-
Kuteerera—Chidzidzo Chinokosha Here Kuvaduku?Nharireyomurindi—2001 | April 1
-
-
“Kuti Zvikufambire Zvakanaka”
Pauro akataura chimwe chinhu chakanakira kuteerera paakanyora kuti: “‘Kudza baba vako naamai vako’; unova ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa: ‘Kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare pasi pano kwenguva refu.’” (VaEfeso 6:2, 3; Eksodho 20:12) Kuteerera vabereki kungaguma kwaita kuti zvinhu zvifambire munhu zvakanaka munzirai?
Kutanga, hachisi chokwadi here kuti vabereki vakanakira kuti vakura uye vanoziva? Kunyange zvazvo vachiita sevasingazivi zvakawanda mune zvemakombiyuta kana zvimwe zvezvidzidzo zvinoitwa kuchikoro, vanoziva zvakawanda nezvokurarama uye kukundwa kungaitwa zvinetso zvoupenyu. Ukuwo, vechiduku, havana mano akanaka anowanika nokukura. Saka, vanokurumidza kuita zvisarudzo, kakawanda kacho vanozvikuvadza nokuzongotevedzera zvakashata zvinoitwa nevezera ravo. Bhaibheri rinotaura zvazviri parinoti: “Upenzi hunonamatira mumwoyo womwana.” Mushonga wacho chii? “Shamhu yokurayirira ichahudzingira kure naye.”—Zvirevo 22:15.
Ukama hwomubereki nemwana hausi ihwo chete hunobatsirika nokuteerera. Kuti nzanga yevanhu iite zvakanaka uye ibudirire, panofanira kuva nokushandira pamwe, uko kunodawo kuteerera. Somuenzaniso, mumhuri, kuda kuita zvinodawo vamwe ndiko kunoita kuti pave norugare, kuwirirana, uye mufaro, pane kurayira uye kusava nebasa nekodzero dzevamwe nemanzwiro avanoita. Kubasa, kuzviisa pasi kunotodiwa pamushandi kuti bhizimisi chero ripi zvaro kana kuti zvinoitwa zvibudirire. Mumitemo nemirayiro yehurumende, kuteerera hakungoiti kuti munhu asarangwe chete asiwo kunoita kuti pave nokuchengeteka uye dziviriro.—VaRoma 13:1-7; VaEfeso 5:21-25; 6:5-8.
Vechiduku vasingateereri vakuru havawanzokodzeri munzanga. Zvakasiyana neizvi ndezvokuti, kudzidza kuteerera uchiri muduku kunogona kupa munhu mubayiro kwoupenyu hwake hwose. Zvakanaka sei kudzidza izvozvi muuduku!
-
-
Kuteerera—Chidzidzo Chinokosha Here Kuvaduku?Nharireyomurindi—2001 | April 1
-
-
Yeuka kuti murayiro wokuti uteerere vabereki une zvipikirwa zviviri sematauriro akaita muapostora Pauro, zvinoti, “kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare pasi pano kwenguva refu.” Kusimbiswa kwechipikirwa ichi kunowanikwa pana Zvirevo 3:1, 2 panoti: “Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; asi mwoyo wako ngauchengete mirayiro yangu; nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, namakore oupenyu, norugare.” Mubayiro mukuru wevaya vanoteerera ndewokuva noukama hwomunhu oga naJehovha iye zvino uye upenyu husingaperi munyika itsva ine rugare.—Zvakazarurwa 21:3, 4.
-