Ramba Wakachengeteka Somutezo Wesangano raMwari
“Zita raJehovha inhare yakasimba; wakaipa unovangiramo ndokuchengetwa.”—ZVIREVO 18:10.
1. Maererano nomunyengetero waJesu, vaKristu vari mumigariroi yakaoma?
AVA kuda kufa, Jesu akanyengeterera vateveri vake kuna Baba vake vokudenga. Nokuva nehanya kworudo akati: “Ini ndakavapa shoko renyu, nyika ikavavenga, nokuti havazi venyika, seni ndisi wenyika. Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete pane wakaipa.” (Johane 17:14, 15) Jesu akaziva kuti nyika yaizova nzvimbo ine ngozi nokuda kwavaKristu. Yaizoratidza kuvavenga kwayo kupfurikidza nokuvarevera nhema nokuvatambudza. (Mateo 5:11, 12; 10:16, 17) Yaizoparirawo ushati.—2 Timotio 4:10; 1 Johane 2:15, 16.
2. VaKristu vanogona kuwanepi nzvimbo yakachengeteka yomudzimu?
2 Nyika yaizovenga vaKristu inoumbwa naavo vakaparadzaniswa naMwari uye vanodzorwa naSatani. (1 Johane 5:19) Nyika iyi yakakura zvikuru kupfuura ungano yechiKristu, uye Satani pachake ane simba zvikuru kupfuura munhu upi noupi. Nokudaro, kuvenga kwenyika kunotyisidzira chaizvoizvo. Vateveri vaJesu vanogona kuwanepi kuchengeteka kwomudzimu? Mashoko omuchinyorwa cheNharireyomurindi yechiNgezi yaDecember 1, 1922, akakarakadza mhinduro yokuti: “Zvino tava muzuva rakaipa. Kurwa kuri kuitika pakati pesangano raSatani nesangano raMwari. Kurwa kwakakomba.” Muhondo iyi, sangano raMwari inzvimbo yakachengeteka yomudzimu. Shoko rokuti “sangano” hariwaniki muBhaibheri, uye kare muma1920, kutaura kwokuti “sangano raMwari” kwaiva kutsva. Ipapoka, sangano iri chii? Uye tinogona sei kudzivirirwa mariri?
Sangano raJehovha
3, 4. (a) Maererano nerimwe duramanzwi neNharireyomurindi, sangano chii? (b) Ushamwari hweZvapupu zvaJehovha hwamarudzi ose hunogona kunzi sangano mupfungwai?
3 Sangano “iboka rakarongwa,” maererano neConcise Oxford Dictionary. Tichirangarira izvi, tinonzwisisa kuti nemhaka yokuti vaapostora vakaronga vaKristu vomuzana rokutanga ramakore kuva ungano dzomunzvimbomo vachitarisirwa nomutumbi unodzora muJerusarema, zvakakodzera kutaura nezve“hama dzose” idzodzo sesangano. (1 Petro 2:17) Zvapupu zvaJehovha nhasi zvine sangano rakaumbwa zvakafanana. Kubatana kweboka romuzana rokutanga ramakore kwakasimbiswa ne“zvipo [zviri] varume” vakadai sa“vafudzi nevadzidzisi.” Vamwe vaivava vakafambira ungano neungano, nepo vamwe vaiva vakuru muungano dzomunzvimbomo. (VaEfeso 4:8, 11, 12; Mabasa 20:28) “Zvipo” zvakafanana zvinosimbisa kubatana kweZvapupu zvaJehovha nhasi.
4 Chinyorwa chaNovember 1, 1922, cheNharireyomurindi yechiNgezi chakati pamusoro peshoko rokuti “sangano”: “Sangano kusonganirana kwavanhu nokuda kwokuitwa kwechinangwa chakarongwa.” Nharireyomurindi yacho yakapfuurira kutsanangura kuti kudana Zvapupu zvaJehovha kuti sangano hakuna kuzviita “sekete mupfungwa yokushandiswa kunoitwa shoko racho, asi kunongorevawo zvako kuti Vadzidzi veBhaibheri [Zvapupu zvaJehovha] vari kuedza kuita zvinangwa zvaMwari uye kuzviita sokuita kunoita Ishe zvinhu zvose, nomutoo wakarongeka.” (1 VaKorinte 14:33) Muapostora Pauro akaratidza kuti vaKristu vomuzuva rake nenzira yakafanana vakaita nomutoo wakarongeka. Akaenzanisa kusonganirana kwavaKristu vakazodzwa nomuviri womunhu, une mitezo yakawanda, mumwe nomumwe uchiita basa rawakapiwa kuitira kuti muviri wacho ugogona kushanda zvakanaka. (1 VaKorinte 12:12-26) Iwoyo muenzaniso wakaisvonaka wesangano! Nei vaKristu vakanga vakarongeka? Kuti vaite “zvinangwa zvaMwari,” kuti vaite kuda kwaJehovha.
5. Sangano rinooneka raMwari chii?
5 Bhaibheri rakafanotaura kuti vaKristu vechokwadi nhasi vaizobatana, kuunganidzwa mu“nyika” imwe so“rudzi” rumwe, mavaizo“penya . . . sezvivheneko munyika.” (Isaya 66:8; VaFiripi 2:15, NW) “Rudzi” urwu rwakarongwa zvino rwunopfuura mamiriyoni mashanu nehafu. (Isaya 60:8-10, 22) Zvisinei, havasi ivo vose vanoumba sangano raMwari. Ngirozi dzinobatanidzwawo.
6. Mupfungwa yakakwana, ndivanaani vanoumba sangano raMwari?
6 Kune mienzaniso yakawanda yengirozi dzinoshanda pamwe chete navabatiri vaMwari vari vanhu. (Genesi 28:12; Dhanieri 10:12-14; 12:1; VaHebheru 1:13, 14; Zvakazarurwa 14:14-16) Ipapoka, nenzira yakakodzera, chinyorwa chaMay 15, 1925, cheNharireyomurindi yechiNgezi chakati: “Ngirozi dzose tsvene rutivi rwesangano raMwari.” Mukuwedzera, chakati: “Ari pamusoro pesangano raMwari, ane simba rose nechiremera [ndi]Ishe Jesu Kristu.” (Mateo 28:18) Nokudaro, mupfungwa yaro huru, sangano raMwari rinoumbwa navose vari kudenga napasi vanoshanda pamwe chete kuti vaite kuda kwaMwari. (Ona bhokisi.) Iropafadzo yakanaka zvakadini kuva rutivi rwaro! Uye zvinofadza zvakadini kutarisira nguva apo zvisikwa zvose zvipenyu, zvokudenga nezvapasi, zvicharongwa kuti zvirumbidze Jehovha Mwari zvakabatana! (Zvakazarurwa 5:13, 14) Kunyange zvakadaro, idziviriro ipi inogoverwa nesangano raMwari nhasi?
Kudzivirirwa Musangano raJehovha—Sei?
7. Sangano raMwari rinotidzivirira munzirai?
7 Sangano raMwari rinogona kubatsira kutidzivirira pana Satani namanomano ake. (VaEfeso 6:11) Satani anodzvinyirira, anotambudza, uye anoedza vanamati vaJehovha ane vavariro imwe chete: yokuvatsausa kubva ‘munzira yavanofanira kufamba nayo.’ (Isaya 48:17; Enzanisa naMateo 4:1-11.) Hatimbofi takagona kudzivisa kudenha ikoko zvachose mugadziriro ino yezvinhu. Zvisinei, ukama hwedu hwapedyo naMwari nesangano rake hunotisimbisa nokutidzivirira uye nokudaro hunotibatsira kurambira mu“nzira” yacho. Somugumisiro, hatirasikirwi netariro yedu.
8. Sangano risingaoneki raJehovha rinotsigira sei vabatiri vake vapasi?
8 Sangano raMwari rinogovera sei kudzivirira uku? Kutanga, tine tsigiro isingakundikani yavabatiri vomudzimu vaJehovha. Apo Jesu akanga achidzvinyirirwa zvakakomba, akabetserwa nengirozi. (Ruka 22:43) Paaityisidzirwa norufu, Petro akaponeswa nenzira inoshamisa nengirozi. (Mabasa 12:6-11) Nepo pasina zvishamiso zvakadaro nhasi, vanhu vaJehovha vanovimbiswa kutsigirwa nengirozi mubasa ravo rokuparidza. (Zvakazarurwa 14:6, 7) Kazhinji kazhinji vanova nesimba rinopfuura renguva dzose pavanenge vachitarisana nemigariro yakaoma. (2 VaKorinte 4:7) Uyezve, vanoziva kuti “mutumwa waJehovha unokomberedza vanomutya, nokuvarwira.”—Pisarema 34:7.
9, 10. Zvinogona sei kutaurwa kuti “zita raJehovha inhare yakasimba,” uye nheyo iyi inoshanda sei kusangano raMwari rose?
9 Sangano rinooneka raJehovha idzivirirowo. Sei? Pana Zvirevo 18:10, tinorava kuti: “Zita raJehovha inhare yakasimba; wakarurama unovangiramo ndokuchengetwa.” Izvi hazvirevi kuti kungodzokororawo zvako zita raMwari kunodzivirira. Panzvimbo pezvo, kupotera kwedu muzita raMwari kunoreva kuti tinovimba naJehovha pachake. (Pisarema 20:1; 122:4) Kunoreva kutsigira uchangamire hwake, kutsigira mitemo yake nenheyo, uye kutenda zvipikirwa zvake. (Pisarema 8:1-9; Isaya 50:10; VaHebheru 11:6) Zvinobatanidza kuzvipira zvakakwana kuna Jehovha. Avo bedzi vanonamata Jehovha nenzira iyi vanogona kutaura sowezvamapisarema kuti: “Nokuti mwoyo yedu ichafara kwazvo maari, [Jehovha] zvatakavimba nezita rake dzvene.”—Pisarema 33:21; 124:8.
10 Zvino vose vari musangano rinooneka raMwari vanotaura saMika kuti: “Nokuti marudzi ose avanhu anofamba, rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.” (Mika 4:5) Sangano romuzuva razvino uno rakakomba “vaIsraeri vaMwari,” vanonzi muBhaibheri “vanhu vezita rake.” (VaGaratia 6:16; Mabasa 15:14; Isaya 43:6, 7; 1 Petro 2:17) Nokudaro, kuva rutivi rwesangano raJehovha kunoreva kuva rutivi rwavanhu vanotsvaka, uye vanogamuchira, kudzivirirwa muzita raMwari.
11. Sangano raJehovha rinodzivirira avo vari mitezo yaro munzira dzipi dzakajeka?
11 Mukuwedzera, sangano rinooneka raMwari inzanga yokutenda, kusonganirana kwavanotenda pamwe chete vanovakana nokukurudzirana. (Zvirevo 13:20; VaRoma 1:12) Inzvimbo uko vakuru vechiKristu vanoitira hanya makwai, vanokurudzira vanorwara navakaora mwoyo, uye vanoedza kudzorera vakaneta. (Isaya 32:1, 2; 1 Petro 5:2-4) “Muranda wakatendeka, wakangwara” anogovera “zvokudya nenguva yakafanira” kupfurikidza nesangano. (Mateo 24:45) “Muranda” wacho, anoumbwa navaKristu vakazodzwa, anogovera zvinhu zvomudzimu zvakaisvonakisisa—zivo yakarurama, yakavakirwa paBhaibheri inogona kutungamirira kuupenyu husingaperi. (Johane 17:3) Nemhaka yenhungamiro inobva ku“muranda,” vaKristu vari kubatsirwa kuramba vane tsika dzakanaka zvikuru ndokuva “vakangwarira senyoka asi [va]sina mhaka senjiva” mumhoteredzo ine ngozi yakavapoteredza. (Mateo 10:16, NW) Uye vari kubatsirwa nguva dzose kuva “nezvakawanda zvokuita mubasa raShe,” izvo zvinodzivirira zvakasimba.—1 VaKorinte 15:58, NW.
Ndivanaani Vari Mitezo Yesangano raMwari?
12. Ndivanaani vanoziviswa semitezo yesangano rokudenga raMwari?
12 Sezvo dziviriro iyi ichiwanwa naavo vari rutivi rwesangano raMwari, izvi zvinobatanidza vanaani? Nezvesangano rokudenga, hapana kupokana nokuda kwemhinduro yomubvunzo uyu. Satani nengirozi dzake havasisiri kudenga. Ukuwo, ngirozi dzakatendeka dzichiriko mu“ungano huru.” Muapostora Johane akaona kuti mumazuva okupedzisira, “Gwayana,” makerubhi (“zvisikwa zvipenyu zvina”), uye “vatumwa vazhinji” vaizova pedyo pedyo nechigaro chaMwari. Vakuru 24 vaizova navo—vachimiririra vaKristu vakazodzwa avo vakatopinda munhaka yavo yokudenga ine mbiri. (VaHebheru 12:22, 23; Zvakazarurwa 5:6, 11; 12:7-12) Nenzira yakajeka vose rutivi rwesangano raMwari. Kunyange zvakadaro, pakati pavanhu zvinhu hazvisi nyore kudaro.
13. Jesu akazivisa sei vari mitezo yesangano raMwari naavo vasiri?
13 Jesu akati nezvavamwe vaizotaura kuti vanomutevera: “Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? Zvino ndichavaudza pachena: Handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri, imi vaiti vokusarurama.” (Mateo 7:22, 23) Kana mumwe munhu achiita zvisina kururama, zvechokwadi haasi rutivi rwesangano raMwari, pasinei zvapo nezvaanotaura, uye pasinei zvapo nekwaanoenda kunonamata. Jesu akaratidzawo nzira yokuziva nayo munhu ari rutivi rwesangano raMwari. Akati: “Havazi vose vanoti kwandiri Ishe, Ishe,vachapinda muushe hwokudenga; asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.”—Mateo 7:21.
14. Ndeapi mativi okuda kwaMwari anonzi anofanira kuitwa naavo vari rutivi rwesangano raMwari?
14 Nokudaro, kuti ave rutivi rwesangano raMwari—riri rutivi rukuru rwo“ushe hwokudenga”—munhu anofanira kuita kuda kwaMwari. Kuda kwake chii? Pauro akazivisa rutivi rwacho runokosha paakati: “[Mwari] unoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.” (1 Timotio 2:4) Kana munhu achida zvechokwadi kuwana zivo yakarurama inobva muBhaibheri, kuishandisa muupenyu hwake, uye kuiparadzira ku“vanhu vose,” ari kuita kuda kwaMwari. (Mateo 28:19, 20; VaRoma 10:13-15) Kudawo kwaMwari kuti makwai aJehovha adyiswe nokutarisirwa. (Johane 21:15-17) Misangano yechiKristu inoita rutivi runokosha munhau iyi. Munhu akasununguka kupinda misangano yakadaro asi achiregeredza kuita kudaro anoratidza kusakoshesa nzvimbo yake musangano raMwari.—VaHebheru 10:23-25.
Ushamwari Nenyika
15. Jakobho akanyeverei ungano dzomuzuva rake?
15 Makore 30 pashure pokunge Jesu afa, munun’una wake kuna mai Jakobho akazivisa zvimwe zvinhu zvinogona kuisa pangozi nzvimbo yomunhu musangano raMwari. Akanyora kuti: “Imi voutere, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, unoda kuva shamwari yenyika, unozviita muvengi waMwari.” (Jakobho 4:4) Zvechokwadi muvengi waMwari haasi rutivi rwesangano rake. Ipapoka, ushamwari nenyika chii? Hwave huchitsanangurwa sokuva nezvimiro zvakasiyana-siyana, zvakadai sokusakurira kana kuti kubatanidzwa musonganiro dzakashata. Mukuwedzera, Jakobho akasimbisa chimwe chinhu chakananga zvikuru—mafungiro akashata anotungamirira kumufambiro usina kufanira.
16. Ndaapi aiva mashoko akapoteredza enyevero yaJakobho yokuti ushamwari nenyika hunovengana naMwari?
16 Pana Jakobho 4:1-3, (NW), tinorava kuti: “Hondo dzinobvepi nokurwa kunobvepi kuri pakati penyu? Hazvibvi pazvinhu izvi here, zvinoti, kuchiva kwenyu kufadza nyama kunorwisana nemitezo yenyu? Munochiva, asi hamuna. Munoramba muchiponda uye muchichochora, asi hamukwanisi kuwana. Munoramba muchirwa uye muchiita hondo. Hamuna nemhaka yokusakumbira kwenyu. Munokumbira, asi hamugamuchiri, nokuti munokumbira nokuda kwechinangwa chakaipa, kuti muzvishandisire pakuchiva kwenyu kufadza nyama.” Jakobho akanyevera nezvoushamwari nenyika pashure pokunyora mashoko aya.
17. Muungano yechiKristu yomuzana rokutanga ramakore maiva no“kukakavadzana” no“kurwa” munzirai?
17 Mazana amakore pashure pokufa kwaJakobho, vaKristu venhema vakarwa hondo ndokupondana chaizvoizvo. Zvisinei, Jakobho akanga achinyorera mitezo yezana rokutanga ramakore ya“vaIsraeri vaMwari,” ‘vapristi navabati ushe’ vokudenga vanokarirwa. (Zvakazarurwa 20:6) Havana kupondana kana kuti kuurayana muhondo chaidzoidzo. Nokudaro nei Jakobho akataura nezvezvinhu zvakadaro pakati pavaKristu? Muapostora Johane akadana munhu upi noupi anovenga hama yake kuti muurayi. Uye Pauro akataura nezvokubonderana kwavanhu nekukavadzana muungano so“kukakavadzana” uye “kurwa.” (Tito 3:9, NW; 2 Timotio 2:14; 1 Johane 3:15-17) Nenzira imwe cheteyi, Jakobho sezviri pachena airangarira kukundikana kwavo kuda vaKristu biyavo. Pachavo, vaKristu vaiita nomutoo wakafanana nouyo avo vari munyika vanowanzobatana nawo.
18. Chii chinogona kutungamirira kuzviito nemirangariro zvisiri zvorudo pakati pavaKristu?
18 Neiko zvinhu zvakadaro zvakaitika muungano dzechiKristu? Nemhaka yemafungiro akashata, akadayi soruchiva no“kuchiva . . . kufadza nyama.” Kudada, godo, nokuzvikudza zvinogona kuparadza ushamwari hworudo hwechiKristu muungano. (Jakobho 3:6, 14) Mafungiro akadaro anoita kuti munhu ave shamwari yenyika uye, nokudaro, muvengi waMwari. Hapana anochengeta mafungiro akafanana neaya anogona kukarira kuramba ari mutezo weungano yaMwari.
19. (a) Ndiani anofanira kupomerwa zvikurukuru kana muKristu akawana kuti kufunga kwakaipa kuri kudzika midzi mumwoyo wake? (b) MuKristu anogona sei kukurira kufunga kwakaipa?
19 Ndiani watinogona kupomera kana tikawana kufunga kwakaipa kuchidzika midzi mumwoyo yedu? Satani here? Kakawanda kacho, hungu. Ndiye “muchinda wesimba redenga” renyika ino, ine mirangariro yakadaro yakapararira. (VaEfeso 2:1, 2; Tito 2:12) Kunyange zvakadaro, kazhinji kazhinji kufunga kwakashata kunogara munyama yedu isina kukwana. Pashure pokunyevera nezvoushamwari nenyika, Jakobho akanyora kuti: “Munofunga kuti Rugwaro rwunotaura pasina here, rwuchiti; Mweya, waakagarisa mukati medu unotishuva negodo?” (Jakobho 4:5) Tose zvedu tinowanzoda kuita zvakaipa nenzira yomuzvirirwo. (Genesi 8:21; VaRoma 7:18-20) Kunyange zvakadaro, tinogona kurwisa mafungiro iwayo kana tikabvuma kukanganisa kwedu ndokuvimba nebetsero yaJehovha kuti tichaakurira. Jakobho akati: “[Mwari] unopa nyasha dzakapfuura [kuwanzoda kuita godo kwedu kwomuzvarirwo.]” (Jakobho 4:6) Nemhaka yebetsero yomudzimu waMwari netsigiro yehama dzechiKristu dzakatendeka, uye kupfurikidza norunako rwechibayiro chorudzikinuro chaJesu, vaKristu vakatendeka havakundwi nokukanganisa kwenyama yavo. (VaRoma 7:24, 25) Vakachengeteka musangano raMwari, shamwari dzaMwari, kwete dzenyika.
20. Ndezvipi zvikomborero zvikuru zviri kufarirwa navose vari rutivi rwesangano raMwari?
20 Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Jehovha uchapa vanhu vake simba; Jehovha ucharopafadza vanhu vake norugare.” (Pisarema 29:11) Kana zvechokwadi tiri rutivi rwo“rudzi” rwomuzuva razvino uno rwaJehovha, sangano rake rinooneka, tichagoverana simba raanopa ndokufarikanya rugare rwaanopa vanhu vake. Chokwadi, nyika yaSatani yakakura zvikuru kupfuura sangano rinooneka raJehovha, uye Satani akasimba zvikuru kupfuura zvatakaita. Asi Jehovha ndiye Wamasimba Ose. Simba rake rinoshanda harikundwi. Ngirozi dzake dzine simbawo dzakabatana nesu mukubatira Mwari. Nokudaro, pasinei zvapo nokuvengwa kwatinoitwa, tinogona kumira zvakasimba. Kufanana naJesu, tinogona kukunda nyika.—Johane 16:33; 1 Johane 4:4.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Sangano rinooneka raMwari chii?
◻ Sangano raMwari rigovera dziviriro munzirai?
◻ Ndivanaani vari rutivi rwesangano raMwari?
◻ Tinogona sei kudzivisa kuva shamwari dzenyika?
[Bhokisi riri papeji 9]
Sangano raMwari Chii?
Mumabhuku eZvapupu zvaJehovha, kutaura kwokuti “sangano raMwari” kunoshandiswa munzira nhatu.
1 Sangano raJehovha risingaoneki rokudenga rinoumbwa nezvisikwa zvomudzimu zvakatendeka. MuBhaibheri rinonzi “Jerusarema riri kumusoro.”—VaGaratia 4:26.
2 Sangano rinooneka ravanhu raJehovha. Nhasi, rinoumbwa navakasarira vakazodzwa vachikumbanirwa neboka guru.
3 Sangano rapose pose raJehovha. Nhasi, rinoumbwa nesangano rokudenga raJehovha pamwe chete navakasarira vake, vanakomana vakagamuchirwa pasi vane tariro yomudzimu. Pashure penguva yakati, richabatanidzwo vanhu vakakwaniswa pasi pano.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Zvokudya zvomudzimu zvakanakisisa zviri kugoverwa kupfurikidza nesangano raJehovha