Zvisiko Zvitsva Zvinobudiswa!
MAMBO akachenjera Soromoni akamboti: “Hapane chinhu chitsva pasi pezuva.” (Muparidzi 1:9) Ikoko ndokwechokwadi nezvenyika inooneka umo tinogara, asi zvakadiniko nezvenzvimbo hombe yechisiko chomudzimu chaJehovha? Munzvimbo iyoyo, munhu ari mukuru zvikuru kupfuura Soromoni, zvamazvirokwazvo, uyo akanga ari munhu mukurusa ati amborarama, akava chisiko chitsva chakatanhamara. Ikoku kwakaitika sei?
Mugore ra 29 reNguva yedu yaVose, munhu akakwana, Jesu, akazvipa amene kuti abhapatidzwe naJohane paRwizi rwaJoridhani. “Jesu, wakati abhapatidzwa, pakarepo akabuda mumvura; zvino, tarira, denga rakamuzarurirwa, akaona [mudzimu, NW] waMwari uchiburuka senjiva, akauya pamusoro pake. Zvino tarira, inzwi rakabva kudenga, richiti: ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira!’” (Mateo 3:16, 17) Nokudaro, munhu Kristu Jesu akanga ari wokutanga wechisiko chitsva, akazodzwa kuita kuda kwaMwari. Gare gare, pahwaro hworufu rwake rwechibairo, Jesu akava Murevereri wesungano itsva pakati paMwari neboka rakasarudzwa ravanhu. Mumwe nomumwe waivava akava “chisiko chitsva,” chakaberekwa nomudzimu waMwari kutariro yokudenga, ane tariro yokutonga naJesu muUmambo hwake hwokudenga.—2 VaKorinte 5:17, NW; 1 Timotio 2:5, 6; VaHebheru 9:15.
Mumazana amakore akapfuura, aya maKristu akazodzwa, akaberekwa nomudzimu akaunganidzwa kuva mubatanidzwa naKristu seungano yechokwadi yechiKristu, mairi imene chisiko chitsva. Mwari akaidana kuti ibude munyika ino nokuda kwedonzo, seizvo muapostora Petro anotaura, kuti: “Imi muri ‘rudzi rwakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira, kuti muparidze kunaka, kwaiye wakakudanai, kuti mubve parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa.” (1 Petro 2:9) Kufanana naKristu Jesu, chisiko chitsva chokutanga chaMwari, ichi chisiko chitsva chapashure chine musengwa wokutanga wokuparidzira mashoko akanaka. (Ruka 4:18, 19) Somunhu mumwe nomumwe, mitezo yacho, pakupedzisira inosvika 144 000, inofanira “kupfeka hunhu hutsva hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi noruvimbiko.” (VaEfeso 4:24, NW; Zvakazarurwa 14:1, 3) Ikoku kunoda kuti ivo vasakurire “chibereko chomudzimu,” chinorondedzerwa pana VaGaratia 5:22, 23 (NW), uye kutarisira nokutendeka utariri hwavo.—1 VaKorinte 4:2; 9:16.
Zvakadiniko nezveichi chisiko chitsva munguva dzazvino uno? Mugore ra 1914, seizvo rudungwe rwenguva rweBhaibheri runoratidza, mashoko aZvakazarurwa 11:15 akazadzikwa: “Ushe hwenyika hwava ushe hwaShe wedu [Jehovha] naKristu wake; uchahubata nokusingaperi-peri.” Chiito chokutanga chaKristu saMambo achangobva kugadzwa chakanga chiri chokukandira Satani nengirozi dzake dzoudhemoni kunze kwedenga kuti vaburukire kunzvimbo yapasi. Ikoku kwakaunza “nhamo nokuda kwapasi,” muchimiro chehondo yenyika yokutanga nenhamo dzayo dzinoperekedza.—Zvakazarurwa 12:9, 12, 17, NW.
Ikoku kwakabatirawo sechiziviso kuvasara vechisiko chitsva pasi pano chokuti vanofanira kugoverana mukuzadzika uporofita hwaJesu: “Aya mashoko akanaka oUmambo [hwakagadzwa] achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose uye ipapo mugumo uchasvika.” Chii chiri “mugumo” iwoyo? Jesu anopfuurira kutsanangura, kuti: “Ipapo kuchava nedambudziko guru rakadai serisati raitika chifo chamavambo enyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo harisati richizoitikazve. Kutaura idi, kutoti mazuva iwayo akapfupikiswa, hakuna nyama ingaponeswa; asi nokuda kwavakasarudzwa mazuva iwayo achapfupikiswa.”—Mateo 24:3-14, 21, 22, NW.
Mudzimu waJehovha wakasunda vakazodzwa ivavo vechisiko chake chitsva kubatikana munhimbe yokuparidzira huru zvikurusa yati yamboitika papasi rino. Kuvambira muzviuru zvishomanene muna 1919, chiverengero chavazivisi ivava vanoshingaira voUmambo chakawedzera kusvika ku 50 000 pakasvika pakati pama 1930. Sezvakaporofitwa, “inzwi ravo rakabuda kunyika yose, namashoko avo kumigumo yenyika.”—VaRoma 10:18.
Ko vakasara pasi pano vechisiko chitsva vaizova bedzi vanounganidzwa nokuda kworuponeso here? Aiwa, nokuti uporofita hwakanga hwataura kuti ngirozi dzaMwari dzaizodzivisa mhepo dzedambudziko guru kutozosvikira kuunganidza kwapedzwa kwete bedzi kwaava vaIsraeri vomudzimu vokudenga asiwo kwavamwe, “boka guru, risina munhu akakwanisa kuverenga, rakabva mumarudzi ose nendudzi navanhu nendimi.” Chii chaizova nguva yavo yemberi? Chokwadi, ivo vaizobuda vasina kukuvadzwa “mudambudziko guru” kuti vafarikanye upenyu husingaperi muparadhiso yapasi!—Zvakazarurwa 7:1-4, 9, 14, NW.
Nomufaro, iri boka guru, rinounganidzwa richibva munyika 229, rakawedzera kusvika kuZvapupu zvinoshingaira zvinopfuura 4 500 000. Vamwe vazhinji vari kuuya, sezvakaratidzirwa nevakapinda vane 11 143 171 paChirangaridzo chorufu rwaJesu pana April 17 gore rakapera. Paaya mamirioni ose, 8 683 bedzi, avo vanotaura kuva vasara pasi pano vechisiko chitsva, vakadya zviratidziro zveChirangaridzo. Avo vari muiri boka duku vaisatongogona, vari voga, kuva vakaita basa hombe rokuparidzira ranhasi. Mamirioni anoumba boka guru zvino anoshanda pamwe navo mukuita kuti basa riitwe. (Zefania 3:9) Uyezve, mitezo yakasanorovedzwa yeboka guru zvino iri kuita basa rokutarisira nerimwe rine mutoro pamwe chete noMutumbi Unodzora wakazodzwa waIsraeri womudzimu, kungofanana chaizvo navaNetinimi vaisava vechiIsraeri vaishanda navaprista kugadzira masvingo eJerusarema.—Nehemia 3:22-26.
Chisiko cha“Matenga Matsva Nepasi Idzva”
Mufaro wakadini unoperekedza uku kuunganidza! Kwakaita chaizvo seizvo Jehovha akati kwaizova: “Tarirai, ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo. Asi imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika; nokuti tarirai, ndinosika Jerusarema rive guta romufaro, navanhu varo vave nomufaro. Ndichafarira Jerusarema, nokuva nomufaro pamusoro pavanhu vangu; mukati maro hamungazonzwiki inzwi rokuchema, kana inzwi rokurira.” (Isaya 65:17-19) Matenga matsva echisiko chaJehovha achaumbwa pakupedzisira naKristu Jesu nemitezo inomutswa ine 144 000 yechisiko chitsva avo vakatorwa pakati porudzi rwomunhu mumazana amakore 19 akapfuura. Icho chine mbiri zvikuru kwazvo kupfuura hurumende ipi neipi yapasi iyo yakatonga muJerusarema chairoiro, kunyange iyo yomuzuva raSoromoni. Icho chinobatanidza Jerusarema Idzva, guta rokudenga, rinorondedzerwa murunako rwaro runon’aima muna Zvakazarurwa ganhuro 21.
Jerusarema Idzva mwenga womudzimu waKristu, vateveri vake vakazodzwa vane 144 000, avo vanokumbanira Chikomba chavo mudenga pashure porufu rwavo norumuko rwomudzimu. Ivo vanofananidzwa pana Zvakazarurwa 21:1-4 serino“buruka kudenga richibva kuna Mwari,” ndiko kuti, kushandiswa naye mukunangidzira zvikomborero kurudzi rwomunhu pano pasi pano. Neiyi nzira uporofita hunozadzikwa, hunoti: “Tarirai, tabhernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye achagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”
Tinogona kuva vanoonga sei nokuda kwechisiko chaMwari chamatenga matsva iwayo! Kusafanana noutongi hwechinguvana, hwakaipa uhwo kwenguva refu kwazvo hwakarwadza rudzi rwomunhu, iyi gadziriro yehurumende yaMwari ichava yechigarire. Chisiko chitsva navana vavo vomudzimu, boka guru, vanofarira chimwe chipikirwa chaMwari, chinoti: “‘Nokuti denga idzva ne[pasi idzva, NW], zvandichaita, sezvazvichagara zviripo pamberi pangu,’ ‘saizvozvo rudzi rwako nezita rako zvichagara zviripo’—ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Isaya 66:22.
“Pasi idzva” rinotanga naava vana vavakazodzwa vechisiko chitsva. Icho chaunga chitsva, chinotya Mwari chorudzi rwomunhu pasi pano. Ruvengo, utsotsi, masimba masimba, ushati, uye utere muchaunga chavanhu nhasi zvamazvirokwazvo zvinosimbisa kudikanwa kwechinjo yakakwana kuchaunga chapasi idzva, chinoshanda munhungamiro yamatenga matsva ane mutsa. Izvozvo ndizvo izvo Jehovha anoronga. Sezvo iye akasika matenga matsva, naizvozvo ari kusika pasi idzva kupfurikidza nokuunganidza boka guru somusimboti wechaunga chenyika itsva. Ichi chaunga choga chichaponeswa chiri chipenyu “mudambudziko guru.”—Zvakazarurwa 7:14, NW.
Chii chatigona kukarira pashure pedambudziko guru? Achitaura kuvaapostora vake, vokutanga vaavo vaizoumba matenga matsva ayo achatonga pasi idzva, Jesu akapikira, kuti: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, imi makanditevera pakuberekwa kutsva, kana Mwanakomana womunhu achizogara pachigaro choushe chokubwinya kwake, imiwo muchagara pazvigaro zvine gumi nezviviri.” (Mateo 19:28) Vose vane 144 000 veiri Jerusarema Idzva vachagoverana naJesu mukutonga rudzi rwomunhu. Rudo panguva iyoyo ruchatsiva udyire noruvengo sohwaro panovakirwa chaunga chavanhu. Zvinetso zvedzinza, zvorudzi, uye zvourudzi zvichabviswa. Rumuko ruchadzorera vadiwa nenzira inofambira mberi. Rudzi rwomunhu rwakatendeka mumabhirioni arwo rwuchava mhuri imwe huru, yakabatanidzwa, yakasimudzirwa kupenyu husingaperi papasi rakashandurwa kuva paradhiso.
Iyoyi ichava inopfuura zvikuru Nzvimbo yokufungidzira yakaisvonaka kana kuti Shangri-la. Chichava chisiko chechigarire—“matenga matsva nepasi idzva zvatakamirira mukuwirirana nechipikirwa chake, uye muna izvozvi kururama kunogara”! (2 Petro 3:13, NW) Zvirokwazvo, iyi ikariro inoshamisa, chipikirwa chakaisvonaka chinoitwa naiye uyo akati, “Tarirai! Ndinoita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva,” uye uyo akawedzera kutaura kunokurudzira kutenda, kunoti: “Aya mashoko akatendeka uye ndeechokwadi.”—Zvakazarurwa 21:5, NW.