Kutenda Kunotisunda Kuita Chiito!
“Unoona kuti kutenda kwake [Abrahama] kwakabata pamwe chete namabasa ake, uye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa.”—JAKOBHO 2:22.
1, 2. Tichaita sei kana tine kutenda?
VAKAWANDA vanotaura kuti vanotenda Mwari. Bva, kutenda kunongotaurwawo zvako kwakafa sechitunha. “Kutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho. Akataurawo kuti Abrahama aitya Mwari akanga ane kutenda “kwakabata pamwe chete namabasa ake.” (Jakobho 2:17, 22) Mashoko iwayo anorevei kwatiri?
2 Kana tine kutenda kwechokwadi, hatisati tichizongodavira zvatinonzwa pamisangano yechiKristu. Tichapa ufakazi hwokutenda nemhaka yokuti tiri Zvapupu zvinoshingaira zvaJehovha. Hungu, kutenda kuchatikurudzira kushandisa Shoko raMwari muupenyu uye kuchatisunda kuita chiito.
Rusaruro Haruwirirani Nokutenda
3, 4. Kutenda kunofanira kutapura sei nzira yatinobata nayo vamwe?
3 Kana tichitenda Mwari naKristu zvechokwadi, hatizoratidzi kusarura. (Jakobho 2:1-4) Vamwe vakanyorerwa naJakobho vakanga vasiri kuratidzira kusasarura kunodikanwa kuvaKristu vechokwadi. (VaRoma 2:11) Nokudaro, Jakobho anobvunza kuti: “Hamusi kutevedzera kutenda kwaShe wedu Jesu Kristu, mbiri yedu, nemabasa okusarura, muri kudaro here?” (NW) Kana mupfumi asingatendi ane mhete dzendarama nenguo dzinodhura akauya kumusangano pamwe chete ne“murombo, [asingatendi] wakapfeka nguo dzakaipa,” vose vari vaviri vanofanira kugamuchirwa zvakanaka, asi ngwariro chaiyo yakanga iri kuratidzirwa kuvapfumi. Vaipiwa zvigaro “pakanaka,” nepo varombo vakanga vasingatendi vainzi vamire kana kuti vagare pasi pauriri patsoka dzomumwe munhu.
4 Jehovha akagovera chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu nokuda kwavapfumi navarombo zvakafanana. (2 VaKorinte 5:14) Kana tichizoda vapfumi, naizvozvo, tinenge tichibva pakutenda kwaKristu, uyo ‘akava murombo kuitira kuti tive vapfumi kupfurikidza nourombo hwake.’ (2 VaKorinte 8:9) Ngatisambotonga vanhu nenzira yakadaro—nechinangwa chisina kururama chokukudza vanhu. Mwari haasaruri, asi kana tikaratidza rusaruro, tinenge tichiva “vane mifungo yakaipa.” (Jobho 34:19) Nechishuvo chokukudza Mwari, zvechokwadi hatizobvumirani pane zvisina kufanira pamuedzo wokuti tiratidze rusaruro kana kuti ku‘yeva unhu nemhaka yokuti tinozobetserwa.’—Judhasi 4, 16.
5. Ndiani akasarudzwa naMwari kuti ave “[mu]pfumi mukutenda,” uye vakapfuma munyama vanowanzoita sei?
5 Jakobho anozivisa vakapfuma zvechokwadi uye anokurudzira kuti rudo irworwo rwuratidzwe kuvose pasina kusarura. (Jakobho 2:5-9) ‘Mwari akasarudza varombo kuti vave vapfumi mukutenda uye vadyi venhaka youmambo.’ Izvi imhaka yokuti varombo kazhinji kazhinji vanogamuchira zvikuru mashoko akanaka. (1 VaKorinte 1:26-29) Seboka, vakapfuma munyama vanodzvinyirira vamwe munhau dzezvikwereti, mihoro, uye zvine chokuita nemitemo. Vanotaura zvakaipa nezvaKristu uye vanotitambudza nemhaka yokuti tine zita rake. Asi ngatitsungei kuteerera “murayiro woushe,” uyo unoda kuti tide muvakidzani—kuda vapfumi nevarombo zvakaenzana. (Revhitiko 19:18; Mateo 22:37-40) Sezvo Mwari achida izvi, nokudaro kuratidza rusaruro ku“ita zvivi.”
‘Ngoni Dzinokunda Kutonga’
6. Tingava sei vanoputsa mutemo kana tikasabata navamwe nenzira yomutsa?
6 Kana tikaratidza rusaruro nenzira isina ngoni, tiri vanoputsa mutemo. (Jakobho 2:10-13) Kupfurikidza nokutora danho risina kunaka munhau iyi, tinoputsa mitemo yose yaMwari. VaIsraeri vasina kuita upombwe asi vakanga vari mbavha vakaputsa Mutemo waMosesi. SavaKristu, tinotongwa no“murayiro wokusunungurwa”—Israeri womudzimu musungano itsva, vane mutemo wayo mumwoyo yavo.—Jeremia 31:31-33.
7. Nei vaya vanoramba vachiratidza rusaruro vasingakariri ngoni kuna Mwari?
7 Kana tichitaura kuti tine kutenda asi tichipfuurira kuratidzira rusaruro, tiri mungozi. Vaya vasina rudo uye vasina ngoni vachatongwa nokusava nengoni kwavo. (Mateo 7:1, 2) Jakobho anoti: “Ngoni dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga.” Kana tikagamuchira nhungamiro yomudzimu mutsvene waJehovha kupfurikidza nokuratidza ngoni muzvose zvatinoita, hatizopiwi mhosva patinotongwa. Panzvimbo pezvo, tichawana ngoni uye nokudaro tichakurira ruramisiro yakasimba kana kuti kutonga kwakakomba.
Kutenda Kunobereka Mabasa Akanaka
8. Ndeapi mamiriro ezvinhu omunhu anotaura kuti ane kutenda asi asina mabasa?
8 Kunze kwokutiita vane rudo uye vane ngoni, kutenda kunobereka mamwe mabasa akaisvonaka. (Jakobho 2:14-26) Chokwadika, kutenda kunotaurwa kusina mabasa hakuzotiponesi. Chokwadi, hatigoni kuwana chimiro chakarurama naMwari kupfurikidza namabasa oMutemo. (VaRoma 4:2-5) Jakobho ari kutaura nezvemabasa anosundwa, kwete nebumbiro romutemo, asi nokutenda norudo. Kana tichisundwa namavara akadaro, hatizongoratidziri zvishuvo zvomutsa nokuda kwowatinonamata naye anoshayiwa. Tichapa yamuro yokunyama kuhama kana kuti hanzvadzi inoshaiwa zvokupfeka kana kuti ine nzara. Jakobho anobvunza kuti: ‘Kana ukaudza hama inoshayiwa kuti: “Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute” asi musingavapi izvo zvinodikanwa, zvinobatsirei?’ Hapana. (Jobho 31:16-22) “Kutenda” kwakadaro kwakafa!
9. Chii chinoratidza kuti tine kutenda?
9 Tingava tichisonganirana navanhu vaMwari kusvikira kumwero wakati, asi mabasa omwoyo wose bedzi anogona kutsigira kutaura kwedu kwokuti tine kutenda. Zvakanaka kana takarega dzidziso yoUtatu ndokudavira kuti kuna Mwari mumwe wechokwadi. Bva, kungodavira zvako hakusi kutenda. “Mweya yakaipa inotenda,” uye ino“dedera” ichitya nemhaka yokuti yakamirirwa nokuparadzwa. Kana tine kutenda kwechokwadi, kuchatisunda kubereka mabasa akadai sokuparidza mashoko akanaka nokugovera zvokudya nezvokupfeka kuvanoshayiwa vatinotenda navo. Jakobho anobvunza kuti: “Zvino iwe munhu woupenzi [asina kuzadzwa nezivo yaMwari], unoda kuziva here kuti kutenda kusina mabasa kwakafa?” Hungu, kutenda kunoda zviito.
10. Nei Abrahama achinzi “baba vavose vanotenda”?
10 Kutenda kwatateguru ane umwari Abrahama kwakamusunda kuti aite chiito. Sa“baba vavose vanotenda,” aka“ruramiswa namabasa . . . nguva yaakabayira mwanakomana wake Isaka paartari.” (VaRoma 4:11, 12; Genesi 22:1-14) Zvakadini kana Abrahama akanga asina kutenda kuti Mwari aizomutsa Isaka ndokuzadzika chipikirwa Chake chembeu kupfurikidza naye? Ipapo Abrahama angadai asina kumboedza kupa mwanakomana wake. (VaHebheru 11:19) Mabasa okuteerera aAbrahama akaita kuti “kutenda kwake [ku]kwanisw[e].” Nenzira iyoyo, “rugwaro [Genesi 15:6] r[wa]kaitika, runoti: Abrahama wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.” Mabasa aAbrahama mukuedza kupa Isaka akasimbisa kutaura kwaMwari kwapakuvamba kwokuti Abrahama akanga akarurama. Kupfurikidza nemabasa okutenda, akaratidza kuda kwake Mwari ndokunzi “[shamwari, NW] yaMwari.”
11. Ufakazii hwokutenda hwatinahwo mune chiitiko chaRakabhi?
11 Abrahama akabvumikisa kuti “munhu unoruramiswa namabasa, haaruramiswi nokutenda bedzi.” Izvozvo zvakanga zviri chokwadiwo nezvaRakabhi, chifeve chaiva muJeriko. Aka“ruramiswa . . . namabasa, nguva yaakachingamidza nhume [dzechiIsraeri], nokuvaendisa neimwe nzira” kuitira kuti vatize vavengi vavo vechiKanani. Asati aonana nevasori vechiIsraeri, akaziva Jehovha saMwari wechokwadi, uye mashoko ake akatevera uye kurega kwake ufeve kwakapa ufakazi hwokutenda kwake. (Joshua 2:9-11; VaHebheru 11:31) Pashure pomuenzaniso uyu wechipiri wokutenda unoratidzwa namabasa, Jakobho anoti: “Nokuti somuviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafawo.” Panofa munhu, hamuna simba risingafi maari, kana kuti “mudzimu,” maari, uye hapana chaanoita. Kutenda kunongotaurwa kwakafa uye hakushandi kungofanana nomuviri wakafa. Kana tine kutenda chaikoiko, kunyange zvakadaro, kuchatisunda kuva neumwari.
Dzora Rurimi Rwako!
12. Chii chinofanira kuitwa navakuru muungano?
12 Kutaura nokudzidzisa kunogonawo kugovera ufakazi hwokutenda, asi pane kudikanwa kwokuzvidzora. (Jakobho 3:1-4) Savadzidzisi muungano, vakuru vane mutoro unokosha uye kuzvidavirira kuna Mwari. Nokudaro, vanofanira kunzvera zvinovasunda nezvikwaniriso zvavo nenzira yokuzvininipisa. Kunze kwezivo nemano, varume ava vanofanira kuda Mwari zvikuru navavanotenda navo. (VaRoma 12:3, 16; 1 VaKorinte 13:3, 4) Vakuru vanofanira kuvakira zano ravo paMagwaro. Kana mukuru akakanganisa kudzidzisa kwake uye izvi zvikaguma nezvinetso kuvamwe, angatongwa zvakasimba naMwari kupfurikidza naKristu. Nokudaro vakuru vanofanira kuva vanozvininipisa uye vanofunda zvikuru, vachinamatira paShoko raMwari nenzira yokutendeka.
13. Nei tichikanganisa kutaura?
13 Kunyange vadzidzisi vakaisvonaka—kutaura idi, tose zvedu—“tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji” nemhaka yokusakwana. Kukanganisa kutaura ndechimwe chikanganiso chinoitika kakawanda uye chinokuvadza zvikuru. Jakobho anoti: “Kana munhu asingagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muviri wosewo.” Kusafanana naJesu Kristu, hatigoni kudzora rurimi zvakakwana. Kudai taigona, taigona kudzora mimwe mitezo yomuviri wedu. Pashure pezvose, matomu anoita kuti mabhiza aende kwatinoanangidzira, uye kupfurikidza nechikwasvo chiduku, kunyange chikepe chihombe chinopeperetswa nemhepo dzakasimba chinogona kufamba sokuda kunoita mutyairi.
14. Jakobho anosimbisa sei kudikanwa kwenhamburiko chaiyo kuitira kuti tidzore rurimi?
14 Tose zvedu tinofanira kubvuma nenzira yokutendeseka kuti nhamburiko chaiyoiyo inodikanwa kuti tidzore rurimi. (Jakobho 3:5-12) Zvichienzaniswa nebhiza, tomu iduku; ndozvakaitawo chikwasvo mukuenzanisa nechikepe. Uye parunoenzaniswa nomuviri womunhu, rurimi ruduku bva “runozvirumbidza zvikuru.” Sezvo Magwaro achijekesa kuti kuzvikudza hakufadzi Mwari, ngatitsvakei betsero yake kuti tikurege. (Pisarema 12:3, 4; 1 VaKorinte 4:7) Ngatidzorei rurimi rweduwo patinotukwa, tichiyeuka kuti sango rose rinopfuta nekamoto kaduku bedzi. Sokuratidzira kunoita Jakobho, “rurimi moto” runogona kuparira kuvadziko huru. (Zvirevo 18:21) Chokwadika, rurimi rusingadzorwi “rwakaita senyika izere nezvisakarurama”! Muitiro wose wakaipa wenyika ino isingadi Mwari une chokuita nerurimi rusingadzorwi. Runodavirira zvinhu zvinokuvadza zvakadai sokuchera nedzidziso yenhema. (Revhitiko 19:16; 2 Petro 2:1) Unofungei? Kutenda kwedu hakufaniri kutisunda kushanda nesimba kuti tidzore rurimi rwedu here?
15. Ikuvadzikoi ingaitwa norurimi rusingadzorwi?
15 Rurimi rusingadzorwi ‘runotishoresa’ chose chose. Somuenzaniso, kana tikabatwa tichireva tarevazve nhema, tingazivikanwa sevarevi venhema. Rurimi rusingadzorwi, kunyange zvakadaro, ‘runobvirisa sei moto woupenyu’? Kupfurikidza nokuita kuti upenyu huve hwakaoma. Ungano yose ingatsamwiswa norurimi rumwe rusingadzorwi. Jakobho anodudza “Gehena,” Mupata weHinomi. Waichimboshandiswa nokuda kwokubayira vana, asi wakava nzvimbo yokurasira marara yeJerusarema kupfurikidza nomoto. (Jeremia 7:31) Naizvozvo Gehena chiratidzo chokuparadzwa. Mupfungwa yakati, Gehena rinoshandisa simba raro rokuparadza rurimi rusingadzorwi. Kana tisingadzori rurimi rwedu, isu pachedu tingava vanyajambwa vomoto watinenge tatanga. (Mateo 5:22) Tingatodzingwa muungano nemhaka yokutuka mumwe munhu.—1 VaKorinte 5:11-13.
16. Nemhaka yekuvadziko inogona kuitwa norurimi rusingadzorwi, tinofanira kuitei?
16 Sezvaungaziva kubva mukurava Shoko raMwari, Jehovha akarayira kuti chisiko chemhuka chinofanira kuva pasi pemunhu. (Genesi 1:28) Uye marudzi ose ezvisikwa akapfuwiwa. Somuenzaniso, makodzi akarovedzwa akashandiswa kuvhima. ‘Zvinhu zvinokambaira’ zvinodudzwa naJakobho zvingabatanidza nyoka dzinodzorwa navanopfuya nyoka. (Pisarema 58:4, 5) Vanhu vanotogona kudzora mawhale, asi savanhu vanoita chivi hatigoni kupfuya rurimi zvakazara. Kunyange zvakadaro, tinofanira kudzivisa kutaura kwakaipa, kunokuvadza, kana kuti kwokuchera. Rurimi rusingadzorwi runogona kuva chishandiso chine ngozi chakazadzwa nomuchetura wakaipa. (VaRoma 3:13) Nenzira inosuruvarisa, marimi avadzidzisi venhema akaita kuti vamwe vaKristu vapakuvamba vabve kuna Mwari. Naizvozvo ngatisambozvibvumira kukurirwa nekutaura kune uturu kwavakaramba kutenda, kungava kunotaurwa kana kuti kunonyorwa.—1 Timotio 1:18-20; 2 Petro 2:1-3.
17, 18. Kusiyanai kunotaurwa pana Jakobho 3:9-12, uye tinofanira kuitei munhau iyi?
17 Kutenda Mwari nechishuvo chokumufadza kunogona kutidzivirira pakuramba kutenda uye kunogona kutidzivisa kushandisa rurimi nenzira inopfuurira. Achinongedzera kukusapfuurira kwavamwe, Jakobho anotaura kuti ‘norurimi tinorumbidza Baba vedu, Jehovha, uye tinotuka vanhu vakasikwa nomufananidzo waMwari.’ (Genesi 1:26) Jehovha ndiBaba vedu mukuti “unopa vanhu vose upenyu, nokufema, nezvose.” (Mabasa 17:24, 25) NdiBabawo vevaKristu vakazodzwa mupfungwa yomudzimu. Tose zvedu ta“kaitwa nomufananidzo waMwari” kana toreva nezvemavara endangariro neetsika, kubatanidza rudo, ruramisiro, uye uchenjeri hunotisiyanisa nemhuka. Naizvozvo, ipapoka, tinofanira kuita sei kana tichitenda Jehovha?
18 Kana tichizotuka vanhu, zvingareva kuti tingavakumbirira, kana kuti kuvashuvira, zvakaipa. Sezvo tisiri vaporofita vakazodzwa naMwari vakapiwa chiremera chokutuka munhu upi noupi, kutaura kwakadaro kungava ufakazi hworuvengo rungaita kuti chikomborero chaMwari chive chisingashandi. Hazvina kufanira kuti zvose zviri zviviri “kurumbidza nokutuka” zvibude mumuromo mumwe chete. (Ruka 6:27, 28; VaRoma 12:14, 17-21; Judhasi 9) Zvingava zvakaipa sei kuimba rumbidzo kuna Mwari pamisangano uye gare gare kutaura zvakaipa nezvevatinotenda navo! Mvura inotapira neinovava hazvigoni kubuda mutsime rimwe chete. Sezvo “muonde [usingabereki] maorivhi, kana muzambiringa maonde,” mvura inovava haingabudisi mvura inonaka. Chimwe chinhu chakaipa mumudzimu kana isu, vanofanira kutaura zvakanaka, tichiramba tichitaura mashoko akaipa. Kana tava nomuitiro iwoyo, ngatinyengeterereyi betsero yaJehovha kuti tirege kutaura nenzira yakadaro.—Pisarema 39:1.
Shandisa Uchenjeri Hunobva Kumusoro
19. Kana tichitungamirirwa nouchenjeri hwokudenga, tingatapura sei vamwe?
19 Tose zvedu tinoda uchenjeri hwokutaura nokuita zvinhu zvakafanira vaya vanotenda. (Jakobho 3:13-18) Kana tichitya Mwari, anotipa uchenjeri hwokudenga, mano okushandisa zivo zvakarurama. (Zvirevo 9:10; VaHebheru 5:14) Shoko rake rinotidzidzisa nzira yokuratidzira nayo “unyoro hwouchenjeri.” Uye nemhaka yokuti tiri vanyoro, tinotsigira rugare rweungano. (1 VaKorinte 8:1, 2) Vapi navapi vanozvirumbidza pamusoro pokuva vadzidzisi vakuru vevavanotenda navo vari ‘kunyepera chokwadi chechiKristu,’ icho chinoshora kuzvitutumadza kwazvo. (VaGaratia 5:26) “Uchenjeri” hwavo ndeh“wenyika”—hunoitwa navanhu vanotadza vakabviswa kuna Mwari. Ndehwe“mhuka,” (NW) hunoparirwa nezvimiro zvendangariro zvenyama. Chokwadi, hunotova hwe“mweya yakaipa,” nokuti midzimu yakaipa inodada! (1 Timotio 3:6) Naizvozvo ngatiitei nokuchenjera nokuzvininipisa kuitira kuti tisaita chinhu chinoparira mamiriro ezvinhu umo ‘zvinhu zvakaipa’ zvakadai sokuchera nokusarura zvakazara.
20. Ungarondedzera sei uchenjeri hwokudenga?
20 “Kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena,” kuchitiita kuti tichene mutsika nomumudzimu. (2 VaKorinte 7:11) “Kune rugare,” kuchitisunda kuti tide rugare. (VaHebheru 12:14) Uchenjeri hwokudenga hunotiita va“nyoro,” kwete vasina mufungo uye vanonetsa kubata navo. (VaFiripi 4:5) Kuchenjera kunobva kumusoro “kunoteerera,” kuchitsigira kuteerera kudzidzisa kwaMwari uye kubatira pamwe nesangano raJehovha. (VaRoma 6:17) Kuchenjera kunobva kumusoro kunotiitawo vane mutsa, vanonzwira tsitsi. (Judhasi 22, 23) Sezvo kwakazara “nezvibereko zvakanaka,” kunokurudzira kuitira hanya vamwe uye zviito zvinotsinhirana nokunaka, kururama, uye chokwadi. (VaEfeso 5:9) Uye savaiti vorugare, tinofarikanya “chibereko chokururama” chinokura mumamiriro ezvinhu ane rugare.
21. Maererano naJakobho 2:1–3:18, kutenda kwedu Mwari kunofanira kutisunda kuitei?
21 Nenzira yakajeka, ipapoka, kutenda kunotisunda kuti tiite chiito. Kunotiita kuti tive vasingasaruri, vane ngoni, uye vanoshingairira mabasa akanaka. Kutenda kunotibetsera kudzora rurimi uye kuita nokuchenjera kwokudenga. Asi hazvisizvo zvoga zvatinogona kudzidza mutsamba iyi. Jakobho ane rimwe zano rinogona kutibetsera kuzviita nomutoo wakafanira vaya vanotenda Jehovha.
Ungapindura Sei?
◻ Chii chakaipa nokuratidza rusaruro?
◻ Kutenda nemabasa zvinowirirana sei?
◻ Nei zvichikosha kwazvo kudzora rurimi?
◻ Uchenjeri hwokudenga hwakaita sei?