CHIDZIDZO 48
Nzira Yokukurukura Nomunhu Uchiita Kuti Afunge
TINOONGA kuchinja kwakaunzwa neShoko raMwari muupenyu hwedu, uye tinodawo kuti vamwe vabatsirwe. Uyezve tinoziva kuti zvinoita vanhu pavanonzwa mashoko akanaka zvichachinja zvavanotarisira mberi. (Mat. 7:13, 14; Joh. 12:48) Tinoda nomwoyo wose kuti vagamuchire chokwadi. Zvisinei, kutendiswa nokushingaira zvatinazvo zvinofanira kubatana nokunzwisisa kuti tiite zvakanyatsonaka.
Mashoko echokwadi anotaurwa nokusachenjerera anofumura chitendero chenhema chave chichikosheswa nomumwe munhu kwenguva refu, kunyange achitsigirwa nendima dzeMagwaro asingaperi, haawanzogamuchirwi. Somuenzaniso, kana mhemberero dzakakurumbira dzikangonzi dzakaipa nokuti ndedzechihedheni, izvi hazvingachinji maonero adzinoitwa nomumwe munhu. Kukurukura nomunhu uchiita kuti afunge kunowanzobudirira. Zvinorevei kuva anonzwisisa?
Magwaro anotiudza kuti “uchenjeri hunobva kumusoro . . . hune rugare, hunonzwisisa.” (Jak. 3:17) Shoko rechiGiriki rakashandurwa pano kuti ku“nzwisisa” rinoreva kuti “kusapikisa.” Dzimwe shanduro dzinoti “kufunga,” “unyoro,” kana kuti “kushivirira.” Ona kuti kunzwisisa kunobatana nokuva norugare. Pana Tito 3:2 rinotaurwa pamwe nounyoro uye rinosiyaniswa nokurwa. VaFiripi 4:5 inotikurudzira kuti tizivikanwe nokuva kwedu tino“nzwisisa.” Munhu anonzwisisa anofunga mamiriro omunhu waari kutaura naye, zvaari, uye manzwiro ake. Anorega zvake kupikisa pazvinenge zvakakodzera kusapikisa. Kuita kudaro nevamwe zvinobatsira kuvhura pfungwa uye mwoyo yavo zvokuti vanonzwa vachida kugamuchira patinokurukura navo tichishandisa Magwaro.
Pokutangira. Munyori wenhau dzakaitika Ruka anoti muapostora Pauro paaiva muTesaronika, akashandisa Magwaro “achitsanangura uye achitendisa nezvakanyorwa kuti zvakanga zvakafanira kuti Kristu atambure uye kuti amuke kubva kuvakafa.” (Mab. 17:2, 3) Zvinokosha kuona kuti Pauro akaita izvi musinagogi yevaJudha. Vaaitaura navo vairemekedza Magwaro echiHebheru. Zvakanga zvakakodzera kutanga nechimwe chinhu chavaibvuma.
Pauro paaitaura nevaGiriki paAreyopago muAtene, haana kutanga nokutaura zviri muMagwaro. Asi akatanga nezvinhu zvavaiziva uye zvavaibvuma, uye akashandisa izvozvi kuti vataure nezvoMusiki nezvinangwa Zvake.—Mab. 17:22-31.
Munguva dzazvino, kune mabhiriyoni evanhu vasingabvumi kuti Bhaibheri rine simba muupenyu hwavo. Asi vanenge vanhu vose vanotambura muupenyu hwavo nezvinhu zviri kuitika munyika yatiri kurarama. Vanhu vanoda chimwe chinhu chiri nani. Kana ukatanga kuratidza kuti une hanya nechimwe chinhu chinovashungurudza wozoratidza kuti Bhaibheri rinochitsanangura sei, matauriro okunzwisisa akadaro angavaita kuti vateerere zvinotaura Bhaibheri pamusoro pechinangwa chaMwari kuvanhu.
Zvingava kuti nhaka yakasiyirwa mudzidzi weBhaibheri nevabereki vake yaisanganisira zvimwe zvitendero netsika. Zvino, mudzidzi anodzidza kuti zvitendero netsika izvozvo hazvifadzi Mwari, ozviramba achida zvinodzidziswa muBhaibheri. Mudzidzi angatsanangurira sei vabereki vake zvaasarudza izvi? Vangafunga kuti nokuramba kwaaita nhaka yechitendero yavakamupa, ari kuvarambawo. Mudzidzi weBhaibheri angafunga kuti asati atsanangura achishandisa Bhaibheri zvinotsigira zvaasarudza, anofanira kuvimbisa vabereki vake kuti anovada uye anovaremekedza.
Nguva Yokusapikisa. Kunyange zvazvo Jehovha ane simba rakakwana rokurayira, anoratidza kuti anonzwisisa zvikuru. Paainunura Roti nemhuri yake muSodhomu, ngirozi yaJehovha yakakurudzira kuti: “Tizira kugomo kuti urege kuparadzwa.” Asi Roti akateterera achiti: “Kwete, Ishe wangu.” Akakumbira kuti atizire kuZoari. Jehovha akanzwisisa Roti nokumubvumira kuita izvozvo; saka pakaparadzwa mamwe maguta Zoari rakasiyiwa. Zvisinei, gare gare Roti akazoita zvaive zvatanga kurayirwa naJehovha akaenda kunzvimbo yemakomo. (Gen. 19:17-30) Jehovha aiziva kuti nzira yake yakanga yakanaka, asi akanzwisisa nokuratidza mwoyo murefu kusvikira Roti anzwisisa.
Kuti tibudirire kugarisana nevamwe, nesuwo tinofanira kunzwisisa. Tinogona kunge tiine chokwadi kuti zvaari kutaura handizvo, uye tingave nemashoko ane simba okuratidza izvozvo. Asi pane imwe nguva zviri nani kusamumanikidzira kuti abvume. Kunzwisisa hakurevi kuti tinoti zvinonzi naJehovha zvakaipa, zvakanaka. Zvingangova zvakanaka kumutenda nezvaataura kana kuti kungorega mamwe mashoko asina kururama achipfuura asina kupikiswa kuitira kuti utaure zvimwe zvinhu zvichanyanya kubatsira. Kunyange akashora zvaunotenda, usanyanyogumbuka. Ungamubvunza kuti nei achifunga kudaro. Nyatsoteerera mhinduro yake. Izvi zvichaita kuti unzwisise mafungiro ake. Zvingaitawo kuti uone pokuzotangira kukurukura kunobatsira munguva inotevera.—Zvir. 16:23; 19:11.
Jehovha akapa vanhu mano okuzvisarudzira. Anovabvumira kushandisa mano iwayo, kunyange zvazvo vangasaashandisa nokuchenjera. Somunhu aimiririra Jehovha, Joshua akadzokorora zvakaitirwa vaIsraeri naMwari. Achibva azoti: “Kana muchiti zvakaipa kushumira Jehovha, zvitsaurirei nhasi wamunoda kushumira, kana vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri kwoRwizi, kana vaMwari vavaAmori vamugere munyika yavo; asi kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.” (Josh. 24:15) Basa redu nhasi nderokupa “uchapupu,” uye tinotaura tine chokwadi, asi hatiedzi kumanikidza vamwe kuti vatende. (Mat. 24:14) Vanofanira kuzvisarudzira uye hativanyimi kodzero iyoyo.
Bvunza Mibvunzo. Jesu akasiya muenzaniso wakanaka kwazvo pakukurukura nevanhu achiita kuti vafunge. Akafunga nezvezvavaiva uye akashandisa mifananidzo yavakabvuma zviri nyore. Akabvunzawo mibvunzo zvinobudirira. Izvi zvakapa vamwe mikana yokutaura zvavaifunga ndokubudisa zvaiva mumwoyo yavo. Zvakavakurudzirawo kufunga nezvenyaya yakanga ichikurukurwa.
Rimwe godobori roMutemo rakabvunza Jesu kuti: “Mudzidzisi, ndichagara nhaka youpenyu husingaperi nokuitei?” Jesu angadai akangoriudza mhinduro. Asi akakumbira murume wacho kuti ataure. ‘MuMutemo makanyorwei? Unoverenga sei?’ Murume wacho akapindura nomazvo. Kupindura kwake nomazvo kwakagumisa kukurukurirana kwacho here? Aiwa. Jesu akarega murume wacho achipfuurira, uye mubvunzo wakabvunzwa nomurume wacho unoratidza kuti aiedza kuzviita akarurama. Akabvunza kuti: “Chaizvoizvo muvakidzani wangu ndiani?” Pane kutsanangura, zvingangodai zvakapokanwa nomurume wacho pamusana pemaonero aiita vaJudha vanhu Vemamwe Marudzi neVaSamariya, Jesu akamupa mufananidzo waizomubatsira kufunga. Wakanga uri womuSamariya ane mutsa akabatsira munhu aiva parwendo achibva abirwa uye arohwa, asi mupristi nomuRevhi havana kumubatsira. Jesu akava nechokwadi chokuti murume wacho ajekerwa nomubvunzo wakananga. Matsananguriro akaita Jesu akaita kuti shoko rokuti “muvakidzani” rireve zvinhu zvakanga zvisina kumbonzwisiswa nomurume uyu. (Ruka 10:25-37) Chokwadi, uyu ndiwo muenzaniso wakanaka wokutevedzera! Pane kungoti iwe utaure zvose, chaizvoizvo, wova ndiwe unoita basa rokufunga saimba wako akangogara, dzidza kushandisa mibvunzo nemifananidzo zvinokurudzira muteereri wako kufunga.
Ipa Zvikonzero. Muapostora Pauro paakataura musinagogi yomuTesaronika, haana kungoverenga mubhuku raibvumwa nevateereri vake. Ruka anoti Pauro akatsanangura, akaonesa, uye akaratidza kushanda kwezvaakaverenga. Izvi zvakaguma nokuti “vamwe vavo vakava vatendi vakazviita vasonganiri vaPauro naSirasi.”—Mab. 17:1-4.
Hazvinei nokuti ndivanaani vangave vachiteerera, kutaura nenzira yakadaro yokuti vanhu vafunge kunogona kubatsira. Izvi zvinoshandawo paunopupurira hama dzako, vaunoshanda navo, vaunodzidza navo kuchikoro, paunotaura nevausingazivi uchipupurira, uchidzidzisa Bhaibheri, kana kuti uchipa hurukuro muungano. Paunoverenga rugwaro, zvarunoreva zvingava zvakakujekera asi zvingasava zvakadaro kune mumwe munhu. Kutsanangura kwako kana kuti kushandisa kwako zvarunoreva kunganzwika souri kumanikidzira. Kusarudza wotsanangura mamwe mashoko anokosha murugwaro rwacho kungabatsira here? Unogona here kupa uchapupu hunotsigira, zvimwe kubva pane zviri kutaurwa kana kuti uchishandisa rumwe rugwaro runotaura nyaya iyoyo? Kufananidzira kungaratidza kuva nomusoro kwezvawataura here? Mibvunzo ingabatsira vateereri vako kuti vafunge nezvenyaya yacho here? Matauriro akadaro anoita kuti vamwe vasare vachinzwa zvakanaka uye vave nezvakawanda zvokufunga nezvazvo.