“Tarirai, Uyu Ndiye Mwari Wedu”
Mashoko anokurukurwa munyaya mbiri idzi dzokudzidza anotorwa mubhuku raSwedera Pedyo naJehovha, rakabudiswa pakokorodzano dzoruwa dzakaitwa pasi pose muna 2002 na2003.—Ona nyaya inoti “Rakazadzisa Nzvimbo Yakanga Isina Chinhu Mumwoyo Mangu,” iri papeji 20.
“Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye uchatiponesa; uyu ndiye Jehovha.”—ISAYA 25:9.
1, 2. (a) Jehovha akataura nezvatateguru Abrahamu achimuti chii, uye izvi zvingaita kuti tishamisike nei? (b) Bhaibheri rinotivimbisa sei kuti zvinokwanisika kuti tive noukama hwepedyo naMwari?
“SHAMWARI yangu.” Ndiwo matauriro akaita Jehovha, Musiki wedenga nepasi, achireva tateguru Abrahamu. (Isaya 41:8) Chimbofunga—munhuwo zvake achishamwaridzana naChangamire Ishe wezvose! Pamwe ungashamisika kuti, ‘Zvinoita here kuti ini ndive pedyo naMwari zvakadaro?’
2 Bhaibheri rinotivimbisa kuti zvinokwanisika kuva noukama hwepedyo naMwari. Abrahamu akabvumirwa kuva noukama hwepedyo hwakadaro nokuti “akatenda muna Jehovha.” (Jakobho 2:23) Kunyange nhasiwo, Jehovha “une ukama navakarurama.” (Zvirevo 3:32) Pana Jakobho 4:8, Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.” Zviri pachena kuti tikatora matanho okuswedera pedyo naJehovha, iye achadarowo. Chokwadi, achaswedera pedyo nesu. Asi mashoko akafuridzirwa aya anoreva here kuti isu—vanhu vane zvivi, vasina kukwana—tisu tinotanga kuita chiito? Hazvisizvo. Ukama naJehovha hunongovapo chete nokuti Mwari wedu ane rudo akatora matanho maviri anokosha.—Pisarema 25:14.
3. Jehovha akatora matanho api maviri kuti zvibvire kuti isu tive noushamwari naye?
3 Chokutanga, Jehovha akaronga kuti Jesu ape “mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevakawanda.” (Mateu 20:28) Chibayiro ichocho chorudzikinuro chinoita kuti tikwanise kuva pedyo naMwari. Bhaibheri rinoti: “Kana tiri isu, tinoda, nokuti akatanga kutida.” (1 Johani 4:19) Chokwadi, sezvo Mwari “akatanga kutida,” akatigadzirira pokutangira kuva noushamwari naye. Chechipiri, Jehovha akazvizivisa kwatiri. Muushamwari hwoga hwoga hwatinoumba, tinosimbisa ukama hwacho nokunyatsoziva munhu wacho, kuyemura nokukoshesa unhu hwake hunomusiyanisa nevamwe. Funga kuti izvi zvinorevei. Kudai Jehovha aiva Mwari akavanzika, asingagoni kuzivikanwa, taisazombova pedyo naye. Asi, pane kuti azvivanze, Jehovha anoda kuti tisvike pakumuziva. (Isaya 45:19) MuShoko rake Bhaibheri, anozvizivisa nemashoko atinogona kunzwisisa—kwete uchapupu hwokungoti anotida, asi kuti anoda kuti timuzive nokumuda saBaba vedu vokudenga.
4. Tichanzwa sei pamusoro paJehovha sezvatinosvika pakuziva unhu hwake zviri nani?
4 Wati wamboona here kamwana kachiratidza shamwari dzako baba vako kobva kati kachizvifarira zvako nokudadirira, “Avo ndivo baba vangu”? Vanamati vaMwari vane zvikonzero zvakawanda zvokunzwawo saizvozvo pamusoro paJehovha. Bhaibheri rinofanotaura nezvenguva apo vanhu vakatendeka vachadanidzira kuti: “Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu.” (Isaya 25:8, 9) Kana tikanzwisisa zvakadzama unhu hwaJehovha, tichanzwisisawo zvikuru kuti tina Baba vakanakisisa uye Shamwari yepedyo zvikuru yatingafungidzira. Hungu, kuziva unhu hwaJehovha kunotipa zvikonzero zvakawanda zvokuswedera pedyo naye. Saka iye zvino ngationgororei maratidziro anoita Bhaibheri zvinhu zvikuru zviri muunhu hwaJehovha—simba, kururamisira, uchenjeri, uye rudo. Munyaya ino, tichakurukura zvitatu zvokutanga.
“Ane Simba Guru Guru”
5. Nei zvakakodzera kuti Jehovha oga ndiye anonzi “Wemasimba Ose,” uye anoshandisa simba rake rinoshamisa munzira dzipi?
5 Jehovha “ane simba guru guru.” (Jobho 37:23) Jeremia 10:6 inoti: “Hakuna wakafanana nemi Jehovha; imi muri mukuru, zita renyu iguru nesimba raro.” Kusiyana nechisikwa chipi nechipi, Jehovha ane simba risingaperi. Nechikonzero ichocho, ndiye oga anonzi “Wemasimba Ose.” (Zvakazarurwa 15:3) Jehovha anoshandisa simba rake rinoshamisa kusika, kuparadza, kudzivirira, uye kudzorera. Funga nezvemienzaniso miviri bedzi—simba rake rokusika uye simba rake rokudzivirira.
6, 7. Zuva rine simba zvakadini, uye rinopupurira chokwadi chipi chinokosha?
6 Paunomira panze masikati akajeka muchirimo, unonzwei paganda rako? Kudziya kwezuva. Zvisinei, chauri kunzwa chaizvo mugumisiro wesimba raJehovha rokusika. Zuva rine simba rakadini? Pakatikati paro, tembiricha yaro inenge mamiriyoni 15 degrees Celsius. Kudai waigona kutora kamedu kepakati pezuva kakaenzana nomusoro wepini wokaisa pasi pano, waisazogona kumira wakachengeteka uri makiromita 150 kubva pakari! Sekondi imwe neimwe, zuva rinobudisa simba rakaenzana nokuputika kwemazana emamiriyoni emabhomba enyukireya. Asi pasi rinotenderera choto chinotyisa ichocho riri pachinhambwe chakakodzera chaizvo. Dai pasi raiva pedyosa, mvura yose yepasi yaizopwa; dai raiva kuresa, yose yaioma kuita chando. Chero chimwe chezviviri izvi chaizoita kuti pasi redu risava noupenyu.
7 Kunyange zvazvo upenyu hwavo chaihwo huchida zuva, vanhu vakawanda havambooni kukosha kwaro. Nokudaro, havaoni zvatinogona kudzidziswa nezuva. Pisarema 74:16 rinoti nezvaJehovha: “Ndimi makagadzira chiedza nezuva.” Chokwadi, zuva rinopa mbiri kuna Jehovha, “wakaita kudenga napasi.” (Pisarema 146:6) Kunyange zvakadaro, rinongova chimwe chezvisikwa zvakawanda zvinotidzidzisa nezvesimba guru raJehovha. Patinodzidza zvakawanda nezvesimba raJehovha rokusika, tinobva tamuremekedzawo zvikuru.
8, 9. (a) Mashoko api ounyoro anobudisa mufananidzo wakajeka unoratidza kuda kwaJehovha kudzivirira nokutarisira vanamati vake? (b) Mufudzi womunguva dzinotaurwa muBhaibheri aitarisira sei makwai ake, uye izvi zvinotidzidzisei nezvoMufudzi wedu Mukuru?
8 Jehovha anoshandisawo simba rake rakawanda kudzivirira vashumiri vake uye kuvatarisira. Bhaibheri rinoshandisa mashoko anobudisa mifananidzo yakajeka asi ichibaya mwoyo kutsanangura zvipikirwa zvaJehovha zvokudzivirira kwake. Cherechedza, somuenzaniso, Isaya 40:11. Ipapo Jehovha anozvifananidza nomufudzi uye vanhu vake nemakwai. Tinoverenga kuti: “Uchafudza boka rake somufudzi, uchaunganidza makwayana ake mumaoko ake, nokuatakura pachipfuva chake, uchanatsa kutungamirira nhunzvi dzinomwisa.” Unogona here kuona mupfungwa zvinorondedzerwa mundima iyoyo?
9 Imhuka shoma dzisingagoni kuzvidzivirira semakwai anopfuyiwa. Mufudzi womunguva dzinotaurwa muBhaibheri aifanira kuva noushingi kuti adzivirire makwai ake pamhumhi, mabheya, neshumba. (1 Samueri 17:34-36; Johani 10:10-13) Asi paiva nenguva apo kudzivirira uye kutarisira makwai kwaida unyoro. Somuenzaniso apo gwai raiberekera kure neboka, mufudzi aizochengetedza sei gwayana rakanga richangoberekwa risingagoni kuzvidzivirira? Aizoritakura, pamwe kwemazuva, “pachipfuva chake”—mipendero yokumusoro kwenguvo yake. Zvisinei, gwayana raizova sei pachipfuva chomufudzi? Gwayana raigona kuenda kumufudzi pamwe rotogunzva gumbo rake. Zvisinei, mufudzi wacho ndiye aizofanira kukotama, osimudza gwayana racho, oritakura zvakanaka pachipfuva chake. Izvi zvinonyatsoratidza kuda kunoita Mufudzi wedu Mukuru kudzivirira nokutarisira vashumiri vake!
10. Kudzivirira kupi kunogoverwa naJehovha nhasi, uye nei kudzivirira kwakadaro kuchikosha zvikuru?
10 Jehovha haana kungovimbisa kutidzivirira. Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, akaratidza munzira dzinoshamisa kuti anokwanisa ‘kununura vanhu vakazvipira kuna Mwari mumuedzo.’ (2 Petro 2:9) Ko nhasi? Tinoziva kuti haashandisi simba rake kutidzivirira panhamo dzose iye zvino. Zvisinei, anogovera chimwe chinhu chinotokosha zvikuru—kudzivirira mumudzimu. Mwari wedu ane rudo anotidzivirira kukanganiswa mumudzimu nokutishongedzera nezvatinoda kuitira kuti titsungirire miedzo uye tichengetedze ukama hwedu naye. Somuenzaniso, Ruka 11:13 inoti: “Kana imi, kunyange makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba vari kudenga vachapa mudzimu mutsvene zvikuru sei vanovakumbira!” Simba rakakura iroro rinogona kutiita kuti tikwanise kukunda muedzo chero upi zvawo kana chinetso chatingatarisana nacho. (2 VaKorinde 4:7) Saka Jehovha anoshanda kuti achengetedze upenyu hwedu, kwete kwemakore mashomanana chete, asi nokusingaperi. Tichifunga nezvetarisiro iyoyo, zvechokwadi tingaona kutambura chero kupi zvako kwatingaita munyika ino so“kwenguva duku uye kwakareruka.” (2 VaKorinde 4:17) Hatiswededzwi pedyo naMwari anoshandisa simba rake nokuda kwedu nenzira yorudo zvakadaro here?
“Jehovha Unoda Zvakarurama”
11, 12. (a) Nei kururamisira kwaMwari kuchitiswededza pedyo naye? (b) Dhavhidhi akagumisa achiti chii nezvokururamisira kwaJehovha, uye mashoko aya akafuridzirwa anogona sei kutinyaradza?
11 Jehovha anoita zvakarurama, uye anogara achizviita, asingasaruri. Kururamisira kwaMwari hakusi chinhu chakangotonhora, chakakasharara chinotidzingira kure, asi unhu hunoita kuti timude uhwo hunotiswededza pedyo naJehovha. Bhaibheri rinonyatsorondedzera kufadza kunoita unhu uhwu. Saka, ngatikurukurei nzira nhatu idzo Jehovha anoratidza kururamisira kwake.
12 Kutanga, kururamisira kwaJehovha kunomuita kuti aratidze kutendeka nokuvimbika kuvashumiri vake. Munyori wepisarema Dhavhidhi akasvika pakunzvionera chinhu ichi chiri mukururamisira kwaJehovha. Kubva pane zvaakazvionera pachake uye mukudzidza kwake nzira dzaMwari, Dhavhidhi akagumisa achiti kudini? Akazivisa kuti: “Jehovha unoda zvakarurama, haasiyi vatsvene vake; vanochengetwa nokusingaperi.” (Pisarema 37:28) Ivimbiso inonyaradza sei! Mwari wedu haazombosiyi vaya vakavimbika kwaari. Naizvozvo tinogona kuvimba noushamwari hwake uye kutarisira kworudo. Kururamisira kwake kunosimbisa izvi!—Zvirevo 2:7, 8.
13. Kuva nehanya kwaJehovha nevaitambura kunoonekwa sei muMutemo waakapa vaIsraeri?
13 Chechipiri, kururamisira kwaMwari kunonzwisisa zvinodiwa nevanotambura. Kuva nehanya kwaJehovha nevaitambura kunoonekwa muMutemo waakapa vaIsraeri. Somuenzaniso, Mutemo wakaita urongwa hwokuti nherera nechirikadzi dzitarisirwe. (Dheuteronomio 24:17-21) Achicherechedza kuoma kwaigona kuita upenyu kumhuri dzakadaro, Jehovha pachake akava Mutongi noMudziviriri wavo akaita saBaba. (Dheuteronomio 10:17, 18) Akanyevera vaIsraeri kuti kana vaizotambudza vakadzi nevana vasingagoni kuzvidzivirira, aizonzwa kuchema kwevakadaro. “Kutsamwa kwangu kuchamuka,” akataura kudaro, sezvakanyorwa pana Eksodho 22:22-24. Kunyange hasha dzisiri chimwe chezvinhu zvikuru paunhu hwaMwari, anotsamwiswa nezviito zvemaune zvokusaruramisira, kunyanya kana vari kuzviitirwa vacho vari vaya vasingagoni kuzvidzivirira.—Pisarema 103:6.
14. Ndohupi huri uchapupu hunoshamisa zvechokwadi hwokusasarura kwaJehovha?
14 Chechitatu, pana Dheuteronomio 10:17, Bhaibheri rinotivimbisa kuti Jehovha ‘haatsauri vanhu, kana kugamuchira chiokomuhomwe.’ Kusiyana nevanhu vakawanda vane simba kana chiremera, Jehovha haatsauswi noupfumi kana kuti chitarisiko chokunze. Haana rusaruro zvachose. Uchapupu hunoshamisa zvechokwadi hwokusasarura kwake ndouhu: Mukana wokuva vanamati vake vechokwadi, tichitarisira upenyu husingagumi, haungochengeterwi vapfumi vashomanana. Asi, Mabasa 10:34, 35 inoti: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” Tarisiro iyi yakazarukira vose pasinei nechinzvimbo chavo munzanga, ruvara rweganda ravo, kana kuti nyika yavanogara. Ikoko hakusi kururamisira kwechokwadi kwakanakisisa here? Ichokwadi kuti kunzwisisa kururamisira kwaJehovha zviri nani kunoita kuti tiswedere pedyo naye!
‘Haiwa Ukuru Hwouchenjeri hwaMwari!’
15. Uchenjeri chii, uye Jehovha anohuratidza sei?
15 Muapostora Pauro akanzwa achida kudanidzira, sezvakanyorwa pana VaRoma 11:33 kuti: ‘Haiwa ukuru hwouchenjeri hwaMwari nezivo!’ Chokwadi, sezvatinofungisisa zvinhu zvakasiyana-siyana zvouchenjeri hwaJehovha hwakakura, chatinongogona kuita chete kushamiswa. Zvisinei, tingarondedzera sei unhu uhwu? Uchenjeri hunounza zivo, njere, nokunzwisisa hwoita kuti zvishande pamwe chete. Achishandisa zivo yake yakadzama kwazvo uye nzwisiso yake yakakura, Jehovha nguva dzose anoita zvisarudzo zvakanakisisa sezvingabvira, achizviita nenzira yakanakisisa yatingafungidzira.
16, 17. Zvakasikwa zvaJehovha zvinopupurira sei uchenjeri hwake hwakakura? Ipa muenzaniso.
16 Ndohupi humwe uchapupu chaihwo hwouchenjeri hwakakura hwaJehovha? Pisarema 104:24 rinoti: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose [“nouchenjeri,” NW]; pasi pazere nepfuma yenyu.” Chokwadi, patinoramba tichidzidza nezvezvinhu zvakaitwa naJehovha, ndipo patinowana tichishamiswa zvikuru nouchenjeri hwake. Chokwadi, kunyange masayendisiti akadzidza zvakawanda pakuongorora zvakasikwa naJehovha! Kunotova nounyanzvi hwokugadzira zvinhu, hunonzi biomimetics, hunotevedzera magadzirirwo ezvinhu zvakasikwa.
17 Somuenzaniso, pamwe wakambotarisa uchishamiswa nokunaka kwakaita dandemutande. Zvechokwadi chigadzirwa chinoshamisa. Tutambo itwotwo tunenge twenhando twakatosimba kudarika simbi, twakasimba kudarika mafaibha okugadzirisa pasingapindi bara repfuti. Izvozvo zvinonyatsorevei? Fungidzira dandemutande rakawedzerwa kukura kwaro kusvikira raita soutava hunoshandiswa muchikepe chokuredzesa. Dandemutande iroro raizova rakasimba zvokuti raigona kumisa ndege inotakura vanhu iri pakati pokubhururuka! Chokwadi, Jehovha akaita zvinhu zvose zvakadaro ‘nouchenjeri.’
18. Uchenjeri hwaJehovha hunoonekwa sei mukushandisa kwake vanhu kunyora Shoko rake, Bhaibheri?
18 Uchapupu hunopfuura hwose hwouchenjeri hwaJehovha hunowanikwa muShoko rake, Bhaibheri. Zano rouchenjeri rinowanikwa mumapeji aro rinonyatsotiratidza nzira yakanakisisa yokurarama nayo. (Isaya 48:17) Asi uchenjeri hwaJehovha husingaenzaniswi hunoonekwawo munzira yakanyorwa nayo Bhaibheri. Sei? Muuchenjeri hwake, Jehovha akasarudza kushandisa vanhu kunyora Shoko rake. Kudai akanga ashandisa ngirozi kunyora Shoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri raizonzwisisika sezvarinoita here? Chokwadi ndechokuti, ngirozi dzaigona kudai dzakaratidza Jehovha mumaonero adzo akakwirira uye dzaigona kudai dzakaratidza kuzvipira kwadzinoita kwaari pachadzo. Asi taidai takanyatsokwanisa kunzwisisa manzwisisiro ezvisikwa zvomudzimu zvakakwana, zvine zivo, unyanzvi, uye simba zvinopfuura zvedu nokure here?—VaHebheru 2:6, 7.
19. Muenzaniso upi unoratidza kuti kushandiswa kwevanhu kunyora kunoita kuti Bhaibheri rifadze nokunakidza zvikuru?
19 Kushandiswa kwevanhu kunyora kunoita kuti Bhaibheri rifadze nokunakidza zvikuru. Vanyori varo vaiva vanhu vane kunzwa kwakaita sokwedu. Sezvo vakanga vasina kukwana, vakasangana nemiedzo nokudzvinyirirwa kwakaita sokwedu. Mune zvimwe zviitiko, vakanyora manzwiro avo pachavo nokutambura kwavo. (2 VaKorinde 12:7-10) Saka vakanyora mashoko aisagona kutaurwa kana nengirozi pachayo. Somuenzaniso, tora mashoko aDhavhidhi akanyorwa muPisarema 51. Maererano nemashoko aro epamusoro, Dhavhidhi akanyora pisarema iri pashure pokunge aita chivi chakakomba. Akadurura zvaiva mumwoyo make, achitaura kurwadziwa kwakadzama uye achikumbira kukanganwirwa naMwari. Pis 51 Ndima 2 ne3 dzinoti: “Ndisukei zvakaipa zvangu chose, ndinatsei chivi changu. Nokuti ndinoziva kudarika kwangu; chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.” Ona Pis 51 ndima 5, inoti: “Tarirai, ndakaberekerwa muzvakaipa; mai vangu vakandigamuchira muzvivi.” Pis 51 Ndima 17 inowedzera kuti: “Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushori.” Unogona kunzwa kutambura kwomunyori here? Ndiani kunze kwomunhu asina kukwana aigona kutaura manzwiro akadaro?
20, 21. (a) Nei zvichigona kunzi pasinei nokushandiswa kwevanhu kurinyora, Bhaibheri rine uchenjeri hwaJehovha? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?
20 Nokushandisa kwake vanhu vasina kukwana vakadaro, Jehovha akagovera zvatinoda chaizvo—chinyorwa chaka“furidzirwa naMwari” asi chiine zvinhu zvinonzwisiswa nevanhu. (2 Timoti 3:16) Chokwadi, vanyori ivavo vaitungamirirwa nomudzimu mutsvene. Saka vakanyora uchenjeri hwaJehovha, kwete hwavo pachavo. Uchenjeri ihwohwo hwakavimbika zvakakwana. Hwakakwirira kupfuura uchenjeri hwedu nokure zvokuti Mwari anotikurudzira norudo kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” (Zvirevo 3:5, 6) Nokuteerera zano iroro rouchenjeri, tinoswedera pedyo naMwari wedu akachenjera kupfuura ani zvake.
21 Chinhu chakanakisisa uye chinoita kuti tide Jehovha zvikuru paunhu hwake hwose rudo. Kuti Jehovha akaratidza sei rudo, zvichakurukurwa munyaya inotevera.
Unogona Kuyeuka Here?
• Jehovha akatora matanhoi kuti isu tikwanise kuva noukama hwepedyo naye?
• Ndeipi mimwe mienzaniso yesimba raJehovha rokusika uye yesimba rake rokudzivirira?
• Jehovha anoratidza uchenjeri hwake munzira dzipi?
• Uchenjeri hwaJehovha hunoonekwa sei muzvisikwa zvake uyewo muBhaibheri?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Somufudzi anotakura gwayana pachipfuva chake, Jehovha anotarisira makwai Ake nounyoro
[Mufananidzo uri papeji 13]
Uchenjeri hwaJehovha hunoonekwa munzira yakanyorwa nayo Bhaibheri