Dzidziso Inobetsera Yenguva Dzedu Dzinotambudza
“Uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. . . Asi vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.”—2 TIMOTIO 3:1, 13.
1, 2. Neiko tichifanira kufarira dzidziso dzatinotevera?
URI kubetserwa here, kana kuti uri kukuvadzwa here? Zvinetso zvako zviri kupedzwa, kana kuti zviri kuipiswa zvikuru here? Nechiiko? Nedzidziso. Hungu, dzidziso dzinogona kutapura zvikuru upenyu hwako, nokuda kwezviri nani kana kuti nokuda kwezvakaipa zvikuru.
2 Vanapurofesa vatatu vakanzvera iyi nhau misi ichangobva kupfuura iyi ndokubudisa zvavakawana muJournal for the Scientific Study of Religion. Chokwadi, vangave vasina kunzvera iwe kana kuti mhuri yako. Bva, chavakawana chinoratidza kuti pane batano chaiyoiyo pakati pedzidziso nebudiriro yomunhu, kana kuti kundikano, mukugonana nenguva dzedu dzinotambudza. Munyaya inotevera, tichacherekedza chavakawana.
3, 4. Ndohupi huri hufakazi hwokuti tinorarama munguva dzinotambudza?
3 Kutanga, kunyanguvezvo, rangarira uyu mubvunzo: Unobvuma here kuti tinorarama munguva dzakaoma kubata nadzo? Kana zvakadaro, ipapo zvirokwazvo ungaona kuti ufakazi hunobvumikisa kuti idzi i“nguva dzokutambudzika [dzakaoma kubata nadzo, NW].” (2 Timotio 3:1-5) Nzira inotapurwa nayo vanhu yakasiyana-siyana. Somuenzaniso, sezvinobvira unoziva nezvenyika idzo iye zvino dziri kukamuraniswa sezvo mapoka akasiyana-siyana anorwira ukuru hwezvematongerwe enyika. Kune imwe nzvimbo, kuuraya kunobva mumisiyano yorudzidziso kana kuti yedzinza. Varwi havasati vari ivo bedzi vanokuvadzwa. Funga nezvavakadzi navasikana vasingaverengeki vakabatwa noutsinye kana kuti vakweguru vakanyimwa zvokudya, kudziya, uye pokugara. Zviverengero zvisingaverengeki zviri kutambura zvikuru, kuchitungamirira kuzviverengero zvikuru zvavapoteri nenhamo dzakawanda dzinowirirana.
4 Nguva dzedu dzinoratidzirwawo nezvinetso zvemari, kunoguma nemafekitari akapfigwa, kushaiwa mabasa, kurasikirwa nebetsero dzapanguva yenhamo uye mudyandigere, kupera simba kwoukoshi hwemari, uye zvokudya zviduku zvikuru kana kuti zvishomanene zvikuru. Unogona kuwedzera kundaza yacho yezvinetso here? Zvimwe ungadaro. Mamwe mamirioni kupota nyika anotambura nokuperevedza kwezvokudya nehosha. Sezvingabvira wakaona mifanikiso inotyisa yokuEast Africa inoratidza varume, vakadzi, uye vana vakaondoroka. Mamirioni muAsia anotambura zvakafanana.
5, 6. Neiko kuchigona kutaurwa kuti hosha rutiviwo rukuru rwenguva dzedu dzinotambudza?
5 Tose takanzwa nezvehosha dzinotyisa dziri kuwedzera zvino. Pana January 25, 1993, The New York Times yakati: “Unowedzera pakati pamadiro evatano, unyengeri nokudzivisa kwokusangwarira, murakatira weAIDS yeLatin America uri kufambira mberi kukupfuura uyo weUnited States . . . Kwakawanda kwokukura kwacho kunobva mumwero inokwira youtachiona pakati . . . pavakadzi.” Muna October 1992, U.S.News & World Report yakati: “Akanga achingova makore ane makumi maviri bedzi akapfuura apo chiremba mukuru weUnited States, achirumbidza rumwe rworukundo rukurusa rwoutano hwavose rwati rwaitwa, akazivisa kuti yakanga yava nguva yoku‘rega kunetseka pamusoro pehosha dzinotapukira.’” Zvakadiniko zvino? “Zvipatara zviri kuzadzwa zvakare navanyajambwa vehosha dzakanga dzafungidzirwa kuve dzakakurirwa. . . . Utachiona hudukusa huri kutanga matandi emagene okuchenjera zvikuru nguva dzose ari kuabvumira kupfuura kugadzirwa kwemishonga mitsva. . . . ‘Tiri kupinda munhambo itsva yehosha dzinotapukira.’”
6 Somuenzaniso mumwe, Newsweek yaJanuary 11, 1993, yakashuma, kuti: “Utachiona hwemararia zvino hunotapura vanhu vanofungidzirwa kuva vana mamirioni 270 gore riri rose, huchiuraya kusvikira kumamirioni maviri . . . uye huchiparira zvinoitika zvinenge zvina mamirioni 100 zvokurwara kwakakomba. . . . Panguva imwe cheteyo, hosha yacho iri kuva inoramba zvikuru nguva dzose kurapwa nemishonga yaichimborapa. . . . Dzimwe hosha dzingagona kukurumidza kuva dzisingarapiki.” Kunokuita kuti udedere.
7. Vakawanda nhasi vari kuita sei kunguva dzinotambudza?
7 Ungave wakacherekedza kuti munguva dzino dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo, vakawanda vari kutsvaka betsero yokupedza zvinetso zvavo. Funga nezvaavo vari kutendeukira kumabhuku anotaura nezvokugonana nenhamo kana kuti hosha itsva yakati. Vamwe vapererwa nezano pamusoro peroorano inokundikana, pamusoro pokutarisirwa kwavana, pamusoro pechinodhakisa kana kuti zvinetso zvemirimo, kana kuti pamusoro penzira yokudzikamisa nayo zvinoraira zvebasa ravo nedzvinyiriro dzavanonzwa pamusha. Hungu, vanoda chaizvoizvo betsero! Uri kuparapatika nechinetso chomunhu oga kana kuti uri kuwana dzimwe dzenhamo dzinoparirwa nehondo, nzara, kana kuti ngwavaira here? Kunyange kana chinetso chakakomba chichiratidzika kuva chisina mhinduro, une chikonzero chokubvunza kuti, ‘Neiko tasvika mugariro unotambudza wakadaro?’
8. Neiko tichifanira kutendeukira kuBhaibheri nokuda kwenzwisiso nenhungamiro?
8 Tisati tagona kugonana nenzira inobudirira ndokuwana gutsikano muupenyu zvino nomunguva yemberi, tinofanira kuziva chikonzero nei tichitarisana nenguva dzinotambudza dzakadaro. Nenzira yakajeka, ikoko kunogovera chikonzero chokuti mumwe nomumwe wedu arangarire Bhaibheri. Neiko tichinongedzera kuBhaibheri? Nemhaka yokuti iro roga rine uporofita hwakarurama, nhau yakanyorwa pachine nguva mberi, inoratidza zvikonzero zvomugariro wedu, patiri, uye kwatiri kuenda.
Chidzidzo Chinobva Munhau
9, 10. Uporofita hwaJesu huri muna Mateo 24 hwakazadzikwa sei muzana ramakore rokutanga?
9 Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1994, yakagovera hwirudzuro inokosha youporofita hwakajeka hwaJesu huri muna Mateo ganhuro 24. Kana ukazarura Bhaibheri rako kuganhuro iroro, unogona kuona Mat. 24 mundima 3 kuti vaapostora vaJesu vakakumbira chiratidzo pamusoro pokuvapo kwake kwenguva yemberi nemhedziso yetsika yezvinhu. Ipapo, Mat. 24 mundima 5 kusvikira ku 14, Jesu akadeya kutaura vanaKristu venhema, hondo, kuperevedza kwezvokudya, kutambudzwa kwavaKristu, kusateerera mutemo, uye kuparidzira kukuru pamusoro poUmambo hwaMwari.
10 Nhau inobvumikisa kuti zvinhu izvozvo zvimene zvakaitika mukati memhedziso yetsika yezvinhu yechiJudha. Kudai wakanga wararama panguva iyeyo, idzodzo dzingadai dzisina kuva nguva dzakaoma here? Zvisinei, zvinhu zvakanga zvichienda kumugumo, dambudziko risingaenzaniswi paJerusarema netsika yechiJudha. Mat. 24 Mundima 15 tinovamba kurava nezvechakaitika apo bedzi vaRoma vakadenha Jerusarema muna 66 N.V. Zvinoitika izvozvo zvakagumira mudambudziko rakadudzwa naJesu Mat. 24 mundima 21—kuparadzwa kweJerusarema muna 70 N.V., dambudziko rakaipa zvikurusa rakanga rati rambowira guta irero. Zvisinei, unoziva kuti nhau haina kuguma ipapo, uyewo Jesu haana kuti yaizodaro. Mat. 24 Mundima 23 kusvikira ku 28, akaratidza kuti pashure pedambudziko ra 70 N.V., zvimwe zvinhu zvaizoitika.
11. Zadziko yomuzana rokutanga ramakore yaMateo ganhuro 24 inowirirana munzirai nezuva redu?
11 Vamwe nhasi vangada kuramba kufuratira nhau dzakadaro dzinobva munguva yakapfuura nokutaura kwokuti ‘naizvozvo chii?’ Ikoko kungava chikanganiso. Kuzadzika kwouporofita shure panguva iyeyo kunokosha zvikuru. Neiko? Eya, hondo, nzara, kudengenyeka kwapasi, matambudziko, uye chitambudzo mukati memhedziso yetsika yechiJudha zvakanga zvichizoratidzirwa muzadziko huru zvikuru pashure pokunge “nguva dza[marudzi dzakagadzwa, NW]” dzaguma muna 1914. (Ruka 21:24) Vakawanda vari kurarama zvino vakanga vari zvapupu zvakaona zveHondo yeNyika I, apo iyi zadziko yazvino uno yakavamba. Asi kunyange kana wakazvarwa pashure pa 1914, wakapupurira uporofita hwaJesu huchizadzikwa. Zvinoitika zvezana rino ramakore rechi 20 zvinobvumikisa zvikuru kuti zvino tiri kurarama mumhedziso yeiyi tsika yakaipa iripo.
12. Mukuwirirana naJesu, chii chatinogona kukarirazve kuona?
12 Ikoku kunoreva kuti “dambudziko” raMateo 24:29 (NW) riri pamberi pedu. Richabatanidza zvinhu zvokudenga zvingave zvisingafungidzirwi. Mat. 24 Ndima 30 inoratidza kuti vanhu panguva iyeyo vachaona chiratidzo chakasiyana—chinobvumikisa kuti ruparadziko rwava pedyo. Mukuwirirana nenhau yakafanana iri pana Ruka 21:25-28, panguva iyeyo yomunguva yemberi, ‘vanhu vachazheuka nemhaka yorutyo nokukarira zvinhu zvinouya papasi.’ Nhauro yaRuka inotaurawo kuti vaKristu panguva iyeyo vachasimudza misoro yavo nemhaka yokuti kununurwa kwavo kuchava kwava pedyo zvikuru.
13. Mapfundoi maviri makuru anofanirwa nengwariro yedu?
13 ‘Ndinogamuchira nokubvumirana nazvo,’ ungadaro, ‘asi ndaifunga kuti nhau yakanga iri yokuti ndinogona sei kunzwisisa ndokutarisana nenguva dzedu dzakaoma?’ Zvakarurama. Pfundo redu rokutanga nderokuziva zvinetso zvikuru ndokuona madzivisire atinogona kuzviita. Rakabatanidzwa nairoro ipfundo rechipiri, mabetserwe atinogona kuitwa nedzidziso dzapaMagwaro kufarikanya upenyu huri nani zvino. Muna ikoku, zarura Bhaibheri rako kuna 2 Timotio ganhuro 3, uye ona kukubetsera kunogona kuita mashoko omuapostora Pauro kubata nenguva dzakaoma.
Uporofita Pamusoro Penguva Dzedu
14. Neiko pane chikonzero chokudavira kuti kurangarirwa kwa 2 Timotio 3:1-5 kunogona kutibetsera?
14 Mwari akafuridzira Pauro kunyorera muKristu akavimbika Timotio zano rakawanda rakaisvonaka zvikuru rakamubetsera kurarama upenyu hunobudirira nohunofadza zvikuru. Rutivi rweizvo Pauro akanyora rwakanga ruchizova nokushanda kukuru muzuva redu. Kunyange kana uchinzwa kuti unosanoaziva, sanotevera zvino mashoko ouporofita ari pana 2 Timotio 3:1-5. Pauro akanyora, kuti: “Uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari; vano mufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako; ufuratire vanhu ivavawo.”
15. Neiko 2 Timotio 3:1 ichifanira kuva yefariro chaiyo kwatiri zvino?
15 Tapota cherekedza, paiva nezvinhu 19 zvakarongwa. Tisati tanzvera izvozvi ndokupinda munzvimbo yokubetserwa, wana chiono chezvose. Tarira 2 Tim. 3 ndima 1. Pauro akadeya kutaura, kuti: “Namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika.” “Mazuva okupedzisira” api? Pave pane mazuva okupedzisira akawanda, akadai samazuva okupedzisira ePompeii yakare kana kuti mazuva okupedzisira amambo kana kuti mhuri inotonga. Kunyange Bhaibheri rinodudza chiverengero chakati chamazuva okupedzisira, akadai samazuva okupedzisira etsika yechiJudha. (Mabasa 2:16, 17) Jesu, kunyanguvezvo, akavanzarika hwaro hwokuti tinzwisise kuti “mazuva okupedzisira” Pauro akadudza anonongedzera kunguva yedu.
16. Mufananidzo wegorosi namasora wakadeya kutaura mugariroi wenguva yedu?
16 Jesu akaita kudaro nomufananidzo pamusoro pegorosi namasora. Izvozvi zvakadyarwa mumunda ndokusiiwa kuti zvikure. Iye akataura kuti gorosi namasora zvinomirira vanhu—vaKristu vechokwadi nenhema. Tinomutsa uyu mufananidzo nemhaka yokuti unosimbisa kuti nhambo refu yenguva yaizopfuura pamberi pemhedziso yetsika yose yakaipa. Apo iyoyo yakasvika, chimwe chinhu chaizove chichibudirira uye chakawanda. Chiiko? Kuwa pakutenda, kana kuti kubva pachiKristu chechokwadi, kuchiguma nouipi hukuru. Humwe uporofita hweBhaibheri hunosimbisa kuti ikoku kwaizoitika mukati memazuva okupedzisira etsika yakaipa. Ndimo matiri, mumhedziso yetsika yezvinhu.—Mateo 13:24-30, 36-43.
17. Mashokoi akafanana anogovera 2 Timotio 3:1-5 pamusoro pemhedziso yetsika yezvinhu?
17 Unoona revo yacho here? Timotio Wechipiri 3:1-5 inotipa chiratidzo chakafanana chokuti mukati memhedziso yetsika, kana kuti mazuva okupedzisira, chibereko chakapoteredza vaKristu chaizova chakaipa. Pauro akanga asiri kutaura kuti zvinhu 19 zvakarongwa zvaizova nzira huru yokubvumikisa nayo kuti mazuva okupedzisira akanga asvika. Panzvimbo pezvo, akanga achinyevera pamusoro pezvataizofanira kugonana nazvo mukati mamazuva okupedzisira. 2 Tim. 3 Ndima 1 inotaura nezve“nguva dzokutambudzika [dzakaoma kubata nadzo, NW].” Kutaura ikoko kunobva muchiGiriki, uye kunoreva chaizvoizvo “nguva dzakagadzwa dzinotyisa.” (Kingdom Interlinear) Hausati uchibvuma here kuti dzino“tyisa” anosanorondedzera chatiri kutarisana nacho nhasi? Ichi chikamu chamashoko chakafuridzirwa chinopfuurira kupa nzwisiso youmwari munguva yedu.
18. Chii chatinofanira kunangidzira ngwariro pachiri sezvatinofunda mashoko ouporofita aPauro?
18 Fariro yedu muuporofita uhu inofanira kutibvumira kuziva mienzaniso ine ngwavaira yokuti nhambo yedu inotambudza, kana kuti inotyisa sei. Yeuka mapfundo edu maviri makuru: (1) kuziva zvinetso zvinoita kuti nguva dzedu dziome uye kuona madzivisire atingazviita; (2) kutevera dzidziso dzinoshanda zvirokwazvo uye dzinogona kutibetsera kufarikanya upenyu huri nani. Naizvozvo panzvimbo pokusimbisa zvakaipa, tichanangidzira ngwariro padzidziso dzinogona kutibetsera nemhuri dzedu mudzino nguva dzakaoma kubata nadzo.
Wana Betsero Huru
19. Hufakazii hwawakaona hwokuti vanhu vanozvida vamene?
19 Pauro anovamba ndaza yake nokudeya kutaura kuti mumazuva okupedzisira, “vanhu vachava vanozvida.” (2 Timotio 3:2) Akarevei? Ungava akarurama kutaura kuti munhau yose kwave kune varume navakadzi vanozvitutumadza, vanozvirumbidza. Bva, hapana panikiro kuti uhu utera hunozivikanwa nenzira yechienzi nhasi. Hwakakura muna vanhu vakawanda. Hunodokuva muitiro munyika yezvamatongerwe enyika nokutengeserana. Varume navakadzi vanoronda simba nomukurumbira pasinei hapo nechinoitika. Kazhinji kazhinji ikoko kuri pasinei hapo nechinoitika kuna vamwe, nokuti vanozvida vamene vakadaro vanoitira hanya zvishomanene kuti vanokuvadza sei vamwe vanhu. Vanokurumidza kupomera mhaka kana kuti kunyengedza vamwe. Unogona kunzwisisa chikonzero nei vakawanda vachidana ichochi kuti “chizvarwa chaini.” Vanozvikudza navanozvirumbidza vakawanda.
20. Zano reBhaibheri rakasiyana sei nemudzimu wakaparira wokuzvida umene?
20 Hatifaniri kuyeuchidzwa nezvezvinoitika zvinotambudza zvatakava nazvo mukubata navanhu “vanozvida.” Ndekwechokwadi kunyanguvezvo kuti kupfurikidza nokuzivisa zvakajeka ichi chinetso, Bhaibheri riri kutibetsera, nokuti riri kutidzidzisa kudziviswa kwouyu musungo. Izvi ndizvo zvarinotaura: “Musaita chinhu chipi nechipi negwinyiro roudyire kana kuti nechishuvo chakaipa chokuzvitutumadza, asi zvininipisei kuno mumwe nomumwe, nguva dzose muchirangarira vamwe kuva vari nani kupfuura imi mumene. Uye tsvakai fariro dzomumwe nomumwe, kwete dzenyu mumene chete.” “Usazvifunga zvikuru kwazvo kupfuura zvaunofanira. Panzvimbo pezvo, zvininipise mukufunga kwako.” Zano iroro rakaisvonaka rinowanwa pana VaFiripi 2:3, 4 uye VaRoma 12:3, sezvinoshandurwa muToday’s English Version.
21, 22. (a) Hufakazii hukuru huripo hwokuti zano rakadaro rinogona kubvumikisa kuva rinobetsera nhasi? (b) Zano raMwari rakava nomuuyoi netapuroi pana vanhu vomuzvarirwo?
21 Mumwe munhu angaramba, ‘Iroro rinonzwika kuva rakanaka, asi harishandi.’ Haiwa, hungu, rinoshanda. Rinogona kubudirira, uye rinodaro, navanhu vomuzvarirwo nhasi. Muna 1990 mubudisi weOxford University akatsikirira The Social Dimensions of Sectarianism. Ganhuro 8 rakanga rine musoro unoti, “Zvapupu zvaJehovha Munyika yeKaturike,” uye rakarondedzera fundo muBelgium. Tinorava, kuti: “Tichitendeukira kukukwezva kwakanaka kwokuva Chapupu, kunze kwokukwezva kwe‘Zvokwadi’ imene, vapinduri zvakare pane dzimwe nguva vakadudza rinopfuura vara rimwe . . . . Mbavarira, ushamwari, rudo, uye chinzwano akanga ari mavara akadudzwa nguva dzose zvikurusa asi kutendeseka, uye kuzvibata kwomunhu oga ‘mukuratidzira nheyo dzeBhaibheri’ aivawo mavara ayo Zvapupu zvaikoshesa.”
22 Tingafananidza murangariro wose iwoyo nomufanikiso wakatorwa namalens akafara; kana, panzvimbo pezvo, wakashandisa malens, ezoom, kana kuti etelephoto, waigona kuona zviri pedyo, zvinoitika chaizvoizvo zvakawanda. Izvozvi zvaizobatanidza vanhu vaichimbozvikudza, vanoshusha, kana kuti vane udyire zvakajeka asi zvino vava vanyoro zvikuru, vachiva varume navanababa vanoratidza chidakadaka chinyoro nomutsa kuvakwanyina vavo, vana, uye vamwe. Kwaizobatanidzawo vakadzi vaichimboshusha kana kuti vasina tsitsi uye zvino vanobetsera vamwe kudzidza nzira yechiKristu chaichoicho. Kune mazana ezviuru emienzaniso yakadaro. Zvino, tapota iva akajeka. Haungakuwani kuri nani zvikuru kuva pakati pavanhu vakafanana naivavo kupfuura nguva dzose kunangana navarume navakadzi vanozvida vamene zvikurusa? Ikoko hakusati kwaizokuita kuri nyore zvikurusa here kugonana nenguva dzedu dzinotambudza? Naizvozvo kutevera dzidziso dzakadaro dzeBhaibheri hakusati kwaizokuita anofara zvikuru here?
23. Neiko kuchava kunokosha kupazve ngwariro kuna 2 Timotio 3:2-5?
23 Tarangarira, kunyanguvezvo, chinhu chokutanga chete mundaza yaPauro yakanyorwa pana 2 Timotio 3:2-5. Zvakadiniko nezvimwe? Kusanozvinzvera kwako kuchakubetserawo kuziva zvinetso zvikuru zvenguva yedu kuti uzvidzivise nokukugonesa kunzwisisa kuti inzira ipi ichakuunzira iwe navadiwa vako mufarwa mukuru zvikuru here? Nyaya inotevera ichakubetsera kupindura mibvunzo iyoyo uye kuwana chikomborero chikuru.
Mapfundo Okurangarira
◻ Ndohupi huri hufakazi hwokuti tinorarama munguva dzinotambudza?
◻ Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti tinorarama mumazuva okupedzisira?
◻ Mapfundoi maviri makuru atinogona kuwana mufundo ya 2 Timotio 3:1-5?
◻ Mukati meiyi nguva apo vakawanda kwazvo vari vanozvida vamene, dzidziso dzeBhaibheri dzakabetsera sei vanhu vaJehovha?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]
Photo top left: Andy Hernandez/Sipa Press; photo bottom right: Jose Nicolas/Sipa Press