Kutenda Kunotiita Vanoshivirira Navanonyengetera
“[Shivirirai; NW] simbisai mwoyo yenyu, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo.”—JAKOBHO 5:8.
1. Nei tichifanira kufungisisa Jakobho 5:7, 8?
“KUVAPO” kwaJesu Kristu kwakanguri kwamirirwa zvino ndekwechokwadi. (Mateo 24:3-14, NW) Kupfuura nakare kose, vose vanotaura kuti vane kutenda muna Mwari naKristu vane chikonzero chokufungisisa mashoko aya omudzidzi Jakobho: “[Shivirirai, NW] hama dzangu, . . . kusvikira pakuuya kwaShe. Tarirai, murimi unomirira chibereko chenyika chinokosha, achitsungirira pamusoro pazvo kusvikira zvapiwa mvura yokutanga neyokuguma. Nemiwo [shivirirai, NW]; simbisai mwoyo yenyu, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo.”—Jakobho 5:7, 8.
2. Ndezvipi zvakanga zviri zvimwe zvezvinetso zvakatarisanwa nazvo navakanyorerwa naJakobho?
2 Vaya vakanyorerwa naJakobho tsamba yake yakafuridzirwa vanofanira kushivirira ndokupedza zvinetso zvakasiyana-siyana. Vakawanda vakanga vachiita mukupesana nezvakanga zvichikarirwa kuitwa navaya vaitaura kuti vanotenda Mwari. Somuenzaniso, chimwe chinhu chaifanira kuitwa pamusoro pezvishuvo zvakati zvakanga zvatanga mune mimwe mwoyo. Kusununguka kwaifanira kudzorerwa pakati pevaKristu ivavo vapakuvamba. Vaidawo zano pakuva vanoshivirira uye vanonyengetera. Sezvatinorangarira zvavakaudzwa naJakobho, ngationei nzira yatinogona kushandisa nayo mashoko ake muupenyu hwedu.
Zvishuvo Zvakaipa Zvinoparadza
3. Ndezvipi zvakanga zviri zvikonzero zvegodo romuungano, uye tinogona kudzidzei pane izvi?
3 Rugare rwakanga rusipo pakati pavamwe vaitaura kuti vaKristu, uye zvishuvo zvakaipa ndizvo zvakanga zviri chikonzero cheaya mamiriro ezvinhu. (Jakobho 4:1-3) Nharo dzakanga dzichiparira kupesana, uye vamwe vakanga vachitonga hama dzavo nenzira isina rudo. Izvi zvakanga zvichiitika nemhaka yokuti kupanga mafaro enyama kwakanga kuchivanetsa. Isu pachedu tingada kunyengeterera betsero yokudzivisa kupanga kwenyama nokuda kwomukurumbira, simba, uye zvinhu kuitira kuti tisaita chinhu kuti tikanganise rugare rweungano. (VaRoma 7:21-25; 1 Petro 2:11) Pakati pavaKristu vomuzana rokutanga ramakore, makaro akanga atanga kusvika kumwero womudzimu wokuvenga, wokuda kuponda. Sezvo Mwari asingaiti zvishuvo zvavo zvakaipa, vanoramba vachirwisa munhamburiko yokuwana vavariro dzavo. Kana tine zvishuvo zvakaipa zvakafanana, tingakumbira asi hatizogamuchiri, sezvo Mwari wedu mutsvene asingapinduri minyengetero yakadaro.—Mariro aJeremia 3:44; 3 Johane 9, 10.
4. Nei Jakobho achidana vamwe kuti “voutere,” uye kutaura uku kunofanira kutitapura sei?
4 Kuva venyika, shanje, uye kudada zvakanga zviripo pakati pavaKristu vapakuvamba. (Jakobho 4:4-6) Jakobho akadana vamwe kuti “voutere” nemhaka yokuti vakanga vari shamwari dzenyika uye nokudaro vane mhaka youpombwe hwomudzimu. (Ezekieri 16:15-19, 25-45) Chokwadika, hatidi kuva venyika muchimiro chendangariro, mukutaura, uye muzviito, nokuti izvozvo zvingatiita vavengi vaMwari. Shoko rake rinotiratidza kuti “chimiro chendangariro chokuchiva” rutivi rwokufunga kwakaipa, kana kuti “mudzimu,” uri muvanhu vanotadza. (Genesi 8:21; Numeri 16:1-3; Pisarema 106:16, 17; Muparidzi 4:4, NW) Naizvozvo kana tikaziva kuti tinofanira kurwisa shanje, kudada, kana kuti kumwe kufunga kwakaipa, ngatitsvakei betsero yaMwari kupfurikidza nomudzimu mutsvene. Simba iroro, rinogoverwa nomutsa usakafanirwa waMwari, iguru zvikuru kupfuura “chimiro chendangariro chokuchiva.” Uye nepo Jehovha achishora vanodada, achatipa mutsa usakafanirwa kana tikarwisa kufunga kwechivi.
5. Kuti tifarikanye mutsa usakafanirwa waMwari, tinofanira kusvitsa zvinodikanwai?
5 Tinogona sei kugamuchira mutsa usakafanirwa waMwari? (Jakobho 4:7-10) Kuti tifarikanye mutsa usina kufanirwa unobva kuna Jehovha, tinofanira kumuteerera, kugamuchira zvose zvaanoda. (VaRoma 8:28) Tinofanirawo ku“dzivisa,” kana kuti ‘kurwisa,’ Dhiyabhorosi. Acha‘titiza’ kana tikaramba tiri vatsigiri vakasimba vouchangamire hwapose pose hwaJehovha. Tinobetserwa naJesu, uyo anodzivisa masangano akaipa enyika kuitira kuti pasava nechinhu chingagona kutikuvadza zvechigarire. Uye usatongokanganwa izvi: Kupfurikidza nomunyengetero, kuteerera, uye kutenda, tinoswedera pedyo naMwari, uye anobvumikisa kuva pedyo nesu.—2 Makoronike 15:2.
6. Nei Jakobho achidana vamwe vaKristu kuti “vatadzi”?
6 Nei Jakobho achishandisa shoko rokuti “vatadzi” kuvamwe vanotaura kuti vanotenda Mwari? Nemhaka yokuti vakanga vane mhaka ye“hondo” noruvengo rwokuponda—zvimiro zvendangariro zvisingagamuchiriki kuvaKristu. (Tito 3:3) “Maoko” avo, akanga akazadzwa nezviito zvakaipa, aida kucheneswa. Vaifanirawo kuchenesa “mwoyo” yavo, inova ndiyo yaivasunda. (Mateo 15:18, 19) Avo vaiva “nemwoyo miviri” vaizengurira pakati poushamwari naMwari noushamwari nenyika. Tichinyeverwa nomuenzaniso wavo wakaipa, ngatishandisei kushingaira kusingaperi kuitira kuti zvinhu zvakadaro zvisakanganisa kutenda kwedu.—VaRoma 7:18-20.
7. Nei Jakobho achiudza vamwe kuti va“cheme, [va]rire”?
7 Jakobho anoudza varavi vake kuti “shuwai, mucheme, murire.” Kudai vakaratidzira kusuwa kwoumwari, zvaizova ufakazi hwokupfidza kwavo. (2 VaKorinte 7:10, 11) Nhasi, vamwe vanotaura kuti vane kutenda vari kutsvaka ushamwari nenyika. Kana upi noupi wedu achironda nzira yakadaro, hatifaniri kuchema pamusoro pomugariro wedu wokuneta mumudzimu ndokuita matanho okukurumidza kuti tiruramise zvinhu here? Kuita gadziridzo dzinodikanwa uye kugamuchira kukanganwira kwaMwari kuchabereka kunzwa tichifara nemhaka yehana yakachena uye kariro inofadza youpenyu husingaperi.—Pisarema 51:10-17; 1 Johane 2:15-17.
Musatongana
8, 9. Nei tisingafaniri kutaura mukupesana kana kuti kutongana?
8 Chivi kutaura zvakaipa pamusoro powaunotenda naye. (Jakobho 4:11, 12) Bva vamwe vanotsoropodza vaKristu vavanonamata navo, zvichida somugumisiro wechimiro chavo chendangariro chokuzviruramisa kana kuti nemhaka yokuti vanoda kuzvikwidziridza kupfurikidza nokuderedza vamwe. (Pisarema 50:20; Zvirevo 3:29) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti ‘kunyeya’ rinoreva ruvengo uye rinoreva kutaura kwokuwedzerera kana kuti kupomera nhema. Izvozvi zvinoguma nokutonga hama nenzira yakaipa. Uku ‘kutaura zvakaipa nokutonga mutemo waMwari’ kwakadini? Eya, vanyori navaFarise ‘vakatsaura murayiro waMwari nenzira yokungwara’ uye vakatonga nemipimo yavo pachavo. (Marko 7:1-13) Nenzira yakafanana, kana tikatonga hama isingazotongwi naJehovha, tinenge tisiri ku‘tongera mutemo waMwari’ uye kureva kuti hauna kukwana nenzira yokuita chivi here? Uye kupfurikidza nokutsoropodza hama yedu zvisina kururama, tingava tisiri kuita mutemo worudo.—VaRoma 13:8-10.
9 Ngatiyeukei izvi: “Mumwe chete ndiye mutemi womurayiro nomutongi”—Jehovha. ‘Mutemo wake wakakwana,’ usina chaunoshaiwa. (Pisarema 19:7; Isaya 33:22) Mwari oga ndiye ane kodzero yokugadza mipimo nemitemo nokuda kwokuponeswa. (Ruka 12:5) Naizvozvo Jakobho anobvunza kuti: “Ndiwe aniko unotonga wokwako?” Haisi kodzero yedu kutonga nokupa vamwe mhosva. (Mateo 7:1-5; VaRoma 14:4, 10) Kufungisisa pamusoro pouchangamire hwaMwari nokusasarura uye kutadza kwedu pachedu kunofanira kutibetsera kurega kutonga vamwe tichizviruramisa.
Dzivisa Rudado Rwokuzvivimba
10. Nei tichifanira kurangarira Jehovha muupenyu hwedu hwezuva nezuva?
10 Nguva dzose tinofanira kurangarira Jehovha nemitemo yake. (Jakobho 4:13-17) Achizvidza Mwari, munhu anozvivimba anoti: ‘Nhasi kana kuti mangwana tichaenda kune rimwe guta, topedza gore tiri ikoko, totengesa, uye toita mhindu.’ Kana tika‘zviunganidzira pfuma yedu pachedu asi tisina kupfuma kuna Mwari,’ upenyu hwedu hungaguma mangwana uye tingasava nomukana wokubatira Jehovha. (Ruka 12:16-21) Sokutaura kunoita Jakobho, takafanana nemhute yemangwanani “inoonekwa nguva duku, ndokunyangarika.” (1 Makoronike 29:15) Kupfurikidza bedzi nokutenda Jehovha tinogona kukarira mufaro usingagumi noupenyu husingaperi.
11. Zvinorevei kuti, “Kana Ishe achida”?
11 Panzvimbo pokufuratira Mwari nenzira yokudada, tinofanira kuva nechimiro ichi: “Kana Ishe achida, tichararama tiite zvokuti nezvokuti.” Kutaura kuti, “kana Ishe achida” kunoratidza kuti tiri kuedza kuita mutsinhirano nokuda kwake. Zvingava madikanwa kuita bhizimisi kuti titsigire mhuri yedu, kuti tifambe mubasa roUmambo, zvichingodaro. Asi ngatiregei kuzvikudza. “Kuzvirumbidza kwose kwakadai kwakaipa” nemhaka yokuti kunofuratira kutsamira pana Mwari.—Pisarema 37:5; Zvirevo 21:4; Jeremia 9:23, 24.
12. Chii chinorehwa namashoko aJakobho 4:17?
12 Sezviri pachena kuti apedzise kutaura kwake pamusoro pokuzvivimba nokudada, Jakobho anoti: “Naizvozvo uyo, unoziva kuita zvakanaka, akasazviita, iye une zvivi.” MuKristu wose anofanira kubvuma nenzira yokuzvininipisa kutsamira kwake pana Mwari. Kana asingaiti kudaro, “iye une zvivi.” Chokwadika, nheyo imwe chete inoshanda pakukundikana kupi nokupi kuita zvinodikanwa nokutenda Mwari kwatiri.—Ruka 12:47, 48.
Nyevero Pamusoro Pavapfumi
13. Jakobho anotii pamusoro paavo vanoshandisa zvisina kufanira pfuma yavo?
13 Nemhaka yokuti vamwe vaKristu vapakuvamba vakanga vava vanodisa zvenyika kana kuti vakanga vachichiva vapfumi, Jakobho anotaura zvakasimba pamusoro pevanhu vakapfuma vakati. (Jakobho 5:1-6) Vanhu venyika vanoshandisa upfumi hwavo zvakaipa vaizo‘chema, vachizvidemba pamusoro penhamo dzichauya pavari’ apo Mwari aizovapa zvakafanira mabasa avo. Mumazuva iwayo, pfuma yavanhu vakawanda yakanga ichibatanidza zvikurukuru zvinhu zvakadai senguo, zviyo, uye waini. (Joere 2:19; Mateo 11:8) Zvimwe zvezvinhu izvi zvinogona kuora kana kuti zvinogona ku“pera nezvivundudzi,” asi Jakobho ari kusimbisa kusakosha kwepfuma, kwete kuora kwayo. Kunyange zvazvo goridhe nesirivha zvisingaiti ngura, kana tikazvivanza, zvichava zvisingakoshi kungofanana nezvinhu zvine ngura. “Ngura” inoratidza kuti pfuma yenyama haina kushandiswa zvakanaka. Naizvozvo, tose zvedu tinofanira kuyeka kuti vaya vanovimba nezvinhu zvavo zvokunyama “vakazvichengetera chinhu chakafanana nomoto mumazuva okupedzisira,” apo kutsamwa kwaMwari kuchauya pavari. Sezvo tiri kurarama mu“nguva yokupedzisira,” mashoko akadaro ane revo chaiyo kwatiri.—Dhanieri 12:4; VaRoma 2:5, NW.
14. Vapfumi vanowanzoitei, uye tinofanira kuitei pamusoro paizvozvo?
14 Vapfumi kazhinji-kazhinji vanorozva vanhu vanovakohwera, vane mari yavo ‘inodanidzira’ nokuda kwechirango. (Enzanisa naGenesi 4:9, 10) Vanhu venyika vakapfuma “[v]akagara zv[aka]naka.” Vachinyanyisa mumufarwa wokunyama, vanovaka mwoyo yakasimba, isingagamuchiri uye vachava vachiita izvi pa“zuva” rokuparadzwa kwavo. Va‘notonga ndokuponda vakarurama.’ Jakobho anobvunza kuti: “Haasi kukushorai here?” Asi kumwe kushandura ndekwekuti, “wakarurama; haasi kukushorai.” Muzviitiko zvose, hatifaniri kusarura vapfumi. Tinofanira kuisa fariro dzomudzimu pakutanga muupenyu.—Mateo 6:25-33.
Kutenda Kunotibetsera Kushivirira
15, 16. Nei zvichikosha kwazvo kushandisa shiviriro?
15 Atsinhira pamusoro pavanhu vanodzvinyirira vari munyika, Jakobho anotevera kukurudzira vaKristu vakadzvinyirirwa kuti vashivirire. (Jakobho 5:7, 8) Kana vatendi vakashivirira nhamo dzavo, vachapiwa mubayiro nokuda kwokutendeka kwavo mukati mokuvapo kwaKristu, apo rutongeso runouya pavadzvinyiriri vavo. (Mateo 24:37-41) VaKristu vapakuvamba ivavo vaifanira kuva somurimi anomirira nenzira yokushivirira mvura yokutanga yematsutso, apo anogona kudyara, uye mvura yezhizha inoguma nezvibereko. (Joere 2:23) Isuwo tinofanira kushivirira ndokuita kuti mwoyo yedu isimbe, zvikurukuru sezvo “kuvapo kwaShe” Jesu Kristu kwavapo!
16 Nei tichifanira kushivirira? (Jakobho 5:9-12) Kushivirira kunotibetsera kusagunun’una kana kuti kugomera apo vatinotenda navo vanotishatirisa. Kana tika“nyunyutirana” nomudzimu unokuvadza, tichatongwa noMutongi Jesu Kristu. (Johane 5:22) Sezvo “kuvapo” kwake kwakavamba uye a“mire pamukova,” ngatitsigirei rugare kupfurikidza nokushivirira hama dzedu, dzinotarisana nemiedzo yokutenda yakawanda. Kutenda kwedu pachedu kunosimbiswa patinoyeuka kuti Mwari akapa Jobho mubayiro nemhaka yokuti akatsungirira miedzo yake nenzira yokushivirira. (Jobho 42:10-17) Kana tikashandisa kutenda neshiviriro, tichaona kuti “Ishe une mwoyo munyoro kwazvo, une tsitsi.”—Mika 7:18, 19.
17. Nei Jakobho achiti, “Musapika”?
17 Kana tisingashiviriri, tingashandisa zvisina kufanira rurimi patinenge tichidzvinyirirwa. Somuenzaniso, tingakurumidza kupika. “Musapika,” anodaro Jakobho, achinyevera pamusoro pokungoita mhiko. Kusimbisa mashoko nguva dzose nemhiko kunoratidzikawo kuva kwokunyengera. Nokudaro, tinofanira kungotaura chokwadi, tichiita kuti hungu yedu ireve hungu, uye kwete, kwete. (Mateo 5:33-37) Chokwadika, Jakobho haasi kutaura kuti zvakaipa kuti tipike kuti titaure chokwadi mudare.
Kutenda Neminyengetero Yedu
18. Tinofanira ku“ramba tichinyengetera,” (NW) uye ku“imba nziyo” (NW) mumamiriroi ezvinhu?
18 Munyengetero unofanira kuva nebasa guru muupenyu hwedu kana tichizodzora kutaura kwedu, kuva neshiviriro, uye kuchengeta kutenda kwakasimba muna Mwari. (Jakobho 5:13-20) Zvikurukuru kana tichiedzwa tinofanira kuramba tichi“nyengeter[a].” Kana tichifara, ngati“imbei nziyo,” sezvakaita Jesu navaapostora vake pavakatanga Chirangaridzo chorufu rwake. (Marko 14:26, NW, mashoko omuzasi) Padzimwe nguva, tingazadzwa nokuonga kwakadaro kuna Mwari kana tikaimba rumbidzo kunyange mumwoyo. (1 VaKorinte 14:15; VaEfeso 5:19) Uye zvinofadza sei kurumbidza Jehovha norwiyo pamisangano yechiKristu!
19. Tinofanira kuitei kana tikarwara mumudzimu, uye nei tichifanira kutora danho rakadaro?
19 Tingasanzwa tichida kuimba kana tikarwara mumudzimu, zvichida nemhaka yomufambiro usina kunaka kana kuti kukundikana kudya nguva dzose patafura yaJehovha. Kana tiri mumamiriro ezvinhu akadaro, ngatidanei vakuru nenzira yokuzvininipisa kuitira kuti ‘vatinyengeterere.’ (Zvirevo 15:29) Vacha‘tizodzawo namafuta ezita raJehovha.’ Semafuta anorapa chironda, mashoko avo anonyaradza uye zano raMagwaro richabetsera kuderedza kuora mwoyo, kupokana, kutya. ‘Munyengetero wokutenda uchatiita vakanaka’ kana uchitsigirwa nokutenda kwedu pachedu. Kana vakuru vakawana kuti kurwara kwedu mumudzimu kwaparirwa nechivi chakakomba, nenzira yomutsa vachajekesa mhosho yedu ndokuedza kutibetsera. (Pisarema 141:5) Uye kana tichipfidza, tinogona kuva nokutenda kuti Mwari achanzwa minyengetero yavo ndokutikanganwira.
20. Nei tichifanira kureurura zvivi zvedu ndokunyengetererana?
20 ‘Kureurura zvivi zvedu pachena kune mumwe nomumwe’ kunofanira kuita sechidziviso chokuramba tichitadza. Kunofanira kukurudzira tsitsi, vara richatisunda ku“nyengetereran[a].” Tinogona kutenda kuti izvi zvichabetsera nemhaka yokuti munyengetero unopiwa ‘nomunhu akarurama’—munhu anoshandisa kutenda neanorangarirwa seakarurama naMwari—unoita zvakawanda kuna Jehovha. (1 Petro 3:12) Muporofita Eria akanga ane utera hunenge hwedu, asi minyengetero yake yakanga ichishanda. Akanyengetera, uye mvura haina kunaya kwamakore matatu nehafu. Paakanyengeterazve, mvura yakanaya.—1 Madzimambo 17:1; 18:1, 42-45; Ruka 4:25.
21. Tingakwanisa kuitei kana muKristu biyedu “akatsauka pazvokwadi”?
21 Zvakadini kana mutezo weungano “akatsauka pazvokwadi,” achibva padzidziso yakarurama nomufambiro? Tingakwanisa kumubvisa pamhosho yake kupfurikidza nezano reBhaibheri, munyengetero, uye imwe betsero. Kana tikabudirira, izvi zvinomuita kuti ave pasi pechibayiro chaKristu ndokumuponesa parufu rwake rwomudzimu nokutukirwa ruparadziko. Kupfurikidza nokubetsera munhu anokanganisa, tinofukidza zvivi zvake zvakawanda. Apo mutadzi anotsiurwa anochinja nzira yake yakaipa, anopfidza, uye anotsvaka kukanganwirwa, tichafara kuti takabetsera kufukidza zvivi zvake.—Pisarema 32:1, 2; Judhasi 22, 23.
Chimwe Chinhu Nokuda Kwedu Tose
22, 23. Tinofanira kutapurwa sei namashoko aJakobho?
22 Nenzira yakajeka, tsamba yaJakobho ine chimwe chinhu chinobetsera tose zvedu. Inotiratidza nzira yokunangana nayo nemiedzo, inotipa zano mukurwisana nerusaruro, uye inotikurudzira kuita mabasa akarurama. Jakobho akatikurudzira kudzora rurimi, kuramba dzvinyiriro yenyika, uye kutsigira rugare. Mashoko ake anofanirawo kutiita vanoshivirira uye vanonyengetera.
23 Chokwadi, tsamba yaJakobho pakutanga yakanga yatumirwa vaKristu vapakuvamba vakazodzwa. Bva, tose zvedu tinofanira kuita kuti zano rayo ritibetsere kunamatira pakutenda kwedu. Mashoko aJakobho anogona kutsigira kutenda kunotisunda kuita chiito chakasimba mubasa raMwari. Uye iyi tsamba yakafuridzirwa inovaka kutenda kunotsungirira kunotiita vanoshivirira, Zvapupu zvinonyengetera zvaJehovha nhasi, mukati “mokuvapo kwaShe,” (NW) Jesu Kristu.
Ungapindura Sei?
◻ Nei vamwe vaKristu vapakuvamba vaifanira kuchinja chimiro chavo chendangariro nomufambiro?
◻ Jakobho anopa nyeveroi kuvapfumi?
◻ Nei tichifanira kushivirira?
◻ Nei tichifanira kunyengetera nguva dzose?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 19]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Vamwe vaKristu vapakuvamba vaifanira kushivirira vavaitenda navo zvikuru
[Mufananidzo uri papeji 24]
VaKristu vanofanira kushivirira, kuva nerudo, uye kunyengetera