CHIDZIDZO 55
Tsigira Ungano Yaunopinda Nayo
Mamiriyoni evanhu anofara kunamata Jehovha muzviuru zveungano pasi rese. Vanotenda kudzidziswa uye kutungamirirwa kwavanoitwa, uye vanotsigira ungano yavo nenzira dzakawanda. Ko iwe unotendawo here zvaunoitirwa neungano yenyu?
1. Ndedzipi dzimwe nzira dzaungatsigira nadzo ungano uchishandisa nguva yako nesimba?
Tese tinogona kubatsira ungano. Muungano menyu mune vakwegura kana vanorwara here? Unokwanisa kuvabatsira kuenda kumisangano here? Kana kuti ungavabatsirawo kuita zvimwe zvinhu here, zvakadai semabasa epamba kana kuvaendera kwavanenge vachida kuenda kwakadai sekunotenga? (Verengai Jakobho 1:27.) Tinogonawo kuzvipira kutsvaira nekukorobha Imba yeUmambo yatinopindira kana kugadzirisa zvimwe zvinhu. Hapana anotimanikidza kuita mabasa aya. Kuda Mwari nehama dzedu ndiko kunoita kuti tizvipire “nemwoyo wese.”—Pisarema 110:3.
Zvapupu zvakabhabhatidzwa zvinogona kubatsira ungano nedzimwe nzira. Hama dzinenge dzichikodzera dzinogona kushanda sevashumiri veungano, uye nekufamba kwenguva, vanogona kuzova vakuru. Hama nehanzvadzi dzinoshanda nesimba mubasa rekuparidza dzinogona kushumira semapiyona. Zvimwe Zvapupu zvinogona kubatsira pakuvaka nzvimbo dzekunamatira kana kuti kutamira kune dzimwe ungano dzinenge dzichida kubatsirwa nedzimwe nzira.
2. Tingashandise sei zvinhu zvatiinazvo pakutsigira ungano?
Tinogona kukudza “Jehovha nezvinhu [zvedu] zvinokosha.” (Zvirevo 3:9) Tinotofara kuti tinokwanisawo kupa mari dzedu nezvinhu zvedu kuti titsigire ungano yedu uye basa rekuparidza riri kuitwa pasi rese. (Verengai 2 VaKorinde 9:7.) Zvipo zvedu zvatinobvisa zvinobatsirawo kana paitika njodzi. Vakawanda vanogara vakatoronga “kuisa parutivi chimwe chinhu” kuti vabvise semupiro. (Verengai 1 VaKorinde 16:2.) Tinogona kupa mari tichishandisa mabhokisi emupiro anowanika matinonamatira kana kushandisa donate.jw.org paIndaneti. Jehovha anotipa mukana wekuratidza kuti tinomuda nemashandisiro atinosarudza kuita zvinhu zvatinowana.
WEDZERA KUONGORORA
Dzidza dzimwe nzira dzaungatsigira nadzo ungano.
3. Tinogona kushandisa zvinhu zvatinowana
Jehovha naJesu vanoda vanhu vanopa vachifara. Jesu akatocherechedza imwe chirikadzi yaishayiwa uye zvayakanga yaita kuti ikwanise kupa mupiro. Verengai Ruka 21:1-4, mobva makurukura mibvunzo iyi:
Kuti tifadze Jehovha, tinofanira kungobvisa mipiro yakakura chete here?
Jehovha naJesu vanonzwa sei patinopa zvichibva pamwoyo?
Kuti uzive kuti mipiro yedu inoshandiswa sei, ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.
Mipiro inobviswa inoshandiswa sei kubatsira ungano pasi rese?
4. Tinogona kuzvipira kubatsira
Panguva dzevaIsraeri, vanamati vaJehovha vaiita zvese zvavaigona kuti vachengetedze nzvimbo dzekunamatira dzakanaka. Asi zvaisagumira pakungobvisa mari chete. Verengai 2 Makoronike 34:9-11, mobva makurukura mubvunzo uyu:
MuIsraeri mumwe nemumwe akaita sei kuti imba yaJehovha ichengetwe yakanaka?
Kuti uone kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kutevedzera sei izvozvo zvaiitwa kare, ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:
Nei zvichikosha kuti tichengete Imba yeUmambo yatinoshandisa yakachena uye zvinhu zvichishanda zvakanaka?
Unogona kubatsirawo sei?
5. Hama dzinogona kuvavarira kupiwa mamwe mabasa muungano
Magwaro anokurudzira varume vechiKristu kuvavarira kuita zvese zvavanogona kuti vatsigire ungano. Kuti uone zvimwe zvacho zvavanogona kuita, ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.
Muvhidhiyo, Ryan akavavarira sei kuti awedzere pane zvaaiita pakutsigira ungano?
Bhaibheri rinotsanangura mararamiro anofanira kuitwa nehama kuti dzikodzere kuzoshanda sevashumiri veungano kana kuti vakuru. Verengai 1 Timoti 3:1-13, mobva makurukura mibvunzo iyi:
MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Zvapupu zvaJehovha zvinowana kupi mari yekushandisa pabasa razvo?”
Ungamupindura sei?
PFUPISO
Jehovha anofara chaizvo patinoshandisa nguva yedu, simba redu, uye zvinhu zvedu pakutsigira ungano.
Kudzokorora
Tingashandisa sei nguva yedu nesimba redu pakutsigira ungano?
Tingashandisa sei zvatiinazvo pakutsigira ungano?
Inzira dzipi dzaungadawo kutsigira nadzo ungano?
EDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Dzidza kuti nei Mwari asisaiti kuti vanhu vanomunamata vabvise chegumi.
“Bhaibheri Rinotii Nezvekubvisa Chegumi?” (Nyaya iri paIndaneti)
Bhaibheri rinoti pane mamwe mabasa anofanira kuitwa nevarume vakabhabhatidzwa. Asi ko kana mukadzi akabhabhatidzwa achifanira kuitawo mabasa iwayo?
“Kunzwisisa Nyaya Yemusoro Muungano?” (Nharireyomurindi, February 2021)
Ona zvimwe Zvapupu zvakashinga zvinoita nzendo dzakaoma kuti zviendesere vamwe mabhuku.
Kuendesa Mabhuku Anotsanangura Bhaibheri Kwakasiyana-siyana muCongo (4:25)
Dzidza kusiyana kwatakaita nemamwe machechi pamawaniro atinoita mari yekutsigira basa redu.
“Zvapupu zvaJehovha Zvinowanepi Mari Yekuita Basa Razvo?” (Nyaya iri paIndaneti)