Boka Guru Ravanamati Vechokwadi—Vakabva Kupi?
“Tarira! boka guru, . . . rakabva kumarudzi ose namadzinza navanhu nendimi, rimire pamberi pechigaro choumambo napamberi peGwayana.”—ZVAKAZARURWA 7:9, NW.
1. Neiko zviono zvouporofita zviri muna Zvakazarurwa zviri zvefariro huru kwatiri nhasi?
NECHOKUMUGUMO kwezana rokutanga ramakore C.E., muapostora Johane akaona zviono zvezviitiko zvakaisvonaka maererano nechinangwa chaJehovha. Zvimwe zvezvinhu izvo akaona muchiono zviri kuzadzikwa zvino chaiye. Zvimwe zvinokarirwa kuzadzikwa munguva iri mberi iri pedyo. Zvose izvozvi zvinonangidzira pamugumo unoshamisa wechinangwa chikuru chaJehovha chokutsvenesa zita rake pamberi pechisiko chose. (Ezekieri 38:23; Zvakazarurwa 4:11; 5:13) Uyezve, zvinobatanidza kariro dzoupenyu dzomumwe nomumwe wedu. Ikoko kwakadaro sei?
2. (a) Muapostora Johane akaonei muchiono chake chechina? (b) Mibvunzoi pamusoro peichi chiono yaticharangarira?
2 Muyechina yenhevedzano yezviono zvaZvakazarurwa, Johane akaona ngirozi dzakabata mhepo dzokuparadza kusvikira “varanda vaMwari wedu” vaiswa chisimbiso pahuma dzavo. Ipapo akaona chiitiko chinofadza zvikurusa—“boka guru, risina munhu akakwanisa kuverenga, rakabva kumarudzi ose namadzinza navanhu nendimi,” rakabatana mukunamata Jehovha nokukudza Mwanakomana wake. Johane akaudzwa kuti ava, vakanga vari vanhu vaizobuda mudambudziko guru. (Zvakazarurwa 7:1-17, NW) Ndivanaani vanorondedzerwa sa“varanda vaMwari wedu”? Uye ndivanaani vachaumba “boka guru” ravapukunyuki vedambudziko? Uchava mumwe wavo here?
“Varanda vaMwari Wedu” Ndivanaani?
3. (a) Pana Johane 10:1-18, Jesu akaenzanisira sei ukama hwake navateveri vake? (b) Jesu akaita kuti kubvirirei makwai ake kupfurikidza norufu rwake rwechibayiro?
3 Inenge mwedzi mina asati afa, Jesu akazvitaura amene so“mufudzi wakanaka” uye vateveri vake sa“makwai” ayo iye aizofira. Iye akaita kududzwa chaiko kwamakwai akawanwa naye ari mukati medanga ramakwai rokufananidzira pashure paikoko ndokupiwa ngwariro chaiyo naye. (Johane 10:1-18)a Nenzira yorudo, Jesu akapa mweya wake nokuda kwamakwai ake, achigovera mutengo worudzikinuro waidikanwa kuitira kuti iwo asunungurwe muchivi norufu.
4. Ndivanaani vokutanga kuunganidzwa samakwai maererano neizvo Jesu akataura pano?
4 Asati aita izvozvo, zvisinei, Jesu soMufudzi Akaisvonaka akaunganidza vadzidzi pachake. Vokutanga vakasumwa kwaari naJohane Mubhapatidzi, “murindi womukova” womufananidzo waJesu. Jesu akanga achitsvaka vanhu vaizogamuchira mukana wokuva rutivi rwe‘mbeu yaAbrahama’ yakaumbwa navazhinji. (Genesi 22:18; VaGaratia 3:16, 29) Akasakurira mumwoyo yavo kunzwisisa Umambo hwamatenga, uye akavavimbisa kuti akanga achienda kunovagadzirira nzvimbo muimba yaBaba vake vokudenga. (Mateo 13:44-46; Johane 14:2, 3) Nenzira yakakodzera iye akati: “Kubva pamazuva aJohane Mubhapatidzi kusvikira zvino, [umambo, NW] hwokudenga hunopambwa, vapambi vanohutora nesimba.” (Mateo 11:12) Ava vakamutevera kuti vawane nharidzano iyoyo vakabvumikisa kuva mukati medanga ramakwai iro Jesu akataura nezvaro.
5. (a) Ndivanaani vari “varanda vaMwari wedu” vanonongedzerwa kwavari pana Zvakazarurwa 7:3-8? (b) Chii chinoratidza kuti vakawanda zvikuru vaizokumbanira mukunamata navaIsraeri vomudzimu?
5 Pana Zvakazarurwa 7:3-8 (NW), avo vanoenderera mberi nenzira inobudirira kunharidzano iyoyo yokudenga vanonongedzerwawo kwavari sa“varanda vaMwari wedu.” (Ona 1 Petro 2:9, 16.) Vane 144 000 vanodudzwa ipapo vaJudha vokunyama bedzi here? Avo vari mukati medanga ramakwai rokufananidzira romuenzaniso waJesu vaJudha bedzi here? Zvirokwazvo kwete; ivo mitezo yaIsraeri womudzimu waMwari, vose zvavo vasonganiri naKristu mumbeu yomudzimu yaAbrahama. (VaGaratia 3:28, 29; 6:16; Zvakazarurwa 14:1, 3) Nguva yaizosvika pakupedzisira, chokwadika, apo nhamba yakasarudzwa yaizozadzwa. Ipapo chii chaizoitika? Seizvo Bhaibheri rakanga rafanotaura, vamwe—boka guru ravo—raizokumbanira ava vaIsraeri vomudzimu mukunamata Jehovha.—Zekaria 8:23.
“Mamwe Makwai”—vaKristu Vamarudzi Here?
6. Johane 10:16 inonongedzera kuchiitikoi?
6 Pashure pokududza danga rimwe ramakwai pana Johane 10:7-15, Jesu akabatanidza rimwe boka muchiono, achiti: “Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawowo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.” (Johane 10:16) “Mamwe makwai” iwayo ndivanaani?
7, 8. (a) Neiko pfungwa yokuti mamwe makwai vaKristu Vamarudzi yakavakirwa pafungidziro isina kururama? (b) Maidii pamusoro pechinangwa chaMwari nokuda kwapasi anofanira kuva nechokuita pakunzwisisa kwedu avo vari mamwe makwai?
7 Vatsinhiri vechiKristudhomu vanowanzova nomurangariro wokuti aya mamwe makwai vaKristu Vamarudzi uye kuti avo vari mudanga ramakwai rinonongedzerwa kwariri pakuvamba vaJudha, avo vaiva musungano yoMutemo, uye kuti mapoka ose ari maviri anoenda kudenga. Asi Jesu akaberekwa ari muJudha uye nemhaka yorudzi aiva musungano yoMutemo. (VaGaratia 4:4) Kupfuurirazve, avo vanorangarira mamwe makwai savaKristu Vamarudzi vachatuswa noupenyu hwokudenga vari kukundikana kurangarira rutivi runokosha rwechinangwa chaMwari. Apo Jehovha akasika vanhu vokutanga ndokuvaisa mubindu reEdheni, iye akajekesa kuti chinangwa chake chakanga chiri chokuti pasi rigarwe, kuti iro rose rive paradhiso, uye kuti vatarisiri varo vavanhu vafarikanye upenyu nokusingaperi—pahwaro hwokuti ivo varemekedze uye vateerere Musiki wavo.—Genesi 1:26-28; 2:15-17; Isaya 45:18.
8 Apo Adhama akatadza, chinangwa chaJehovha hachina kudziviswa. Mwari nenzira yorudo akaita gadziriro yokuti vana vaAdhama vave nomukana wokufarikanya icho Adhama akanga akundikana kuonga. Jehovha akafanotaura kuti aizomutsa mununuri, mbeu, kupfurikidza naye zvikomborero zvaizoitwa kuti zviwanikwe kumarudzi ose. (Genesi 3:15; 22:18) Chipikirwa ichocho hachina kureva kuti vanhu vose vakanaka pasi pano vaizoendeswa kudenga. Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera, kuti: “Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” (Mateo 6:9, 10) Isati iri nguva refu asati ataura muenzaniso wakanyorwa pana Johane 10:1-16, Jesu akanga audza vadzidzi vake kuti kakanga kari ka“poka kaduku” bedzi ako Baba vake vakanga vatendera kupa Umambo hwokudenga. (Ruka 12:32, 33) Naizvozvo apo tinorava muenzaniso waJesu amene soMufudzi Akaisvonaka anopa mweya wake nokuda kwamakwai ake, kwaizova chikanganiso kusarangarira voruzhinji avo Jesu anopinza mutarisiro yake yorudo, avo vanova vadzorwi vapasi voUmambo hwake hwokudenga.—Johane 3:16.
9. Pakuvamba sa 1884, Vadzidzi veBhaibheri vakanzwisisa kuzivikanwa kwamamwe makwai kuvei?
9 Pakuvamba sa 1884, Watch Tower yakazivisa mamwe makwai savanhu vaizopiwa mukana wokurarama papasi rino mumamiriro ezvinhu ayo aizozadzika chinangwa chaMwari chapakuvamba. Vadzidzi veBhaibheri ivavo vapakuvamba vakaziva kuti mamwe aaya makwai aizova vanhu vakanga vararama ndokufa ushumiri hwaJesu hwapasi husati hwavamba. Kwaiva, zvisinei, namashoko oudzame akati ayo ivo vasina kunzwisisa nomazvo. Somuenzaniso, ivo vakafunga kuti kuunganidzwa kwamamwe makwai kwaizoitika pashure pokunge vakazodzwa vose vagamuchira tuso yavo yokudenga. Zvisinei, chaizvoizvo vakaziva kuti mamwe makwai akanga asiri zvawo vaKristu Vamarudzi. Mukana wokuva mumwe wamamwe makwai wakazaruka kuna vose vari vaviri vaJudha uye Vamarudzi, kuvanhu vamarudzi ose namadzinza.—Enzanisa naMabasa 10:34, 35.
10. Kuti isu tive avo Jesu anorangarira chaizvoizvo samamwe makwai ake, chii chinofanira kuva chechokwadi nezvedu?
10 Kuti akodzere rondedzero yakapiwa naJesu, mamwe makwai anofanira kuva vanhu avo, pasinei zvapo namamirire ezvinhu akare edzinza kana kuti orudzi, vanoziva Jesu Kristu soMufudzi Akaisvonaka. Ikoko kunobatanidzei? Vanofanira kuratidzira unyoro nokudisa kutungamirirwa, mavara ari miitiro yamakwai. (Pisarema 37:11) Sezviri zvechokwadi neboka duku, anofanira ku“ziva inzwi” romufudzi akaisvonaka ndokusazvibvumira amene kutsauswa navamwe vangaedza kuapesvedzera. (Johane 10:4; 2 Johane 9, 10) Anofanira kuonga ukoshi hwezvakaitwa naJesu mukupa upenyu hwake nokuda kwamakwai ake ndokushandisa kutenda kwakazara mugadziriro iyoyo. (Mabasa 4:12) Anofanira ku“nzwa” inzwi roMufudzi Akaisvonaka apo anoakurudzira kuita basa rinoyera kuna Jehovha bedzi, kuramba achitanga kutsvaka Umambo, kuramba akaparadzana nenyika, uye kuratidza rudo rwokuzvibayira nokuda kwomumwe nomumwe. (Mateo 4:10; 6:31-33; Johane 15:12, 13, 19) Unokodzera rondedzero iyeyo yaavo Jesu anorangarira samamwe makwai ake here? Unoda here? Ukama hunokosha zvakadini hunowanikwa kuna avo vose vanova zvirokwazvo mamwe makwai aJesu!
Kuremekedza Chiremera choUmambo
11. (a) Muchiratidzo chokuvapo kwake, Jesu akatii pamusoro pamakwai nembudzi? (b) Ndivanaani vari hama dzinonongedzerwa kwadziri naJesu?
11 Mwedzi inoverengeka pashure pokunge apa muenzaniso uri pamusoro apa, Jesu akanga ari muJerusaremazve. Apo akanga agere paGomo reMiorivhi rakatarisana nenzvimbo yetembere, iye akagovera vadzidzi vake mashoko oudzame hwe‘chiratidzo chokuvapo kwake nechemhedziso yetsika yezvinhu.’ (Mateo 24:3) Iye akataurazve nezvokuunganidzwa kwamakwai. Pakati pezvimwe zvinhu, iye akati: “Kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, uchagara pachigaro chake cho[umambo, NW] chinobwinya; namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; uchavaraura somufudzi unoraura makwai nembudzi. Uchaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe.” Mune uyu mufananidzo, Jesu akaratidza kuti avo nokudaro vanopiwa ngwariro naMambo vaizotongwa pahwaro hwokuti vakabata sei “hama” dzake. (Mateo 25:31-46) Hama idzi ndivanaani? Idzo vaKristu vakaberekwa nomudzimu avo naizvozvo vari “vanakomana vaMwari.” Jesu ndiye Mwanakomana wedangwe waMwari. Nokudaro, ihama dzaKristu. Ivo “varanda vaMwari wedu” vanodudzwa pana Zvakazarurwa 7:3 (NW), vanhu vakasarudzwa pakati porudzi rwomunhu kuti vagoverane naKristu muUmambo hwake hwokudenga.—VaRoma 8:14-17.
12. Neiko nzira iyo vanhu vanobata nayo hama dzaKristu ichikosha zvikuru?
12 Nzira iyo vamwe vanhu vanobata nayo ava vadyi nhaka voUmambo ndeyoukoshi hukuru. Unovarangarira sezvinoita Jesu Kristu uye sezvinoita Jehovha here? (Mateo 24:45-47; 2 VaTesaronika 2:13) Chimiro chendangariro chomunhu kuna vakazodzwa ivava chinoratidzira chimiro chendangariro chake kuna Jesu Kristu amene uye kuna Baba vake, Changamire weChisiko Chose.—Mateo 10:40; 25:34-46.
13. Vadzidzi veBhaibheri muna 1884 vakanzwisisa kusvikira kutambanukoi mufananidzo wamakwai nembudzi?
13 Muchinyorwa chayo chaAugust 1884, Watch Tower yakaonesa nomazvo kuti “makwai” mumufananidzo uyu ndeavo vaizova vakagadza pamberi pavo kariro youpenyu hwakakwana pasi pano. Kwakanzwisiswawo kuti mufananidzo wacho unofanira kushanda apo Kristu anenge achitonga ari pachigaro chine mbiri chake choumambo chokudenga. Bva, panguva iyeyo havana kunzwisisa zvakajeka apo aizovamba basa rokuparadzanisa rakarondedzerwa ipapo kana kuti raizogara kwenguva yakareba sei.
14. Hurukuro yapakokorodzano muna 1923 yakabetsera sei Vadzidzi veBhaibheri kunzwisisa apo mufananidzo wouporofita waJesu waifanira kuzadzikwa?
14 Zvisinei, muna 1923, muhurukuro yapagungano, J. F. Rutherford, purezidhendi weWatch Tower Society wapanguva iyeyo, akajekesa nguva yokuzadzikwa kwomufananidzo wamakwai nembudzi. Neiko? Murutivi, nemhaka yokuti mufananidzo wacho unoratidza kuti hama dzaMambo—dzinenge dzimwe dzadzo—dzaizova dzichiri pasi pano. Pakati pavanhu, vateveri vake bedzi vakaberekwa nomudzimu vangagona kunzi zvirokwazvo hama dzake. (VaHebheru 2:10-12) Idzodzi hadzisati dzaizova pasi muMireniyumu yose, kuchigovera mukana wokuti vanhu vadziitire zvakanaka munzira idzo Jesu akarondedzera.—Zvakazarurwa 20:6.
15. (a) Zviitikoi zvakabetsera Vadzidzi veBhaibheri kuziva zvakarurama makwai omufananidzo waJesu? (b) Makwai akapa sei ufakazi hwokuonga kwawo Umambo?
15 Muhurukuro iyoyo muna 1923, nhamburiko yakaitwa yokuziva avo vanokodzera rondedzero yaIshe yamakwai neyembudzi, asi zvimwe zvinhu zvaida kunzwisiswa revo yakazara yomufananidzo isati yajeka. Mukati mamakore akatevera, nenzira inofambira mberi Jehovha akakwevera aya mashoko anoudzame anokosha kungwariro yavabatiri vake. Iwaya akabatanidza kunzwisisa zvakajeka, muna 1927, kuti “muranda wakatendeka, wakangwara” mutumbi wose wavaKristu vakazodzwa nomudzimu pasi pano; uyewo kunzwisisa, muna 1932, dikanwo yokuti munhu azvizivise amene nokusatya navabatiri vaJehovha vakazodzwa, sezvakaita Jehonadhabhi naJehu. (Mateo 24:45; 2 Madzimambo 10:15) Panguva iyeyo, pahwaro hwaZvakazarurwa 22:17, ava vanhu vakafanana namakwai vakakurudzirwa zvakananga kugoverana mukuendesa shoko roUmambo kuna vamwe. Kuonga kwavo Umambo hwouMesiya kwaizovasunda kwete kutambanudzirawo zvako mutsa wakanaka kuvanhu vaIshe vakazodzwa asi kutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha kupfurikidza naKristu uye kusanosonganirana navakazodzwa vake, vachigoverana nokushingaira mubasa iro vari kuita. Uri kuita izvozvo here? Kuna avo vanodaro, Mambo achati: “Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka yo[umambo, NW] hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika.” Pamberi pavo pachava nekariro yakaisvonaka youpenyu husingaperi mukukwana munzvimbo yapasi yoUmambo.—Mateo 25:34, 46.
“Boka Guru”—Vari Kuenda Kupi?
16. (a) Mirangariroi isina kururama Vadzidzi veBhaibheri vapakuvamba vaiva nayo pamusoro pokuzivikanwa kwavazhinji-zhinji, kana kuti boka guru, vaZvakazarurwa 7:9? (b) Murangariro wavo wakaruramiswa rini uye pahwaroi?
16 Kwenguva yakati vabatiri vaJehovha vakadavira kuti vazhinji zvikuru (kana kuti, boka guru) vaZvakazarurwa 7:9, 10 vakanga vakasiyana namamwe makwai aJohane 10:16 uye makwai aMateo 25:33. Nemhaka yokuti Bhaibheri rinotaura kuti “vamire pamberi pechigaro cho[umambo, NW],” kwakafungwa kuti vaizova mudenga, kwete pazvigaro zvoumambo, vachitonga savadyi nhaka pamwe naKristu, asi munzvimbo yechipiri pamberi pechigaro choumambo. Vairangarirwa savaKristu vanokutenda kushoma, vanhu avo vasina kuratidza mudzimu wokuzvibayira kwechokwadi. Muna 1935 murangariro iwoyo wakaruramiswa.b Kunzverwa kwaZvakazarurwa 7:9 mukurangarirwa kwamagwaro akadai saMateo 25:31, 32 kwakakujekesa kuti vanhu vari pano pasi vaigona kuva “pamberi pechigaro cho[umambo, NW].” Uyewo kwakaoneswa kuti Mwari haana mipimo miviri yokutendeka. Vose vaizova netendero yake vaifanira kuchengeta kuperera kwaari.—Mateo 22:37, 38; Ruka 16:10.
17, 18. (a) Chii chinoparira wedzero huru, kubvira 1935, munhamba yaavo vanokarira upenyu husingagumi pasi pano? (b) Avo veboka guru vari kugoverana nokushingaira mubasai rinokosha?
17 Kwamakore akawanda vanhu vaJehovha vakanga vataura pamusoro pezvipikirwa zvaMwari pamusoro papasi. Nemhaka yeizvo vakakarira kuitika shure muma 1920, vakazivisa kuti “Mamiriyoni Anorarama Zvino Haasati Achizotongofa.” Asi kwakanga kusina mamiriyoni akagamuchira gadziriro dzaMwari dzoupenyu panguva iyeyo. Muvoruzhinji vaavo vakagamuchira zvokwadi, mudzimu mutsvene wakaparira tariro youpenyu hwokudenga. Zvikurukuru pashure pa 1935, zvisinei, chinjo inokosha yakaitika. Kwakanga kusiri kuti Nharireyomurindi yakanga yafuratira tariro youpenyu husingagumi pasi pano. Kwamakumi amakore vabatiri vaJehovha vakanga vataura pamusoro paikoku uye vakanga vatsvaka avo vaikodzera rondedzero yeBhaibheri. Munguva yaJehovha yakafanira, kunyanguvezvo, akatungamirira kuti ivava vazviratidzire vamene.
18 Zvinyorwa zviripo zvinoratidza kuti kwamakore akawanda vapindi veChirangaridzo vakawanda zvikurusa vakadya zviratidzo. Asi mukati mamakore 25 pashure pa 1935, vapindi vapaChirangaridzo chorufu rwaKristu rwegore negore vakakwirira kupfuura kakawanziridzwa nezana nhamba yaavo vaidya. Ndivanaani vakanga vari ava vamwe? Mitezo inokarirwa yeboka guru. Nenzira yakajeka, nguva yaJehovha yakanga yasvika yokuti avaunganidze uye kuti avagadzirire kupukunyuka dambudziko guru riri pamberi apa. Sezvakafanoziviswa, “vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9) Vari kugoverana nokushingaira mubasa iro Jesu akafanotaura apo akati: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.”—Mateo 24:14.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwekurukurirano yakakwana, inowirirana nomusi yamatanga amakwai aJohane ganhuro 10, ona Nharireyomurindi, August 1, 1984, mapeji 10-21, 30.
b Nharireyomurindi yechiNgezi yaAugust 1 na 15, 1935.
Ndeipi Iri Tsinhiro Yako?
◻ Neiko chiono chomuna Zvakazarurwa ganhuro yechinomwe chiri chefariro chaiyo?
◻ Neiko mamwe makwai aJohane 10:16 asina kuganhurirwa kuvaKristu Vamarudzi?
◻ Chii chinofanira kuva chechokwadi nezvaavo vanokodzera rondedzero yeBhaibheri yamamwe makwai?
◻ Mufananidzo wamakwai nembudzi unosimbisa sei kuremekedza chiremera choUmambo?
◻ Chii chinoratidza apo nguva yaJehovha yakasvika kuti aunganidze boka guru raZvakazarurwa 7:9?