Shandisa Nokuchenjera Rusununguko Rwako rwechiKristu
“Ivai savanhu vakasununguka, asi muchibata rusununguko rwenyu . . . savaranda vaMwari.”—1 PETRO 2:16, NW.
1. Rusunungukoi rwakaraswa naAdhama, uye Jehovha achadzorera rudzi rwomunhu kurusunungukoi?
APO vabereki vedu vokutanga vakatadza mubindu reEdheni, vakarasira vana vavo nhaka ine mbiri—rusununguko muchivi nokuora. Somuuyo, tose zvedu takazvarwa tiri varanda kukuora norufu. Nomufaro, kunyanguvezvo, Jehovha anoita donzo kudzorera vanhu vakatendeka kurusununguko runoshamisa. Nhasi, vanhu vane mwoyo wakarurama vanomirira nokudisa “kuratidzwa kwavanakomana vaMwari,” somuuyo wako vacha“sunungurwa mukuiswa kuuranda kukuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwavana vaMwari.”—VaRoma 8:19-21, NW.
‘Vakazodzwa Kuti Vaparidze’
2, 3. (a) Ndivanaani vari “vanakomana vaMwari”? (b) Chimiroi chinoshamisa chavanofarikanya, kuchiunza mutoroi?
2 Ndivanaani vari ava “vanakomana vaMwari”? Ivo ihama dzakazodzwa nomudzimu dzaJesu dzichava vatongi pamwe chete naye muUmambo hwokudenga. Vokutanga vaivava vakaoneka mukati mezana rokutanga ramakore N.V. Vakagamuchira zvokwadi inosunungura iyo Jesu akadzidzisa, uye kuvambira paPentekosta 33 N.V., vakagamuchira ropafadzo dzine mbiri idzo Petro akataura nezvadzo apo akanyora kwavari, kuti: “Imi muri ‘rudzi rwakasarudzwa, uprista hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vake chaivo.’”—1 Petro 2:9a, NW; Johane 8:32.
3 Kuva vake chaivo vaMwari—chikomborero chinoshamisa zvakadini! Uye vakasarira vomuzuva razvino uno vaava vanakomana vakazodzwa vaMwari vanofarikanya chimiro chakakomborerwa chimwe chetecho naMwari. Asi neropafadzo yakaisvonaka yakadaro panova nemitoro. Petro akakwevera ngwariro kumumwe waiyoyi apo akapfuurira kutaura, kuti: “‘Munofanira kuzivisa kwakafara zvakaisvonaka’ zvouyo akakudanai kubva murima kupinda muchiedza chinoshamisa.”—1 Petro 2:9b, NW.
4. MaKristu akazodzwa akazadzika sei mutoro unouya norusununguko rwavo rwechiKristu?
4 MaKristu akazodzwa akazadzika uyu mutoro wokuzivisa kwakafara zvakaisvonaka zvaMwari here? Hungu. Achitaura nenzira youporofita nezvevakazodzwa chifo cha 1919, Isaya akati: “[Mudzimu, NW] waShe Jehovha uri pamusoro pangu; nokuti Jehovha wakandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; wakandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokuna vakasungwa kuti vachazarurirwa; kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu.” (Isaya 61:1, 2) Nhasi, vakasarira vakazodzwa, vachitevera muenzaniso waJesu, uko urwu rugwaro rwakashanda zvikurukuru, vanozivisa nokushingaira kuna vamwe mashoko akanaka orusununguko.—Mateo 4:23-25; Ruka 4:14-21.
5, 6. (a) Chii chakabva mukuparidzira kwembavarira kwamaKristu akazodzwa? (b) Iropafadzoi nemitoro zvinofarikanya avo veboka guru?
5 Somuuyo wokuparidzira kwavo kwembavarira, boka guru ramamwe makwai rakaoneka panyika muano mazuva okupedzisira. Vakabuda mumarudzi ose kuzokumbanira vakazodzwa mukubatira Jehovha, uye zvokwadi yakasunungura ivavawo. (Zekaria 8:23; Johane 10:16) Kufanana naAbrahama vanoruramiswa pahwaro hwokutenda uye vakapinda muukama hwapedyo naJehovha Mwari. Uye kufanana naRakabhi kururamiswa kwavo kunovaisa mumutsara wokupukunyuka—muchinoitika chavo, kupukunyuka Armagedhoni. (Jakobho 2:23-25; Zvakazarurwa 16:14, 16) Asi maropafadzo akaisvonaka akadaro anobatanidza mutoro wokuudza vamwe pamusoro pembiri yaMwari. Ndicho chikonzero nei Johane akavaona vachirumbidza Jehovha pachena, “vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: ‘Ruponeso ngaruve kuna Mwari unogara pachigaro [choumambo, NW], nokuGwaiana.’”—Zvakazarurwa 7:9, 10, 14.
6 Gore rapera boka guru, zvino rinopfuura mamirioni mana, pamwe chete neboka duku rasara ramaKristu akazodzwa, vakapedza anodokusvika maawa bhirioni vachizivisa kwakafara zvakaisvonaka zvaJehovha. Ikoku kwakanga kuri kushandiswa kwakanaka zvikurusa kunobvira kworusununguko rwavo rwomudzimu.
“Kudzai Mambo”
7, 8. Mutoroi kuchiremera chenyika unobatanidza rusununguko rwechiKristu, uye muna ikoku, chimiroi chisina kunaka chatinofanira kudzivisa?
7 Rusununguko rwedu rwechiKristu runobatanidza mimwe mitoro. Petro akanongedzera kune mimwe yacho apo akanyora, kuti: “Kudzai vanhu vose. Idai hama dzose. Ityai Mwari. Kudzai mambo.” (1 Petro 2:17) Chii chinorehwa nokutaura kwokuti “kudzai mambo”?
8 “Mambo” anomirira vatongi venyika. Nhasi, mudzimu wokusaremekedza chiremera wakakura munyika, uye iwoyu unogona nyore nyore kutapura maKristu. MuKristu angatoshamisika chikonzero nei achifanira kukudza “mambo,” sezvo “nyika yose igere musimba rowakaipa.” (1 Johane 5:19, NW) Nemhaka yamashoko iwaya, anganzwa akasununguka kusateerera mitemo isina kukodzera ndokurega kuripa mitero kana achigona kudzivisa kubatwa. Asi ikoku kwaizova kunorwisana nomurairo wakananga waJesu woku“ripira . . . zvinhu zvaKesari kuna Kesari.” Kwaizova, kutaura idi, ‘kushandisa rusununguko rwake sedziviriro youshati.’—Mateo 22:21, NW; 1 Petro 2:16.
9. Ndezvipi zviri zvikonzero zviviri zvakanaka zvokuteerera chiremera chenyika?
9 MaKristu anosungirwa kukudza chiremera uye kuzviisa pasi pacho—kunyange kana ikoku kuri munzira ine mwero. (Mabasa 5:29) Neiko? Pana 1 Petro 2:14, 15, Petro anonongedzera kuzvikonzero zvitatu apo anotaura kuti vatongi “vakatumwa na[Mwari] kuti vatsive vanoita zvakaipa, uye varumbidze vanoita zvakanaka.” Kutyiwa kwechirango chikonzero chakakwana chokuteerera chiremera. Ruzvidzo rwakadini rwakwaizova kuti mumwe weZvapupu zvaJehovha aripiswe kana kuti kuiswa mutorongo nokuda kwokudenha, kuba, kana kuti imwe mhaka! Fungidzira kuti vamwe vaizofara sei kuzivisa chinhu chakadaro! Pane rumwe rutivi, sezvatinokudziridza mukurumbira wokuteerera kwavagari vemo, tinogamuchira rumbidzo inobva kuvadzori vakanaka. Tingapiwa rusununguko rwakawanda rwokuita basa redu rokuparidzira mashoko akanaka. Uyezve, ‘kupfurikidza nokuita zvakanaka tinogumisa kutaura kwokusaziva kwavanhu vasina mufungo.’ (1 Petro 2:15b) Ichochi chikonzero chechipiri chokuteerera chiremera.—VaRoma 13:3.
10. Chii chiri chikonzero chakasimba zvikurusa chokuteerera chiremera chenyika?
10 Asi pane chikonzero chakasimba zvikuru. Zviremera zviripo nemvumo yaJehovha. Sokutaura kunoita Petro, vatongi vezvamatongerwe enyika “vakatumwa na”Jehovha, uye “kuda kwaMwari” kuti maKristu arambe achizviisa pasi pavo. (1 Petro 2:15a) Nenzira yakafanana, muapostora Pauro anoti: “Zviremera zviripo zviri munzvimbo yazvo ine mwero kupfurikidza naMwari.” Nokudaro, hana yedu yakarovedzwa neBhaibheri inotisunda kuteerera zviremera. Kana tikaramba kuzviisa timene pasi pazvo, tino“rwisana negadziriro yaMwari.” (VaRoma 13:1, 2, 5, NW) Ndiani pakati pedu angada kurwisana negadziriro yaMwari? Ikoko kwaizova kushandiswa kwakaipa zvakadini kworusununguko rwechiKristu!
‘Idai Hama’
11, 12. (a) Mutoroi kuvatendi biyedu unouya norusununguko rwedu rwechiKristu? (b) Ndivanaani zvikurukuru vanofanirwa nerangariro yedu yorudo, uye nei?
11 Petro akataurawo kuti muKristu anofanira “kuva norudo rweboka rose rehama.” (1 Petro 2:17, NW) Iwoyu mumwe mutoro unouya norusununguko rwechiKristu. Vazhinjisa vedu tiri veungano. Zvamazvirokwazvo, tose zvedu tiri veboka ramarudzi ose, kana kuti sangano, rehama. Kuratidza rudo nokuda kwaivava kushandiswa kwokuchenjera kworusununguko rwedu.—Johane 15:12, 13.
12 Muapostora Pauro akatsaura boka ramaKristu rinokodzerwa zvikuru norudo rwedu. Iye akati: “Teererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanorinda mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingaiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu.” (VaHebheru 13:17) Avo vanotungamirira muungano ndivo vakuru. Chokwadi, ava varume havana kukwana. Kunyanguvezvo, vanogadzwa mutarisiro yoMutumbi Unodzora. Vanotungamirira kupfurikidza nomuenzaniso uye nerangariro, uye vanogoverwa kutarisira mweya yedu. Mugove unorema zvakadini! (VaHebheru 13:7) Nomufaro, ungano zvizhinjisa dzine mudzimu wakaisvonaka, wokubatira pamwe, uye mufaro kuti vakuru vashande nadzo. Kwakaoma zvikuru apo vanhu vamwe navamwe vanenge vasingadi kubatira pamwe. Mukuru anongoita basa rake, asi seizvo Pauro anotaura, anoriita no“kugomera.” Zvirokwazvo, hatidi kuita kuti vakuru vagomere! Tinoda kuti vawane mufaro mubasa ravo kuti vagogona kutivaka.
13. Ndedzipi dziri dzimwe nzira umo tinogona kubatira pamwe navakuru?
13 Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzatinogona nadzo kubatira pamwe navakuru? Imwe iri mukubetsera nokuchengetwa nokucheneswa kweHoro yoUmambo. Imwe iri kupfurikidza nokubatira pamwe mubasa rokushanyira vanorwara uye kubetsera vakaremara. Mukuwedzera, tinogona kuvavarira kuramba takasimba mumudzimu, kuti tigorega kuva mutoro. Nzvimbo inokosha yebatira pamwe iri mukuchengetwa kworucheno rwetsika nerwomudzimu rweungano, kupfurikidza nezvose zviri zviviri mufambiro wedu timene uye kupfurikidza nokushuma zvinoitika zvechivi chakakomba zvinouya kungwariro yedu.
14. Tinofanira kubatira pamwe sei nechiito chokuranga chinoitwa navakuru?
14 Dzimwe nguva, kuti vagochengeta ungano yakachena, vakuru vanofanira kudzinga muiti wechakaipa asingapfidzi. (1 VaKorinte 5:1-5) Ikoku kunodzivirira ungano. Kungabetserawo muiti wechakaipa. Kazhinji kazhinji, chirango chakadaro chakabetsera mutadzi kufunga zvakanaka. Zvakadiniko, kunyanguvezvo, kana akadzingwa ari shamwari yapedyo kana kuti hama yokunyama? Ngatitii munhu wacho ndibaba vedu kana kuti mai kana kuti mwanakomana wedu kana kuti mwanasikana. Kunyanguvezvo tinoremekedza chiito chakaitwa navakuru here? Chokwadi, kungava kwakaoma. Asi kwaizova kushatisa rusununguko rwedu kwakadini kupanikira chisarudzo chavakuru ndokupfuurira kusonganirana mumudzimu nomunhu akabvumikisa kuva pesvedzero inoshatisa muungano! (2 Johane 10, 11) Vanhu vaJehovha vose zvavo vanofanira kurumbidzwa nemhaka yenzira yavanobatira pamwe nayo munhau dzakadaro. Somuuyo, sangano raJehovha rinoramba risina kusvibiswa munyika ino isina kuchena.—Jakobho 1:27.
15. Kana munhu akaita chivi chakakomba, anofanira kuitei nokukurumidza?
15 Zvakadiniko kana isu tikaita chivi chakakomba? Mambo Dhavhidhi akarondedzera avo Jehovha anoda apo akataura, kuti: “Ndiani ungakwira mugomo raJehovha? Ndiani ungamira panzvimbo yake tsvene? Uyo una maoko akachena, nomwoyo wakanaka kwazvo; usingasimudziri mwoyo wake kune zvisina maturo, nousina kupika nhema.” (Pisarema 24:3, 4) Kana nokuda kwechikonzero chakati tisisirizve ‘vasina mhaka mumaoko edu uye vakachena mumwoyo,’ tinofanira kuita chiito nekurumidziro. Upenyu hwedu husingaperi huri mungozi.
16, 17. Neiko munhu ane mhaka yezvivi zvakakomba asingafaniri kuedza kupedza nhau yacho ari oga?
16 Vamwe vakaedzwa kuvanza zvivi zvakakomba, zvichida vachirangarira, kuti: ‘Ndakareurura kuna Jehovha ndokupfidza. Naizvozvo kubatanidzirei vakuru?’ Muiti wechakaipa angakwenudzwa kana kuti kutya izvo vakuru vangaita. Iye anofanira, zvisinei, kuyeuka kuti kunyange zvazvo Jehovha oga achigona kuchenesa chivi chedu, Iye akaita kuti vakuru vave nomutoro zvikurukuru nokuda kwokuchena kweungano. (Pisarema 51:2) Ivo varipo nokuda kwokuporesa, nokuda kwo“kugadziridzwa kwavatsvene.” (VaEfeso 4:12, NW) Kusaenda kwavari apo tinoda betsero yomudzimu kwakafanana nokusaenda kuna chiremba patinenge tichirwara.
17 Vamwe vanoedza kubata nhau voga vanowana kuti mwedzi kana kuti makore gare gare, hana yavo ichiri kuvanetsa zvakakomba. Zvakatoipa zvikuru, vamwe vanovanza chikanganiso chakakomba vanowira muchivi kechipiri uye kunyange kechitatu. Apo nhau yacho pakupedzisira inosvika kungwariro yavakuru, ndichinoitika chechakaipa chakadzokororwa. Kuri nani zvikuru sei kutevera zano raJakobho! Iye akanyora, kuti: “Kune mumwe unorwara pakati penyu here? Ngaadane vakuru [veungano, NW]; ngavamunyengeterere, vamuzodze namafuta nezita ra[Jehovha, NW].” (Jakobho 5:14) Enda kuvakuru apo inenge ichiri nguva yokuporesa. Kana tikamira kwenguva yakareba zvikuru, tingaomeswa munzira yechivi.—Muparidzi 3:3; Isaya 32:1, 2.
Chitarisiko Nevaraidzo
18, 19. Neiko muprista akatsinhira zvakanaka kwazvo pamusoro peZvapupu zvaJehovha?
18 Makore mashanu akapfuura, mumagazini yeruwa, muprista weKaturike muItaly akataura noushamwari pamusoro peZvapupu zvaJehovha.a Iye akati: “Ini pachangu, ndinoda Zvapupu zvaJehovha; Ndinokubvuma pachena. . . . Avo ndinoziva vanozvibata nenzira isina mhaka, vanotaura nounyoro . . . [uye] vanonyengetedza zvikurusa. Tichanzwisisa rini kuti zvokwadi inoda chitarisiko chinogamuchirika? Kuti avo vanozivisa zvokwadi havafaniri kusava vomwoyo wose, vanonhuhwa, vane tsvina, vane uyanga?”
19 Mukuwirirana naaya mashoko, muprista wacho akaororwa, pakati pezvimwe zvinhu, nenzira iyo Zvapupu zvinopfeka nokuzvigadzira zvimene nayo. Sezviri pachena, avo iye akasangana navo vakanga vateerera kuzano rakapiwa no“muranda akatendeka naakachenjera” kwamakore. (Mateo 24:45, NW) Bhaibheri rinotaura kuti mupfekero wavakadzi unofanira kuva ‘wakasanorongwa noune mwero.’ (1 Timotio 2:9) Muino nguva youtere, zano iroro riri madikanwa nokuda kwavarumewo. Hakuna mufungo here kuti vamiriri voUmambo hwaMwari vanofanira kuzviratidzira vamene nenzira yakanaka kuvokunze?
20. Neiko muKristu achifanira kungwarira mupfekero wake panguva dzose?
20 Vamwe vangabvuma kuti pamisangano uye mubasa romumunda, vanofanira kungwarira nzira yavanopfeka nayo, asi vanganzwa kuti nheyo dzeBhaibheri hadzishandi pane dzimwe nguva. Kunyange zvakadaro, tinomborega kuva vamiriri voUmambo hwaMwari here? Chokwadi, migariro inosiana. Kana tiri kubetsera kuvaka Horo yoUmambo, tichapfeka nenzira yakasiana neapo tinopinda misangano muHoro yoUmambo imwe cheteyo. Apo tinenge takazorora, sezvingabvira tichapfeka nomutoo wakasununguka zvikuru. Asi papi kana papi patinoonekwa navamwe, kupfeka kwedu nguva dzose kunofanira kuva kwakasanorongwa nokune mwero.
21, 22. Takadzivirirwa sei pavaraidzo inokuvadza, uye munzirai umo tinofanira kurangarira namo zano panhau dzakadaro?
21 Imwe nzvimbo yakagamuchira ngwariro yakawanda ivaraidzo. Vanhu—zvikurukuru vanhu vaduku—vanoda varaidzo. Hachisi chivi kana kuti kupambadzwa kwenguva kuronga nhandaro nokuda kwemhuri. Kunyange Jesu akakoka vadzidzi vake “kuzorora zvishoma.” (Marko 6:31) Asi ngwarira kuti varaidzo haisati ichizarura suo kukushatiswa mumudzimu. Tiri kurarama munyika umo varaidzo inosimbisa utere hwevatano, masimba masimba akaipa, rutyo, uye kushandiswa kwemidzimu. (2 Timotio 3:3; Zvakazarurwa 22:15) Muranda akatendeka naakachenjera akasvinurira ngozi dzakadaro uye anotinyevera nguva dzose pamusoro padzo. Unonzwa kuti izvi zviyeuchidzo ivhiringidzwo yorusununguko rwako here? Kana kuti unoonga here kuti sangano raJehovha rinoitira hanya zvakakwana pamusoro pako zvokuunza ngozi dzakadaro kungwariro yako nguva dzose?—Pisarema 19:7; 119:95.
22 Usatongokanganwa kuti kunyange zvazvo rusununguko rwedu ruchibva kuna Jehovha, tine mutoro wenzira yatinorushandisa nayo. Kana tikafuratira zano rakanaka ndokuita zvisarudzo zvakaipa, hatigoni kupomera mhaka mumwe munhuwo zvake. Muapostora Pauro anoti: “Mumwe nomumwe wedu achazvidavirira amene kuna Mwari.”—VaRoma 14:12; VaHebheru 4:13, NW.
Tsvaka Rusununguko Rwavana vaMwari
23. (a) Zvikomboreroi pamusoro porusununguko zvatinofarikanya zvino? (b) Zvikomboreroi zvatakamirira nokudisa?
23 Tiri vanhu vakakomborerwa zvamazvirokwazvo. Takasununguka murudzidziso rwenhema nokudavira mashura. Tinoonga chibairo chorudzikinuro, tinogona kusvika Jehovha nehana yakacheneswa, takasununguka munzira yomudzimu pakuiswa muuranda kuchivi norufu. Uye nokukurumidza kuchauya “kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.” PaArmagedhoni, hama dzaJesu mumbiri yadzo yokudenga dzicharatidzwa kuvanhu savaparadzi vavavengi vaJehovha. (VaRoma 8:19; 2 VaTesaronika 1:6-8; Zvakazarurwa 2:26, 27) Pashure paikoko, ava vanakomana vaMwari vacharatidzwa semikoto yezvikomborero zvinobva kuchigaro choumambo chaMwari zvichienda kurudzi rwomunhu. (Zvakazarurwa 22:1-5) Pakupedzisira, uku kuratidzwa kwavanakomana vaMwari kuchaguma nokukomborerwa kworudzi rwomunhu rwakatendeka norusununguko rune mbiri rwavana vaMwari. Unoshuva nguva iyoyo here? Ipapo shandisa rusununguko rwako rwechiKristu nokuchenjera. Shandira Mwari zvino, uye uchafarikanya rusununguko irworwo runoshamisa nokusingagumi kwose!
[Mashoko Omuzasi]
a Muprista gare gare akabvisa iyi rumbidzo, sezvingabvira zvikurusa mudzvinyiriro.
Bhokisi Rehwirudzuro
◻ Vakazodzwa namamwe makwai vakarumbidza sei Jehovha?
◻ Neiko maKristu achifanira kukudza chiremera chenyika?
◻ MuKristu anogona kubatira pamwe navakuru munzirai?
◻ Pamusoro pomupfekero, neiko Zvapupu zvaJehovha zvichitanhamara sezvakasiana navazhinji vari munyika?
◻ Chii chatinofanira kudzivisa pakunouya kuvaraidzo?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Vakuru vanofanirwa zvikuru norudo rwedu nebatira pamwe
[Mifananidzo iri papeji 18]
Mupfekero womuKristu unofanira kuva wakasanorogwa, une mwero, uye wakakodzera nokuda kwenhambo yacho