CHITSAUKO 17
Ramba Uri Pedyo neSangano raJehovha
MUDZIDZI Jakobho akanyora kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jak. 4:8) Kunyange zvazvo tiri vanhu vane chivi, Jehovha haana kunyanya kukwirira zvekutadza kutinzwa patinonyengetera uye haasi kure nesu. (Mab. 17:27) Tingaswedera sei pedyo naMwari? Nekunyatsova neukama hwepedyo naye uye nekunyengetera zvinobva pamwoyo. (Pis. 39:12) Tinoswederawo pedyo naye patinogara tichidzidza Shoko rake, Bhaibheri. Patinoita izvi, tinosvika pakunyatsoziva Jehovha Mwari, zvinangwa zvake uye zvaanoda kuti tiite. (2 Tim. 3:16, 17) Izvi zvichaita kuti tidzidze kumuda uye titye kuita zvinhu zvisingamufadzi.—Pis. 25:14.
2 Hatikwanisi kuswedera pedyo naJehovha pasina Mwanakomana wake, Jesu. (Joh. 17:3; VaR. 5:10) Hapana mumwe munhu anogona kutiudza mafungiro aJehovha kunze kwaJesu. Ainyatsozivana naBaba vake zvekuti aigona kutaura kuti: “Hapana anoziva kuti Mwanakomana ndiani kunze kwaBaba, uye hapana anoziva kuti Baba ndiani, kunze kweMwanakomana nemunhu wese uyo Mwanakomana anenge achida kuratidza zvavakaita.” (Ruka 10:22) Saka patinodzidza nyaya dziri mumabhuku eEvhangeri dzinoratidza mafungiro aJesu uye manzwiro ake, tinenge tichitodzidza mafungiro uye manzwiro anoita Jehovha. Izvi ndizvo zvinoita kuti tiswedere pedyo naMwari.
3 Tichitungamirirwa neMwanakomana waMwari, tinova neukama hwepedyo naJehovha kana tikaramba tiri pedyo nechikamu chinooneka chesangano rake chinotibatsira kudzidza kuita zvaanoda. Sezvakafanotaurwa pana Mateu 24:45-47, Jesu Kristu saTenzi, akagadza “muranda akatendeka, akangwara” kuti ape veimba yekutenda ‘zvekudya panguva yakakodzera.’ Mazuva ano muranda akatendeka anotipa zvekudya zvakawanda. Jehovha anoshandisa muranda akatendeka iyeye kutikurudzira kuverenga Shoko rake zuva nezuva, kupinda misangano yedu yechiKristu nguva dzese, uye kushingaira mubasa rekuparidza “mashoko akanaka eUmambo.” (Mat. 24:14; 28:19, 20; Josh. 1:8; Pis. 1:1-3) Hatimbofaniri kukanganwa kuti muranda akatendeka ari kutungamirirwa naMwari. Tinofanira kuedza kuramba tiri pedyo nechikamu chinooneka chesangano raJehovha uye kuita zvatinenge taudzwa kuti tiite. Tikadaro, tichaswedera pedyo naMwari wedu Jehovha, uye tichasimbiswa, todzivirirwa kunyange tikasangana nemiedzo.
NEI MIEDZO IRI KUWEDZERA?
4 Zvimwe wava nemakore akawanda uri Chapupu. Saka unonyatsoziva zvinorehwa nekutsungirira miedzo inovapo nemhaka yekuva muKristu. Asi kunyange uchangobva kuva Chapupu, unoziva kuti Satani Dhiyabhorosi anoshora munhu wese anozviisa pasi peuchangamire hwaJehovha. (2 Tim. 3:12) Ungave wakatsungirira miedzo yakawanda kana kuti mishoma, hapana chikonzero chekuti utye kana kuora mwoyo. Jehovha anovimbisa kuti achakutsigira uye achakukomborera nekukununura uye nekukupa upenyu munguva yemberi.—VaH. 13:5, 6; Zvak. 2:10.
5 Tese zvedu tinogona kusangana nemiedzo mumazuva ano ekupedzisira enyika yaSatani. Kubva pakagadzwa Umambo hwaMwari muna 1914, Satani haana kuzombobvumirwa kudzokera kudenga. Iye nengirozi dzake dzakaipa vakakandwa pasi pano uye havakwanisi kudzokera kudenga. Kuwedzera kuri kuita nhamo pano panyika, uye kutambudzwa kunoitwa vashumiri vaJehovha zviri kukonzerwa nekuti Satani akatsamwa uye zviri kuratidza kuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira ekutonga kwake kwakaipa.—Zvak. 12:1-12.
6 Satani akatsamwa nekukandwa kwaakaitwa pano panyika uye anoziva kuti nguva yake ipfupi. Iye nemadhimoni ake vanoita zvese zvavanogona kuti vavhiringidze basa rekuparidza Umambo uye kuti vakanganise kubatana kwevashumiri vaJehovha. Saka tiri muhondo yezvekunamata inorondedzerwa ichinzi, “hatisi kurwisana neropa nenyama, asi nehurumende, nevane masimba, nevatongi venyika verima rino, nemasimba emweya yakaipa ari munzvimbo dzemumatenga.” Kana tichizokunda tiri kudivi raJehovha, tinofanira kuramba tichirwa uye toramba takapfeka nhumbi dzese dzekuzvidzivirira nadzo pakunamata. Tinofanira ‘kumira takasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.’ (VaEf. 6:10-17) Izvi zvinoda kuti titsungirire.
ZVATINGAITA KUTI TITSUNGIRIRE
7 Kutsungirira kunoreva “kukwanisa kushingirira nhamo kana kuti dambudziko.” Panyaya dzekunamata, kutsungirira kunoreva kushinga kuita zvinhu zvakarurama patinenge tiri panguva yakaoma, tichishorwa, tichitambudzwa kana kuti tichisangana nezvimwe zvinhu zvingatibvisa pakushumira Mwari takavimbika. Kuti utsungirire semuKristu hazvingoerekani zvaitika asi unotofanira kushanda nesimba uye zvinotora nguva. Kufambira mberi mune zvekunamata kunoita kuti tikwanise kuwedzera kutsungirira. Patinotanga kushumira Jehovha, kutsungirira miedzo midiki inouya nemhaka yekuva muKristu, kunotisimbisa kuti titsungirire mimwe yakanyanya kuoma inozouya. (Ruka 16:10) Tinofanira kugara tatsidza mumwoyo kuti hatizombosiyi Mwari kunyange miedzo ikaoma sei, kwete kumirira kuti miedzo yacho itange yavapo. Muapostora Petro akaratidza kuti kutsungirira pamwe chete nehumwe unhu hwechiKristu zvinofanira kushandirwa. Akati: “Shandai nesimba renyu rese kuti muwedzere kunaka pakutenda kwenyu, pakunaka kwenyu ruzivo, paruzivo rwenyu kuzvidzora, pakuzvidzora kwenyu kutsungirira, pakutsungirira kwenyu kuzvipira kuna Mwari, pakuzvipira kwenyu kuna Mwari kudanana kwazvo sehama, pakudanana kwazvo sehama kuda vanhu vese.”—2 Pet. 1:5-7; 1 Tim. 6:11.
Kutsungirira kwedu kunowedzera zuva nezuva patinosangana nemiedzo toikurira
8 Jakobho akatiyeuchidza kuti kutsungirira kunokosha paakanyora kuti: “Hama dzangu, pamunosangana nemiedzo yakasiyana-siyana, farai kwazvo, sezvo muchiziva kuti kutenda kwenyu uku kwakaedzwa kunoita kuti mutsungirire. Asi kutsungirira ngakupedze basa rakwo, kuti muve vakakwana uye vakanaka pazvinhu zvese, pasina chamusina.” (Jak. 1:2-4) Jakobho anoti sevaKristu tinofanira kufara patinosangana nemiedzo nekuti inotibatsira kutsungirira. Wakambofunga saizvozvo here? Jakobho anobva aratidza kuti kutsungirira kune basa rakunoita pakunatsiridza unhu hwedu hwechiKristu uye pakuita kuti tifarirwe naMwari. Zvechokwadi kutsungirira kwedu kunowedzera zuva nezuva patinosangana nemiedzo toikurira. Kutsungirira ikoko kunoitawo kuti tive nehumwe unhu hwakanaka hwatinoda.
9 Jehovha anofadzwa nekutsungirira kwedu uye izvi zvichaita kuti atipe mubayiro weupenyu husingaperi. Jakobho akatizve: “Anofara munhu anoramba achitsungirira muedzo, nekuti paanokunda achapiwa korona yeupenyu, yakavimbiswa naJehovha kune vaya vanoramba vachimuda.” (Jak. 1:12) Chokwadi, kufunga nezveupenyu huri mberi kunotibatsira kuti titsungirire. Kana tikasatsungirira, hatikwanisi kuramba tiri musangano raJehovha. Tikakundwa nemiedzo iri munyika, tichadzokerazve kunyika. Saka kana tisingagoni kutsungirira hazviiti kuti tirambe tiine mweya waJehovha uye hatizogoni kuva neunhu hunoumba chibereko chemweya.
10 Kana tichida kuramba tichitsungirira mumazuva ano akaoma, tinofanira kunzwisisa kuti kana tiri vaKristu tichatotambura. Yeuka kuti Jakobho akati: “Farai kwazvo.” Izvozvo zvingasava nyore nekuti pamwe tinenge tichirwadziwa kana kushungurudzika. Asi yeuka kuti kuzowana kwedu upenyu husingaperi kunobva pakuti tatsungirira here. Zvakasangana nevaapostora zvinotibatsira kuona kuti tingafara sei patinenge tichitambura. Nyaya yacho iri mubhuku raMabasa, uye inoti: “Vakashevedza vaapostora, vakavarova, vakavaudza kuti varege kutaura pamusoro pezita raJesu, vakavarega vachienda. Saka vakabva pamberi peSanihedrini vachifara nekuti vakanga vanzi vakakodzera kuzvidzirwa zita rake.” (Mab. 5:40, 41) Vaapostora vacho vakanzwisisa kuti kutambura kwavaiita kwairatidza kuti vaiteerera murayiro waJesu uye kuti Jehovha aivafarira. Pashure pemakore akawanda nyaya yekurohwa kwevaapostora yaitika, Petro paainyora tsamba yake yekutanga, akataura kuti kutambura kwakadaro nekuda kwekururama kwakakosherei.—1 Pet. 4:12-16.
11 Pauro naSirasi ndevamwe vaitofanirawo kutsungirira. Pavaiita basa ravo reumishinari muFiripi, vakasungwa ndokupomerwa kuti vaikanganisa guta uye vaiparidza tsika dzakanga dzisingabvumirwi nemutemo. Saka vakarohwa zvakasimba ndokubva vakandwa mujeri. Bhaibheri rinotiudza kuti pavakanga vari mujeri vasati varapwa maronda avo, “nechepakati peusiku, Pauro naSirasi vainyengetera vachiimba vachirumbidza Mwari, uye vamwe vasungwa vaivanzwa.” (Mab. 16:16-25) Kuramba kwakaita Pauro naSirasi vakaperera kuna Mwari kwakaonekwawo nevamwe vanhu zvichibva zvabatsira vaya vaida kunzwa mashoko akanaka. Usiku ihwohwo chaihwo murindi wejeri nemhuri yake vakanzwawo mashoko akanaka vakava vadzidzi. (Mab. 16:26-34) Pauro naSirasi vakavimba naJehovha, nesimba rake uye vaiziva kuti aida kuvatsigira pakutambura kwavo. Jehovha akavatsigirawo zvechokwadi.
12 Mazuva anowo, Jehovha anotipa zvese zvatinoda kuti atitsigire panouya muedzo. Anoda kuti titsungirire. Akatipa Shoko rake rakafemerwa kuti tinyatsoziva nezvechinangwa chake. Zivo iyoyo inotisimbisa pakutenda. Tine mukana wekuwadzana nevatinonamata navo uye kumuitira basa dzvene. Uyewo kunyengetera kuna Jehovha ndeimwe ropafadzo yatiinayo yekuramba tiri pedyo naye. Anoteerera patinonyengetera tichimurumbidza uye patinokumbira nemwoyo wese kuti atibatsire kuramba tichiita zvinomufadza. (VaF. 4:13) Uyewo hatifaniri kukanganwa kusimbiswa kwatinoitwa patinofungisisa tariro iri mberi kwedu.—Mat. 24:13; VaH. 6:18; Zvak. 21:1-4.
KUTSUNGIRIRA MIEDZO YAKASIYANA-SIYANA
13 Miedzo yatinosangana nayo yakafanana neyakasangana nevadzidzi vekutanga vaJesu Kristu. Mazuva ano, vamwe vanhu vanotaura nhema pamusoro peZvapupu zvaJehovha zvobva zvaita kuti titukwe uye tirohwe. Sezvaingoitika munguva yevaapostora, izvi zvinowanzokonzerwa nevanhu vezvitendero zvine dzidziso dzenhema dzinofumurwa neShoko raMwari. (Mab. 17:5-9, 13) Pane dzimwe nguva, vanhu vaJehovha vanobatsirwa nekodzero dzepamutemo dzakaiswa nehurumende. (Mab. 22:25; 25:11) Asi vamwe vatongi vanogadza mitemo inorambidza basa redu, nechinangwa chekuti tirege kuparidza. (Pis. 2:1-3) Pakadaro, tinotevedzera zvakaitwa nevaapostora vakatendeka avo vakati: “Tinofanira kuteerera Mwari semutongi panzvimbo pevanhu.”—Mab. 5:29.
14 Nemhaka yekuti vanhu pasi rese vava kunyanya kukoshesa nyika dzavo, vaparidzi vemashoko akanaka vanowanzomanikidzwa kusiya basa ravo ravakapiwa naMwari. Vashumiri vese vaMwari vanonyatsonzwisisa nyevero iri pana Zvakazarurwa 14:9-12 inotaura ‘nezvechikara nemufananidzo wacho.’ Tinoziva zvinorehwa nemashoko aJohani anoti: “Pano ndipo panoda kuti vatsvene vatsungirire, vaya vanochengeta mirayiro yaMwari uye vanoramba vachitenda muna Jesu.”
15 Hondo, kupandukirwa kwehurumende, kutambudzwa uye kurambidzwa kwebasa redu nezviremera zvingaita kuti zvikuomere kunamata Jehovha wakasununguka. Zvingasava nyore kuti mupinde misangano seungano uye kutaura nehofisi yebazi. Kushanya kwevatariri vematunhu kungavhiringidzwa. Munogona kutadza kuwana mabhuku enyu. Kana chimwe chezvinhu izvi chikaitika, unofanira kuitei?
16 Mhinduro ndeyekuti, ita zvese zvaunokwanisa kuita mumamiriro ezvinhu anenge avapo. Unogona kudzidza uri wega. Munogona kusangana muri mapoka madiki mudzimba dzehama. Mungashandisa mabhuku akambodzidzwa kare uye Bhaibheri pakuita misangano yacho. Usanyanya kunetseka zvekutadza kugadzikana. Dare Rinotungamirira richaita zvese zvarinokwanisa kuti rikurumidze kupa mirayiridzo kuhama dzinenge dzichitungamirira.
17 Kunyange kana ukaparadzaniswa nehama dzako dzese dzechiKristu, yeuka kuti Jehovha neMwanakomana wake, Jesu Kristu vanewe. Tariro yako inogona kuramba yakasimba. Jehovha anenge achiri kunzwa minyengetero yako uye anogona kukusimbisa nemweya wake. Tsvaga kutungamirirwa naye. Yeuka kuti uri mushumiri waJehovha uye mudzidzi waJesu Kristu. Saka edza kuparidza pese paunowana mukana. Jehovha achakomborera zvaunoedza kuita, uye vamwe vangazopedzisira vabatana newe pakunamata kwechokwadi.—Mab. 4:13-31; 5:27-42; VaF. 1:27-30; 4:6, 7; 2 Tim. 4:16-18.
18 Asi kana ukatarisana nerufu sezvakaita vaapostora nevamwe, isa chivimbo chako muna “Mwari anomutsa vakafa.” (2 VaK. 1:8-10) Kutenda kwaunoita kuti achamutsa vakafa kunogona kukubatsira kuti utsungirire kunyange kushorwa kwakakura zvikuru. (Ruka 21:19) Kristu Jesu akaramba akatendeka paaiedzwa achiziva kuti izvozvo zvaizosimbisa vamwe kuti vatsungirirewo. Kana iwe ukatsungirira paunotarisana nemiedzo, unogonawo kusimbisa hama dzako.—Joh. 16:33; VaH. 12:2, 3; 1 Pet. 2:21.
19 Pane zvimwewo zvinhu zvaungafanira kutsungirira kunze kwekutambudzwa uye kushorwa. Semuenzaniso, vamwe vakaora mwoyo nemhaka yekusafarira kwevanhu vemundima yavo. Vamwe vari kutsungirira zvirwere zvakasiyana-siyana uye vamwe vari kutsungirira dambudziko ravainaro rekutadza kuita zvavanenge vachida nemhaka yechivi chatiinacho. Muapostora Pauro aifanirawo kutsungirira muedzo waivhiringidza basa rake uye dzimwe nguva waiita kuti aomerwe nekuriita. (2 VaK. 12:7) Uyewo, Epafrodhito, mumwe muKristu wepakutanga wekuFiripi, ‘akasuruvara nekuti shamwari dzake dzakanzwa kuti akanga achirwara.’ (VaF. 2:25-27) Nemhaka yekuti tese zvedu tine chivi, zvingaita kuti pave nematambudziko akaoma kutsungirira. Tingatadza kuwirirana nevamwe vatinonamata navo kana kuti kunyange nevemumhuri medu. Asi tinogona kutsungirira uye kukunda matambudziko akadaro chero bedzi tichiteerera mazano ari muShoko raJehovha.—Ezek. 2:3-5; 1 VaK. 9:27; 13:8; VaK. 3:12-14; 1 Pet. 4:8.
TSUNGA KURAMBA WAKATENDEKA
20 Tinofanira kuramba takanamatira pana Jesu Kristu, uyo akagadzwa naJehovha kuti ave Musoro weungano. (VaK. 2:18, 19) Tinofanirawo kuita zvatinoudzwa ‘nemuranda akatendeka, akangwara’ uye nevaya vakagadzwa sevatariri. (VaH. 13:7, 17) Tikanyatsotevedzera zvatinoudzwa naJehovha toita zvatinoudzwa nevaya vari kutungamirira, tichava vanhu vakarongwa kuti tiite zvinoda Jehovha. Tinofanira kunyengetera nguva dzese. Yeuka kuti kunyange ukaiswa mujeri kana kuvharirwa mako wega, izvozvo hazvikutadzise kutaura naBaba vedu vekudenga vane rudo kana kuvhiringidza kubatana kwedu nevatinonamata navo.
21 Ngatitsungei kuita zvese zvatinogona kuti tiite basa rekuparidza ratakapiwa naJesu Kristu paakati: “Saka endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana neremweya mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai.” (Mat. 28:19, 20) Ngatitsungirireiwo sezvakaitwa naJesu. Ngatirambei tichifunga nezvetariro yeUmambo neyeupenyu husingaperi. (VaH. 12:2) Sevadzidzi vaKristu vakabhabhatidzwa, tine basa rekuzadzisawo uprofita hwaJesu hunoratidza kuti ‘nyika yava kumagumo kwayo’ Akati: “Uye aya mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, mugumo wozosvika.” (Mat. 24:3, 14) Kana tikashanda nemwoyo wese pakuita basa iroro panguva ino, tichafara patichawana upenyu husingaperi munyika itsva yaJehovha yakarurama!