NYAYA YEKUDZIDZA 46
Uri Kuchengetedza ‘Nhoo Yako Huru Yekutenda’ Here?
“Torai nhoo huru yekutenda.”—VAEF. 6:16.
RWIYO 119 Tinofanira Kuva Nekutenda
ZVICHADZIDZWAa
1-2. (a) Maererano naVaEfeso 6:16, nei tichifanira kuva ‘nenhoo huru yekutenda’? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?
UNE “nhoo huru yekutenda” here? (Verenga VaEfeso 6:16.) Tine chokwadi chekuti unayo. Kungofanana nenhoo huru inodzivirira muviri, kutenda kunokudzivirira pazvinhu zvakaipa zviri munyika ino zvakadai seunzenza, kurwisana uye zvimwe zvese zvisingadiwi naMwari.
2 Kunyange zvakadaro, tiri kurarama “mumazuva ekupedzisira,” uye kutenda kwedu kucharamba kuchiedzwa. (2 Tim. 3:1) Ungaongorora sei nhoo yako yekutenda kuti uve nechokwadi chekuti yakasimba? Uye ungaitei kuti urambe wakabatisisa nhoo yako yekutenda? Ngatikurukurei mhinduro dzemibvunzo iyoyo.
NYATSOONGORORA NHOO YAKO
3. Musoja aiitei nenhoo yake uye aizviitirei?
3 Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, musoja aiwanzoshandisa nhoo yainge iine dehwe nechekunze. Aizora nhoo yacho mafuta kuitira kuti dehwe risakurumidza kusakara uye kuti paya painge pakagadzirwa nesimbi pasaita ngura. Kana musoja akaona kuti nhoo yake yabooka, aiva nechokwadi chekuti yagadziriswa kuti azoishandisa zvakare pane imwe hondo. Izvi zvingashandawo sei pakutenda kwako?
4. Nei uchifanira kugara uchiongorora nhoo yako yekutenda, uye unofanira kuzviita sei?
4 Kungofanana nemasoja ekare, iwe unofanirawo kugara uchiongorora nhoo yako yekutenda uchiigadzirisa kuitira kuti ugare wakagadzirira hondo. Isu vaKristu tinorwa hondo yemweya, uye vavengi vedu vanosanganisira mweya yakaipa. (VaEf. 6:10-12) Hapana munhu anogona kukuchengetedzera nhoo yako yekutenda kuti irambe ichishanda zvakanaka. Ungava sei nechokwadi chekuti wakagadzirira kusangana nemiedzo? Chekutanga, unofanira kunyengetera kuna Mwari kuti akubatsire. Kana wadaro, shandisa Shoko raMwari kuti rikubatsire kuzviona semaonerwo aunoitwa naMwari. (VaH. 4:12) Bhaibheri rinoti: “Vimba naJehovha nemwoyo wako wese, urege kuvimba nekunzwisisa kwako.” (Zvir. 3:5, 6) Chibva wafunga zvimwe zvisarudzo zvauchangobva kuita. Semuenzaniso, wakambosangana nedambudziko rakakura rekushaya mari here? Vimbiso yaJehovha iri pana VaHebheru 13:5 yakauya mupfungwa dzako here yekuti: “Handizokusiyi, uye handizokurasi”? Vimbiso iyoyo yakaita kuti uve nechokwadi chekuti Jehovha aizokubatsira here? Kana yakadaro, zvinoratidza kuti uri kuita kuti nhoo yako yekutenda irambe yakasimba.
5. Zvii zvaungaona kana ukaongorora kutenda kwako?
5 Unogona kushamiswa nezvaunoona paunonyatsoongorora kutenda kwako. Pamwe uchaona zvimwe zvaunoda kugadzirisa zvawava nenguva refu usina kuona. Unogona kuona kuti kutenda kwako kuri kukanganiswa nekuzvidya mwoyo, nenhema uye nekuora mwoyo. Kana izvi zvakamboitika kwauri, ungaitei kuti kutenda kwako kusaramba kuchikanganiswa?
USAPEDZWA SIMBA NEKUZVIDYA MWOYO, NENHEMA UYE NEKUORA MWOYO
6. Ndekupi kuzvidya mwoyo kusina kuipa?
6 Pane kumwe kuzvidya mwoyo kusina kuipa. Tinogona kuzvidya mwoyo nekuti tingafadza sei Jehovha naJesu. (1 VaK. 7:32) Kana tikaita chivi chakakura, tinorwadziwa uye tinonzwa tichida kugadzirisa ushamwari hwedu naMwari. (Pis. 38:18) Tinogonawo kuzvidya mwoyo nenyaya yekuti tingafadza sei watakaroorana naye, uye nezvematambudziko anosangana nevemumhuri medu kana vatinonamata navo.—1 VaK. 7:33; 2 VaK. 11:28.
7. Maererano naZvirevo 29:25, nei tisingafaniri kutya munhu?
7 Asi kunyanya kuzvidya mwoyo kunogona kukanganisa kutenda kwedu. Semuenzaniso, tinogona kuramba tichinetseka kuti tichawana sei zvekudya zvakakwana uye zvekupfeka. (Mat. 6:31, 32) Saka tinogona kubva taisa pfungwa dzedu pakutsvaga pfuma. Tinogonawo kutanga kuda mari. Kana tikarega izvozvo zvichiitika, kutenda kwedu muna Jehovha kunopedzisira kusisina kusimba uye tinokanganisa ushamwari hwedu naye. (Mako 4:19; 1 Tim. 6:10) Kana kuti tinogona kunyanya kunetseka nekufunga kuti vamwe vanhu vanotiona sei. Tingatotanga kutya kusekwa kana kutambudzwa nevanhu kupfuura kutya kutadzira Jehovha. Kuti tisatya vanhu, tinofanira kukumbira Jehovha kuti atibatsire kuva nekutenda uye ushingi hwekuti tikunde muedzo wacho.—Verenga Zvirevo 29:25; Ruka 17:5.
8. Tinofanira kuita sei kana tikanzwa nhema?
8 Satani, “baba venhema,” anoshandisa vanhu vake kuti aparadzire nhema nezvaJehovha uye nezvehama nehanzvadzi dzedu. (Joh. 8:44) Semuenzaniso, vakatsauka pakutenda vanogona kuparadzira nhema nezvesangano raJehovha paIndaneti uye pamaTV nezvimwewo zvavanoshandisa. Nhema idzodzo dziri pakati ‘pemiseve inobvira’ inokandwa naSatani. (VaEf. 6:16) Tinofanira kuitei kana mumwe munhu akatanga kutiudza nhema dzakadaro? Tinoramba kumuteerera! Nei tichidaro? Nekuti tine kutenda muna Jehovha uye tinovimba nehama dzedu. Hatitombofaniri kutaura nevanhu vakatsauka pakutenda. Hatiregi chero chii zvacho kunyange chido chekuda kunzwa zvavanotaura chichiita kuti titange kuitisana nharo navo.
9. Kuora mwoyo kunogona kutikanganisa sei?
9 Kuora mwoyo kunogona kukanganisa kutenda kwedu. Dzimwe nguva tinoora mwoyo nemhaka yematambudziko atinosangana nawo. Hazviiti kuti tisaita basa nematambudziko aya. Asi hatifaniri kungoramba tichifunga nezvematambudziko edu. Kana tikadaro, tinogona kukanganwa zvinhu zvakanaka zvatakavimbiswa naJehovha. (Zvak. 21:3, 4) Kuora mwoyo kunogona kutipedza simba topedzisira tarega kushumira Jehovha. (Zvir. 24:10) Asi izvozvo hazvifaniri kumboitika kwatiri.
10. Wadzidzei mutsamba yakanyorwa neimwe hanzvadzi?
10 Funga zviri kuitwa neimwe hanzvadzi yekuUnited States kuti irambe iine kutenda ichichengeta murume wayo uyo ari kurwara zvakanyanya. Yakanyora tsamba kumahofisi edu makuru ichiti: “Dzimwe nguva zvatiri kusangana nazvo zvinotipedza simba uye zvinoita kuti tiore mwoyo, asi tariro yedu yakasimba. Ndinotenda chaizvo zvese zvatiri kupiwa naJehovha kuti asimbise kutenda kwedu uye kuti atikurudzire. Mazano akadai tinoada uye tinoda kukurudzirwa saizvozvo. Izvi zvinoita kuti tirambe tichishumira Jehovha, tichitsungirira miedzo yatiri kukandirwa naSatani kuti anetese kutenda kwedu.” Zvakataurwa nehanzvadzi iyi zvinotibatsira kuona kuti tinogona kukunda dambudziko rekuora mwoyo. Tinozviita sei? Ona matambudziko ako semiedzo iri kubva kuna Satani. Iva nechokwadi chekuti Jehovha achakunyaradza. Uye koshesa zvekudya zvekunamata zvaanotipa.
11. Kuti tione kana tiine kutenda kwakasimba, tinofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi?
11 Une pauri kuona here paunofanira kusimbisa nhoo yako yekutenda? Mumwedzi mishoma yapfuura, pane pawakakwanisa kusazvidya mwoyo nezvimwe zvinhu here? Wakaramba kuteerera nhema dzinotaurwa nevanhu vakatsauka pakutenda uye kuitisana nharo navo here? Uye wakakwanisa kutsungirira zvimwe zvinhu zvaiita kuti uore mwoyo here? Kana wakadaro, izvozvo zvinoratidza kuti kutenda kwako kwakasimba. Asi tinofanira kuramba takangwarira nekuti Satani ane zvimwe zvombo zvaanoedza kutishandisira. Ngationei chimwe chacho.
NGWARIRA KUTI USADA PFUMA
12. Kuda pfuma kunogona kutikanganisa sei?
12 Kuda pfuma kunogona kutitsausa, topedzisira tisisina kutenda kwakasimba. Muapostora Pauro akati: “Hapana munhu anoshanda semurwi anozvibatikanisa mumabasa ekutengeserana eupenyu, kana achida kufarirwa neanenge akamupinza basa.” (2 Tim. 2:4) Masoja eRoma aisatombobvumirwa kuita rimwe basa. Chii chaigona kuitika kana musoja akasateerera izvozvo?
13. Nei musoja aisafanira kuita rimwe basa?
13 Chimbofungidzira zvinhu izvi zvichiitika. Mamwe masoja anopedza mangwanani ese achidzidzira kurwa, asi mumwe wavo haapo. Musoja iyeye ari kudhorobha, uye ari kutengesa zvekudya muchitoro chake. Kuzoti ava manheru, masoja anga achidzidzira kurwa ava kuongorora zvombo zvawo, achirodza mapakatwa awo. Asi uya wekuchitoro chake ava kugadzirira zvekudya zvaachada kutengesa mangwana. Mangwana acho vavengi vanoerekana vasvika. Ndeupi musoja anenge akagadzirira hondo uye achafadza mukuru wake? Iwe unoda kurwa uri pedyo neupi wacho, uya aigadzirira hondo here kana kuti aifunga nezvebhizinesi rake?
14. Sezvo tiri masoja aKristu, chii chatinonyanya kukoshesa?
14 Isu takafanana nemasoja akagadzirira kurwa. Tinonyanya kukoshesa kufadza vakuru vedu vehondo, Jehovha naKristu. Izvozvo zvinokosha chaizvo kwatiri kupfuura chero chii zvacho chatingawana munyika yaSatani. Tinova nechokwadi chekuti tine nguva nesimba rekushumira Jehovha uye kuti nhoo yedu yekutenda nezvimwe zvipfeko zvedu zvese zvehondo yemweya zvakanaka.
15. Pauro akatiyambira nezvei uye nei akatipa yambiro yakadaro?
15 Tinofanira kuramba takangwarira! Nei tichifanira kudaro? Muapostora Pauro akatiyambira kuti, “vaya vane shungu dzekupfuma” ‘vachatsauswa pakutenda.’ (1 Tim. 6:9, 10) Shoko rekuti ‘kutsauswa’ rinoratidza kuti tinogona kupedzisira tava kudzingirirana nezvinhu zvisinganyanyi kukosha muupenyu. Izvi zvinobva zvaita kuti titange “kuchiva zvinhu zvizhinji zvisina musoro uye zvinokanganisa.” Hatifaniri kurega mwoyo yedu ichichiva zvinhu zvakadaro, asi tinofanira kuzviona sezvazviri chaizvo, sezvombo zvaSatani zvinogona kutikuvadza.
16. Nyaya iri pana Mako 10:17-22 inofanira kuita kuti tifunge nezvemibvunzo ipi?
16 Ngatitii tine mari yekuti tinokwanisa kutenga zvinhu zvakawanda. Pane chakaipa here nekutenga zvinhu zvatinoda asi zvisinganyanyi kukosha? Hapana hapo chakaipa. Asi funga nezvemibvunzo iyi: Kunyange zvazvo tichikwanisa kutenga chimwe chinhu, tine nguva nesimba rekuchishandisa uye kuchichengetedza here? Hatizotangi here kuda pfuma yedu zvakanyanya? Kuda kwatinoita zvinhu zvedu hakuzoiti here kuti tipedzisire taita semurume wechidiki akaramba kuita zvaakaudzwa naJesu izvo zvaizoita kuti aitire Mwari zvakawanda? (Verenga Mako 10:17-22.) Zviri nani chaizvo kurarama upenyu husina zvakawanda, toshandisa nguva yedu nesimba pakuita kuda kwaMwari.
RAMBA WAKABATISISA NHOO YAKO YEKUTENDA
17. Chii chatisingafaniri kutombokanganwa?
17 Hatitombofaniri kukanganwa kuti tiri muhondo, uye zuva nezuva tinofanira kunge takagadzirira kurwa hondo yacho. (Zvak. 12:17) Hama nehanzvadzi dzedu hadzikwanisi kutitakurira nhoo yedu yekutenda. Mumwe nemumwe wedu anofanira kuramba akabatisisa nhoo yake.
18. Nei musoja aibatisisa nhoo yake?
18 Kare musoja airemekedzwa kana achinge aratidza ushingi muhondo. Asi kana achinge adzoka kuhondo asina nhoo yake zvaimunyadzisa. Mumwe munyori wezvaiitika kare ainzi Tacitus akati: “Kudzoka usina nhoo yako kwainyadzisa chaizvo.” Izvi ndizvo zvaiita kuti musoja arambe akabatisisa nhoo yake.
19. Tingaramba sei takabatisisa nhoo yedu yekutenda?
19 Tinobatisisa nhoo yedu yekutenda nekupinda kwatinoita misangano yechiKristu nguva dzese uye nekuudza vamwe nezvezita raJehovha neUmambo hwake. (VaH. 10:23-25) Uyewo tinoverenga Shoko raMwari mazuva ese uye tinonyengetera kwaari kuti atibatsire kushandisa zvarinotaura. (2 Tim. 3:16, 17) Kana tikadaro, hapana chombo chinoshandiswa naSatani kuti atirwise chichatikuvadza zvachose. (Isa. 54:17) ‘Nhoo yedu huru yekutenda’ ichatidzivirira. Ticharatidza ushingi, tichishanda pamwe nehama nehanzvadzi dzedu. Zuva nezuva tichange tichikunda muhondo yedu yekuita kuti kutenda kwedu kurambe kwakasimba. Uye chinonyanya kukosha ndechekuti tichafara kuva kudivi raJesu paachakunda muhondo yaacharwa naSatani nevateveri vake.—Zvak. 17:14; 20:10.
RWIYO 118 “Tiwedzereiwo Kutenda”
a Musoja aifanira kunge aine nhoo inomudzivirira kuti asakuvadzwa. Kutenda kwedu kwakaita senhoo. Uye kungofanana nenhoo iyo yaifanira kugara yakasimba, kutenda kwedu kunofanirawo kugara kwakasimba. Nyaya ino inotaura zvatingaita kuti tive nechokwadi chekuti ‘nhoo yedu huru yekutenda’ yakasimba.
b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mashoko enhema anotaurwa nevanhu vakatsauka pakutenda paanobuda paTV, mhuri yeZvapupu inobva yaidzima. Pavanenge vava kuita kunamata kwemhuri, baba vacho vanoshandisa Bhaibheri kuti vasimbise kutenda kwemhuri yavo.
c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO:Pakunamata kwemhuri, baba vamwe chete ivavo vari kushandisa Bhaibheri kuti vasimbise kutenda kwemhuri yavo.