-
Madambudziko aJehovha pachiKristudhomuZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
29. Chii chinozadzika zvinoitika zvokufananidzira zve“nyeredzi huru inopfuta mwoto sezhenje,” uye nei?
29 Takaona chinofananidzirwa nenyeredzi mumashoko aJesu aitumirwa kuungano nomwe, umo nyeredzi nomwe dzinofananidzira vakuru vari mudziungano.b (Zvakazarurwa 1:20) “Nyeredzi” dzakazodzwa, pamwe chete navamwe vavakazodzwa, vanogara munzvimbo dzokudenga mupfungwa yomudzimu kubvira panguva yavanoiswa chisimbiso nomudzimu mutsvene sechisimbiso chenhaka yavo yokudenga. (VaEfeso 2:6, 7) Zvisinei, muapostora Pauro akanyevera kuti pakati pavakadaro vakafanana nenyeredzi paizobuda vatsauki pakutenda, vezvamasekete, vaizotsausa boka. (Mabasa 20:29, 30) Kusatendeka kwakadaro kwaizoparira kutsauka pakutenda kukuru, uye ava vakuru vakawa vaizosvika pakuumba munhu womubatanidzwa wokusateerera mutemo aizozvisimudzira iye amene kunzvimbo yakafanana neyaMwari pakati pavanhu. (2 VaTesaronika 2:3, 4) Nyevero dzaPauro dzakazadzika apo vafundisi vechiKristudhomu vakaoneka panzvimbo yenyika. Iri boka rinosanomirirwa nomufananidzo we“nyeredzi huru inopfuta mwoto sezhenje.”
-
-
Madambudziko aJehovha pachiKristudhomuZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
31. (a) Ko vafundisi vechiKristudhomu vakawa kunzvimbo “yokudenga” rini? (b) Ko mvura dzakapiwa navafundisi dzakashanduka sei kuva “chinovava,” uye nomuuyoi kuvazhinji?
31 Apo vafundisi vechiKristudhomu vakatsauka pakutenda pachiKristu chechokwadi, vakawa munzvimbo yakakwirira yo“kudenga” yakarondedzerwa naPauro pana VaEfeso 2:6, 7. Panzvimbo pokupa mvura yakanaka yezvokwadi, ivo vakapa “chinovava,” nhema dzinovava dzakadai sehero yomwoto, purigatori, Utatu, nokudeya kutemerwa mugumo; uyewo, vakatungamirira marudzi kupinda muhondo, vachikundikana kuavaka savabatiri vane tsika vaMwari. Chii chakava muuyo wacho? Kushatswa kwomudzimu kwaavo vaidavira nhema. Chinoitika chavo chakafanana nechecho chavaIsraeri vasina kutendeka vomuzuva raJeremia, avo Jehovha akati kwavari: “Ndinovaita kuti vadye gavakava, uye ndichavapa mvura ine nduru kuti vanwe. Nokuti kutsauka pakutenda kwakabva pavaporofita veJerusarema kukaenda kunyika yose.”—Jeremia 9:15; 23:15.
-