rakati: “Ivo vagari vemo vakavimbika zvikurusa avo munhu upi noupi aigona kushuva: havanzvengi mitero kana kuti kutsvaka kudzivisa mitemo isina kutsarukana nokuda kwebetsero yavo vamene.” Uye The Post yePalm Beach, Florida, U.S.A., yakati pamusoro peZvapupu zvaJehovha: “Zvinoripa mitero yazvo. Ndivo vamwe vavagari vemo vakatendeseka zvikurusa muRepublic.”
Ratidzai Rukudzo Kuvashandirwi
6. Ndikunaanizve uko vaapostora Pauro naPetro vanoti rukudzo runofanira kupiwa?
6 Nzvimbo yechipiri umo rukudzo rwakafanira iri panzvimbo dzedu dzebasa. Vose vari vaviri vaapostora Pauro naPetro vanosimbisa ukoshi hwokukudza kwamaKristu avo vakaiswa pamusoro pavo muukama hwebasa. Pauro akanyora, kuti: “Vose vari varanda pasi pejoko, ngavati vatenzi vavo vanofanirwa nokukudzwa kwose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kumhurwa. Avo vana vatenzi vanotenda, ngavarege kuvazvidza zvadziri hama, asi zvikuru ngavavabatire, zvavari vatendi vanodikanwa vanobatsirwa nokubata kwavo kwakanaka.” Uye Petro akati: “Varanda, teererai vatenzi venyu nokutya kwose, musingazviiti kuna vakanaka navanyoro bedzi, asi kuna vasakaruramawo.”—1 Timotio 6:1, 2; 1 Petro 2:18; VaEfeso 6:5; VaKorose 3:22, 23.
7. (a) Zano reBhaibheri rokuti “varanda” varatidze rukudzo ku“varidzi” rinoshandiswa zvakafanira sei nhasi? (b) Chii icho vashandi vechiKristu vane vashandirwi vechiKristu vanofanira kungwarira kuchengeta?
7 Chokwadika, uranda hauna kupararira nhasi. Asi nheyo dzaizodzora maKristu muukama hwouranda nomuridzi dzinoshanda kuukama hwomushandi nomushandirwi. Nokudaro, vashandi vechiKristu vane mutoro wokuratidza rukudzo kunyange kuvashandirwi vakaoma kufadza. Uye zvakadiniko kana mushandirwi akavawo mutendi biyake? Panzvimbo pokukarira rangarirwo chaiyo kana kuti rusaruro nemhaka youkama ihwohwo, mushandi anofanira kubatira mushandirwi wake wechiKristu kunyange nokudisa zvikuru, asingatongomukorovheri munzira ipi neipi.
Rukudzo Muboka Remhuri
8, 9. (a) Ndivanaani avo vana vanodikanirwa kukudza? (b) Neiko vana vachifanira kuratidza rukudzo irworwu, uye vanogona sei kururatidza?
8 Nzvimbo yechitatu umo rukudzo rwakafanira iri mukati meboka remhuri. Vana, somuenzaniso, vane musengwa wokukudza vabereki vavo. Ikoku kwakanga kusati kuchingova bedzi chinodikanwa choMutemo wakapiwa kuna Mosesi asiwo musengwa wamaKristu. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Imi vana, teererai vabereki venyu munaShe; nokuti ndizvo zvakarurama. ‘Kudza Baba vako namai.’”—VaEfeso 6:1, 2; Eksodho 20:12.
9 Neiko vana vachifanira kukudza vabereki vavo? Vanofanira kuvakudza nemhaka yechiremera chavabereki vavo chakapiwa naMwari uyewo nemhaka yeizvo vabereki vavo vakaita, kuparira kuberekwa kwavo nokuvariritira nokuvarera kuvambira pahuduku zvichienda mberi. Vana vanofanira kukudza sei vabereki vavo? Vanofanira kuita ikoku zvikurukuru kupfurikidza nokuva vanoteerera navanozviisa pasi pavo. (Zvirevo 23:22, 25, 26; VaKorose 3:20) Kupa rukudzo rwakadaro kungada kuti vana vakura vape tsigiro yakawedzerwa, yokunyama pamwe chete neyokumudzimu, kuvabereki vavo vakwegura kana kuti vanasekuru. Ikoku kunofanira kudzikamiswa nouchenjeri nemimwe mitoro, zvakadai sokutarisira kwavana vomunhu amene nokugoverana zvizere musonganiro yechiKristu noushumiri hwomumunda.—VaEfeso 5:15-17; 1 Timotio 5:8; 1 Johane 3:17.
10. Vadzimai vane musengwa wokuratidza rukudzo kuna vanaani, uye vanogona kuita ikoku munzirai?
10 Bva vana havasati vari ivo bedzi vari mukati memhuri vane musengwa wokupa vamwe rukudzo. Vadzimai vanofanira kupa rukudzo kuvarume vavo. Muapostora Pauro akataurawo kuti “mudzimai anofanira kuva noruremekedzo rukuru nokuda kwomurume wake.” (VaEfeso 5:33, NW; 1 Petro 3:1, 2) Kuratidza varume “ruremekedzo rukuru” zvirokwazvo kunobatanidza kuvapa rukudzo. Sara akakudza murume wake, Abrahama, paakanongedzera kwaari sa“ishe.” (1 Petro 3:6) Naizvozvo vadzimai, tevedzerai Sara. Ipai varume venyu rukudzo kupfurikidza nokugamuchira zvisarudzo zvavo nokushanda kuzviita kuti zvibudirire. Kupfurikidza nokuita zvose zvamunogona kubetsera varume venyu kutakura mitoro yavo, panzvimbo pokuwedzera kuna iyoyi, munovaratidza rukudzo.
11. Pamusoro pokuratidza rukudzo, varume vane musengwai, uye nei?
11 Zvakadiniko navarume? Vanoraidzwa muShoko raMwari, kuti: “Imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo une simba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka dzenyasha dzoupenyu pamwe chete nemi, kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.” (1 Petro 3:7) Zvirokwazvo ikoko kunofanira kuita kuti murume ari wose afunge. Kwakaita sokunge kuti mukadzi ane chiratidzo chinoti “Anokosha. Asina simba. Batai nokungwarira! Ipai rukudzo!” Naizvozvo varume ngavayeuke kuti kutoti vachipa vadzimai vavo rukudzo kupfurikidza nokuvaratidza rangariro yakafanira, vachashatisa ukama hwavo naJehovha Mwari, nokuti minyengetero yavo ichadziviswa. Zvirokwazvo, kunobetsera vose kuti mitezo yemhuri ikudzane.
Muungano
12. (a) Ndivanaani vane mutoro wokuratidza rukudzo muungano? (b) Jesu akaratidza sei kuti kwakafanira kugamuchira rukudzo?
12 Kunewo mutoro uyo munhu ari wose anawo wokuratidza rukudzo mukati meungano yechiKristu. Tinopiwa zano, kuti: “Mukuratidzirana rukudzo tungamirirai.” (VaRoma 12:10, NW) Jesu akaratidzira mumumwe wemienzanisiro yake kuti kwakafanira kugamuchira rukudzo. Iye akati patinokokwa kumabiko, tinofanira kutora nzvimbo yakaderera zvikurusa, nokuti ipapo mukoki wedu achatikumbira kutora chigaro chakakwirira zvikuru, uye tichava norukudzo pamberi pavashanyi biyedu vose. (Ruka 14:10) Zvino, sezvo tose tichionga kupiwa rukudzo, hatifaniri here kuva netsitsi ndokupanana rukudzo? Tinogona sei kuita ikoku?
13. Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzatinogona kuratidza nadzo rukudzo vamwe muungano?
13 Mashoko okuonga nokuda kwebasa raitwa zvakanaka akaenzana nokupa rukudzo. Naizvozvo tinogona kukudzana kupfurikidza nokupa rumbidzo, zvichida nokuda kwehurukuro kana kuti tsinhiro iyo mumwe munhu anopa muungano. Mukuwedzera, tinogona kukudzana kupfurikidza nokuzvisunga timene nendangariro inozvininipisa kuhama dzedu dzechiKristu nehanzvadzi, kupfurikidza nokuvabata noruremekedzo rukuru. (1 Petro 5:5) Nokudaro tinoratidzira kuti tinovakoshesa savabatiri biyedu vanokudzwa vaJehovha Mwari.
14. (a) Hama dziri muungano dzinogona sei kupa hanzvadzi rukudzo rwakafanira? (b) Chii chinoratidza kuti kupa zvipo ndiimwe nzira yokupa nayo rukudzo?
14 Muapostora Pauro akapa zano Timotio muduku rokubata hanzvadzi dzakura dzechiKristu savanamai navaduku sehanzvadzi dzokunyama, “nokuchena kwomwoyo kwose.” Hungu, apo hama dzinongwarira kusazvidza hanzvadzi dzavo dzechiKristu, zvakadai nokuratidza rovedzo isakafanira, dziri kuvapa rukudzo. Pauro akapfuurira kunyora, kuti: “Kudza chirikadzi, dziri chirikadzi chaidzo.” Imwe nzira iyo chirikadzi inoshaiwa inofanira kukudzwa nayo iri kupfurikidza netsigiro yokunyama. Asi kuti akwanirise nokuda kwaikoku, iye anofanira kuva “anorumbidzwa nokuda kwamabasa akanaka.” (1 Timotio 5:2-10) Pamusoro pezvipo zvokunyama, Ruka akanyora pamusoro pavanhu vapachitsuwa cheMerita, kuti: “Vakatikudza nokukudza kukuru; kuzoti toenda, takaisa pachikepe zvinhu zvatakanga tichishaiwa.” (Mabasa 28:10) Nokudaro rukudzo runogona kuratidzwa mumwe kupfurikidza nokugovera zvipo zvokunyama.
15. (a) Tine musengwa chaiwo wokuratidza rukudzo kuna vanaani? (b) Ndeipi iri nzira imwe yatinogona kuratidza nayo rukudzo kuna avo vanotungamirira?
15 Achipfuuridzira tsamba yake kuna Timotio, Pauro anonyora, kuti: “[Vakuru] vanobata [ungano, NW] zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa.” (1 Timotio 5:17) Munzirai umo tinogona kukudza namo vakuru, kana kuti vatariri? Pauro akati: “Ivai vatevedzeri vangu, kunyange sezvo ndiri waKristu.” (1 VaKorinte 11:1, NW) Patinoteerera mashoko aPauro okuva vatevedzeri vake, tiri kumupa rukudzo. Ikoku kungashanda kuna avo vari kutungamirira pakati pedu nhasi. Kusvikira kutambanuko yatinovatevedzera kupfurikidza nokutevera muenzaniso wavo, tichave tichivapa rukudzo.
16. Ndedzipi dziri nzira dzokuwedzera umo rukudzo runogona kuratidzwa kuna avo vanotungamirira?
16 Imwe nzira yatinoratidza nayo vatariri rukudzo iri kupfurikidza nokuteerera pangiro, yokuti: “Teererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanorinda mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu.” (VaHebheru 13:17) Nenzira imwe cheteyo vana vanokudza nayo vabereki vavo kupfurikidza nokuva vanovateerera, naizvozvo tinokudza avo vanotungamirira pakati pedu kupfurikidza nokuva vanoteerera nokuzviisa pasi pavo. Uye, sezvo Pauro neshamwari dzake vakakudzwa nezvipo zvokunyama zvakapiwa navagari ivavo vane mutsa veMerita, vamiriri vanofambira vazhinji veSosaiti vakakudzwa nenzira yakafanana nguva nenguva. Asi, chokwadika, havatongofaniri kukumbira zvipo zvakadaro kana kuti kukarakadza kuti zvingaongwa kana kuti zvingadikanwa.
17. Musengwai uyo avo vane maropafadzo okutarisira vanawo pamusoro pokuratidza rukudzo?
17 Pane rumwe rutivi, vose avo vari munzvimbo dzokutarisira musangano roubati ushe hwaMwari—mungave muungano yomunzvimbomo, mudunhu kana kuti muruwa somutariri anofambira, murimwe ramapazu eWatch Tower Society, kana kuti mukati meboka remhuri—vane musengwa wokupa rukudzo kuna avo vanovatarisira. Ikoku kunoda kuti vave netsitsi pamwe chete nokunzwira urombo. Vanofanira kuva vanosvikika panguva dzose, vachiva vanyoro navanozvininipisa mumwoyo nendangariro, sezvo Jesu Kristu akataura kuti akanga akaita.—Mateo 11:29, 30.
Shandirai Kukudzana
18. (a) Chii chinogona kutidzivisa pakuratidza rukudzo kuna avo vakafanirwa narwo? (b) Neiko pasina ruramisiro nokuda kwechimiro chendangariro chakaipa nechokutsoropodza?
18 Tose tinofanira kushanda nesimba pakukudzana, nokuti pane mhinganidzo ine simba kukuita kwedu saizvozvo. Mhinganidzo iyoyo, kana kuti vhiringidzo, mwoyo wedu usina kukwana. “Kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pahuduku hwake,” rinodaro Bhaibheri. (Genesi 8:21) Imwe yekombamiro dzomunhu iyo ingadzongonyedza kuratidza kwedu rukudzo rwakafanira kuna vamwe kuva vane chimiro chakaipa, chokutsoropodza chendangariro. Tose zvedu tiri vanhu vasina simba, vasina kukwana, vanoda ngoni dzaJehovha nomutsa usakafanirwa. (VaRoma 3:23, 24) Mukunzwisisa ikoku, ngatingwarire kusafungisisa utera hwehama dzedu kana kuti kupa vavariro dzinopanikirika kuhama dzedu.
19. Chii chichatibetsera kukurira chimiro chipi nechipi chakaipa?
19 Mushonga wekombamiro yakaipa yakadaro ipi neipi rudo nokuzvidzora. Tinoda kuva nechimiro chokunzwira tsitsi, chokuvimbika, chakanaka pamusoro pehama dzedu tichicherekedza mavara adzo akaisvonaka. Kana pane chimwe chinhu chatisinganzwisisi, ngativei vanodisa nguva dzose kudavira hama dzedu, ndokuteerera zano raPetro, rinoti: “Zvikuru kune zvose, danai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidzira zvivi zvizhinji.” (1 Petro 4:8) Tinofanira kuva norudzi irworwo rworudo kana tichizopa hama dzedu rukudzo rwakadzifanira.
20, 21. (a) Ndeipi iri imwe kombamiro iyo sezvingabvira ingadzongonyedza kuratidzirana rukudzo? (b) Chii chichatibetsera kukurira iyi kombamiro?
20 Rimwe vara iro sezvingabvira ringavhiringidza kuratidza kwedu rukudzo rwakafanira kuvamwe ikombamiro yokuva anokurumidza kutsamwa, kana kuti kutapurika zvisakafanira. Kutapurika kune nzvimbo yako. Vanyori vemifananidzo vanofanira kuva vanotapurwa nokutinhira kana kuti mavara sorutivi rwebasa ravo. Asi kuva vanotapurika zvisakafanira, kana kuti anokurumidza kutsamwa, muukama hwedu navamwe chimiro choudyire icho chinogona kutibira rugare rwedu ndokutidzivisa kuratidza rukudzo kuvamwe.
21 Mashoko anowanika pana Muparidzi 7:9 anotipa zano rakanaka muna ikoku: “Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi.” Naizvozvo kunoratidzira kushaikwa kwouchenjeri nomufungo wakanaka, pamwe chete nokushaikwa kworudo, kuva anotapurika zvisakafanira kana kuti anokurumidza kutsamwiswa. Tinofanira kungwarira kutyira kuti kombamiro dzedu dzakawa, zvakadai sokuva akaipa, anonyanyotsoropodza, kana kuti kuva anotapurika zvisakafanira, zvinotivhiringidza mukuratidza rukudzo kuna vose vakafanirwa narwo.
22. Musengwa wedu wokuratidza rukudzo ungapetwa sei?
22 Zvirokwazvo, tine zvikonzero zvizhinji zvokuratidza rukudzo kuvamwe. Uye, sezvataona, kune nzira zhinji zvikuru, dzatinogona kuratidza nadzo rukudzo rwakadaro. Panguva dzose tinofanira kungwarira kutyira kuti chimiro chipi nechipi choudyire kana kuti chakaipa chinodzongonyedza kuratidza kwedu rukudzo. Zvikurukuru, tinofanira kungwarira kuratidza rukudzo kuna avo vari muboka redu remhuri, varume navadzimai kuno mumwe nomumwe uye vana kuvabereki vavo. Uye muungano, tine musengwa wokuratidza rukudzo kuvanamati biyedu uye, zvikurukuru, kuna avo vari kushanda nesimba pakati pedu munzvimbo dzokutarisira. Munzvimbo idzi dzose, kuri nokuda kwebetsero yedu kupa rukudzo rwakafanira kuna avo vadudzwa pamusoro apa, sezvo, sokutaura kwakaita Jesu: “Kupa kuno mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
Waizopindura Sei?
◻ Tinofanira kukudza zviremera zvehurumende nei uye sei?
◻ Izanoi reBhaibheri ringashandiswa kuukama hwavashandi navashandirwi?
◻ Rukudzo runofanira kuratidzwa sei mukati meboka remhuri?
◻ Rukudzoi chairwo rungaratidzwa muungano, uye nei?
◻ Utera hwohunhu mukukundikana kukudza vamwe hungakurirwa sei?