RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mibvunzo Mina Yezvokuguma Inopindurwa
    Nharireyomurindi—2010 | August 1
    • Dzidza pane zvakaitika kare. Mwari “haanawo kurega kuranga nyika yekare, asi akachengeta Noa, muparidzi wokururama, akachengeteka nevamwe vanomwe paakaunza mafashamo panyika yevanhu vakanga vasingadi Mwari,” akanyora kudaro Petro. (2 Petro 2:5) Achitaura nezvevaya vaizoseka, Petro akati: “Maererano nezvavanoda, vanokundikana kuziva chinhu ichi, kuti kubvira kare kwaiva nematenga uye nyika yakanga yakabatana isiri mumvura uye iri pakati pemvura, zvaitwa neshoko raMwari; uye nezvinhu izvozvo nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura. Asi neshoko iroro matenga nenyikab zviripo iye zvino zvakachengeterwa moto uye zviri kuchengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.”—2 Petro 3:5-7.

  • Mibvunzo Mina Yezvokuguma Inopindurwa
    Nharireyomurindi—2010 | August 1
    • b Pano Petro ari kutaura nezvenyika achiita zvokufananidzira. Munyori weBhaibheri Mosesi akataurawo nezvenyika achiita zvokufananidzira. Akanyora kuti: “Nyika yose yakaramba iine mutauro mumwe chete.” (Genesisi 11:1) Sezvo nyika chaiyo isingatauri “mutauro mumwe chete,” nyika yatinoziva iyi haisiyo ichaparadzwa. Asi sematauriro akaita Petro, vanhu vasingadi Mwari ndivo vachaparadzwa.

Mabhuku eChiShona (1973-2022)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe