-
Zita Rako Riri Mubhuku Roupenyu Here?Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
10. Ko Jesu akacherekedza rutivii runokurudzira muungano yomuSardhisi, uye ikoku kunofanira kutitapura sei?
10 Mashoko aJesu anotevera okuungano yomuSardhisi anoisvokurudzira kwazvo. Iye anoti: “Hunyanguvezvo, iwe una mazita mashomanene muSardhisi asina kusvibisa nguvo dzawo dzokunze, uye iwo achafamba neni akapfeka nguvo chena, nokuti akafanirwa. Iye unokunda uchapfekedzwa kudaro nguvo chena dzokunze; uye handizotongodzimi zita rake mubhuku roupenyu, asi ndichazivisa zita rake pamberi paBaba vangu napamberi pengirozi dzavo.” (Zvakazarurwa 3:4, 5) Ko aya mashoko haazati achitinyandura uye achisimbaradza kutsunga kwedu kuva vakatendeka here? Nemhaka yeregeredzo yavakuru vomutumbi, ungano yose zvayo ingapinda murukope rukuru rwomudzimu. Asika, vanhu vakati kuti vari mairi vangagwinyira noushingi kuchengeta zivikanwo yavo yechiKristu yakachena uye isina mavara uye nokudaro ndokupfuurira kuva nezita rakanaka naJehovha.—Zvirevo 22:1.
-
-
Zita Rako Riri Mubhuku Roupenyu Here?Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
13. Zvikomboreroi zvakachengeterwa maKristu akazodzwa asati a“chisvibisa nguvo dzawo dzokunze”?
13 Avo vomuSardhisi vari vakatendeka kusvikira kumugumo uye vasingasvibisi zivikanwo yavo yechiKristu vanowana zadziko yetariro yavo inoshamisa. Pashure pokugadzwa kwoUmambo hwouMesiya hwaJesu muna 1914, ivo vanomutsirwa kuupenyu hwomudzimu uye savakundi vanopfekedzwa nguvo chena dzokunze muchiratidziro chokururama kwawo kusina vanga, kusina kusvibiswa. Zvavakafamba nomumugwagwa mutete unotungamirira kuupenyu, ivo vachafarikanya tuso isingagumi.—Mateo 7:14; onawo Zvakazarurwa 6:9-11.
Ari Mubhuku Roupenyu Nokusingaperi!
14. Chii chiri “bhuku roupenyu,” uye mazita avanaani akanyorwa mariri?
14 Chii chiri “bhuku roupenyu,” uye mazita avanaani achachengetwa mariri? Bhuku, kana kuti mupumburu wamanyoro, roupenyu rinonongedzera kuchinyorwa chavabatiri vaJehovha vanova mumutsara wokuwana tendero youpenyu husingaperi. (Maraki 3:16) Pano muna Zvakazarurwa nongedzero chaiyo inoitwa kumazita amaKristu akazodzwa. Asika mazita aavo vari mumutsara nokuda kwoupenyu husingaperi pasi pano anonyorwawo mariri. Zvakare, mazita anogona ku‘dzimwa’ mubhuku irero. (Eksodho 32:32, 33) Hunyanguvezvo, avo veboka raJohane vana mazita avo anoramba ari mubhuku roupenyu kutozosvikira parufu rwavo vanowana upenyu husingaperi mudenga. (Zvakazarurwa 2:10) Aya ndiwo mazita ayo Jesu anozivisa chaizvoizvo pamberi paBaba vake napamberi pengirozi Dzavo. Haiwa yakaisvonaka sei tuso iyeyo!
15. Ko mitezo yeboka guru ichaita sei kuti mazita ayo anyorwe nomutoo usingadzimiki mubhuku roupenyu?
15 Boka guru, rina mazita aro anonyorwawo mubhuku roupenyu, richabuda mudambudziko guru riri benyu. Kupfurikidza nokushandisa kutenda Mukutonga kwaMakore Ane Gumi Ramazana kwose kwaJesu nomumuedzo wokupedza nharo unotevera, ivava vachatuswa noupenyu husingaperi muParadhiso pasi pano. (Dhanieri 12:1; Zvakazarurwa 7:9, 14; 20:15; 21:4) Mazita avo ipapo acharamba akanyorwa nomutoo usingadzimiki mubhuku roupenyu. Uchiziva chiri chinopiwa pano kupfurikidza nomudzimu mutsvene, hauzati uchadavidza nembavarira kupangiro yakadzokororwa yaJesu here, inoti: “Uyo une nzeve ngaanzwe izvo mudzimu unoreva kuungano”?—Zvakazarurwa 3:6.
-